RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 52
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Sei Tichipfeka Zvakanaka Pamisangano Yedu?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kutarisika Zvakanaka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 52
Chidzidzo 52. Mukadzi ari kusarudza hembe dzekutenga.

CHIDZIDZO 52

Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Tese tine mapfekero atinofarira. Kana tikatevedzera mazano mashomanana ari muBhaibheri, tinogona kuratidzika sezvatinoda uye zvatinofarira uku tichifadza Jehovha. Ngatikurukurei mamwe mazano acho.

1. Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzinogona kutibatsira kusarudza panyaya yemapfekero nekuratidzika kwedu?

Tinofanira kusarudza “zvipfeko zvine mutsigo, zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka,” uye kugara takachena zvinoratidza kuti tiri vanhu “vanozvipira kuna Mwari.” (1 Timoti 2:9, 10) Ngationei zvinhu zvina zvinotaurwa neBhaibheri: (1) Zvipfeko zvedu zvinofanira kuva “zvine mutsigo.” Sezvawakacherechedza pamisangano yechiKristu, vanhu vaJehovha vanofarira kupfeka zvakasiyana-siyana, asi mapfekero edu nemagadzirirwo atinoita bvudzi anoratidza kuti tinoremekedza Mwari watinonamata. (2) Kupfeka “zvinoratidza kuva nemwero” kunoreva kuti hatidi kupfeka zvinosiya vanhu vachifunga nezvebonde kana kuti zvekuti maziso ese anenge achingova patiri. (3) Tinoratidza kuti tine “pfungwa dzakanaka” kana tisingatevedzere mapfekero ese anenge angopinda mufashoni. (4) Zvinofanira kuoneka kune vaya vanotiona kuti tiri vanhu “vakazvipira kuna Mwari,” vanonamata Mwari wechokwadi.—1 VaKorinde 10:31.

2. Nei tichifanira kufunga nezvevamwe vedu vatinonamata navo patinosarudza zvekupfeka?

Kunyange zvazvo takasununguka kusarudza zvatinoda kupfeka, tinofanira kufunga kuti kana vamwe vachitiona vachanzwawo sei. Tinoedza zvese zvatinogona kuti tisakanganisa kutenda kwevamwe, asi kuti ‘tifadze muvakidzani wedu muzvinhu zvakanaka, timuvake.’—Verengai VaRoma 15:1, 2.

3. Mapfekero edu anogona sei kuita kuti vamwe vade kunamata Jehovha?

Tinoedza kupfeka zvine mutsigo nguva dzese, asi kunyanya paya patinenge tiri kumisangano nepatinenge tichiparidza. Hatidi kushoresa shoko rinokosha ratiri kuendesera vanhu. Tinotoda kuti mapfekero edu aite kuti chokwadi chifarirwe nevamwe, zvoita “kuti dzidziso yeMuponesi wedu . . . ioneke kunaka kwayo.”—Tito 2:10.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti tingaita sei kuti mapfekero edu uye kuratidzika kwedu zviratidze kuti tiri vaKristu.

Varume vaviri vakamira pamberi pedare. Mumwe akapfeka sutu, uye mumwe akapfeka hembe dzakabvaruka uye kepisi.

Mapfekero edu anogona kuratidza kana tichiremekedza vanhu vane masimba. Kunyange zvazvo Jehovha achiona zviri mumwoyo medu, mapfekero edu anofanirawo kuratidza kuti tinomuremekedza

4. Kupfeka zvakanaka kunoratidza kuti tinoremekedza Jehovha

Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti tingwarire mapfekero edu? Verengai Pisarema 47:2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Kuziva kuti tiri kumiririra Jehovha kunofanira kuita kuti tipfeke sei?

  • Unofunga kuti zvine basa here kuti tingwarire mapfekero edu patinoenda kumisangano kana kuti kunoparidza? Nei uchidaro?

5. Masarudziro aungaite zvekupfeka uye kuti woratidzika sei

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: “Itai Zvinhu Zvese Kuti Mwari Akudzwe” (10:18)

Hembe dzedu dzingava dzichidhura kana kuti dzisingadhure, dzinofanira kunge dzakachena uye dzichienderana nezvatinenge tichiita panguva yacho. Verengai 1 VaKorinde 10:24 uye 1 Timoti 2:9, 10, mobva makurukura kuti nei tisingafaniri kupfeka . . .

  • zveuyanga kana kuti zvachero.

  • zvakati mbambamba, zvinosiya muviri uchionekera, kana zvinokwezva vanhu kuti vafunge zvisizvo.

Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi peMutemo waMozisi, mutemo uyu unotibatsira kuziva mafungiro aJehovha. Verengai Dheuteronomi 22:5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Nei tisingafaniri kupfeka zvinoita kuti varume vaite sevakadzi uye vakadzi vaite sevarume?

Verengai 1 VaKorinde 10:32, 33 uye 1 Johani 2:15, 16, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • Nei tichifanira kungwarira kuti mapfekero edu asakanganise vamwe vari munharaunda yatinogara kana kuti muungano?

  • Vanhu vanowanzopfeka sei kwaunogara?

  • Unofunga kuti zvimwe zvitayera zvacho hazviiti kuvaKristu here? Nei uchidaro?

Tinogona kupfeka zvakasiyana-siyana asi tichifadza Jehovha

Varume nevakadzi vemazera nemarudzi akasiyana-siyana vakagadzira misoro yavo uye vakapfeka zvinoratidza kuti vaKristu.

VAMWE VANOTI: “Munhu haarambidzwi kupfeka zvaanoda.”

  • Iwe unotiwo kudii? Nei uchidaro?

PFUPISO

Kana tichisarudza kupfeka zvakanaka tinenge tichiratidza kuti tinoremekedza Jehovha uye tinoremekedzawo vamwe.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha aine basa nekuti tinoratidzika sei uye tinopfeka sei?

  • Ndedzipi dzimwe pfungwa dziri muBhaibheri dzingatibatsira panyaya yezvatinosarudza kupfeka?

  • Mapfekero edu anogona kuita kuti vanhu vaone sei kunamata kwedu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti zvipfeko zvako zvinogona kuudza vanhu kutii nezvako.

“Ndinoratidzika Sei?” (Nyaya iri paIndaneti)

Dzidza kuti zvakanakirei kutanga wafunga usati wanyorwa-nyorwa muviri wako.

“Matattoo—Bhaibheri Rinoti Chii Nezvawo?” (Nyaya iri paIndaneti)

Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuti usanyanyonetseke nezvakaita muviri wako.

Nei Ndichinyanyonetseka Nezvakaita Muviri Wangu? (4:29)

Mumwe mukadzi akasvika sei pakunzwisisa kuti vamwe vanofarirawo kupfeka zvakasiyana nezvaakajaira iye?

“Ndaigumburwa Nyorenyore Nemapfekero Evamwe” (Awake!, December 22, 2003)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe