RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/1 pp. 10-15
  • Jesu Kristu—Mwanakomana Anodiwa waMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu—Mwanakomana Anodiwa waMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Haasi ‘Mwari Mwanakomana’ Asi “Mwanakomana waMwari”
  • Baba Mukuru kuMwanakomana
  • Mudzimu Mutsvene—Munhu Kana Kuti Simba Rinoshanda Here?
  • Mwari Anogarova Mukuru Zvikuru Kuna Jesu Here
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Utatu Hunodzidziswa muBhaibheri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zivo Yakarurama yaMwari noMwanakomana Wake Inotungamirira Kuupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/1 pp. 10-15

Jesu Kristu—Mwanakomana Anodiwa waMwari

“Uyewo, kwakanga kune inzwi rakabva kumatenga iro rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.’”—MATEO 3:17, NW.

1, 2. (a) Izvokwadii yakapfava inodzidzisa Bhaibheri pamusoro paMwari Wamasimba ose naJesu Kristu? (b) Chii chinodzidzisa marudzidziso echiKristudhomu?

JESU KRISTU akabhapatidzwa pazera ramakore 30 kupfurikidza nokunyudzwa mumvura. Apo iye akabuda mumvura, inzwi rakabva kudenga rakati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateo 3:17, NW) Inzwi iroro rakanga riri inzwi raMwari. Pane imwe nhambo, mumunyengetero kuna Mwari, Jesu akati: “Baba, kudzai zita renyu.” Uye apo Jesu akanga ataura izvozvo, “inzwi [raMwari] rakauya, richibva kudenga, richiti: ‘Ndatorikudza, ndicharikudzazve.’”—Johane 12:28.

2 Kubva muidzi nhauro, kunyange mwana anogona kunzwisisa kuti ukama hwapakati paJesu Kristu naMwari Wamasimba ose hwakanga huri huya hwababa nomwanakomana wavo anodiwa, vanhu vaviri vakasiana. Bva, iyi zvokwadi yakapfava yeBhaibheri inorambwa namarudzidziso echiKristudhomu. Iwo anotaura kuti Jesu Kristu ndiMwari Wamasimba ose amene, munhu wechipiri woUtatu, munhu wechitatu uchiva mudzimu mutsvene.

3. Nyongano pamusoro pedzidziso yoUtatu inoratidzwa sei?

3 Dzidziso iyoyo yakaparira nyongano huru pakati pavanhu vamarudzidziso echiKristudhomu, iyo iri chikonzero chimwe nei New Catholic Encyclopedia ichidana Utatu chimisiterio. Zvamazvirokwazvo, chinoparira nyongano kunyange pakati pavakuru vorudzidziso, nokuti enisaikoropidhiya iyoyo inotiwo: “Kune vadzidzisi vashomanene vorudaviro rwoUtatu muzvikoro zvavafundisi zveRoma Katurike vasina kunetswa pane imwe nguva nomubvunzo unoti, ‘Asi munhu anogona sei kudzidzisa Utatu?’ Uye kana mubvunzo wacho uchiratidzira nyongano yavadzidzi, zvichida hauratidziri zvishoma nyongano yakafanana yamapurofesa avo.”

4. Ndeipi iri dzidziso huru yechechi pamusoro poUtatu?

4 Dzidziso inonyonganisa iyoyo chitendero chikuru chamarudzidziso eKaturike nePurotesitendi. The Catholic Encyclopedia inoti: “Utatu ishoko rinoshandiswa kuratidzira dzidziso huru yorudzidziso rwechiKristu . . . Nokudaro, mumashoko eAthanasian Creed: ‘Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mweya Musande ndiMwari, asi hakuna vanaMwari vatatu asi Mwari mumwe.’” Nenzira yakafanana, mumhaka yomudare yakabatanidza Zvapupu zvaJehovha muGirisi, Chechi yeGreek Orthodox yakati: “Dzidziso huru yechiKristu, umo maKristu ose anobvuma rudaviro . . . pasinei zvapo nesekete kana kuti dzidziso, ndiyo . . . Utatu, kuti Mwari ndiMumwe muvanhu vatatu.” Chechi yeGreek Orthodox yakatiwo: “MaKristu ndiavo vanogamuchira Kristu saMwari.” Yakataura kuti avo vasingagamuchiri Utatu havasi maKristu asi vapanduki.

5, 6. Neiko kuchikosha kuziva zvokwadi pamusoro peiyi nhau?

5 Zvisinei, kana iyi dzidziso “huru” yoUtatu yechiKristudhomu isiri yechokwadi, kana iri nhema, ipapo zvakapesana zvaizova zvakadaro. MaKristu echokwadi aizoiramba. Avo vakabva muchiKristu vaizonamatira kwairi. Nemiuyoiko nokuda kweboka rapashure? Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, “zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,” tinorava pamusoro paavo vasingakwaniriswi muupenyu husingagumi muUmambo hwaMwari, kuti: “Kunze ndiko kune mbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.”—Zvakazarurwa 1:1; 22:15.

6 Nemhaka youkoshi hwayo, tinofanira kuziviswa pamusoro pouko uyu murangariro woUtatu wakatanga uye nei wakatangwa. Ndiani chaizvoizvo anoutsigira? Zivo yeBhaibheri yazvino uno ine chiiko chokutaura pamusoro payo? Asi tisati takurukura izvi zvinhu, ngatinzvereizve izvo Shoko rakafuridzirwa raMwari amene rinotaura.—2 Timotio 3:16, 17.

Haasi ‘Mwari Mwanakomana’ Asi “Mwanakomana waMwari”

7. Fundo isina kwayakarerekera yeBhaibheri inozivisei pamusoro paJesu?

7 Jesu haana kutongotaura kuva Mwari Wamasimba ose amene. Kuraviwa kupi nokupi kusina kwakwakarerekera kweBhaibheri pasina mifungo yakaumbwa kare pamusoro poUtatu kuchajekesa ikoku. Somuenzaniso, pana Johane 3:16, Jesu akati: “Nokuti Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” Ndima mbiri bedzi gare gare, Jesu zvakare akataura kuti akanga ari “Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari.” (Johane 3:18, NW) Apo vaJudha vakapomera Jesu mhaka yokutuka Mwari, iye akapindura, achiti: “Imi moti seiko kuna iye wakaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika: ‘Unomhura Mwari,’ zvandakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.” (Johane 10:36) Jesu haana kutaura kuti akanga ari ‘Mwari Mwanakomana’ asi kuti iye akanga ari “Mwanakomana waMwari.”

8. Chipupuriroi icho mukuru mukuru wehondo naavo vaiva naye vakapa?

8 Apo Jesu akafa, kunyange varwi veRoma vakanga vakamirapo vakaziva kuti Jesu akanga asiri Mwari: “Zvino mukuru wezana, navairinda Jesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati: ‘Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.’” (Mateo 27:54) Ivo havana kuti, ‘uyu akanga ari Mwari’ kana kuti ‘uyu akanga ari Mwari Mwanakomana,’ nemhaka yokuti Jesu navadzidzi vake vakadzidzisa kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, kwete Mwari Wamasimba ose muchimiro chomunhu.

9, 10. Chipupuriroi chine simba chinopiwa muEvhangeri pamusoro poukama huri pakati paMwari naJesu?

9 Mwari amene akapupurira kuti Jesu akanga ari Mwanakomana wake anodiwa, seizvo munyori weBhaibheri Mateo akacherechedza apo Jesu akabhapatidzwa. (Mateo 3:17) Vamwe vanyori veBhaibheri vakacherechedza zvimwe chetezvo. Marko akanyora, kuti: “Inzwi rakabva kumatenga, richiti: ‘Iwe uri Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakutendera.’” (Marko 1:11, NW) Ruka akati: “Inzwi rakabva kudenga, richiti: ‘Iwe uri Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakutendera.’” (Ruka 3:22, NW) Uye Johane Mubhapatidzi, uyo akabhapatidza Jesu, akapupurira, achiti: “Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu [Jesu] ndiye Mwanakomana waMwari.” (Johane 1:34) Naizvozvo Mwari amene, vanyori vana vose veEvhangeri, uye Johane Mubhapatidzi vanotaura zvakajeka kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari. Uye nguva yakati gare gare, pakushanduka chitarisiko kwaJesu, chinhu chakafanana chakaitika: “Inzwi [raMwari] rakabva mugore richiti: ‘Uyu Mwanakomana wangu, uyo akasarudzwa. Muteererei.’”—Ruka 9:35, NW.

10 Muidzi nhauro, ko Mwari akanga achitaura kuti akanga ari mwanakomana wake amene here, kuti iye akazvituma amene, uye kuti akazvitendera amene here? Aiwa, Mwari Baba, Musiki, akanga achitaura kuti akanga atuma Mwanakomana wake Jesu, munhu akaparadzana, kuzoita basa raMwari. Nokudaro, muMagwaro echiGiriki mose chitsama chamashoko chokuti “Mwanakomana waMwari” chinoshandiswa kunongedzera kuna Jesu. Asi hatitongooni kana kamwe zvako chitsama chamashoko chinoti ‘Mwari Mwanakomana,’ nokuti Jesu akanga asiri Mwari Wamasimba ose. Iye akanga ari Mwanakomana waMwari. Ivo ndivanhu vaviri vakasiana, uye hakuna “chimisiterio” chedzidziso chinogona kuchinja zvokwadi iyoyo.

Baba Mukuru kuMwanakomana

11. Jesu akaratidza sei kuti Mwari akanga ari mukuru kwaari?

11 Jesu aiziva kuti akanga asina kuenzana naBaba vake asi munzira iri yose akanga ari munzvimbo iri pasi. Iye aiziva kuti akanga ari Mwanakomana anodiwa uyo aiva norudo rukuru nokuda kwaBaba vake. Ndokusaka, nguva nenguva, Jesu aitaura sezvinotevera: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachiita.” (Johane 5:19) “Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 6:38) “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu, asi ndokwowakandituma.” (Johane 7:16) “Ini ndinomuziva [Mwari], nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.” (Johane 7:29) Munhu anotuma ndiye mukuru. Munhu anotumwa ndiye muduku, mubatiri. Mwari ndiye mutumi. Jesu ndiye anotumwa. Ivo havana kufanana. Jesu akakutaura, achiti: “Muranda haasi mukuru kunaShe wake, uye wakatumwa mukuru kuno wakamutuma.”—Johane 13:16.

12. Muenzanisiroi unoratidzira nzvimbo duku yaJesu kuna Baba?

12 Ikoku kunojekeswawo mumuenzanisiro uyo Jesu akapa. Iye akafananidza Baba vake, Jehovha Mwari, nomwene womunda wemizambiringa uyo akafamba achienda kure ndokusiya munda wemizambiringa uchitarisirwa navarimi—avo sezvinooneka vanofananidzira vakuru vorudzidziso vechiJudha. Pashure penguva yakati, mwene akatuma muranda kundotora mimwe yemichero mumunda wemizambaringa, asi varimi vakarova muranda ndokumuendesa asina chinhu. Ipapo mwene akatuma muranda wechipiri, uye chinhu chimwe chetecho chakaitika. Iye akatuma muranda wechitatu, uyo akabatwa zvimwe chetezvo. Ipapo mwene (Mwari) akati: “Ndichatuma Mwanakomana wangu [Jesu], unodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.” Asi varimi vakaipa vakati: “‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’ Vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuuraya.” (Ruka 20:9-16) Zvakare, ikoku kunojekesa kuti Jesu ari pasi paBaba, akatumwa naBaba kuzoita kuda kwaBaba.

13. Kutaurai kweBhaibheri kwakajeka kunoratidza kuti Mwari akanga ari mukuru waJesu?

13 Jesu amene akati: “Baba vakuru kwandiri.” (Johane 14:28) Tinofanira kudavira Jesu, nokuti iye zvirokwazvo aiziva zvokwadi pamusoro poukama hwake naBaba vake. Muapostora Pauro aizivawo kuti Mwari akanga ari mukuru kuna Jesu, uye iye akati: “Mwanakomanawo [Jesu] amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose . . . Mwari.” (1 VaKorinte 15:28) Ikoku kunoonwazve mukutaura kwaPauro kuri pana 1 VaKorinte 11:3: “Musoro waKristu ndiye Mwari.” Jesu akabvuma kuti akanga ana Mwari mukuru paakati kuvadzidzi vake: “Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”—Johane 20:17.

14. Ndimamwe magwaroi anoratidza kuti Jesu akanga asiri Mwari Wamasimba ose?

14 Jesu akadudza ukuru hwaMwari apo mai wavaviri vavadzidzi akakumbira kuti vanakomana vake vagare mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe zvaJesu paakapinda muUmambo hwake. Iye akapindura, achiti: “Kugara kuruoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa.” (Mateo 20:23) Kudai Jesu akanga ave ari Mwari Wamasimba ose, kungadai kwakava kwake kupa. Asi kwanga kusiri. Kwakanga kuri kwaBaba vake kupa. Nenzira yakafanana, pakurondedzera uporofita hwake pamusoro pomugumo wetsika ino yezvinhu, Jesu akati: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba.” (Marko 13:32) Kudai Jesu akanga ave ari Mwari Wamasimba ose, angadai akaziva zuva iroro nenguva. Asi akanga asingazivi nemhaka yokuti akanga asiri Mwari Anoziva Zvose. Iye akanga ari Mwanakomana waMwari uye aisaziva chinhu chiri chose icho Baba vake vaiziva.

15. Apo Jesu akanga odokufa, akaratidza sei kuzviisa pasi paMwari?

15 Apo Jesu akanga odokufa, akaratidza kuzviisa pasi paBaba vake mukunyengetera, achiti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Jesu akanga achinyengetera kuna ani? Kwaari amene here? Aiwa, iye akanga achinyengetera kuna Baba vake mudenga. Ikoku kunoratidzwa zvakajeka nokutaura kwake, kuti: “Kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Uye ipapo, parufu rwake, Jesu akadanidzira, kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?” (Marko 15:34) Jesu akanga achidanidzira kuna aniko? Kwaari amene here? Aiwa, iye akanga achidanidzira kuna Baba vake vakanga vari mudenga.

16. Rufu norumuko zvaJesu zvinoratidza sei kuti iye aisagona kuva aiva Mwari Wamasimba ose amene?

16 Pashure pokunge Jesu afa, akanga ari muguva kwaanenge mazuva matatu. Ndiani akamumutsa? Sezvo iye akanga akafa, aisagona kuva akazvimutsa amene. Uye kana iye akanga asina kufa chaizvoizvo, ipapo aisagona kuva akabhadhara rudzikinuro nokuda kwechivi chaAdhama. Asi iye akafa, uye akanga asipo kwaanenge mazuva matatu. Muapostora Petro anotiudza akamutsa Jesu, achiti: “Iye wakamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu.” (Mabasa 2:24) Mukuru, Mwari Wamasimba ose, akamutsa muduku, Mwanakomana wake anodiwa, Jesu, muna vakafa. Kuenzanisira: Apo Jesu akamutsa Razaro muna vakafa, ndiani akanga ari mukuru? Jesu akanga ari mukuru, sezvo iye aigona kudzorera Razaro achibva muna vakafa. (Johane 11:41-44) Kwakanga kuri kumwe cheteko apo Mwari akamutsa Jesu. Mwari akanga ari mukuru, sezvo iye aigona kudzorera Jesu achibva muna vakafa.

17. Ndihumwe hufakazii huripo hwokuti Jesu akanga asiri Mwari?

17 Jesu aisagona sezvinobvira kuva Mwari amene, nokuti Jesu akasikwa naMwari. Cherechedza kuti Emphatic Diaglott ya Benjamin Wilson inoshandura sei Apocalypse (Zvakazarurwa) ganhuro 3, ndima 14: “Ameni anotaura izvi zvinhu, chapupu chakatendeka nechechokwadi [Jesu], mavambo echisiko chaMwari.” Nenzira yakafanana, VaKorose 1:15, 16 inoti nezvaJesu: “Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika . . . Zvinhu zvose zvakasikwa naye zviripo nokuda kwake.” Naizvozvo mudenga Mwari Wamasimba ose akasika zvakananga Mwanakomana wake uye ipapo “naye,” kana kuti “kupfurikidza naye,” akasika zvimwe zvinhu, zvikuru seizvo nyanzvi ingaita kuti mushandi akarovedzwa aiitire basa. Zvinhu izvozvo zvakasikwa “naye” hazvina kubatanidza Jesu amene, nokuti Mwari akanga atomusika. Nokudaro, iye anonzi “dangwe,” “akaberekwa ari mumwe bedzi.” Apo mwana anenge ari dangwe, akaberekwa ari mumwe bedzi, hakutongorevi kuti mwanayo akafanana nababa. Nguva dzose kunoreva kuti pane vanhu vaviri vakasiana vanobatanidzwa, baba nomwana.

Mudzimu Mutsvene—Munhu Kana Kuti Simba Rinoshanda Here?

18. Chii chinodzidzisa Bhaibheri pamusoro pomudzimu mutsvene?

18 Zvakadiniko nezvomunhu wechitatu anofungidzirwa woUtatu, mudzimu mutsvene, unotaurwa kuva wakaenzana musimba, mugariro, uye kusaguma naBaba noMwanakomana? MuBhaibheri hamuna nzvimbo umo mudzimu mutsvene unodudzwa naMwari naKristu sowakaenzana navo. Somuenzaniso, panhambo yorubhapatidzo rwaJesu, Marko 1:10 inoratidza kuti mudzimu mutsvene wakaburukira pana Jesu “senjiva,” kwete muchimiro chomunhu. Mudzimu mutsvene akanga asiri munhu akati anouya pana Jesu asi wakanga uri simba rinoshanda raMwari. Simba iroro rakabva kuna Mwari rakagonesa Jesu kuporesa vanorwara ndokumutsa vakafa. Sezvinotaura Ruka 5:17 muDiaglott, kuti: “Simba Guru raShe [Mwari] raiva paari [Jesu] kuti aporese.” Gare gare, paPentekosta, vaapostora vakapiwawo simba rakabva kuna Mwari rokuporesa vanorwara nokumutsa vakafa. Ikoko kwakavaita here rutivi rwo“umwari”? Aiwa, ivo vakangopiwa havo simba rakabva kuna Mwari, kupfurikidza naKristu, rokuita izvo vanhu vaisagona kuwanzoita.

19. Neiko kusingabviri kuti mudzimu mutsvene uve munhu wechitatu woUtatu?

19 Simba rinoshanda rimwe chetero rinodudzwa pana VaEfeso 5:18 (NW) apo Pauro anopa zano, achiti: “Rambai muchizadzwa nomudzimu.” Nenzira yakafanana, Mabasa 7:55 (NW) inotaura kuti Stefano aka“zadzwa nomudzimu mutsvene.” Uye paPentekosta, vateveri vaJesu “vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:4, NW) Ko munhu anogona kuzadzwa nomumwe munhu here? Aiwa, asi iye anogona kuzadzwa nesimba rinobva kuna Mwari. Mudzimu mutsvene iwoyo isimba rimwe chetero Mwari akashandisa kusika nyika. Genesi 1:2 (NW) inoti: “Simba rinoshanda raMwari rakanga richifamba-famba pamusoro pemvura.”

20. Chionoi chakaona Stefano chinoratidzirazve kuti Utatu hahuzi zvokwadi?

20 Pashure pokunge Jesu amutswa, Stefano akava nechiono chedenga uye “akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” (Mabasa 7:55) Nokudaro, vanhu vaviri vakaparadzana vaiva pachena mudenga: (1) Mwari uye (2) Jesu Kristu akamutswa. Hapana mudzimu mutsvene unodudzwa muichi chiono nemhaka yokuti wakanga usiri munhu wechitatu upi noupi woUtatu. Mudzimu mutsvene, zvauri simba rinoshanda raMwari, waizobva kuna Mwari asi kwete somunhu akaparadzana. Ndokusaka Stefano akaona vanhu vaviri bedzi, kwete vatatu.

21, 22. (a) Kubvumai kunoita enisaikoropidhia yorudzidziso pamusoro pomudzimu mutsvene? (b) Mapfundoi achabatanidza nyaya yedu inotevera?

21 Pamusoro pomudzimu mutsvene, New Catholic Encyclopedia inobvuma, kuti: “T[estamende] Y[akare] nenzira yakajeka hairatidziri mudzimu mutsvene somunhu, kana mupfungwa youchenjeri chaihwo, kana kuti mupfungwa yechiJudha. Mudzimu waMwari unogova zvawo simba raMwari. Kana iwo pane dzimwe nguva uchiratidzirwa sewakasiana naMwari, imhaka yokuti chifemo chaYahwe chinoshanda kunze.” Inotiwo: “Oruzhinji aMagwaro eT[estamende] I[tsva] anozivisa mudzimu waMwari sechimwe chinhu, kwete mumwe munhu; ikoku kunoonwa zvikuru muwirirano dziri pakati pomudzimu nesimba raMwari.”

22 Nemhaka yaaya maidi ose, iyi dzidziso “huru” yoUtatu yechiKristudhomu haigoni kuva yechokwadi. Shoko raMwari amene rinoramba kutaura ikoko. Iro rinoratidza nenzira yakajeka kuti Jehovha Mwari akanga ari Baba vane rudo uye kuti Jesu Kristu akanga ari Mwanakomana wake anodiwa, Mwanakomana aiva norudo rukuru nokuda kwaBaba vake zvokuti iye akanga achidisa kuteerera kusvikira kurufu. Zvisinei, vamwe vanotaura kuti pane magwaro anoratidzika kuva anoratidzira kutsigirwa kwoUtatu, naizvozvo munyaya yedu inotevera, tichanzvera mamwe awo. Uyewo, tichakurukura chikonzero nei iyi dzidziso yazova rutivi runokosha rwakadaro rwechiKristudhomu uye kwayakabva.

Ungapindura Sei?

◻ Chii chinodzidzisa Bhaibheri pamusoro paMwari uye pamusoro paJesu?

◻ Magwaro anoratidza sei ukama hwaBaba noMwanakomana?

◻ Ndaapi mamwe magwaro anoratidzira kuti Mwari mukuru kuna Jesu?

◻ Neiko mudzimu mutsvene waisava rutivi rwoUtatu?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Jesu akazivisawo, kuti: “Baba vakuru kwandiri”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe