RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 9
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Koshesa Ropafadzo Yauinayo Yekunyengetera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 9
Chidzidzo 9. Mukadzi ari kunyengetera.

CHIDZIDZO 09

Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Unombofunga kuti unodawo mumwe munhu anokutungamirira muupenyu here? Une mibvunzo inokosha yauri kutsvaga mhinduro dzayo here? Unodawo kunyaradzwa nekusimbiswa here? Unodawo kunzwa uri pedyo naJehovha here? Munyengetero unogona kukubatsira panyaya dzese idzi. Asi Mwari anoda kuti tinyengetere sei? Anoteerera minyengetero yese here? Ungaita sei kuti uve nechokwadi kuti ari kukunzwa? Ngationei.

1. Tinofanira kunyengetera kunaani uye nezvei?

Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kunyengetera kuna Baba vedu vekudenga chete. Jesu pachake ainyengetera kuna Jehovha. Akati: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kudenga . . . ’” (Mateu 6:9) Patinonyengetera kuna Jehovha, tinosimbisa ushamwari hwedu naye.

Tinogona kunyengetera nezvenyaya chero ipi zvayo. Asiwo kuti Mwari apindure minyengetero yedu, inofanira kunge ichienderana nekuda kwake. “Pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Jesu akataura zvimwe zvinhu zvatinogona kunyengeterera. (Verengai Mateu 6:9-13.) Hatifaniri kungonyengeterera matambudziko edu chete. Tinofanirawo kunyengetera tichitenda Mwari nezvaanenge atiitira uye kunyengetererawo vamwe.

2. Tinofanira kunyengetera sei?

Bhaibheri rinotikurudzira kuti “dururai mwoyo yenyu pamberi [paMwari].” (Pisarema 62:8) Saka minyengetero yedu inofanira kunge ichibva pamwoyo. Tinogona kunyengetera zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo. Tinofanira kunge takaita sei muviri wedu patinonyengetera? Hazvinei nekuti takapfugama kana kuti takamira kana kuti takagara; chinokosha ndechekuti tiratidze kuti tiri kuremekedza. Tinogona kunyengetera chero panguva ipi kana nzvimbo ipi zvayo.

3. Mwari anopindura sei minyengetero yedu?

Anozviita nenzira dzakasiyana-siyana. Jehovha akatipa Shoko rake, Bhaibheri, iro rinotipa mhinduro dzemibvunzo yedu muupenyu. Kuverenga Shoko raMwari kunogona “[kuchenjedza] asina ruzivo.” (Pisarema 19:7; verengai Jakobho 1:5.) Mwari anogona kudzikamisa pfungwa dzedu nemwoyo patinenge tiri mumatambudziko. Uye anogona kuita kuti vanhu vanomunamata vatibatsire panguva yatinenge tiri mudambudziko.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti ungaita sei kuti upewo minyengetero inobva pamwoyo uye inofadza Mwari, wozoonawo kuti munyengetero unogona kukubatsira sei.

4. Pane zvatinofanira kuita kuti Mwari anzwe minyengetero yedu

Chii chinodiwa kuti Mwari anzwe minyengetero yedu uye chii chingaita kuti asainzwa? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Mwari Anoteerera Minyengetero Yese Here?—Chidimbu (2:42)

Jehovha anoda kuti tinyengetere kwaari. Verengai Pisarema 65:2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofunga kuti “Munzwi wemunyengetero” anoda kuti iwe unyengetere kwaari here? Nei uchidaro?

Tinofanira kuedza kurarama tichitevedzera mitemo yaMwari kana tichida kuti anzwe minyengetero yedu. Verengai Mika 3:4 uye 1 Petro 3:12, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Tingaite sei kuti tive nechokwadi kuti Jehovha achanzwa minyengetero yedu?

Nguva yehondo, mativi ese anogona kunyengetera achikumbira kuti akunde. Tingatarisira Mwari kupindura minyengetero yakadaro here?

5. Minyengetero yedu inofanira kubva pamwoyo

Vamwe vanhu vakadzidziswa minyengetero yavanoita zvekubata nemusoro vachizoidzokorora. Asi ndizvo zvinodiwa naMwari here? Verengai Mateu 6:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ungaita sei kuti “usadzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo” muminyengetero yako?

Zuva rimwe nerimwe unogona kufunga nezvechimwe chinhu chawakakomborerwa nacho muupenyu, wobva watenda Jehovha kuti akakukomborera saizvozvo. Zviite mazuva ese kwevhiki rese, uye panopera vhiki unenge wanyengetera nezvezvinhu 7 zvakasiyana-siyana usina kudzokorora-dzokorora.

Mukomana ari kutaura nevabereki vake.

Baba vakanaka vanoda kuti mwana wavo ataure navo zvichibva pamwoyo. Jehovha anoda kuti tinyengetere kwaari zvichibva pamwoyo

6. Munyengetero chipo chinobva kuna Mwari

Munyengetero ungatisimbisa sei, kunyanya patinenge takaomerwa? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Munyengetero Unobatsira Kutsungirira (1:32)

Bhaibheri rinotivimbisa kuti kana tikanyengetera tichanzwa pfungwa dzedu nemwoyo zvanyatsogadzikana. Verengai VaFiripi 4:6, 7, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei munyengetero uchibatsira, kunyange kana dambudziko ratiri kunyengeterera rikasapera?

  • Inyaya dzipi dzaunoda kunyengetera nezvadzo?

Waizviziva Here?

Shoko rekuti “ameni” rinoreva kuti “ngazviitike” kana kuti “chokwadi.” Kubvira painyorwa Bhaibheri shoko rekuti “ameni” ragara richitaurwa panopera munyengetero.—1 Makoronike 16:36.

7. Wana nguva yekunyengetera

Dzimwe nguva tinombowandirwa nezvekuita zvekuti tinokanganwa kunyengetera. Jesu aikoshesa munyengetero zvakadii? Verengai Mateu 14:23 uye Mako 1:35, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jesu aiita sei kuti awane nguva yekunyengetera?

  • Inguva dzipi dzaunofunga kuti unokwanisa kunyengetera?

Mapikicha: Mukadzi ari kunyengetera. 1. Mangwanani. 2. Nevana vake. 3. Kubasa. 4. Asati adya.

VAMWE VANOTI: “Munyengetero kungozvinyaradza.”

  • Iwe unotiwo kudii?

PFUPISO

Minyengetero inobva pamwoyo inotiswededza kuna Mwari, inoita kuti pfungwa dzedu nemwoyo zvigadzikane, uye inotisimbisa patinenge tichiedza kufadza Jehovha.

Kudzokorora

  • Tinofanira kunyengetera kunaani?

  • Tinofanira kunyengetera sei?

  • Munyengetero unobatsira sei?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Wana mhinduro dzemibvunzo inowanzobvunzwa nevanhu nezvemunyengetero.

“Zvinhu Zvinomwe Zvaunofanira Kuziva Nezvomunyengetero” (Nharireyomurindi, October 1, 2010)

Dzidza zvikonzero zvinokosha nei tichifanira kunyengetera uye dzidza kuti ungavandudza sei minyengetero yako.

“Nei Ndichifanira Kunyengetera?” (Nyaya iri paIndaneti)

Inzwa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvekuti tinofanira kunyengetera kunaani.

“Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Muvhidhiyo iyi cherechedza kana zviine basa kuti tinonyengetera tiri kupi kana kuti nguvai.

Nyengetera Chero Nguva (1:22)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe