May
Muvhuro, May 1
Fungisisai nezveuya akatsungirira. —VaH. 12:3.
Kuti atibatsire kuziva Mwanakomana wake, Jehovha akaita kuti muShoko rake muve nemabhuku mana eEvhangeri. Evhangeri idzi dzinotaura nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Mabhuku aya anotiudza zvakataurwa naJesu, zvaakaita uye manzwiro aaiita. Anotibatsira ‘kufungisisa’ nezvemuenzaniso waJesu. Tingatoti mumabhuku aya tinoona tsoka dzaJesu dzaakasiya. Saka kana tikadzidza Evhangeri idzi, tinoramba tichiwedzera kuziva Jesu. Izvi zvichaita kuti tifambe tichitevera maakatsika namo. Kuti tinyatsobatsirwa neEvhangeri idzi, hatifaniri kungogumira pakudziverenga. Tinofanira kuwana nguva yekunyatsodzidza zviri muEvhangeri idzi tofungisisa nezvazvo. (Enzanisa naJoshua 1:8, mashoko emuzasi.) Ita seuri kuona zvauri kuverenga muEvhangeri idzi zvichiitika. Fungidzira uchiona uye uchinzwa zvaiitika. Kuti ukwanise kuita izvozvo, tsvakurudza mumabhuku atinopiwa nesangano raJehovha. w21.04 4-5 ¶11-13
Chipiri, May 2
Isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo. —1 VaK. 1:23.
Pachine mazana emakore Jesu asati auya panyika, Jehovha akanga ataura muShoko rake kuti Mesiya aizotengeswa nemasirivha 30. (Zek. 11:12, 13) Mutengesi wacho aizova mumwe weshamwari dzaJesu dzepedyo. (Pis. 41:9) Muprofita Zekariya akanyorawo kuti: “Rova mufudzi, makwai apararire.” (Zek. 13:7) Vanhu vanoda Mwari vaisazoramba Jesu nemhaka yezvaiitika, asi kutenda kwavo kwaizosimbiswa pavaiona uprofita uhwu huchizadzika pana Jesu. Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Mazuva ano, vamwe vanhu avo vaimbova Zvapupu zvainyatsozivikanwa, vakasiya chokwadi, vakapandukira sangano, uye vanoedzawo kutsausa vamwe. Vanoparadzira mashoko akaipa, nyaya dzinotsausa, uye nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha vachishandisa mapepanhau, redhiyo, TV neIndaneti. Asi vanhu vanoda Mwari havatsauswi. Vanoziva kuti Bhaibheri rakataura kuti zvinhu zvakadaro zvaizoitika.—Mat. 24:24; 2 Pet. 2:18-22. w21.05 11 ¶12; 12 ¶18-19
Chitatu, May 3
Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chemangwanani chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo. —Zvir. 4:18.
Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti ruzivo rwakarurama runoramba ruchiwedzera nekufamba kwenguva. (VaK. 1:9, 10) Jehovha anojekesa chokwadi zvishoma nezvishoma, uye tinofanira kuva nechido chekumirira kuti chiedza chechokwadi chiwedzere kupenya. Dare Rinotungamirira parinoona kuti manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi anofanira kugadziriswa, rinobva ragadzirisa. Mazuva ano machechi akawanda anochinja dzidziso dzawo nekuti anoda kufadza vanhu kana kuwana mukurumbira munyika. Asi sangano raJehovha rinochinja zvimwe zvinhu kuitira kuti tiwedzere kuva pedyo naMwari uye timunamate tichitevedzera zvaiitwa naJesu. (Jak. 4:4) Kuchinja kwatinoita zvimwe zvinhu hakubvi pakuti vanhu vari munyika vachinja maonero avanoita zvinhu, asi kunobva pakuwedzera kunzwisisa kwatinoita Bhaibheri. Tinoda chokwadi.—1 VaT. 2:3, 4. w21.10 22 ¶12
China, May 4
[Kandai] zvese zvinokudyai mwoyo paari. —1 Pet. 5:7.
Zvii zvaungaite kana uchinzwa sekuti uri wega? Funga nezvekutsigirwa kwauri kuitwa naJehovha. (Pis. 55:22) Izvi zvichakubatsira kuona kuti hausi wega. Fungawo nezvekuti Jehovha ari kubatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dziri kusurukirwa. (1 Pet. 5:9, 10) Imwe hama inonzi Hiroshi, iyo ine makore akawanda ingori yega Chapupu mumhuri mayo inoti: “Kuziva kuti tese tiri kuita zvatinogona pakushumira Jehovha kunogona kutikurudzira isu tisina veukama vari muchokwadi.” Uyewo, gara uchiita zvinhu zvinosimbisa ushamwari hwako naMwari. Izvi zvinosanganisira kuudza Jehovha manzwiro aunenge uchiita. Zvinokosha kuti ugare uchiverenga Shoko raMwari uchidzamisa pfungwa panyaya dzinoratidza kuti Jehovha anokuda. Vamwe vaKristu vanobata nemusoro mavhesi anonyaradza, akadai saPisarema 27:10 uye Isaya 41:10. Vamwe vakaona kuti kuteerera mashoko akarekodhwa pavanenge vachigadzirira misangano kana kuti pavanenge vachiverenga Bhaibheri kunovabatsira kuti vasanyanya kusurukirwa. w21.06 9-10 ¶5-8
Chishanu, May 5
Hauzotyi chero chinhu chinotyisa chinouya usingafungiri. —Zvir. 3:25.
Wakafirwa nemunhu waunoda here? Simbisa kutenda kwaunoita kuti vakafa vachamuka nekuverenga nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvevanhu vakamutswa. Uri kurwadziwa nekuti munhu wemumhuri menyu akadzingwa here? Dzidza mabhuku esangano nechinangwa chekuzvionera wega kuti chirango chaJehovha chakanaka nguva dzese. Pasinei nekuti dambudziko racho rakaita sei, rione semukana wekusimbisa kutenda kwako. Udza Jehovha manzwiro auri kuita. Usazviparadzanisa nevamwe, asi ramba uri pedyo nehama nehanzvadzi dzako. (Zvir. 18:1) Ita zvinhu zvinokubatsira kutsungirira, kunyange uchimbochema paunoyeuka zvakaitika kwauri. (Pis. 126:5, 6) Ramba uchipinda misangano, uchiparidza uye uchiverenga Bhaibheri. Uye ramba uchifunga nezvemakomborero akazonaka auchapiwa naJehovha mune ramangwana. Paunoona kubatsirwa kwauri kuitwa naJehovha, kutenda kwako kunowedzera kusimba. w21.11 23 ¶11; 24 ¶17
Mugovera, May 6
Ndizvo zvinoitwawo naBaba vangu vari kudenga; havadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki ava aparare. —Mat. 18:14.
Chii chinoita kuti vadzidzi vaJesu vanzi vakaita ‘sevana vadiki’? Nyika inoona vanhu vakapfuma, vane mukurumbira, uye vane simba sekuti ndivo vanokosha. Asi vadzidzi vaJesu vakaita ‘sevana vadiki’ vasingakoshi uye vanotarisirwa pasi. (1 VaK. 1:26-29) Jehovha haavaoni saizvozvo. Chii chakaita kuti Jesu ataure ‘nezvevadiki ava’? Vadzidzi vake vakanga vamubvunza kuti: “Ndiani mukuru kune vamwe vese muUmambo hwekudenga?” (Mat. 18:1) VaJudha vakawanda vepanguva iyoyo vaida kuonekwa sevanhu vanokosha chaizvo. Mumwe muongorori weBhaibheri anoti: “Vanhu vainyanya kukoshesa kukudzwa nevamwe uye kuva nemukurumbira.” Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaifanira kushanda nesimba kuti vabvise mumwoyo mavo pfungwa yekuda kukwikwidzana nevamwe iyo yainge yakazara muvaJudha. w21.06 20 ¶2; 21 ¶6, 8-9
Svondo, May 7
Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo; ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese. —Zvir. 27:9.
Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka wezvinofanira kuitwa nemukuru. Semuenzaniso, vaKristu vekuTesaronika pavaifanira kupiwa zano, Pauro haana kuzeza kuvapa. Asi mutsamba yaakavanyorera, Pauro akatanga ataura nezvebasa ravaiita nekutenda, basa ravo rerudo, uye kutsungirira kwavo. Akafungawo nezveupenyu hwavo, ndokuvaudza kuti aiziva kuti upenyu hwavo hwakanga husiri nyore, uye kuti vaitsungirira kutambudzwa. (1 VaT. 1:3; 2 VaT. 1:4) Akatoudza hama idzodzo kuti dzaiva muenzaniso kune vamwe vaKristu. (1 VaT. 1:8, 9) Hama idzi dzakafara chaizvo nekurumbidzwa kwadzakaitwa naPauro. Hapana mubvunzo kuti Pauro aida chaizvo hama dzake. Ndosaka akakwanisa kupa mazano anobatsira mutsamba mbiri dzaakanyorera vaTesaronika.—1 VaT. 4:1, 3-5, 11; 2 VaT. 3:11, 12. w22.02 15 ¶6
Muvhuro, May 8
Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu. —Zvak. 21:4.
Satani anoshandisa vatungamiriri vezvitendero zvenhema kuti ataure kuti Jehovha ane utsinye uye kuti ndiye ari kuita kuti vanhu vatambure. Vamwe vanototi vana pavanofa, vanenge vatorwa naMwari nekuti anenge achida dzimwe ngirozi kudenga. Ikoko kumhura Mwari zvisingaiti. Asi tinoziva kuti Jehovha ndiBaba vane rudo. Kana tikabatwa nechirwere chinouraya kana kuti munhu watinoda akafa, hatimbopomeri Mwari wedu. Asi tinotenda kuti rimwe zuva achaporesa vari kurwara uye achamutsa vakafa. Tinogona kuudza munhu wese anoteerera kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Jehovha anobva akwanisa kupindura uya anomushora. (Zvir. 27:11) Jehovha ndiMwari ane tsitsi. Anorwadziwa chaizvo paanotiona tichishungurudzika zvichikonzerwa nekutambudzwa, kurwara, kana kuti chivi chatakaberekwa tiinacho. (Pis. 22:23, 24) Jehovha anonzwisisa marwadzo edu. Anoda kuti apere uye achaapedza.—Enzanisa naEksodho 3:7, 8; Isaya 63:9. w21.07 10 ¶9-10
Chipiri, May 9
[Makamuisa] korona yekubwinya nekukudzwa. —Pis. 8:5.
Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vanoteerera vachawana ropafadzo yakakura kupfuura dzimwe dzese, yekuda Jehovha uye kumunamata nekusingaperi! Jesu achagadzirisa matambudziko ese akakonzerwa nechisarudzo chakaitwa naAdhamu naEvha chekusiya mhuri yaMwari. Jehovha achamutsa mamiriyoni evanhu ovapa mukana wekurarama nekusingaperi vaine utano hwakanaka munyika inenge yava paradhiso. (Ruka 23:42, 43) Vanhu vanoshumira Jehovha pavanenge vachiswedera pedyo nekuva vanhu vakakwana, mumwe nemumwe acharatidza “kubwinya nekukudzwa” kwakanyorwa nezvako naDhavhidhi. Kana uri ‘weboka guru,’ une tariro yakazonaka. (Zvak. 7:9) Mwari anokuda uye anoda kuti uve mumhuri yake. Saka ita zvese zvaunogona kuti umufadze. Zuva rimwe nerimwe funga nezvevimbiso dzaMwari. Koshesa ropafadzo yako yekunamata Baba vedu vekudenga, uye tariro yekuvarumbidza nekusingaperi! w21.08 7 ¶18-19
Chitatu, May 10
Tichakohwa kana tisinganeti. —VaG. 6:9.
Muprofita Jeremiya akaparidza kwemakore anopfuura 40, kunyange zvazvo vanhu vaisateerera uye vaimupikisa. Akaodzwa mwoyo “nekutukwa uye kunyombwa” kwaaiitwa nevanhu vaimupikisa zvekuti akafunga kurega basa rake. (Jer. 20:8, 9) Asi Jeremiya haana kukanda mapfumo pasi! Chii chakamubatsira kuti arambe achiita ushumiri hwake uye awane mufaro? Akaisa pfungwa dzake pazvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, shoko raMwari raaiudza vanhu raizoita kuti vave ‘neramangwana rakanaka netariro.’ (Jer. 29:11) Chechipiri, Jehovha akasarudza Jeremiya kuti ataure achimumiririra. (Jer. 15:16) Isuwo tinoudza vanhu mashoko etariro, uye tinoshevedzwa nezita raJehovha seZvapupu zvake. Kana tikaisa pfungwa dzedu pazvinhu izvi, tinogona kufara pasinei nezvinoitwa nevanhu. Saka usaora mwoyo kana kukanda mapfumo pasi kana waunodzidza naye akasakurumidza kufambira mberi sezvawaitarisira. Kuita kuti vanhu vave vadzidzi kunoda mwoyo murefu.—Jak. 5:7, 8. w21.10 27 ¶12-13
China, May 11
Ngatibviseiwo zvinhu zvese zvinorema nechivi chinotipiringisha nyore nyore. —VaH. 12:1.
Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tinofanira kuita kuti kutenda kwedu maari kurambe kwakasimba. Nei tichifanira kudaro? Nekuti kana tikasangwarira, kutenda kwedu kunogona kupedzisira kusisina kusimba. Yeuka kuti kutenda kunosanganisira uchapupu hwezvinhu zvatisingaoni. Zviri nyore kuti tikanganwe zvinhu zvatisingakwanisi kuona. Ndosaka Pauro akataura nezvekushaya kutenda ‘sechivi chinotipiringisha nyore nyore.’ Saka tingaitei kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba? (2 VaT. 1:3) Chekutanga, kumbira Jehovha mweya wake mutsvene, uye gara uchizviita. Nei uchifanira kudaro? Nekuti kutenda chibereko chemweya. (VaG. 5:22, 23) Hatigoni kuramba tiine kutenda kuti Musiki wedu ariko kana tisingabatsirwi nemweya mutsvene. Kana tikaramba tichikumbira Jehovha mweya mutsvene wake, anotipa. (Ruka 11:13) Tinogona kutonyengetera tichikumbira kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Ruka 17:5) Uyewo unofanira kugara uchidzidza Shoko raMwari.—Pis. 1:2, 3. w21.08 18 ¶16-18
Chishanu, May 12
Kuchena musoro ikorona yerunako. —Zvir. 16:31.
Vechikuru vanogona kuita zvakawanda musangano raJehovha. Kunyange zvazvo vangasava nesimba seravaimbova naro, vane ruzivo rwakawanda rwavakawana mumakore avashumira Jehovha. Jehovha anogona kuramba achivashandisa munzira dzakasiyana-siyana. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakatendeka vakaramba vachishumira Jehovha pavainge vakwegura. Semuenzaniso, Mozisi aiva nemakore anenge 80, paakatanga kushumira semuprofita waJehovha uye mumiririri wevaIsraeri. Dhanieri paangangodaro aiva nemakore anopfuura 90, Jehovha akanga achiri kumushandisa semuprofita wake. Muapostora Johani anofanirawo kunge aiva nemakore ekuma90, paakafemerwa kuti anyore bhuku raZvakazarurwa. Murume “akanga akarurama uye akazvipira pakunamata” ainzi Simiyoni haanyanyi kutaurwa nezvake muBhaibheri, asi Jehovha aimuziva uye akamupa ropafadzo yekuona Jesu ari mucheche uye yekuprofita nezvemwana wacho naamai vake.—Ruka 2:22, 25-35. w21.09 3-4 ¶5-7
Mugovera, May 13
Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, . . . handina shungu nezvinhu zvikurukuru. —Pis. 131:1.
Vabereki vanofanira kungwarira kuti vasaenzanisa vana kana kutarisira kuti mwana aite zvinopfuura zvaanogona. Kana vabereki vakadaro, vanoita kuti mwana wavo aore mwoyo. (VaEf. 6:4) Imwe hanzvadzi inonzi Sachiko inoti: “Amai vangu vaitoda kuti ndigone zvese pandainyora mazamanishoni, asi ndaisazvikwanisa. Kunyange zvazvo ndava nemakore ndapedza chikoro dzimwe nguva ndinonzwa sekuti Jehovha haafari neni kunyange ndikaita zvese zvandinogona.” Mambo Dhavhidhi akati akanga asina “shungu nezvinhu zvikurukuru” kana kuti zvinhu zvaakanga asingakwanisi. Kuzvininipisa kwake kwakaita kuti agutsikane uye ave nerugare. (Pis. 131:2) Vabereki vanodzidzei pamashoko aDhavhidhi? Kana vabereki vachizvininipisa uye vachigutsikana, havatarisiri kuita zvakawanda kupfuura zvavanogona uyewo havatarisiri izvozvo kumwana wavo. Vabereki pavanenge vachibatsira mwana wavo kuti ave nezvinangwa, vanofanira kumuratidza kuti vanoziva zvaanokwanisa nezvaasingakwanisi. Izvi zvichaita kuti aone kuti vanomukoshesa. w21.07 21 ¶5-6
Svondo, May 14
Mumwe nemumwe achatakura mutoro wake. —VaG. 6:5.
Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu rusununguko rwekusarudza. Izvi zvinoreva kuti tinogona kusarudza kumuteerera kana kusamuteerera. Vamwe vana vakasarudza kushumira Jehovha uye kuramba vakatendeka kwaari, pasinei nekuti vabereki vavo vaisava mienzaniso yakanaka. Vamwe vaiva nevabereki vakashanda nesimba pakuvadzidzisa kuti vade Jehovha, asi vakazosiya Jehovha pavakanga vakura. Izvi zvinoratidza kuti mumwe nemumwe wedu anofanira kusarudza kuti oshumira Jehovha here kana kuti kwete. (Josh. 24:15) Saka imi vabereki vari kurwadziwa nekuti mwana wenyu akarega kushumira Jehovha, musazvipa mhosva. Dzimwe nguva mubereki anogona kusiya chokwadi, kunyange kusiyawo mhuri yake. (Pis. 27:10) Izvi zvinogona kukanganisa vana vairemekedza uye vaiyemura mubereki wacho. Vechidiki, kana muine mubereki akadzingwa, ivai nechokwadi chekuti Jehovha anoziva kurwadziwa kwamuri kuitwa. Anokudai uye anofara kuti muri kuramba muchimushumira makatendeka. Yeukaiwo kuti zvisarudzo zvakaitwa nevabereki venyu, haisi mhosva yenyu. w21.09 27 ¶5-7
Muvhuro, May 15
Jehovha anorayira vaanoda. —VaH. 12:6.
Tinogona kufananidza muKristu akadzingwa negwai rine chirwere chinogona kutapukira kune mamwe. Ari kurwara pakunamata. (Jak. 5:14) Kurwara pakunamata kunogona kutapukira kune vamwe, sezvinongoitawo zvimwe zvirwere. Saka dzimwe nguva munhu ari kurwara pakunamata anofanira kubviswa muungano. Chirango ichi chinoratidza rudo rwaJehovha kumakwai ake akatendeka, uye chinogona kubatsira mutadzi wacho kuti apfidze. Paanenge akadzingwa, anokwanisa kuenda kumisangano kwaanowana zvekudya zvekunamata izvo zvinomubatsira kuti avezve nekutenda kwakasimba. Anokwanisawo kuwana mabhuku ekuti averenge nekudzidza uye anogona kuona JW Broadcasting®. Uye vakuru pavanoona kuti ari kuchinja, vanogona kupota vachimupa mazano anomubatsira kuti asimbezve pakunamata kuitira kuti azodzorerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. w21.10 10 ¶9, 11
Chipiri, May 16
Haasi munhu wese anoti kwandiri, “Ishe, Ishe,” achapinda muUmambo hwekudenga. —Mat. 7:21.
Mazuva ano, tinotevedzera manamatiro aiitwa neungano yechiKristu yekutanga. Semuenzaniso, marongerwo akaitwa zvinhu musangano redu akafanana nezvainge zvakaita vaKristu ivavo. Kungofanana navo, tine vatariri vanofambira, vakuru uye vashumiri veungano. (VaF. 1:1; Tito 1:5) Maonero atinoita zvebonde uye wanano, kuremekedza kwatinoita utsvene hweropa, uye chido chatiinacho chekuchengetedza ungano pavatadzi vasingapfidzi, zvese tinozviita tichitevedzera zvaiitwa nevaKristu vekutanga. (Mab. 15:28, 29; 1 VaK. 5:11-13; 6:9, 10; VaH. 13:4) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kune “kutenda kumwe chete” kunofarirwa naMwari. (VaE. 4:4-6) Iropafadzo yakakura kuva mumwe wevanhu vaJehovha uye kuziva chokwadi nezvaJehovha uye zvinangwa zvake! Ngatirambei takabatisisa chokwadi tiine kutenda kwakasimba. w21.10 22-23 ¶15-17
Chitatu, May 17
Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha. —2 Mak. 20:17.
Mambo Jehoshafati akasangana nedambudziko rakakura. Uto guru revaAmoni, vaMoabhi, nevarume vemunyika ine makomo yeSeiri vakauya kuzorwisa Jehoshafati nevanhu vake. (2 Mak. 20:1, 2) Jehoshafati akaitei? Akakumbira Jehovha kuti amubatsire uye amupe simba. Munyengetero waJehoshafati uri pana 2 Makoronike 20:5-12, unoratidza kuti aivimba naBaba vake vekudenga vane rudo. Jehovha akaudza Jehoshafati mashoko erugwaro rwanhasi achishandisa muRevhi ainzi Jahazieri. Achinyatsovimba naMwari wake, Jehoshafati akaita zvaainge audzwa. Iye nevanhu vake pavakaenda kunosangana nemuvengi, haana kuita kuti pamberi peuto rake pave nemasoja ane unyanzvi, asi akaisa vaimbi vainge vasina zvombo. Jehovha akaita zvaakanga avimbisa Jehoshafati. Akakunda uto remuvengi.—2 Mak. 20:18-23. w21.11 15-16 ¶6-7
China, May 18
Rudo rusingachinji rwaJehovha ndirwo rwakaita kuti tisapera, nekuti tsitsi dzake hadzimboperi. —Mari. 3:22.
Patinosangana nematambudziko tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anotibatsira kuti tirambe takaperera kwaari. (2 VaK. 4:7-9) Tinogona kuva nechokwadi chekuti rudo rwaJehovha rusingachinji rucharamba ruri patiri nekuti munyori wepisarema anotivimbisa kuti “ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya, vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji.” (Pis. 33:18-22) Tisati tatanga kushumira Jehovha, aitiratidza rudo rwaanoratidza vanhu vese. Asi zvatava vanamati vake tinobatsirwawo nerudo rwake rusingachinji. Rudo irworwo runoita kuti Jehovha atidzivirire. Achaita kuti tirambe tiri pedyo naye. Uye achazadzisa zvaakativimbisa. Anoda kuti tive shamwari dzake nekusingaperi! (Pis. 46:1, 2, 7) Saka pasinei nedambudziko ratingasangana naro, Jehovha anotipa simba ratinoda kuti tirambe takaperera kwaari. w21.11 7 ¶17-18
Chishanu, May 19
Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese. —VaK. 3:13.
Vakawanda vedu tinoziva nezvenyaya dzekuti munhu anoita makore akagumbukira waanoshanda naye, wekuchikoro, kana kuti mumwe munhu wemumhuri. Yeuka kuti vakoma vaJosefa vaiva nechigumbu naye, zvikazoita kuti vapedzisire vamuitira zvakaipa. (Gen. 37:2-8, 25-28) Asi Josefa haana kuvaitirawo zvakaipa. Paakanga ava nechinzvimbo chepamusoro uye paaikwanisa kutsiva vakoma vake, akavanzwira tsitsi. Haana kuramba akavagumbukira. Asi akaita zvinoenderana nezano rakazonyorwa pana Revhitiko 19:18. (Gen. 50:19-21) VaKristu vanoda kufadza Mwari vanogona kutevedzera Josefa uyo akaregerera vakoma vake pane kuramba akavachengetera chigumbu. Jesu akatikurudzira kuti tiregerere vanenge vatitadzira. (Mat. 6:9, 12) Muapostora Pauro akapawo vaKristu zano rekuti: “Musatsiva, vadiwa.”—VaR. 12:19. w21.12 11 ¶13-14
Mugovera, May 20
Anogutsa zvido zvevaya vanomutya; anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye anovanunura. —Pis. 145:19.
Usiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu akaenda muGetsemane. Ari imomo akadurura mwoyo wake kuna Jehovha. (Ruka 22:39-44.) Panguva iyoyo Jesu ‘akanyengetera achiteterera, achiita zvekuchema nemisodzi.’ (VaH. 5:7) Jesu akanyengetera nezvei usiku ihwohwo hwekupedzisira asati afa? Akanyengetera achikumbira simba rekuti arambe akavimbika kuna Jehovha uye kuti aite kuda kwaMwari. Jehovha akanzwa munyengetero wemwoyo wese wakapiwa neMwanakomana wake uye akatuma ngirozi kuti imusimbise. Jesu aiziva kuti zvaikosha chaizvo kuti arambe akavimbika uye kuti areverere zita raBaba vake. Jehovha akateerera minyengetero yaJesu yemwoyo wese. Nei akadaro? Nekuti Jesu ainyanya kufunga nezvekuramba akavimbika kuna Baba vake uye kureverera zita ravo. Kana tichinyanya kufunga nezvekuramba takavimbika, Jehovha achapindura minyengetero yedu.—Pis. 145:18. w22.01 18 ¶15-17
Svondo, May 21
Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa. —Mat. 28:19, 20.
Vakawanda mazuva ano vanogumburwa nekuti hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Vanofunga kuti tinofanira kuvhota panoitwa sarudzo. Asi kana tikasarudza mumwe munhu kuti atitonge, tinenge tichiramba Jehovha. (1 Sam. 8:4-7) Vanhu vangafungawo kuti tinofanira kuvaka zvikoro nezvipatara uye kuitawo mamwe mabasa ekuyamura vanhu. Vanoramba mashoko edu nekuti tinoisa simba redu pabasa rekuparidza, kwete pakugadzirisa matambudziko enyika. Tingaitei kuti tisagumburwa? (Mat. 7:21-23) Tinofanira kunyanya kuisa pfungwa dzedu pabasa ratakarayirwa naJesu kuti tiite. Hatitombofaniri kubatikana tichiedza kugadzirisa matambudziko enyika ino. Tinoda vanhu uye tine hanya nematambudziko avo, asi tinoziva kuti nzira yakanaka chaizvo yekubatsira vavakidzani vedu ndeyekuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari uye kuvabatsira kuti vave neushamwari naJehovha. w21.05 7 ¶19-20
Muvhuro, May 22
Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. —2 Tim. 3:1.
Kunyange zvazvo mazuva ano vatongi vakawanda vemarudzi vachiti vanoshumira Mwari, vanoda kuramba vaine simba ravo. Saka sezvaiita vatongi vemunguva yaJesu, vatongi vemazuva ano vanopikisa Muzodziwa waJehovha nekurwisa vateveri vake vakavimbika. (Mab. 4:25-28) Jehovha anoita sei? Pisarema 2:10-12 inopindura ichiti: “Saka imi madzimambo, ivai nenjere; bvumai kururamiswa, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha muchimutya, uye farai muchidedera. Kudzai mwanakomana, nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwa uye muchaparara munzira, nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza. Vanofara vese vanopotera kwaari.” Jehovha ari kupa vanhu vanomupikisa mukana wekuti vaite chisarudzo chakanaka. Vanogona kuchinja vosarudza kubvuma Umambo hwaJehovha. Asi nguva yasara ipfupi. (Isa. 61:2) Iye zvino ndiyo nguva yekuti vanhu vazive chokwadi uye vasarudze kushumira Jehovha. w21.09 15-16 ¶8-9
Chipiri, May 23
Kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi. —1 Tim. 6:8.
Pauro ari kuti tinofanira kugutsikana nezvatinenge tiinazvo. (VaF. 4:12) Chinonyanya kukosha kwatiri ushamwari hwedu naMwari, kwete chero chii zvacho chatingava nacho. (Hab. 3:17, 18) Pashure pekunge vaIsraeri vaita makore 40 vari murenje, Mozisi akavaudza kuti: “Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai pazvese zvamakaita. . . . Kwemakore 40 aya Jehovha Mwari wenyu aiva nemi uye hapana chamakashayiwa.” (Dheut. 2:7) Mumakore 40 iwayo, Jehovha akapa vaIsraeri mana kuti vadye. Zvipfeko zvavakabuda nazvo muIjipiti hazvina kusakara. (Dheut. 8:3, 4) Jehovha anofara kana tikadzidza kugutsikana. Anoda kuti tive vanhu vanoonga kunyange pazvinhu zvakaita sezvidiki zvaanotipa uye anoda kuti tinzwisise kuti izvozvo zvipo zvinobva kwaari. w22.01 5 ¶10-11
Chitatu, May 24
Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. —Zvir. 3:5.
Varume, mune basa rekuchengeta mhuri dzenyu, saka munoshanda nesimba kuti mudzivirire uye muriritire mhuri dzenyu. Pamunosangana nematambudziko, mungaona sekuti munokwanisa kuagadzirisa mega. Asi musavimba nesimba renyu. Nyengeterai kuna Jehovha muri mega, muchikumbira kubatsirwa. Uyewo nyengeterai zvichibva pamwoyo muine mudzimai wenyu. Tsvagai kutungamirirwa naJehovha nekudzidza Bhaibheri uye mabhuku anopiwa nesangano raMwari, uye shandisai mazano amunowana. Vamwe vangasabvumirana nezvisarudzo zvamakaita muchitungamirirwa neBhaibheri. Vangataura kuti mari nezvinhu zvainotenga ndizvo zvinonyatsodzivirira mhuri yenyu. Asi yeukai zvakaitwa naMambo Jehoshafati. (2 Mak. 20:1-30) Aivimba naJehovha uye aizviratidza nezvaaiita. Jehovha haana kusiya murume iyeye akavimbika uye haazokusiyai.—Pis. 37:28; VaH. 13:5. w21.11 15 ¶6; 16 ¶8
China, May 25
Mwari . . . [haaiti] zvisina kururama. —Dheut. 32:4.
Mwari akatisika nemufananidzo wake, saka tinoda chaizvo kuona vanhu vachibatwa zvakanaka. (Gen. 1:26) Asi nemhaka yekuti tine chivi, tinogona kutonga nyaya zvisiri izvo, kunyange patinenge tichifunga kuti tine mashoko ese akakwana. Yeuka kusafara kwakaita Jona Jehovha paakasarudza kunzwira tsitsi vanhu vemuNinivhi. (Jona 3:10-4:1) Kuregererwa kwakaitwa vanhu ava naJehovha kwakaguma nei? Vanhu vanopfuura 120 000 vemuNinivhi vakapona nekuti vakanga vapfidza. Jona ndiye aifanira kururamiswa, kwete Jehovha. Jehovha haafaniri hake kutitsanangurira kuti nei achiita zvisarudzo zvake. Ichokwadi kuti kare Jehovha akabvumira vashumiri vake kuti vataure zvaivanetsa pamusoro pezvisarudzo zvaakanga aita kana kuti zvaakanga achida kuita. (Gen. 18:25; Jona 4:2, 3) Uye dzimwe nguva aitsanangura zvikonzero zvake. (Jona 4:10, 11) Asi hapana chikonzero chekuti Jehovha atange anzwa kuti tinobvumirana nazvo here asati aita chimwe chinhu, kana kuti atochiita.—Isa. 40:13, 14; 55:9. w22.02 4 ¶5-6
Chishanu, May 26
Mukuru pakati penyu anofanira kuva semudiki pane vese, uye uya ari kutungamirira anofanira kushandira vamwe. —Ruka 22:26.
Tinoita ‘sevadiki’ kana tikaona vamwe ‘sevakuru kwatiri.’ (VaF. 2:3) Patinoramba tichiva nemafungiro akadaro, kashoma kuti tigumbure vamwe. Hama nehanzvadzi dzedu dzese dzine padzinotipfuura. Izvi zviri nyore kuona kana tikaisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvadzinoita. Tinofanira kugara tichiyeuka zano rakapiwa vaKorinde nemuapostora Pauro rekuti: “Ndiani anoita kuti usiyane nemumwe? Chii chaungati unacho chausina kupiwa? Zvino kana wakaita zvekupiwa, nei uchizvirumbidza sekunge kuti hauna kuchipiwa?” (1 VaK. 4:7) Tinofanira kungwarira muedzo wekuda kuti vamwe vatiyemure kana wekuzviona setiri nani pane vamwe. Kana hama ichipa hurukuro dzinonwisa mvura kana kuti hanzvadzi iine chipo chekutanga zvidzidzo zveBhaibheri, vese vanofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe. w21.06 21-22 ¶9-10
Mugovera, May 27
Dyara mbeu yako . . . uye usarega ruoko rwako ruchizorora. —Mup. 11:6.
Mazuva ano, zviri kuwedzera kuoma chaizvo kuti Zvapupu zvakawanda zvikurukure nevanhu padzimba dzavo. Vamwe vaparidzi vanogara munzvimbo dzine dzimba dzakawanda dzinochengetedzwa chaizvo kana kuti dzinenge dziri mugedhi rimwe chete. Dzinogona kunge dziine magadhi asingabvumiri vanhu kuti vapinde kana vasina vavanozivana navo vanogara ipapo. Vamwe vaparidzi vanowana dzimba shoma dziine vanhu kana kuti vanoparidza mundima dzinogara vanhu vashoma. Vaparidzi vacho vanogona kufamba kwenguva yakareba vachienda kunoona mumwe munhu, uyo anogona kunge asiri pamba. Kana tichisangana nematambudziko akaita seaya, tinofanira kuramba tichiparidza. Edza kutsvaga vanhu panguva dzakasiyana-siyana. Tinowana vanhu vakawanda vekuparidzira kana tikaenda panguva dzavanogona kuwanika pamba. Chinofadza ndechekuti kana vakaenda kwavanenge vaenda, vanozongodzoka chete pamba! Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaona zvichibatsira kuparidza masikati kana manheru nekuti dzinowana vanhu vakawanda. Uyewo panguva iyoyo vanhu vanogona kunge vasisina zvakawanda zvekuita uye zvava kuvaitira kuti mukurukure. w21.05 15 ¶5, 7
Svondo, May 28
Vanoramba vachindinamata pasina, nekuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso. —Mako 7:7.
Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vakawanda vanogumbuka Zvapupu zvaJehovha pazvinoramba kubatana navo pakupemberera zvinhu zvinopesana neBhaibheri, zvakadai semazuva ekuberekwa uye Krisimasi. Vamwe vanotsamwa Zvapupu zvaJehovha pazvisingabatani navo pakupemberera zviitiko zvenyika kana pakutevedzera tsika dzinoitwa pamariro dzinopesana nezvinotaurwa neShoko raMwari. Vaya vanogumburwa neZvapupu zvaJehovha nezvikonzero izvozvo, vanenge vachitofunga kuti vari kunamata Mwari nenzira yaanoda. Asi kana vachikoshesa tsika dzenyika pane kukoshesa dzidziso dzakajeka dzinowanikwa muBhaibheri, havagoni kufadza Mwari. (Mako 7:8, 9) Tingaitei kuti tisagumburwa? Tinofanira kushanda nesimba kuti tinyatsoda mitemo yaJehovha. (Pis. 119:97, 113, 163-165) Kana tichida Jehovha, ticharamba kutevedzera tsika dzese dzisingamufadzi. Hatizoregi chimwe chinhu chichikanganisa kuda kwatinoita Jehovha. w21.05 6 ¶15-16
Muvhuro, May 29
Ngwarira zvinhu zvese, tsungirira matambudziko, ita basa remuevhangeri. —2 Tim. 4:5.
Tingashandisa sei zano remuapostora Pauro? Tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu nekugara tichidzidza, nekunyengetera kakawanda, uye nekuramba tichiita basa ratakapiwa naJehovha. (2 Tim. 4:4) Kana tiine kutenda, hatizotyi patinonzwa mashoko akaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. (Isa. 28:16) Kuda kwatinoita Jehovha, Shoko rake, uye hama dzedu kuchatibatsira kuti tisatsauswa nevaya vakasiya chokwadi. Panguva yaJesu, vanhu vakawanda vakagumburwa uye vakamuramba. Asi kunewo vakawanda vakatenda maari. Vaisanganisira mumwe aiva nhengo yedare reSanihedrini uye “vapristi vakawanda.” (Mab. 6:7; Mat. 27:57-60; Mako 15:43) Mazuva anowo kune mamiriyoni akasarudza kutevera Jesu? Nei vakasarudza kumutevera? Nekuti vanoziva chokwadi chiri muMagwaro uye vanochida. Shoko raMwari rinoti: “Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru; hapana chingaita kuti vagumburwe.”—Pis. 119:165. w21.05 13 ¶20-21
Chipiri, May 30
Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava kwako nesimba. —2 VaK. 12:9.
Muapostora Pauro aiziva kuti zvese zvaaiita mubasa raJehovha aizviita nesimba raMwari, kwete rake. Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha akapa Pauro simba rekuita ushumiri hwake zvizere pasinei nekutambudzwa, kuiswa mujeri, uye mamwe matambudziko aaisangana nawo. Timoti, shamwari yaPauro yechidiki, aifanirawo kuvimba nesimba raMwari kuti aite ushumiri hwake. Timoti aifamba naPauro vachienda kure nebasa reumishinari. Uyewo, Pauro aimutuma kuti anoshanyira ungano achidzikurudzira. (1 VaK. 4:17) Timoti aigona kunge aifunga kuti aisazvikwanisa. Pamwe ndizvo zvakaita kuti Pauro amuudze kuti: “Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki.” (1 Tim. 4:12) Uye panguva iyi, Timoti aivawo newake munzwa munyama wekugara ‘achirwara-rwara.’ (1 Tim. 5:23) Asi Timoti aiziva kuti mweya mutsvene waJehovha waizomupa simba raaida kuti aparidze mashoko akanaka uye ashumire hama dzake.—2 Tim. 1:7. w21.05 21 ¶6-7
Chitatu, May 31
Nyatsobata zvakanaka makwai ako. —Zvir. 27:23.
Mashoko ari pana Jakobho 1:19 anoshanda kune vaya vanopa zano. Jakobho akanyora kuti: “Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura, uye kunonoka kutsamwa.” Mukuru anogona kufunga kuti ari kuziva zvese zvinenge zvichiitika, asi anenge achinyatsozviziva here? Zvirevo 18:13 inotiyeuchidza kuti: “Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese, upenzi uye kuzvinyadzisa.” Zvakanyanya kunaka kuwana mashoko kubva kumunhu wacho pachake. Saka mukuru anofanira kuteerera asati ataura. Mukuru wacho anogona kubvunza kuti: “Pane zviri kunetsa here?” “Pane zvandingaita here kuti ndikubatsirei?” Kana vakuru vakawana nguva yekuongorora mamiriro akaita zvinhu, kakawanda kacho vanokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzavo uye kudzikurudzira. Kupa zano rinoshanda haisi nyaya yekungoverenga magwaro mashomanana kana kuudza munhu zvaunofunga kuti zvinobatsira. Hama nehanzvadzi dzedu dzinofanira kuona kuti tine hanya nadzo, tinodzinzwisisa uye kuti tinoda kudzibatsira. w22.02 17 ¶14-15