Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu Anotuma Vamwe 70 Kundoparidzira
KWAVA kupera kwa 32 N.V., makore matatu akazara chibviro chorubhapatidzo rwaJesu. Iye navadzidzi vake vachangobva kupinda Mutambo waMatumba muJerusarema, uye sezviri pachena ivo vachiri pedyo. Kutaura idi, Jesu anopedza yakawanda zvikurusa yemwedzi mitanhatu yasara youshumiri hwake ari muJudhea kana kuti zvimwe pamhiri poRwizi rwaJoridhani muruwa rwePerea. Iyi ndima inofanira kufukidzwawo.
Chokwadi, pashure pePaseka ya 30 N.V., Jesu anopedza inenge mwedzi misere achiparidzira muJudhea. Asi pashure pokunge vaJudha vaedza kumuuraya imomo paPaseka ya 31 N.V., iye anopedza gore rakatevera racho achidzidzisa munodokuva chose chose muGarirea. Mukati menguva iyoyo, iye akakudza sangano guru, rakasanorovedzwa ravaparidziri, chimwe chinhu akanga asina pamberi pezvi. Naizvozvo zvino anotanga nhimbe yokuparidzira huru yokupedzisira muJudhea.
Jesu anotanga iyi nhimbe kupfurikidza nokusarudza vadzidzi 70 nokuvatuma vaviri vaviri. Nokudaro, pamwe chete kune matimu 35 avaparidziri voUmambo vokushanda ndima yacho. Ivava vanopinda pamberi muguta riri rose nenzvimbo uko Jesu, sezviri pachena achiperekedzwa navaapostora vake, ari kuronga kuuya.
Panzvimbo pokuraira vane 70 kuenda kumasinagoge, Jesu anovaudza kupinda mumisha yavanhu, achitsanangura, kuti: “Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti: ‘Rugare ngaruve neimba ino.’ Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake.” Nderipi rinofanira kuva shoko ravo? “Muchiti kwavari,” Jesu anodaro, “ushe hwaMwari hwaswedera pedyo.” Pamusoro pomubato wavane 70, Matthew Henry’s Commentary, inoshuma, kuti: “Kufanana naTenzi wavo, kupi kana kupi kwavakashanyira, vakaparidzira paimba neimba.”
Miraidzo yaJesu kuvane 70 yakafanana neiyo yakapiwa kuvane 12 apo akatuma ivava panhimbe yokuparidzira muGarirea rinenge gore rimwe pamberi pezvi. Iye haasati achingonyevera bedzi vane 70 nezvechishoro chavachatarisana nacho, kuvagadzirira kupa shoko kuvanasaimba, asi iye anovasimbisa kuti varape vanorwara. Nokudaro, apo Jesu anosvika nokukurumidza pashure paikoko, vazhinji vachava vanodisa kusangana naTenzi ane vadzidzi vanokwanisa kuita zvinhu zvinoshamisa zvakadaro.
Kuparidzira kwakaitwa navane 70 uye basa rokudzokerera raJesu zvinogara kwenguva pfupi zvikuru. Nokukurumidza matimu 35 avaparidziri voUmambo anovamba kudzokera kuna Jesu. “Ishe,” ivo vakataura nomufaro, “kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.” Mushumo webasa wakaisvonaka wakadaro zvirokwazvo unofadza Jesu, nokuti iye anopindura, achiti: “Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni. Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada.”
Jesu anoziva kuti pashure pokuberekwa kwoUmambo hwaMwari panguva yomugumo, Satani namadhemoni ake vanofanira kukandirwa kunze kwedenga. Asi zvino uku kubudiswa kwamadhemoni asingaoneki navanhuwo zvavo kunobatira sechipikirwa chakawedzerwa chechinoitika ichocho chiri kuuya. Naizvozvo, Jesu anotaura nezvokuwa kwomunguva yemberi kwaSatani achibva mudenga sechinhu chechokwadi. Nokudaro, kuri mupfungwa yokufananidzira kuti vane 70 vanopiwa chiremera chokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada. Bva, Jesu anoti: “Musafare bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Jesu anofadzwa zvikuru uye anorumbidza pachena Baba vake nokuda kwokushandisa ava vabatiri vake vanozvininipisa nenzira inoshamisa yakadaro. Achitendeukira kuvadzidzi vake, iye anoti: “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa. Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona, vakasazviona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.” Ruka 10:1-24; Mateo 10:1-42; Zvakazarurwa 12:7-12.
◆ Ndokupi kwakaparidzira Jesu mukati mamakore matatu okutanga oushumiri hwake, uye indimai yaanofukidza mumwedzi yake mitanhatu yokupedzisira?
◆ Ndokupi kunotuma Jesu vane 70 kundowana vanhu?
◆ Neiko Jesu akataura kuti akaona Satani akatowa achibva kudenga?
◆ Vane 70 vakatsika nyoka nezvinyavada mupfungwai?