RWIYO 129
Ticharamba Tichitsungirira
Rakaprindwa
1. Totsunga sei
SaJesu paakaedzwa?
Achirwadziwa
Aiona zviri mberi.
Vimbiso dzaMwari,
Ndodzaaifunga.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
2. Tingatambura
Makore zvaanofamba;
Ti’ne misodzi,
Tinoona nyika itsva,
Takasununguka.
Tinobva tatsunga.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
3. Hatimboneti
Kana kuramba chokwadi.
Tichatendeka
Kusvikira pamugumo.
Ngatitsungirire.
Hapachina nguva.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
(Onawo Mab. 20:19, 20; Jak. 1:12; 1 Pet. 4:12-14.)