“Mwoyo Yenyu Irege Kumanikidzwa”
“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa. Tendai Mwari, mutendewo kwandiri.”—JOHANE 14:1.
1. Neiko mashoko aJesu ari pana Johane 14:1 akanga akakodzera nguva zvikuru?
AKANGA ari Nisan 14 mugore ra 33 N.V. Boka duku ravanhu rakanga richisangana mukamuri rapamusoro muJerusarema pashure pokudeuka kwezuva. Mutungamiriri wavo akanga achivapa zano nekurudziro zveonekano. Murutivi iye akati: “Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa.” (Johane 14:1) Mashoko ake akanga akakodzera nguva zvikuru, nokuti zvinoitika zvinoparadzanya zvaizokurumidza kuitika. Usiku ihwohwo iye akasungwa, akatongwa, uye akashurikidzwa kuti aurawe.
2. Neiko zuva iroro rakanga rakanaka kwazvo, uye chii chakabetsera vadzidzi?
2 Iwe une chikonzero chakanaka chokurangarira zuva iroro serinokosha zvikurusa munhau, rinotapura nguva yose yemberi yorudzi rwomunhu. Rufu rwechibairo rwoMutungamiriri, Jesu, rwakazadzika mauporofita akare akawanda ndokugovera hwaro hwoupenyu husingaperi kuavo vanomutenda. (Isaya 53:5-7; Johane 3:16) Asi vaapostora, vakatyamadzwa uye vashamiswa nezvinoitika zvinoshamisa zvousiku ihwohwo, vakavhiringidzwa ndokutya kwenguva yakati. Petro akatoramba Jesu. (Mateo 26:69-75) Zvisinei, pashure pokunge vaapostora vakatendeka vagamuchira mubetseri akapikirwa, mudzimu mutsvene, ivo vakashinga ndokuterama. (Johane 14:16, 17) Nokudaro, apo Petro naJohane vakatambura chishoro chakaoma uye vakaiswa mutorongo, ivo vakanyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero mukutaura Shoko rake “noushingi hwose.” Munyengetero wavo wakapindurwa.—Mabasa 4:1-3, 29-31, NW.
3. Neiko vanhu vazhinji kwazvo vachitambudzika zvikuru kwazvo nhasi?
3 Nhasi, tiri kurarama munyika inotambudzika zvikuru. Mugumo wetsika ino yekare yezvinhu uri kusvika nokukurumidza. (2 Timotio 3:1-5) Mamirioni ari kutapurwa somunhu oga kana kuti kuvhiringidzwa zvikuru nokuputsika kwakakomba muupenyu hwemhuri nemipimo yetsika, wedzero inokatyamadza muhosha dzechienzi, kusadzikama kwezvamatongerwe enyika, kushaya mabasa, perevedzo dzezvokudya, ugandanga, uye tyisidziro yehondo yenyukireya. Mwoyo yakawanda inotambudzwa norutyo runopfuurira rwenguva yemberi. Sezvakadeya kutaura Jesu, kune “shungu yamarudzi . . . vanhu vachiva vanopera simba nokuda kworutyo nokukarirwa kwezvinhu zvinouya papasi rinogarwa.”—Ruka 21:25, 26, NW.
4. Zvinhui zvinogona kuparira maKristu kutambura kunetseka?
4 Kunyange maKristu anogona kutapurwa zvakakomba nezvinhu zvinoodza mwoyo zvakadaro. Angatarisanawo nokunetseka nemhaka yokufungira mano akaipa kworudzidziso kana kuti chishoro chinobva kuhama dzokunyama, vavakidzani, vashandi biyawo, vokuchikoro biyawo, uye zviremera zvehurumende. (Mateo 24:9) Naizvozvo tinogona sei kuramba takaterama, tisingatambudziki, muidzi nguva dzinotambudza? Tinogona seiko kuchengeta rugare rwendangariro apo zvinhu zvinooma? Tinogona sei kutarisana nenguva yemberi nechivimbo? Chii chichatibetsera kukurira funganyo huru iyo iri kuva inozivikanwa navose? Tiri munguva apo Jesu akapa zano riri pana Johane 14:1, naizvozvo ngatisanorinzverei.
Tinogona Sei Kukurira Funganyo?
5. Ipangiroi dzinokurudzira dzinotipa Magwaro?
5 Zvaakanga apa kurudziro yorudo ‘yokusarega mwoyo yavo ichitambudzika,’ Jesu akaudza vaapostora vake, kuti: “Tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri.” (Johane 14:1) Magwaro akafuridzirwa anotipa mazano akawanda akafanana: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye; iye uchazviita.” (Pisarema 55:22; 37:5) Pauro akapa vaFiripi iyi pangiro yakakomba: “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi pachinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokuonga teterero dzenyu ngadziziviswe kuna Mwari; ipapo rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namano enyu endangariro.”—VaFiripi 4:6, 7, NW.
6, 7. (a) Ndeipi iri nzira imwe yokuderedza nayo kunetseka? (b) Tinogona sei kusakurira chisungo chapedyo naJehovha?
6 Funganyo kana kuti kuitira hanya zvinoparirwa nezvinetso nomutoro unorema zvinogona pane dzimwe nguva kutapura utano hwedu pamwe chete nomudzimu wedu. Zvisinei, imwe nyanzvi yokurapa, mubhuku rinonzi Don’t Panic, inotsinhira, kuti: “Kana vanhu vachikwanisa kutaura zvinetso zvavo nomumwe munhu wavanoremekedza . . . , mwero wokunetseka kazhinji kazhinji unoderedzwa zvikuru kwazvo.” Kana ikoko kwakadaro pamusoro petsinhano nomumwe munhu, ichava betsero huru zvikuru sei inobva mukutaura kuna Mwari. Nokuti tingagona kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwaani kupfuura Jehovha?
7 Ndokusaka ukama hwomunhu oga hwapedyo naye huchikosha kwazvo nokuda kwamaKristu nhasi. Vabatiri vakakura mumudzimu vaJehovha vanosanoziva ikoku, naizvozvo vanongwarira kudzivisa rudzi rwesonganiro navanhu venyika kana kuti rudzi rwevaraidzo rungagona kunetesa ukama ihwohwo. (1 VaKorinte 15:33) Ivo vanonzwisisawo kuti kunokosha sei kutaura kuna Jehovha mumunyengetero, kwete chete kamwe kana kuti kaviri pazuva, asi nguva dzose. MaKristu maduku kana kuti matsva zvikurukuru anofanira kusakurira ichi chisungo chapedyo naJehovha kupfurikidza nefundo yenguva dzose nefungisiso paShoko rake uye kupfurikidza nesonganiro yechiKristu nebasa. Tinokurudzirwa, kuti: “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri.”—Jakobho 4:8.
Zano Iro Jesu Akapa
8, 9. Tinogona kushandisa zanoi rakananga pamusoro pezvinetso zvemari?
8 Munyika dzakawanda, kusashanda nokuderera kwepfuma zvisakiso zvakanaka zvokuzvidya mwoyo. Jesu akapa zano rakananga zvikuru pamusoro peizvi zvinoitirwa hanya: “Regai kufunganya pamusoro poupenyu, muchiti, ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichafukeiko? Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokufuka here?” (Mateo 6:25) Hungu, upenyu nomuviri, kana kuti munhu wose, zvinokosha zvikuru kwazvo kupfuura zvokudya nezvokupfeka. Vabatiri vaMwari vanogona kuva nechokwadi chokuti iye achavabetsera kuwana zvinodikanwa zvavo zvikuru. Jesu akapa uyu muenzaniso: “Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?” (Mateo 6:26) Hakufungiki kuti Mwari aizogovera zvisikwa zvine minhenga achiregeredza zvisikwa zvake zvavanhu, izvo zvinokosha zvikuru kwaari uye izvo Kristu akavanzarikira upenyu hwake.
9 Jesu ipapo akasimbisa ikoku kupfurikidza nokunongedzera kumaruva ebundo ayo asingashandi kana kuti kuruka, bva “naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo.” Kutonga kwaMambo Soromoni kwakacherechedzwa nokuda kwokuisvonaka kwako. Jesu ipapo akabvunza nenzira inonyaradza, kuti: Mwari “haangakufukidziyi nokupfuurisa” here?—Mateo 6:28-32; Rwiyo rwaSoromoni 3:9, 10.
10. (a) Mashoko anonyaradza aJesu anotaurwa kuna vanaani? (b) Ipangiroi yaakapa pamusoro penguva yemberi?
10 Zvisinei, Jesu anopfuurira kuratidza kuti ikoku kunongova bedzi nokuda kwaavo “vanotanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” Munyika yose, maKristu echokwadi akadaro anonzwisisa chiri chaizvoizvo Umambo hwaMwari ndokuhuisa pokutanga muupenyu hwavo. Kwaari, pangiro yaJesu inoshanda: “Musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.” (Mateo 6:33, NW, 34) Namamwe mashoko, bata chinetso chimwe nechimwe sezvachinomuka, uye usazvidya mwoyo zvisakafanira pamusoro penguva yemberi.
11, 12. Mamwe maKristu akanzwa sei kuti Jehovha akaabetsera mumhinduro kuminyengetero yawo?
11 Vanhu vazhinjisa, kunyanguvezvo, vanokombamira kunetseka pamusoro penguva yemberi, zvikurukuru apo zvinhu zvinenge zviri kuipa. Asi maKristu anogona uye anofanira kutendeukira mukutenda kuna Jehovha. Rangarira chinoitika chaEleanor. Murume wake akanga achirwara zvikuru, uye kwegore haana kukwanisa kushanda. Iye aiva navana vaduku vaviri nababa vakwegura vokutarisira, naizvozvo aisagona kuva nebasa renguva yakazara kunze kwezvo. Ivo vakakumbira Jehovha nokuda kwebetsero. Mamwe mangwanani, nokukurumidza pashure paikoku, ivo vakawana emviropu pasi pesuo. Iyo yaiva nechitsama chikuru chemari—chakakwana kuvachengeta vachipfuurira kutozosvikira murume okwanisa kushanda zvakare. Ivo vakanzwa vachionga zvikuru nokuda kweiyi betsero yakakodzera nguva. Hakuna hwaro hweBhaibheri hwokukarira kuti chinhu chakafanana chichaitika kumuKristu mumwe nomumwe anoshaiwa, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achanzwa zvichemo zvedu uye kuti ane simba rokutibatsira munzira dzakasiana-siana.
12 Imwe chirikadzi yechiKristu kuchamhembe kweAfrica yaitofanira kutsvaka basa kuti igovere vana vayo vaduku vaviri. Asi iye aida zvakasimba kwazvo kushanda bedzi hafu yezuva kuti ipedze nguva inavo. Pashure pokunge yawana basa, yakamanikidzirwa kurirega apo manija akasarudza kuti akanga achida munyori wenguva yakazara. Isichashandi zvakare, iyi hanzvadzi yakanyengetera zvapachokwadi kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Mavhiki matatu gare gare, aichimbova manija wake akamukumbira kudzokera pahwaro hwehafu yezuva. Akafara sei! Iye akanzwa kuti Jehovha akanga apindura minyengetero yake.
Kumbira Jehovha
13. (a) Chii chinorehwa no“mukumbiro”? (b) Mienzanisoi yapaMagwaro yomukumbiro yatinayo?
13 Tapota cherechedza kuti pashure pokupangira kuti, “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi,” Pauro anowedzera kuti, “asi pachinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokuonga teterero dzenyu ngadziziviswe kuna Mwari.” (VaFiripi 4:6, NW) Kududzireiko “mukumbiro”? Shoko racho rinoreva “nheterero yapachokwadi,” kana kuti ‘munyengetero wokukumbira.’ Iro rinobatanidza kukumbira Mwari zvapachokwadi zvikuru, somunguva yokunetseka kukuru kana kuti njodzi. Apo aiva musungwa, Pauro akakumbira maKristu biyake kumukumbirira kuti agogona kuparidza nokusatya “mashoko akanaka . . . senhume yakasungwa.” (VaEfeso 6:18-20) Mukuru mukuru wehondo Kornerio “akakumbira kuna Mwari nguva dzose.” Anofanira kuva akafadzwa sei apo ngirozi yakati: “Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa”! Uye akaropafadzwa sei kuva pakati paVamarudzi vokutanga vakazodzwa nomudzimu mutsvene!—Mabasa 10:1-4, 24, 44-48.
14. Tinogona sei kuziva kana kukumbira kwechokwadi kwaJehovha kuchifanira kuitwa kamwe bedzi?
14 Kwakafanirwa nokucherechedza kuti kukumbirwa kwapachokwadi kwakadaro kwaJehovha hakusati kuchiwanzoitwa kamwe chete. Jesu akadzidzisa muMharidzo yake yakakurumbira paGomo, kuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Mateo 7:7, NW) Shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzinoshandura ikoku, kuti: “Kumbirai . . . tsvakai . . . gogodzai.” Asi chiGiriki chapakuvamba chinopa mufungo wechiito chinopfuurira.a
15. (a) Neiko Nehemia akanga akapunyaira achigovera waini kuna Mambo Artashasta? (b) Nehemia akanga aita zvakawanda sei kupfuura kupa munyengetero mupfupi?
15 Apo Nehemia akanga achibatira Mambo wePersia Artashasta somudiri wewaini, mambo akabvunza chikonzero nei iye akanga akapunyaira kwazvo. Nehemia akataura kuti yakanga iri mhaka yokuti akanga anzwa kuti Jerusarema rakanga riri mumugariro wokuparadzwa. Mambo ipapo akabvunza, kuti: “Unokumbireiko?” Pakarepo Nehemia akakumbira Jehovha nokuda kwebetsero, pasina panikiro nokupfupikisa, chinyararire. Iye ipapo akakumbira mvumo yokudzokera kuJerusarema kuzovakazve guta rake rinodikanwa rokumusha. Chikumbiro chake chakabvumwa. (Nehemia 2:1-6) Zvisinei, pamberi pebvunzurudzo iyoyo yakakomba, Nehemia akanga apedza mazuva achikumbira, achikumbira, Jehovha nokuda kwebetsero. (Nehemia 1:4-11) Ko iwe unoona chifundo muna ikoku nokuda kwako here?
Jehovha Anopindura
16. (a) Iropafadzoi chaiyo yakafarikanya Abrahama? (b) Iyamuroi dzine simba dzatinadzo dzinogona kubatanidzwa mumhinduro kuminyengetero yedu?
16 Pane imwe nhambo, Abrahama akafarikanya ropafadzo yokukurukura naJehovha kupfurikidza nengirozi. (Genesi 22:11-18; 18:1-33) Kunyange zvazvo ikoko kusingaitiki nhasi, takakomborerwa neyamuro dzine simba idzo Abrahama akanga asina. Imwe iBhaibheri rakakwana—manyuko asingaperi enhungamiro nenyaradzo. (Pisarema 119:105; VaRoma 15:4) Kazhinji kazhinji zvikuru, Bhaibheri rinogona kutipa nhungamiro kana kuti kurudziro zvatinoda, Jehovha achitibetsera kuyeuka zvikamu zvamashoko zvinoshuviwa. Kazhinji kazhinji, concordance kana kuti chimwe chezvinyorwa zvakawanda zveBhaibheri izvo Mwari akagovera kupfurikidza nesangano rake chinogona kutipa mhinduro. Indekisi ine udzame neyakaisvonaka kuizvi zvinyorwa ndiimwezve yamuro inokosha mukuwana mashoko anodikanwa.
17. Jehovha angapindura minyengetero yedu mudzimwe nzirai, uye maKristu ane mutsa, anonzwira tsitsi anogona kubetsera sei?
17 Kana tichitambudzwa nechinetso kana kuti kunzwa tichisuruvara kana kuti kuodzwa mwoyo, mhinduro kuminyengetero yedu dzingauya mudzimwe nzirawo. Somuenzaniso, hurukuro yeBhaibheri kuungano kana kuti kukokorodzano yeZvapupu zvaJehovha ingava chaizvo no“mushonga” watinoda. Padzimwe nguva, kutaura nomumwe muKristu kuchagovera chatinoda. Nguva dzakawanda vakuru veungano vanogona kupa kurudziro kana kuti pangiro. Kunyange kungotaura zviri mumwoyo medu kumuKristu akakura mumudzimu, ane mutsa, uye anonzwira tsitsi uyo ari muteereri akanaka kunogona kazhinji kazhinji kutiita kuti tinzwe zviri nani zvikuru. Ikoku kwakadaro zvikuru kana iyi shamwari ichitibetsera kurangarira pamusoro pemifungo yeBhaibheri. Tsinhano yakadaro inogona kubvisa mutoro unorema pandangariro yedu nomwoyo.—Zvirevo 12:25; 1 VaTesaronika 5:14.
18. Mubatoi chaiwo unogona kubetsera maKristu kukurira nhambo dzinonetsa, uye ikoku kwakabetsera sei piona muduku?
18 Zvimiro zvakasiana-siana zvezvimiro zvendangariro zvokuora mwoyo zvinozivikanwa navose mukati meidzi “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Vanhu vanoodzwa mwoyo nokupera mwoyo nokuda kwemhatsa yakati yezvikonzero. Uku kungaitikawo kumaKristu, uye kunogona kuva chinoitika chisingafadzi zvikurusa. Vazhinji vakaona, kunyanguvezvo, kuti kuparidzira mashoko akanaka kwakavabetsera kuchinja nokukurumidza nokuda kwezvakanaka.b Iwe wati waedza izvozvo here? Apo unonzwa wakati orei mwoyo, edza kugoverana muchimiro chakati chebasa roUmambo. Kutaura kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari kazhinji kazhinji kuchakubetsera kuchinja chimiro chako chendangariro kubva pazvakaipa kuenda kuzvakanaka. Kutaura pamusoro paJehovha nokushandisa Shoko rake kunogona kukupa mufaro—chibereko chomudzimu wake—ndokukuita kuti unzwe wakasiana. (VaGaratia 5:22) Mumwe piona muduku akawanawo kuti kuramba akabatikana mubasa roUmambo kwakamuita kuti azive kuti “mukuenzanisa nezvinetso zvavamwe, [zvake] zvakanga zviri zviduku zvikuru nezvechinguvana.”
19. Mumwe muKristu ane utano hwakashata akakurira sei mifungo yakashata?
19 Padzimwe nguva, mugariro womuviri wakaderera, zvichida wakaomeswa nokuzvidya mwoyo kana kuti zvinetso, unogona kutungamirira kuchimiro chendangariro chokuora mwoyo. Ikoku kungaparira munhu kumuka usiku anetseka, sezvakaitika padzimwe nguva kumumwe muKristu wezera rapakati uyo aiva noutano hwakashata. Asi iye akawana kuti munyengetero womwoyo wose wakanga uri betsero chaiyoiyo. Panguva ipi kana ipi paaimuka achinzwa aora mwoyo, ainyengetera zvakadzikama kuna Jehovha. Ikoku kwakakurumidza kumuita kuti anzwe zviri nani. Iye akakuwana kuchinyaradzawo kudzokorora nomusoro zvikamu zvamashoko zvinonyaradza zveBhaibheri, zvakadai sePisarema 23. Nguva dzose, mudzimu waJehovha, uchishanda mumhinduro kumunyengetero kana kuti kupfurikidza neShoko rake, ungabetsera kutsiva mugariro wokuora mwoyo wendangariro nounofadza zvikuru. Gare gare, murume wacho aigona kufunga pamusoro pezvinetso zvake nedzikamo noruteramo, achiona nzira yokuzvikurira nayo kana kuti kunzwa asimbiswa kuzvitsungirira.
20. Neiko mhinduro kumunyengetero pane dzimwe nguva ingaratidzika kuva inononoka?
20 Uyu muenzaniso wokuti munyengetero unogona sei kuunza mhinduro. Asi pane dzimwe nguva kunoratidzika kuva kune nonozeko mukuwana mhinduro. Neiko? Zvichida mhinduro inofanira kumirira nguva yakafanira yaMwari. Kunoratidzika kuti muzvimwe zvinoitika Mwari anobvumira vakumbiri vake kuratidzira itiro hanya yavo huru, chishuvo chavo chikuru, uchokwadi hwokuzvipira kwavo. Mumwe wowezvamapisarema akava nechinoitika ichocho!—Pisarema 88:13, 14; enzanisa na 2 VaKorinte 12:7-10.
21. Neiko iri ropafadzo huru kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha nhasi, uye tinogona sei kuratidza kuonga?
21 Muchinoitika chipi nechipi, kukurukura naMwari Wamasimba ose mumunyengetero ndichinoitika chinosimbisa kutenda icho chinogona kutibvisa mukupera mwoyo ndokuenda kukuva nechivimbo. Kunonyaradza sei kuziva kuti iye anonzwa uye anopindura! Seizvo Pauro akanyorera ungano yaiva muFiripi, tinofanira kupa minyengetero yedu nezvikumbiro “pamwe chete nokuonga.” (VaFiripi 4:6, NW) Hungu, zuva nezuva tinofanira kuzarurira mwoyo yedu mukuonga kuna Jehovha uye “pamusoro pechinhu chiri chose kupa kuonga.” (1 VaTesaronika 5:18, NW) Ikoku kuchagovera kuchisungo chapedyo, choushamwari uye kuchatiudzira rugare. Nyaya inotevera inoratidza kuti ikoku kunokosha sei nokuda kwavabatiri vaJehovha muidzi nguva dzinotambudza, dzine ngozi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mutsinhirano nokururama kweNew World Translation of the Holy Scriptures, Charles B. Williams anoshandura ndima yacho, kuti: “Rambai muchikumbira . . . rambai muchitsvaka . . . rambai muchigogodza, uye suo richakuzarurirwai.”—The New Testament: A Translation in the Language of the People.
b Chimiro chendangariro chokusuruvara chechinguvana chakasiana nokuora mwoyo kwakakomba, kwenguva refu, uyo uri mugariro wakakomba zvikuru kwazvo nowakaoma womufungo kana kuti wendangariro. Ona Mukai! wechiNgezi waOctober 22, 1987, mapeji 3-16.
Ungapindura Sei?
◻ Ndizvinhui zvingaparira maKristu kutambudzika?
◻ Chii chinogona kutibetsera kukurira funganyo?
◻ Neiko maKristu achigona kuva nechokwadi chokuti Mwari achaabetsera nezvinodikanwa zvawo zvikuru?
◻ “Mukumbiro” unorevei, uye mienzaniso yakare inoenzanisira sei kupindura kunoita Jehovha?
◻ Jehovha angapindura minyengetero yedu munzirai dzakasiana-siana?
[Mufananidzo uri papeji 12]
‘Baba venyu vokudenga vanodyisa shiri. Imi hamuna kufanira kupfuura zvadzakaita here?’