August
Mugovera, August 1
Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.—VaR. 5:8.
Pamisangano tinogara tichiyeuchidzwa zvatakaitirwa naJehovha naJesu. Kuonga kuchaita kuti tiedze kutevedzera Jesu pamararamiro atinoita zuva nezuva. (2 VaK. 5:14, 15) Mwoyo yedu inoitawo kuti tide kurumbidza Jehovha nekutipa kwaakaita rudzikinuro. Imwe nzira yatinomurumbidza nayo ndeyekupa mhinduro dzinobva pamwoyo pamisangano yedu. Tinogona kuratidza kuti tinonyatsoda Jehovha neMwanakomana wake nekuva nechido chekusiya chero chii zvacho tichiitira ivo. Kazhinji kacho tinofanira kusiya zvimwe zvinhu kuti tipinde misangano. Ungano dzakawanda dzinoita misangano pakati pevhiki vanhu vabva kumabasa uye panguva iyoyo tinogona kunge takaneta. Uye mumwe musangano unoitwa pakupera kwevhiki vamwe vanhu pavanenge vakazorora. Jehovha anoona here kuti tinopinda misangano kunyange zvazvo takaneta? Anozviona. Jehovha anoona uye anokoshesa zvese zvatinoedza kuita kuti tikwanise kupinda misangano.—Mako 12:41-44. w19.01 29 ¶12-13
Svondo, August 2
Ishe paakaona amai ava, akasiririswa navo.—Ruka 7:13.
Jesu pachake akasanganawo nemamwe matambudziko aisangana nevanhu. Zvinoita sekuti Jesu akakurira mumhuri yevarombo. Paaishanda nababa vake vakamurera, Josefa, Jesu akadzidza kuita basa remaoko raida kushanda nesimba. (Mat. 13:55; Mako 6:3) Zvinoitawo sekuti Josefa akafa Jesu asati apedza ushumiri hwake. Saka Jesu anofanira kunge akarwadziwawo nekufirwa. Uye aiziva kuoma kwazvakaita kuva mumhuri ine vamwe vasingatendi zvaaitenda. (Joh. 7:5) Zvese izvi nezvimwewo zvinofanira kunge zvakabatsira Jesu kunzwisisa matambudziko evanhu uye kurwadziwa kwavaiita. Tsitsi dzaJesu dzainyatsooneka paaiita zvishamiso. Jesu akanga asingaiti zvishamiso nekungoti ndizvo zvaaifanira kuita. ‘Aisiririswa’ nevaya vaitambura. (Mat. 20:29-34; Mako 1:40-42) Jesu ainzwira tsitsi vanhu ivavo uye aida kuvabatsira.—Mako 7:32-35; Ruka 7:12-15. w19.03 16 ¶10-11
Muvhuro, August 3
Rambai muchinzwisisana.—VaK. 3:13.
Hwaiva usiku hwaJesu hwekupedzisira asati afa. Funga kuti Jesu akanetseka zvakadii usiku ihwohwo. Aizoramba akatendeka kusvika afa here? Dai asina kuramba akatendeka hapana munhu aizova nemukana wekuwana upenyu. (VaR. 5:18, 19) Chinotonyanya kukosha ndechekuti zvaaizosarudza kuita zvaizoita kuti Baba vake vashorwe kana kuti vakudzwe. (Job. 2:4) Paaidya kekupedzisira neshamwari dzake dzepedyo, vaapostora ivavo vakatanga kuitisana “nharo dzakaomarara . . . pamusoro pekuti ndiani aitorwa semukuru pane vese.” Zvinoshamisa kuti Jesu haana kusvotwa nazvo. Asi akaramba akadzikama. Jesu akanyatsovatsanangurira zvavaifanira kuita asi achizviita nemutsa neunyoro. Akabva arumbidza shamwari dzake nekuti dzakanga dzaramba dziinaye. (Ruka 22:24-28; Joh. 13:1-5, 12-15) Tinogona kutevedzera Jesu, toramba takadzikama kunyange patinenge tichishushikana kana tikayeuka kuti tese tinotaura uye tinoita zvinhu zvinogumbura vamwe. (Zvir. 12:18; Jak. 3:2, 5) Uye gara uchirumbidza vamwe pavanoita zvakanaka.—VaEf. 4:29. w19.02 11-12 ¶16-17
Chipiri, August 4
Jehovha . . . akasimbisa chigaro chake cheumambo paanotongera zvakarurama.—Pis. 9:7.
Mutemo waMozisi waibatsira kuti munhu asangopomerwa zvenhema. Anenge achipomerwa wacho aiva nekodzero yekuziva ari kumupomera. (Dheut. 19:16-19; 25:1) Uye asati abatwa nemhosva, paifanira kuva nezvapupu zviviri kana kupfuura zvinopupura nyaya yacho. (Dheut. 17:6; 19:15) Ko kana mhosva yaakapara yakangoonekwa nechapupu chimwe chete? Aisafanira kufunga kuti mhosva yake yaizongorova. Jehovha ainge aona zvaakaita. Jehovha anotiratidza muenzaniso wakanaka chaizvo; zvese zvaanoita zvakarurama. Anopa mubayiro vaya vanoramba vachiteerera mitemo yake asi anoranga vaya vanoshandisa simba ravo zvisiri izvo. (2 Sam. 22:21-23; Ezek. 9:9, 10) Vamwe vanhu vanoita zvakaipa vachiona sekuti havasi kuzorangwa, asi Jehovha achavatonga kana nguva yake yakwana. (Zvir. 28:13) Uye kana vakasapfidza zvivi zvavo, vachaziva kuti “zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.”—VaH. 10:30, 31. w19.02 23-24 ¶20-21
Chitatu, August 5
Pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMozisi, aizivikanwa naJehovha chiso nechiso.—Dheut. 34:10.
Mozisi aitarira kuna Jehovha kuti amutungamirire. “Akaramba aine chivimbo seaiona uya asingaoneki.” (VaH. 11:24-27) Papera mwedzi miviri kubva pakabuda vaIsraeri muIjipiti, pane dambudziko rakakura rakamuka vasati vatombosvika paGomo reSinai. Vanhu vakatanga kunyunyuta pamusana pekushayikwa kwemvura. Vakatanga kunyunyutira Mozisi, uye zvinhu zvakawedzera kuoma zvekuti Mozisi akachema kuna Jehovha achiti: “Ndoita sei nevanhu ava? Ndikavanonokera vachanditema nematombo!” (Eks. 17:4) Jehovha akapa Mozisi mirayiridzo yakajeka. Mozisi paaiva muHorebhi aifanira kutora tsvimbo yake orova dombo, uye mvura yaizobuda padombo racho. Bhaibheri rinoti: “Mozisi akaita saizvozvo vakuru vaIsraeri vakatarisa.” VaIsraeri vakawana mvura yekunwa yakawanda, uye dambudziko racho rakabva rapera.—Eks. 17:5, 6. w18.07 13 ¶4-5
China, August 6
Rudo runovaka.—1 VaK. 8:1.
Jehovha anoshandisa ungano kuti ativake nerudo rwake. Mumwe nemumwe wedu anogona kutevedzera Jehovha nekuda uye kuvaka hama pane zvekunamata uye kudzikurudzira. (1 Joh. 4:19-21) Pauro akakurudzira vaKristu achiti: “Rambai muchikurudzirana uye muchivakana, sezvamuri kutoita iye zvino.” (1 VaT. 5:11) Vese vari muungano, kwete vakuru chete, vanogona kutevedzera Jehovha naJesu nekunyaradza uye kuvaka hama nehanzvadzi. (VaR. 15:1, 2) Vamwe vari muungano vanogona kunge vakanyanya kuora mwoyo kana kuti vachinyanya kunetseka mupfungwa. Vanhu vakadaro vanogona kuenda kunoona chiremba kuti vabatsirwe. (Ruka 5:31) Vakuru nevamwe vari muungano vanoziva kuti havana kudzidziswa kuita mabasa ekurapa zvirwere zvepfungwa. Asi vane basa rinokosha ravanofanira kuita. Vanofanira ‘kutaura zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, kutsigira vasina simba, kuitira mwoyo murefu vanhu vese.’—1 VaT. 5:14. w18.09 14 ¶10-11
Chishanu, August 7
Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.—Isa. 41:10.
Tinowedzera kuvimba naJehovha patinowedzera kumuziva. Uye nzira chete inoita kuti tinyatsoziva Mwari ndeyekunyatsoverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvatinoverenga. Bhaibheri rine nhoroondo yakavimbika inoratidza kuti Jehovha akadzivirira sei vanhu vake kare. Nhoroondo iyoyo inoita kuti tive nechokwadi chekuti achatidzivirira iye zvino. Funga nezvemufananidzo wakashandiswa naIsaya achiratidza kuti Jehovha anotidzivirira sei. Anotaura nezvaJehovha achimuti mufudzi uye vashumiri vaMwari achivati makwayana. Isaya anoti nezvaJehovha: “Achaunganidza makwayana neruoko rwake, uye achaatakura pachipfuva chake.” (Isa. 40:11) Patinonzwa takagumbatirwa nemaoko aJehovha akasimba, tinonzwa takadzivirirwa uye takadzikama. Kuti ukwanise kuramba wakadzikama pasinei nematambudziko aungava uri kusangana nawo, fungisisa mashoko ari murugwaro rwanhasi anosimbisa. Achakusimbisa pauchasangana nematambudziko ari mberi. w19.01 7 ¶17-18
Mugovera, August 8
Ndinofarira kuita kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu.—Pis. 40:8.
Une chinangwa kana kuti zvinangwa zvekunamata zvauri kuedza kuzadzisa here? Zvimwe uri kuedza kuverenga Bhaibheri mazuva ese. Kana kuti unogona kunge uri kuedza kuvandudza mhinduro dzaunopa pamisangano uye madzidzisiro ako muushumiri nemuungano. Unonzwa sei paunoona kuti uri kubudirira uye paunorumbidzwa nevamwe? Hapana mubvunzo kuti unonzwa kuti uri kuitawo chimwe chinhu uye unova nemufaro. Manzwiro iwayo akanaka nekuti unenge uchiisa kuda kwaMwari pekutanga sezvakaitwa naJesu. (Zvir. 27:11) Paunoisa pfungwa pakushumira Jehovha, unenge uchiita basa rinogutsa uye rinoita kuti uve neupenyu hune chinangwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ivai vakasimba, vasingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvekuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.” (1 VaK. 15:58) Asi kutsvaga kubudirira munyika ino hakuiti kuti tive nemufaro.—Ruka 9:25. w18.12 22 ¶12-13
Svondo, August 9
Vakarurama vachagara nhaka yenyika.—Pis. 37:29.
Dhavhidhi aitaura nezvenguva yekuti vanhu vanenge vari panyika vanenge vachiita zvinodiwa naMwari. (2 Pet. 3:13) Uprofita huri pana Isaya 65:22 hunoti: “Mazuva evanhu vangu achaita semazuva emuti.” Izvi zvinoratidza kuti vanhu vachararama kwezviuru zvemakore. Maererano naZvakazarurwa 21:1-4, Mwari achafunga nezvevanhu, uye chimwe chikomborero chakavimbiswa ndechekuti “hapazovi nerufu” kuvanhu vese vachange vari munyika itsva. Adhamu naEvha vakarasa ropafadzo yekurarama nekusingaperi muParadhiso, asi nyika ichavazve paradhiso. Sezvakavimbiswa naMwari, vanhu vari panyika vachakomborerwa. Dhavhidhi akafemerwa naMwari kunyora kuti vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nekusingaperi. (Pis. 37:11) Uprofita huri mubhuku raIsaya hunofanira kuita kuti titarisire kuzonakidzwa neupenyu muparadhiso yakanaka ichange iri panyika. (Isa. 11:6-9; 35:5-10; 65:21-23) Izvi zvichaitika riini? Zvichaitika pachazadziswa zvakavimbiswa gororo naJesu. (Ruka 23:43) Unogona kuvawo muParadhiso iyoyo. w18.12 7 ¶22-23
Muvhuro, August 10
Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza.—Zvir. 4:23.
Tinogona kunzvenga mafungiro enyika zvachose here? Aiwa, nekuti hatikwanisi kubva munyika. Mamwe mafungiro enyika haanzvengeki. (1 VaK. 5:9, 10) Basa rekuparidza richaita kuti tinzwe nhema dzinotendwa nevanhu. Kunyange zvikaitika kuti tasangana nezvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari, hatifaniri kuramba tichifunga nezvazvo kana kuzviona sekuti zvakanaka. Tinofanira kukurumidza kuramba mafungiro anotsigira chinangwa chaSatani sezvakaitwa naJesu. Uyewo tinogona kuzvidzivirira kuti tisapinda mumamiriro ezvinhu anoita kuti tisangane nemafungiro enyika pasina chikonzero chakanaka. Semuenzaniso, tinofanira kungwarira patinosarudza shamwari dzepedyo. Bhaibheri rinotiyambira kuti kana tikava neushamwari hwepedyo nevanhu vasinganamati Jehovha, tinopedzisira tava nemafungiro avo. (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:12, 32, 33) Uyewo kana tikaramba varaidzo inosimudzira zvechisimba, zveunzenza kana dzidziso yekuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, tichadzivirira pfungwa dzedu pakukanganiswa nezvinhu “zvinopesana nekuziva Mwari.”—2 VaK. 10:5. w18.11 21 ¶16-17
Chipiri, August 11
Ndichafamba muchokwadi chenyu.—Pis. 86:11.
Tingatsunga kuramba tichifamba muchokwadi sei? Imwe nzira ndeyekuti ushande nesimba pakudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Kana ukadaro ucharamba wakabata zvakasimba bakatwa remweya, iro “shoko raMwari.” (VaEf. 6:17) Tese tinogona kushanda nesimba kuti tivandudze unyanzvi hwedu sevadzidzisi, ‘vanobata shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Tim. 2:15) Patinenge tichishandisa Bhaibheri pakubatsira vamwe kuti vatenge chokwadi voramba dzidziso dzenhema, tinoroverera zvinotaurwa naMwari mupfungwa nemumwoyo medu. Izvi zvinoita kuti tiwedzere kutsunga kuramba tichifamba muchokwadi. Chokwadi cheBhaibheri chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha. Chipo ichi chinoita kuti tikwanise kuva neushamwari hwepedyo naBaba vedu vekudenga. Ushamwari ihwohwo hunokosha kupfuura chero chinhu chipi zvacho chatingava nacho. Zvaari kutidzidzisa iye zvino angori mavambo! Mwari anotivimbisa kuti acharamba achitidzidzisa nekusingaperi. Naizvozvo, koshesa chokwadi separera rinokosha. Ramba ‘uchitenga chokwadi uye usambochitengesa.’—Zvir. 23:23. w18.11 8 ¶2; 12 ¶15-17
Chitatu, August 12
Noa [aiva] muparidzi wekururama.—2 Pet. 2:5.
Basa raNoa rekuparidza, iro raakaita Mafashamo asati aitika, raisanganisira kupa yambiro nezvekuparadzwa kwaizoitika. Cherechedza kuti Jesu akati: “Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese, ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.” (Mat. 24:38, 39) Pasinei nekuti vanhu vaisamuteerera, Noa akaramba achizivisa mashoko eyambiro aakanga apiwa. Mazuva ano, tinoparidza mashoko eUmambo kuti tipe vanhu mukana wekuti vadzidze zvichaitirwa vanhu naMwari mune remangwana. Kufanana naJehovha, tinodawo kuti vanhu vateerere mashoko acho ‘voramba vachirarama’ nekusingaperi. (Ezek. 18:23) Panguva imwe chete, patinoparidza paimba neimba uye munzvimbo dzinopfuura nevakawanda, tinenge tichipa yambiro kuvanhu vakawanda sezvingabvira kuti Umambo hwaMwari huchauya uye huchagumisa nyika ino isingadi Mwari.—Ezek. 3:18, 19; Dhan. 2:44; Zvak. 14:6, 7. w18.05 19 ¶8-9
China, August 13
Munhu anopa uchapupu hwakatendeka anotaura chokwadi.—Zvir. 12:17.
Unofanira kuita sei kana hurumende ikarambidza basa redu reUmambo munyika mako uye woshevedzwa kuti ubvunzurudzwe nezvehama dzako? Unofanira kutaura zvese zvaunoziva here? Jesu akaita sei paaibvunzurudzwa nagavhuna weRoma? Achiita zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri kuti pane “nguva yekunyarara nenguva yekutaura,” dzimwe nguva Jesu airamba akanyarara. (Mup. 3:1, 7; Mat. 27:11-14) Pakadaro, tinofanira kushandisa ungwaru kuitira kuti tisaisa hama dzedu pangozi. (Zvir. 10:19; 11:12) Ko kana mumwe munhu ari muungano aine chivi chakakura chaakaita uye iwe uchiziva zvakaitika? “Taura chokwadi.” Unofanira kuudza vakuru chokwadi chakazara uye haufaniri kumonyanisa chokwadi. Vane kodzero yekuziva chokwadi kuti vaone kuti vangabatsira sei mutadzi kuti avezve neushamwari naJehovha.—Jak. 5:14, 15. w18.10 10 ¶17-18
Chishanu, August 14
Rambai muchikurudzirana uye muchivakana.—1 VaT. 5:11.
Tingavaka sei vamwe murudo? Imwe nzira ndeyekuva muteereri akanaka. (Jak. 1:19) Kuteerera uchinzwira munhu tsitsi kuratidza rudo. Kuti unzwisise manzwiro anenge achiita munhu akaora mwoyo, unogona kumubvunza mibvunzo nekungwarira asi uchiratidza kumunzwira tsitsi. Kana ukadaro uchakwanisa kuvaka munhu wacho. Chiso chako ngachiratidze kuti unonyatsomuda. Kana mumwe muKristu achida kukutsanangurira kese kanenge kachimunetsa, iva nemwoyo murefu uye usamudimburira panzira. Kana ukateerera nemwoyo murefu, uchanyatsonzwisisa zvinenge zvichimunetsa. Izvozvo zvichabatsira hama kana kuti hanzvadzi yako inenge ichinetseka kuti ivimbe newe uye izvi zvichaita kuti ide kuteerera zvaunotaura paunenge uchiedza kuivaka. Munhu wacho anogona kunyaradzwa chaizvo kana ukaratidza kuti unonyatsomuda. w18.09 14 ¶10; 15 ¶13
Mugovera, August 15
Tenga chokwadi.—Zvir. 23:23.
Nguva mutengo unofanira kubhadharwa nemunhu wese anotenga chokwadi. Zvinoda nguva kuti uteerere mashoko eUmambo, uverenge Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura, udzidze Bhaibheri uri wega, uye ugadzirire misangano yeungano nekuipinda. Tinofanira ‘kutenga’ kana kuti kutora nguva yacho pazvinhu zvisinganyanyi kukosha. (VaEf. 5:15, 16) Zvichatitorera nguva yakawanda sei kuti tive nezivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri dzinokosha? Zvinoenderana nemamiriro edu ezvinhu. Kudzidza nezveuchenjeri hwaJehovha uye nzira dzake nemabasa ake hakuna pakunogumira. (VaR. 11:33) Nharireyomurindi yekutanga yakafananidza chokwadi ‘neruva’ uye yakati: “Usangogutsikana nekuwana ruva rimwe chete rechokwadi. Kudai rimwe chete raikwana pangadai pasina mamwe. Ramba uchiunganidza, tsvaga mamwe.” Kunyange tikararama nekusingaperi, tinoramba tichidzidza zvakawanda nezvaJehovha. Mazuva ano, chinonyanya kukosha ndechekuti tishandise nguva yedu nekuchenjera kuti titenge chokwadi chakawanda sezvatingagona. w18.11 4 ¶7
Svondo, August 16
Varume, rambai muchida madzimai enyu.—VaEf. 5:25.
Varume vanokurudzirwa kugara nemadzimai avo “nekuziva.” Mashoko aya anogonawo kushandurwa kuti “kufunga zvakavanakira; kuvanzwisisa.” (1 Pet. 3:7) Kunzwisisa kunofambidzana nekufunga zvakanakira vamwe. Semuenzaniso, murume anonzwisisa anoziva kuti mudzimai wake, semubatsiri wake, ane zvakawanda zvaakasiyana naye, asi hazvirevi kuti anokosha kupfuura mudzimai wake. (Gen. 2:18) Anoratidza kuti ane hanya nemanzwiro aanenge achiita, achimuremekedza nekumukudza. Murume anofunga nezvemanzwiro emudzimai wake haaiti sekuti anoda vamwe vakadzi, kana kuita seanovada paanenge achishandisa social network kana Indaneti. (Job. 31:1) Anoramba akavimbika kumudzimai wake asingangozviitiri kuti anoda mudzimai wake asiwo kuti anoda Mwari uye kuti anovenga zvakaipa.—Pis. 19:14; 97:10. w18.09 29 ¶3-4
Muvhuro, August 17
Munhu anozviita muduku pakati penyu mese ndiye mukuru.—Ruka 9:48.
Nei zvakaoma kuti tishandise zvatinodzidza muShoko raMwari? Chimwe chikonzero ndechekuti zvinoda kuzvininipisa kuti munhu aite zvakarurama, uye zvakaoma kuti tirambe tichizvininipisa. Mumazuva ano “ekupedzisira” takapoteredzwa nevanhu “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza,” uye “vasingazvidzori.” (2 Tim. 3:1-3) Sevashumiri vaJehovha tinoziva kuti izvi zvakaipa, asi dzimwe nguva zvinogona kuita sekuti vaya vanozviita vari kubudirira uye vari kunyatsonakidzwa neupenyu. (Pis. 37:1; 73:3) Mumwe anogona kunetseka kuti: ‘Zvine musoro here kuti nditange kuita zvakanakira vamwe pane kuita zvakandinakira? Kana ndikazviita “muduku” vanhu vachandiremekedza here?’ Kana tikabvumira mafungiro enyika ekungozvifunga kuti ativhiringidze, tinokanganisa ushamwari hwedu nevamwe muungano uye vamwe vangatadza kuziva kuti tiri vaKristu. Asi tinowana mubayiro kana tikadzidza nezvevashumiri vaJehovha vaizvininipisa tovatevedzera. w18.09 3 ¶1
Chipiri, August 18
Kupa kune mufaro.—Mab. 20:35.
Kunyange zvazvo Jehovha aingova ega asati atanga kusika zvinhu, aisangozvifunga iye chete. Akapa vanhu nengirozi chipo cheupenyu. Jehovha, “Mwari anofara,” anoda kupa zvisikwa zvake zvinhu zvakanaka. (1 Tim. 1:11; Jak. 1:17) Uye sezvo achida kuti tifarewo, anotidzidzisa kuti tive nerupo. (VaR. 1:20) Mwari akasika munhu nemufananidzo wake. (Gen. 1:27) Izvi zvinoreva kuti akatisika tiine unhu hwake. Saka kuti tiwane mufaro uye tigutsikane tinofanira kufarira vamwe uye kuva vanhu vane rupo tichitevedzera Jehovha. (VaF. 2:3, 4; Jak. 1:5) Nei zvakadaro? Nekuti ndiwo masikirwo atakaitwa naJehovha. Pasinei nekuti tine chivi, tinokwanisa kutevedzera rupo rwaJehovha. Jehovha anoda kuti vanhu vamutevedzere, saka anofara patinova nerupo.—VaEf. 5:1. w18.08 18 ¶1-2; 19 ¶4
Chitatu, August 19
Makwai angu anoteerera inzwi rangu.—Joh. 10:27.
Vateveri vaKristu vanoratidza kuti vanoteerera inzwi raJesu nekunyatsoteerera mashoko ake uye kuita zvaanotaura. Havavhiringidzwi “nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu.” (Ruka 21:34) Asi kuteerera mirayiro yaJesu ndiko kunonyanya kukosha muupenyu hwavo kunyange pavanenge vari mumatambudziko. Hama dzedu dzinoramba dzakatendeka kuna Jehovha pasinei nematambudziko. Imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoteerera Jesu ndeyekuteerera vaya vaakagadza kuti vatitungamirire. (VaH. 13:7, 17) Sangano raMwari rakagadzirisa zvinhu zvakawanda mumakore mashoma apfuura zvakadai semashandisiro atinoita maturusi matsva muushumiri uye nzira dzekuparidza nadzo, maitirwo emusangano wepakati pevhiki, uye nzira dzekuvaka nekugadziridza nadzo Dzimba dzeUmambo. Tinotenda chaizvo kutungamirirwa kwakanaka kwatiri kuitwa nesangano! Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakomborera kuteerera kwatiri kuita zvatinoudzwa nesangano. w19.03 10-11 ¶11-12
China, August 20
Hatifaniri. . . kukandwa kwese kwese . . . neunyengeri hwevanhu.—VaEf. 4:14.
Nyaya inongova nemashoko mashomanana echokwadi inorasisa. Funga zvakaitika kuvaIsraeri vaigara kumadokero kwerwizi rwaJodhani mumazuva aJoshua. (Josh. 22:9-34) Vakanzwa kuti vaIsraeri vaigara kumabvazuva vakanga vavaka atari hombe. Ichocho chaiva chokwadi. Zvichibva pamashoko iwayo akanga asina kukwana, vaya vaiva kumadokero vakafunga kuti hama dzavo dzakanga dzapandukira Jehovha. (Josh. 22:9-12) Asi vasati varwisa, vakatumira varume vaivimbwa navo kuti vanonzwa zvakawanda nezvenyaya yacho. Varume vacho vakaudzwa kutii? Vakaudzwa kuti atari yakavakwa kuti izova chiyeuchidzo kwete kuti vape zvibayiro, kuitira kuti izovayeuchidza kuti naivowo vaiva vanhu vaJehovha vakatendeka. VaIsraeri ivavo vanogona kunge vakafara chaizvo kuti havana kuuraya hama dzavo, asi vakanyatsotora nguva kuitira kuti vawane mashoko akakwana! w18.08 5 ¶9-10
Chishanu, August 21
Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.—1 VaK. 10:12.
Sezvakataurwa naPauro, kunyange vanamati vechokwadi vanogona kutanga kuita zvakaipa. Vaya vanokurirwa nemuedzo vanogona kufunga kuti vachiri kufarirwa naMwari. Asi kana munhu achingoda kuva shamwari yaJehovha kana kuti achizviti akavimbika kwaari, hazvirevi kuti anotofarirwa naye. (1 VaK. 10:1-5) Sezvakaitwa nevaIsraeri avo vakatanga kunetseka Mozisi paakanonoka kudzoka kubva mugomo, vaKristu mazuva ano vanogona kunetsekawo nezvezuva raJehovha rekutonga uye kuuya kwenyika itsva. Tinogona kuona sekuti vimbiso idzi dziri kure chaizvo kana kuti kungori kurota. Kana mafungiro iwayo akasagadziriswa anogona kuita kuti munhu atange kukoshesa zvaanoda kupfuura zvinodiwa naJehovha. Nekufamba kwenguva tinogona kubva pana Jehovha uye kuita zvinhu zvataiona sekuti hatifi takaita. w18.07 21 ¶17-18
Mugovera, August 22
Ndichaitawo izvozvo zvawakumbira, nekuti ndakunzwira nyasha uye ndinokuziva nezita.—Eks. 33:17.
Tinogona kuwana makomborero akakura Jehovha paanosvika pakutiziva semunhu mumwe nemumwe. Asi tingaitei kuti tizivikanwe naJehovha? Izvozvo zvinoitika kana tikamuda uye tikazvitsaurira kwaari. (1 VaK. 8:3) Tinofanirawo kuramba tiine ushamwari hwakanaka naBaba vedu vekudenga. Sezvaifanira kuitwa nevaKristu vaiva muGaratiya vakanyorerwa tsamba naPauro, isuwo tinofanira kudzivisa kuva varanda ‘vezvinhu zvekutanga zvisina simba uye zveurombo’ zvenyika ino, kusanganisira kutsvaga kurumbidzwa nayo. (VaG. 4:9) VaKristu ivavo vakanga vafambira mberi kusvika pakuzivikanwa naMwari. Asi Pauro akati vakanga vava “kudzokerazve” kuzvinhu zvisingabatsiri. Pauro aitoti: “Zvamabva kwese uku, nei muri kudzokera kuzvinhu zveupenzi zvisingakoshi zvamakasiya?” w18.07 8 ¶5-6
Svondo, August 23
Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza.—Zvir. 1:5.
Hatifaniri hedu kutanga tatambura nemarwadzo anokonzerwa nekutyora mitemo yaMwari kuti tiwane zvidzidzo zvinokosha. Tinogona kudzidza pazvikanganiso zvevamwe zvakanyorwa muShoko raMwari. Tinowana mirayiridzo yakanaka kupfuura mimwe yese kubva kuna Mwari patinoverenga nekufungisisa zvinhu chaizvo zvakaitika zviri muBhaibheri. Semuenzaniso, funga nezvekurwadziwa kwakaita Mambo Dhavhidhi paasina kuteerera murayiro waJehovha ndokuita upombwe naBhatishebha. (2 Sam. 12:7-14) Patinenge tichiverenga nekufungisisa nyaya iyi, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Dhavhidhi angadai akanzvenga sei matambudziko aya? Kana ndikasangana nemuedzo wakadaro, ndichava nesimba rekuutiza here? Ndichatiza sezvakaita Josefa here, kana kuti ndichaita unzenza sezvakaita Dhavhidhi?’ (Gen. 39:11-15) Kana tikafungisisa nezvemarwadzo anokonzerwa nekuita chivi, tinogona kusimbisa mwoyo yedu kuti ‘ivenge zvakaipa.’—Amo. 5:15. w18.06 17 ¶5, 7
Muvhuro, August 24
Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.—Mat. 22:21.
Kusaruramisira kunowanzoita kuti vanhu vade kupindira mune zvematongerwo enyika. Nyaya yekubhadhara mitero yaiita kuti vanhu vepanguva yakararama Jesu vave nemativi avaitsigira mune zvematongerwo enyika. Vanhu vaitongwa neRoma, kusanganisira vaya vaiteerera Jesu, vaifanira kubhadhara mitero yakawanda, pazvinhu zvakadai seminda yavo, dzimba uye pazvinhu zvavaiva nazvo. Uye uori hwevateresi hwaiita kuti vanhu vawedzere kuomerwa. Vateresi vaigona kubhadhara vanhu vehurumende kuti vawane zvinzvimbo vobva vashandisa simba ravo kuti vawane mari yakawanda. Zakeyo, uyo aiva mukuru mukuru wevateresi muJeriko akanga apfuma nekubiridzira vanhu mari. (Ruka 19:2, 8) Vamwe vateresi vanofanira kunge vaiitawo izvozvo. Vavengi vaJesu vakaedza kumuwanira mhosva nekumuita kuti ave nedivi raanotora panyaya yekubhadhara mutero. Mutero waitaurwa nezvawo wainzi ‘mutero wemunhu wese,’ mutero wedhinari uyo waifanira kubhadharwa nemunhu wese aitongwa neumambo hweRoma. (Mat. 22:16-18) VaJudha vaivenga chaizvo mutero uyu. Wairatidza kuti vaiva varanda veRoma. w18.06 5-6 ¶8-10
Chipiri, August 25
Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.—VaG. 6:7.
Nguva dzese, mibayiro inopiwa naSatani hapana zviripo kana tichifunga nezvemigumisiro yakaipa inozovapo kana munhu akatsigira Satani. (Job. 21:7-17; VaG. 6:8) Kuziva kuti Satani anonyengera zvakadini kunotibatsira sei? Kunotibatsira kuti tione zvakanaka vane masimba uye kunotikurudzira kuita basa redu rekuparidza. Tinonzwisisa kuti Jehovha anoda kuti tiremekedze vane masimba. (1 Pet. 2:17) Uye anotarisira kuti titeerere mitemo yehurumende dzevanhu chero bedzi mitemo yacho isingapesani nezvaanoda. (VaR. 13:1-4) Asi tinoziva kuti hatifaniri kupindira mune zvematongerwo enyika, uye hatifaniri kuona rimwe bato rezvematongerwo enyika seriri nani pane rimwe kana kuona mumwe mutungamiriri seari nani pane mumwe. (Joh. 17:15, 16; 18:36) Nemhaka yekuti tinoona zviri kuedza kuitwa naSatani kuzita raJehovha uye mukurumbira wake wakanaka, tinonzwa tichida kudzidzisa vamwe chokwadi pamusoro paMwari wedu. Tinodada nekushevedzwa nezita rake uye tinorishandisa, tichiziva kuti kumuda kunounza mubayiro mukuru chaizvo kupfuura kuda mari kana zvinhu.—Isa. 43:10; 1 Tim. 6:6-10. w18.05 24 ¶8-9
Chitatu, August 26
Mudzimai haafaniri kuparadzana nemurume wake.—1 VaK. 7:10.
Kana vasangana nematambudziko muwanano, vakaroorana vanofanira kuparadzana here? Bhaibheri rinotaura kuti ufeve chete ndihwo hungaita kuti vanhu varambane, asi haritauri kuti chii chingaita kuti vaparadzane. Pauro akanyora kuti: “Kana mukadzi aine murume asingatendi uye murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake.” (1 VaK. 7:12, 13) Izvi zvinoshandawo mazuva ano. Kunyange zvakadaro, pane pamwe pekuti “murume asingatendi” anenge achiratidza kuti haadi “kugara” nemudzimai wake. Anogona kunge achirova mudzimai zvakanyanyisa, zvekuti mudzimai wacho anoona kuti utano hwake kana kuti upenyu hwake huri pangozi. Anogona kuramba kuriritira mudzimai nevana kana kuti anogona kumutadzisa kunamata zvachose. Pakadaro, muKristu anogona kusarudza kuti pasinei nezvingataurwa nemurume wake, murume wacho anenge asiri kuda “kugara naye” uye anoona kuti zvakakodzera kuti vaparadzane. Asi vamwe vaKristu vari mumatambudziko akadaro vakatsungirira uye vakaedza kushanda nesimba kuti vasimbise wanano yavo. w18.12 13 ¶14; 14 ¶16-17
China, August 27
Iyi ndivo vaya . . . [vanobereka] zvibereko vachitsungirira.—Ruka 8:15.
Mumufananidzo wemudyari watinowana pana Ruka 8:5-8, 11-15, mbeu “ishoko raMwari” kana kuti shoko reUmambo. Ivhu rinomiririra mwoyo wekufananidzira wemunhu. Mbeu yakawira paivhu rakanaka yakava nemidzi, ikamera, uye “yakabereka zvakapetwa ka100.” Sezvakaita ivhu rakanaka rinotaurwa mumufananidzo waJesu, iro rakachengeta mbeu, takagamuchira shoko tikaribatisisa. Izvi zvakaita kuti shoko reUmambo rakaita sembeu ridzike midzi uye rikure sechirimwa chegorosi icho chakazobereka zvibereko nekufamba kwenguva. Uye sezvinongoita chirimwa icho chinobereka mbeu itsva kwete zvirimwa zvitsva, zvibereko zvedu imbeu itsva yeUmambo kwete vadzidzi vatsva. Tinobereka sei mbeu itsva yeUmambo? Pese patinoparidza mashoko eUmambo, tinoita setiri kumwaya mbeu yakafanana neyakadyarwa mumwoyo yedu. (Ruka 6:45; 8:1) Saka mufananidzo uyu unotidzidzisa kuti chero bedzi tikaramba tichiparidza mashoko eUmambo, ‘tinobereka zvibereko tichitsungirira.’ w18.05 14 ¶10-11
Chishanu, August 28
Vese vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga.—Zvak. 3:19.
Pauro aiva nechido chekukurudzira hama dzake uye aidawo ‘kushandisa zvinhu zvese zvaaiva nazvo uye kuzvishandisawo’ iye pachake nekuda kwadzo. (2 VaK. 12:15) Saizvozvowo, vakuru havafaniri kungogumira pakukurudzira uye kunyaradza hama dzavo nemashoko, asiwo vanofanira kudzivaka kuburikidza nekunyatsova nehanya nadzo. (1 VaK. 14:3) Kuvaka vamwe kungasanganisira kuvapa zano. Asi panyaya iyi, vakuru vanofanira kutevedzera zvakare muenzaniso wemuBhaibheri unoratidza kuti zano rinopiwa sei nenzira inokurudzira. Muenzaniso wakanakisisa panyaya iyi wakaratidzwa naJesu pashure pekunge amutswa. Aida kupa zano rakasimba kune dzimwe ungano dzaiva muAsia Minor, asi ona kuti akazviita sei. Asati apa zano kuungano dzaiva muEfeso, Pegamo neTiyatira, akatanga adzirumbidza. (Zvak. 2:1-5, 12, 13, 18, 19) Vakuru vanofanira kutevedzera muenzaniso waKristu pavanenge vachida kupa zano. w18.04 22 ¶8-9
Mugovera, August 29
Vanababa, . . . varerei [vana venyu] muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.—VaEf. 6:4.
Vabereki, hapana mubvunzo kuti munoita zvese zvamunogona kuti mudzivirire vana venyu pazvirwere. Munoita kuti musha wenyu ugare wakachena, uye munorasa chero chii chingarwarisa imi kana vana venyu. Saizvozvowo, munofanira kudzivirira vana venyu pamafirimu, mapurogiramu epaTV, magemhu, uye mawebsite anogona kuita kuti vave nemafungiro aSatani. Jehovha akakupai basa rekuti mubatsire vana venyu kuti vave shamwari dzake. (Zvir. 1:8) Saka musazeza kuvapa mitemo inoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Udzai vana venyu zvavanogona kuona nezvavasingafaniri kuona, uye vabatsirei kunzwisisa zvikonzero zvinoita kuti mudaro. (Mat. 5:37) Vana venyu zvavanenge vachikura, vadzidzisei kuongorora vega zvakanaka nezvakaipa maererano nezvinodiwa naJehovha. (VaH. 5:14) Uye yeukai kuti vana venyu vachadzidza zvakatowanda pane zvamunoita.—Dheut. 6:6, 7; VaR. 2:21. w19.01 16 ¶8
Svondo, August 30
Vakwegura pamwe chete nevadiki. [Vese ngavarumbidze] zita raJehovha.—Pis. 148:12, 13.
Kana uri muKristu wechidiki, wadii kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzechikuru. Unogona kuvabvunza kuti chii chakavabatsira kuti varambe vachishumira Jehovha kwemakore akawanda. Uchaona kuti izvi zvichakuvaka, uye mese muchakurudzirwa kuti muite kuti chiedza chechokwadi chivheneke. Uye tese zvedu tinogona kuva nechinangwa chekugamuchira vanouya kumisangano paImba yeUmambo. Kana ukanzi uitise musangano webasa remumunda unogona kuita zvakawanda pakubatsira vakura kuti vaite ushumiri. Vane ndima yakakodzera here? Pamwe pacho unogona kuita kuti vashande nevechidiki vanogona kuvabatsira. Unogonawo kuratidza kunzwisisa vaya vane matambudziko eutano uye vane zvimwe zvinovatadzisa kuita zvakawanda. Kunzwisisa kwako uye kuratidza kuti une hanya kunogona kubatsira vakuru nevadiki, vagara nebasa nevatsva, kuti vashingaire pakuparidza mashoko akanaka.—Revh. 19:32. w18.06 23-24 ¶10-12
Muvhuro, August 31
Shandisai rusununguko rwenyu sevaranda vaMwari, kwete sechinhu chekuhwanda nacho pakuita zvakaipa.—1 Pet. 2:16.
Hatitombofaniri kurerutsa kusunungurwa kwatakaitwa naJehovha kubva muuranda hwechivi nerufu. Kuburikidza nerudzikinuro, tinogona kushumira Mwari wedu nehana yakachena tichinakidzwa nekuita izvozvo. (Pis. 40:8) Zvisinei, kuwedzera pakuratidza kuonga, tinofanira kuyeuka kuti hatitombofaniri kushandisa zvisiri izvo rusununguko rwedu runokosha. Muapostora Petro akayambira kuti tisashandisa rusununguko rwedu sechikonzero chekuita zvinodiwa nenyama. Yambiro iyoyo haikuyeuchidzi here zvakaitika kuvaIsraeri murenje? Ngozi iyoyo ichiripo uye zvichida yatowedzera. Satani nenyika yake vanoita kuti pave nezvinhu zvakawanda zvinoyevedza zvakadai sezvipfeko, zvekudya nezvekunwa, zvekuzvivaraidza nazvo nezvimwewo zvakawanda. Vashambadzi vakangwara vanowanzoshandisa vanhu vane chitarisiko chakanaka kuti vaite kuti tione sekuti tinofanira kutenga zvimwe zvinhu nepo zvisingakoshi kwatiri. Zviri nyore chaizvo kuti tinyengerwe nezvinhu izvi toshandisa rusununguko rwedu zvisiri izvo. w18.04 10 ¶7-8