Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Neiko vashomanene kwazvo veZvapupu zvaJehovha vachidya chingwa newaini pakuchengetwa kwegore negore kweChirairo chaShe?
Ikoku imhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha, mukupesana nechechi dzechiKristudhomu, zvinogamuchira dzidziso yeBhaibheri yokuti chiverengero chiduku chavanhu chichawana upenyu hwokudenga uye vasara vavabatiri vakatendeka vaMwari vachatuswa noupenyu husingaperi pasi pano.
Chechi dzakadzidzisa kwenguva refu kuti denga ndiro tuso yavose vanofadza Mwari; vasara vanoenda kuhero yomwoto. Bhaibheri rinotaura zvakapesana. Magwaro anoratidza zvakajeka kuti vamwe vanhu bedzi, zvakadai savaapostora, vachatonga naKristu mudenga. Jesu akataura kuti ivava i“boka duku.” Bhaibheri rinotaura kuti ivo vanokwana 144 000. (Ruka 12:32, NW; Zvakazarurwa 14:3, 4) Vazhinji vakabatira Jehovha nokutendeka uye vakava netendero yake vakafa Jesu asati azarura nzira yokuenda kuupenyu hwokudenga. (Mateo 11:11; VaHebheru 10:19-21) Uye pashure pokusarudzwa kwe“boka duku,” mamwe mamirioni akava maKristu echokwadi. Nokuda kwaivava vose vakatendeka ve“boka duku,” Bhaibheri rinopa kariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi ichadzorerwa. (Pisarema 37:20, 29; Zvakazarurwa 21:4, 5) Asi neiko vakadaro vasingadyiwo chingwa newaini? Jesu akaratidzira kuti kudya zviratidziro mukati meChirairo chaShe kwaingova bedzi kwaavo vakadanwa kuupenyu hwomudenga, avo vari musungano itsva.
Chokwadika, kutenda muchibairo chaJesu kunokosha nokuda kwavose vaizowana kanganwiro yaMwari noupenyu husingaperi, hungave upenyu mudenga kana kuti upenyu muparadhiso yapasi. Kristu akaratidza ikoku pana Johane 6:51-54, kuti: “Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi; . . . chingwa chandichapa inyama yangu, huve upenyu hwenyika [yorudzi rwomunhu runodzikinurika] . . . Unodya nyama yangu, nounonwa ropa rangu, uno upenyu husingaperi.”
Bva, kunocherechedzwa kuti Jesu akataura mashoko iwayo kuvanopfuura vadzidzi vake. Zuva rimwe pashure pokunge iye adyisa zviuru nenenji, boka rakauya kuna Jesu munharaunda yeKapernaume. Iri boka rakamubatikanisa mukurukurirano iyo yakabatanidza mashoko ari pana Johane 6:51-54. Naizvozvo Jesu akanga asiri kutaura zvikurukuru kuvadzidzi apo iye akataura kuti akanga ari “chingwa [chokufananidzira] chakaburuka kudenga” icho chinogona kugovera kariro dzoupenyu dzinogara zvikuru kupfuura mana yakanga yadyiwa murenje.—Johane 6:24-34.
Mukurangarira chinoitika ichocho chakare chomurenje, yeuka vakanga vabuda muEgipita vachipinda murenje. Vakanga vari ‘vanakomana vaIsraeri vanosvika varume vakasimba vane zviuru zvine mazana matanhatu vaifamba netsoka, kunze kwavaduku, uye boka guru rakavhengana.’ (Eksodho 12:37, 38; 16:13-18) Iri “boka rakavhengana” rakabatanidza vaEgipita vakanga vakaroora vaIsraeri navamwe vaEgipita vakanga vazvibatanidza naIsraeri. Vose vari vaviri vaIsraeri ne“boka rakavhengana” vaida mana kuti varambe vari vapenyu. Ko “boka rakavhengana” kunyanguvezvo, raiva nekariro dzimwe chetedzo navaIsraeri here? Aiwa, vakanga vasina. Kunyange zvazvo ivo vaigona kunamata pakati pavaIsraeri uye vaigona kukarira kupinda muNyika Yakapikirwa, ivo vaisatongogona kuva madzimambo kana kuti vaprista musungano yoMutemo. Naizvozvo kudya mana chaiyoiyo murenje hakuna kupa munhu ari wose kariro dzimwe chetedzo.
Uyu musiano wokuyeuka sezvaunorangarira izvo Jesu akataura kuvadzidzi vake rinenge gore rimwe pashure pokunge ataura mashoko ari pana Johane 6:51-54. Paiyi nhambo yapashure, Jesu akanga achirondedzera muitiro mutsva unobatanidza chingwa chaichoicho newaini izvo zvaifanira kufananidzira nyama yake neropa. Paakanga achitanga kuchengetwa kweChirairo chaShe, Jesu akati kuvateveri vake vapedyo: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” Kuboka rimwe chetero ravaapostora, iye akawedzera, kuti: “Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.”—Ruka 22:20, 28-30.
Cherechedza muaya mashoko apashure kuti avo vaifanira kudya chingwa chaichoicho nokunwa waini chaiyoiyo sezviratidziro zvinoratidzira muviri neropa zvaJesu vaiva vadzidzi vaiva mu“sungano itsva.” Vakadaro vaizovawo muimwe sungano, iyo Jesu anoita navo kuti vagogona kugoverana hutongi ‘muumambo hwake.’ Nenzira yakajeka, Jesu pano akanga achinongedzera pano kuavo vaizo‘itwa umambo navaprista kuna Mwari wedu, kuti vatonge samadzimambo pamusoro papasi.’ (Zvakazarurwa 5:10) Muzana rokutanga ramakore, Mwari akavamba kusarudza vane 144 000 avo vaizogoverana muUmambo hwokudenga. MaKristu aiva muKorinte aiva eboka iroro, nokuti akarondedzerwa savanhu vakanga “vatsveneswa muhumwe naKristu Jesu, vakadanwa kuva vatsvene.” (1 VaKorinte 1:2, NW; enzanisa naVaRoma 1:7; 8:15-17.) “Vatsvene” vakadaro vaifanira kugoverana muChirairo chaShe, vachidya nokuonga chingwa chokuratidzira uyewo waini yaireva “sungano itsva muropa” rake.—1 VaKorinte 11:23-26.
Nhasi kune vapenyu pasi pano vakasarira vashomanene bedzi vaavo vakasarudzwa naMwari nokuda kwoupenyu hwokudenga. Vakadaro bedzi avo vari “musungano itsva” ndivo vane chiremera chokudya zviratidziro, chingwa newaini, mukati mechengeto yegore negore yeChirangaridzo.
Chokwadika, maKristu echokwadi ose nhasi anokarira kurarama nokusingaperi pasi pano mukutonga kwoUmambo anoziva kuti ikoku kunobvira kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibairo chaJesu. Seizvo Jesu akaudza boka, iye ndiye “chingwa chipenyu chakaburuka kudenga.” (Johane 6:51) Bva, ikoko hakusati kuchireva kuti avo vane kariro yapasi vanofanira kudya zviratidziro zveChirangaridzo chaizvoizvo, nokuti ivo havasati vari “musungano itsva,” uyewo havasi musungano naJesu yokuva ‘muumambo hwake, vachigara pazvigaro zvoumambo.’
Somuuyo, iri boka guru rine kariro dzapasi haridyi zviratidziro, chingwa newaini. Asi ikoku hakutongoratidziri kushaikwa kwokutenda kana kuti kuongwa kwomuviri neropa zvaJesu. Kutaura idi, nemhaka yenzwisiso yavo huru yeichi chibairo nekariro dzapasi dzinofadza dziri pamberi pavo, ivo zvamazvirokwazvo vanovapo gore rimwe nerimwe savacherechedzi vanoremekedza pachengetwo yeChirairo chaShe. Neiyi nzira, ivo vanoratidzira kutenda kwavo vamene ndokupa ufakazi hunofadza hwokuti vakasarira ve“boka duku” na“mamwe makwai” akawanda vari muchinzwano chinodziya.—Johane 10:16.