RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 9/1 pp. 5-6
  • Kutonga Kunoitwa naMwari—Nzira Yakanakisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutonga Kunoitwa naMwari—Nzira Yakanakisisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinjo Huru Yava Pedyo!
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Umambo Huchachinja Pasi Rose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kutonga kwaJehovha Kwaratidza Kuti Kwakarurama!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 9/1 pp. 5-6

Kutonga Kunoitwa naMwari—Nzira Yakanakisisa

NHAU yehurumende inojekesa kuti vanhu vasina kukwana havagoni kushandisa zvakafanira simba pavamwe vanhu. Lord Acton weEngland akati: “Simba rinokombamira kushatisa uye simba rakakwana rinoshatisa chose chose.” Nokudaro, Bhaibheri rinoti: “Munhu akatonga munhu kusvikira kukuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.

Pakuvamba, Jehovha Mwari akapa munhu utongi pamhuka asi kwete pavamwe vanhu. Mwari akaudza Mwanakomana wake akatanga kusikwa mumatenga, kuti: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuvo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:26) Musiki womunhu akanga ari Mutongi wake. Ipapoka, ikoko kwakachinja sei?

Apo munhu akapanduka mubindu reEdheni, iye akaramba Mwari soMutongi wake uye akapfuurira kuita saizvozvo chibviro chenguva iyoyo. (Genesi, ganhuro 3) Ikoku kwakanga kuri pachena muna Israeri wakare, rudzi urwo Mwari akanga asarudza sorwake amene. Apo vaIsraeri vakada mambo wohunhu, Jehovha akaudza muporofita wake Samueri, kuti: “Haasati ari iwe uyo vakaramba, asi ndini uyo vakaramba kuva mambo pavari.”—1 Samueri 8:7, NW.

Kutonga kwaMwari pavaIsraeri kwakanga kwakanaka. Kupfurikidza nomumiriri wake Mosesi, Jehovha akavapa bumbiro remitemo iro rakaratidza kurangarirwa kworudo kwegarikano yavo. Iro rakavadzivirira pahosha dzakawanda ndokusimudzira kurangarirwa kwavakwegura, chirikadzi, uye nherera. Mutemo waida kuremekedzwa kwezvinhu zvavamwe nokutendeseka mukubata kwebhizimisi. Iwo wakashurikidza rusaruro, umboo hwenhema, uye fufuro. Kutonga kwaMwari kwakanga kwakanaka uye kwakarurama zvirokwazvo.

Jehovha akapikira kutonga kwete chete Israeri asi rudzi rwose rwomunhu. Iye aizotora kuvanhu vanotadza simba rokutonga pavamwe vanhu ndokuripa kuMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi. Achideya kutaura ikoku, Mwari akati muuporofita hwaEzekieri: “Zvamazvirokwazvo ihwo hahusati huchizova hwomumwe kutozosvikira iye auya ane maruramiro apamutemo, uye ndinofanira kuhupa kwaari.”—Ezekieri 21:27, NW.

Kwakanga kuri kuna Jesu Kristu uko Mwari akapa maruramiro apamutemo okutonga rudzi rwomunhu somumiriri wouchangamire hwaJehovha. Nemhaka yokuti Umambo hwaMwari kupfurikidza naKristu ndiyo nzira yakanakisisa yokutonga nayo rudzi rwose rwomunhu, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuhunyengeterera. “Munofanira kunyengetera, ipapoka, neiyi nzira,” Kristu akadaro: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, pasi panowo.”—Mateo 6:9, 10, NW.

Kupfurikidza nenzira iyo Jesu akabata nayo vanhu, iye akaratidza rudzi rwomutongi rwaaizova. Kristu zvamazvirokwazvo aiva nengoni, nokuti “akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi.” (Mateo 9:36) Jesu akaratidza rudo rwake rukuru nokuda kwavateveri vake paakati: “Ndinokupai murairo mutsva, kuti imi mudane; kungofanana neni ndakakudai, kuti imiwo mudane.” (Johane 13:34, NW) Iye akada vanhu zvakakwana zvokupa upenyu hwake sorudzikinuro. Chibairo ichocho chinobvirisa avo vanochigamuchira kusunungurwa muchivi, chirwere, uye kunyange rufu.—1 Johane 2:1, 2; Zvakazarurwa 21:1-4.

Achideya kutaura kuti kutonga kwaMwari kupfurikidza naJesu Kristu kwaizova kwakanaka, kwakarurama sei, uye kune rugare, muporofita Isaya akafuridzirwa kunyora, kuti: “Nokuti takazvarirwa mwanakomana, takapiwa mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.”—Isaya 9:6, 7.

Vamiriri vapasi vokutonga kwaMwari vachava vakafanana navarume avo zvino vanoratidzira mavara orudo aJesu savatariri muungano yechokwadi yechiKristu. Kusafanana navakuru vorudzidziso vanodzvinyirira, ava varume vanoratidza itiro hanya yorudo nokuda kweboka, sezvakaita Jesu Kristu. Pamusoro pavarume voumwari vakadaro, muporofita Isaya akanyora kuti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.” (Isaya 32:1) Vamiriri vakadaro voutongi hwaMwari vachabatirawo fariro dzoumwari munyika itsva.—Pisarema 45:16.

Chinjo Huru Yava Pedyo!

Umambo hwaMwari husati hwatora kutongwa kusingakwikwidzwi kworudzi rwomunhu, chinjo huru inofanira kuitika. Iyi chinjo ichagumisa mapoka orudzi. Panzvimbo pehurumende dzavanhu dzinorwisana dzakawanda, kuchava nehurumende imwe yakarurama yokudenga inobatanidza rudzi rwomunhu savanhu vamwe vanorarama murugare. Achideya kutaura ikoku, muporofita Dhanieri akanyora, achiti: “Mumazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchagadza umambo husingatozongoparadzwi. Uye umambo ihwo humene hahuzati huchizopfuuridzirwa kuno rumwe rudzi rupi norupi. Ihwo huchaputsanya nokuparadza maumambo iwaya ose [hurumende dzavanhu], ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44, NW.

Kutonga kwaMwari ndiko mhinduro bedzi kuzvinetso zvehurumende zvinotarisana norudzi rwomunhu nhasi. Mugariro umo vanhu vanozviwana vamene nhasi unotyisidzira kuvapo kwavo kumene! Uye hakuna mushonga wavanhu unogona kushanda. Kwaizova kuchenjera, naizvozvo, kupa ngwariro kumushonga weBhaibheri ndokutarira mberi nechivimbo kunguva isiri kure apo vanhu vano mwoyo wakarurama vachafara mukutonga kusingadenhwi nokwakakomborerwa kunoitwa naMwari.

[Mufananidzo uri papeji 6]

“Mambo achatonga nokuda kwokururama kumene”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe