Kuratidzira “Munhu Wokusateerera Mutemo”
“Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye . . . kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.”—ZVAKAZARURWA 18:4, “NW.”
1, 2. (a) Munhu wokusateerera mutemo anogona sei kuzivikanwa? (b) Chii chiri murangariro waMwari waavo vanoti vanomubatira asi vane mhaka yeropa? (Mateo 7:21-23)
SHOKO raMwari rakadeya kutaura kuuya kwo“munhu wokusateerera mutemo.” Iro rakadeya kutaurawo kuti iri sangano risingateereri mutemo raizo‘paradzwa ndokuurawa’ noMuurayi waMwari wokudenga, Kristu Jesu. (2 VaTesaronika 2:3-8) Seizvo nyaya dzakapfuura dzakaratidza, munhu iyeyo wokusateerera mutemo vakuru vechiKristudhomu. Kare kare ivo vakasiya zvokwadi dzeShoko raMwari ndokugamuchira dzidziso dzechihedheni, dzakadai soUtatu, hero yomwoto, uye kusafa kwomweya. Mukuwedzera, ivo vakabereka mabasa anopesana nemitemo yaMwari. Kufanana naavo Pauro akanyevera Tito pamusoro pavo, “ivo vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, nemhaka yokuti ivo vanonyangadza uye havateereri uye havatenderwi nokuda kwebasa rakanaka rorudzi rupi norupi.”—Tito 1:16, NW.
2 Jesu akati: “Chenjerai vaporofita venhema vanouya kwamuri vane nguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo.” Vaporofita venhema vaizobereka “zvibereko zvisina maturo.” (Mateo 7:15-17, NW) Ufakazi hwechibereko chakashata chavakuru vorudzidziso imhaka yavo huru yeropa. Kwamazana amakore ivo vakatsigira hondo dzamaKristu, bvunzurudzo, uye hondo idzo dzakadeura ropa ramamirioni. Ivo vakanyengeterera uye vakakomborera mativi ose ari maviri muhondo umo mitezo yamarudzidziso avo amene yakaurayana. Mukupesana, muapostora Pauro akakwanisa kuti: “Ini ndakachena paropa ravanhu vose.” (Mabasa 20:26) Vakuru vorudzidziso havana. Kuvakadaro Mwari anozivisa kuti: “Kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.”—Isaya 1:15.
3. Ndizvinoitikai zvoukoshi hwenyika yose zviri kukurumidza kusvika?
3 Nguva yokuti Mwari aite rutongeso rwake pamunhu wokusateerera mutemo iri kusvika nokukurumidza. Nokukurumidza, seizvo Jesu akadeya kutaura, “kuchava nedambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitika zvakare.” (Mateo 24:21, NW) Nguva iyoyo isina muenzaniso yenhamo ichavamba nokuurawa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, urwo rwunobatanidza marudzidziso echiKristudhomu. Masangano ezvamatongerwe enyika “vachaiparadza, nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto. (Zvakazarurwa 17:16) Dambudziko guru richaguma noruparadziko rweyasara yenyika yaSatani paArmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 16:14, 16, NW; Zva 19:11-21.
Vanosungirwa Kuda Vamwe
4. Chii icho avo vanonamata Mwari “nomudzimu nezvokwadi” vanofanira kurangarira?
4 Sezvo izvi zvinoitika zvinokosha zvichakurumidza kuuya papasi rinogarwa, misengwai ina avo “vanonamata Baba nomudzimu nezvokwadi”? (Johane 4:23, NW) Kutanga, ivo vanofanira kurangarira kuti Jesu akati: “Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu ndichigara murudo rwavo. . . . Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane seni ndakakudai imi. Hakuno munhu uno rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurairai ini.”—Johane 15:10-14; 1 Johane 5:3.
5, 6. (a) Chii chakaraira Jesu vadzidzi vake kuita icho chaizovazivisa? (b) Uyu wakanga uri murairo mutsva mupfungwai?
5 MaKristu echokwadi nokudaro anosungirwa kuda vamwe vanhu, zvikurukuru hama dzavo dzechiKristu nehanzvadzi vari munyika dzose. (Mabasa 10:34; VaGaratia 6:10; 1 Johane 4:20, 21) Zvamazvirokwazvo, maKristu biyedu anofanira kuva “norudo rukuru nokuda kwomumwe nomumwe.” (1 Petro 4:8, NW) Rudzi irworwo rworudo pamwero wenyika yose runovazivisa savanamati vechokwadi, nokuti Jesu akati: “Ndinokupai murairo mutsva, kuti mudane; kungofanana neni ndakakudai, kuti imiwo mudane. Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—Johane 13:34, 35, NW.
6 Chiiko chakanga chiri chitsva pamusoro pomurairo iwoyo? Ko vaJudha vakanga vari pasi poMutemo waMosesi havana kurairwa here kuti, “Ida mubiyako sewe umene”? (Revhitiko 19:18, NW) Hungu, asi Jesu akaratidzira chimwe chinhu chokuwedzera paakati, “Kungofanana neni ndakakudai.” Rudo rwake rwakabatanidza kupa kwake upenyu hwake nokuda kwavamwe, uye vadzidzi vake vanofanira kuva vanodisa kuita zvimwe chetezvo. (Johane 15:13, NW) Iwoyo wakanga uri mwero wakakwirira zvikuru worudo, sezvo chibairo chakadaro chakanga chisingadikanwi noMutemo waMosesi.
7. Rudzidzisoiko rwakateerera mutemo worudo muzana rino ramakore?
7 Muzana redu ramakore, rudzidzisoiko rwakateerera uyu mutemo worudo? Zvirokwazvo kwete marudzidziso echiKristudhomu, nokuti iwo akaurayana namakumi amamirioni muhondo mbiri dzenyika nedzimwe rwisano. Zvapupu zvaJehovha izvo zvakateerera mutemo worudo mupasi rose. Izvo zvakachengeta kusatora rutivi chaiko muhondo dzamarudzi, nokuti Jesu akataura kuti vateveri vake vanofanira ku“sava rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Nokudaro, ivo vanogona kutaura, sezvakaita Pauro, kuti ivo “vakachena paropa ravanhu vose.” Somuenzaniso, cherechedza rutivi rwokutanga rwechisarudzo chakagamuchirwa navabatiri vaJehovha pakokorodzano yeWashington, D.C., pana November 27, 1921:
“SamaKristu anovavarira zvapachokwadi kutevera dzidziso dzaKristu Jesu Ishe wedu naVaapostora vake, tinoti: hondo chisaririra choutsinye, chinoparadza tsika dzakanaka noruzvidzo kuvanhu vechiKristu; kuti nheyo dzakadzidziswa naShe Jesu Kristu dzinodzivisa maKristu akazvipira kupinda muhondo, kudeura ropa kana kuti masimba masimba muchimiro chipi nechipi.”
8. Chii chinotaura chinyorwa chenhau pamusoro peZvapupu zvaJehovha mukati meHondo yeNyika II?
8 Murangariro iwoyo wakashandiswa sei mukati meHondo yeNyika II? Muhondo iyoyo yakaipisisa yenhau yose yavanhu, vanhu vane mamirioni 50 vakaurawa. Asi hapana nomumwe akaurawa nomumwe weZvapupu zvaJehovha! Somuenzaniso, vanodokuva vakuru vorudzidziso vose veGermany vakatsigira chiNazi nenzira yokushingaira kana kuti yokusashingaira. Mukupesana, Zvapupu zvaJehovha mukutonga kweNazi zvakachengeta kusatora rutivi chaiko ndokuramba kurumbidza Hitler kana kuti kuva rutivi rwegadziriro yake yehondo. Nokudaro, izvo hazvina kuuraya upi noupi wehama dzazvo dzomudzimu wedzimwe nyika, kana kuti munhu upi noupi zvake. Uye Zvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika dzose zvakarambawo zvisingatori rutivi.
9. Chii chakaitika kuZvapupu zvaJehovha muGermany neAustria muutongi hweNazi?
9 Vazhinji veZvapupu zvaJehovha vakapa mweya wavo nokuda kweshamwari dzavo mukuteerera mutemo worudo. Hwirudzurwo yebhuku rinonzi Kirchenkampf in Deutschland (Kurwa kweChechi muGermany), rakanyorwa naFriedrich Zipfel, rinoti pamusoro peZvapupu: “Makumi mapfumbamwe navanomwe muzana vemitezo yeiri boka duku rorudzidziso vaiva vanyambwa vechitambudzo cheNational Socialism [Nazi]. Chikamu chimwe chezvitatu chavo chakaurawa, zvimwe nokuuraiwa, mamwe mabasa amasimba masimba, nzara, chirwere kana kuti chibharo chouranda. Ukombi hwouku kuiswa pasi hwakanga husina muenzaniso uye hwakanga huri muuyo wokutenda kwakasimba uko kwaisagona kutsinhiraniswa nepfungwa yeNational Socialism.” MuAustria, 25 muzana yeZvapupu zvaJehovha yakaurawa, kurohwa kusvikira kurufu, kana kuti kufa nemhaka yehosha kana kuti kupera simba mumisasa yeNazi.
10. Chivimboi chaiva naavo vakafa nokuda kwokuteerera mutemo worudo?
10 Avo vakaurawa nokuda kwokuteerera mutemo worudo vaiva nechivimbo chokuti “Mwari haasati ari usakarurama zvokukanganwa basa [ravo] norudo [ivo] vakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10, NW) Ivo vaiziva kuti “nyika iri kupfuura uye saizvozvo chishuvo chayo, asi iye unoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17, NW) Ivo vaiva netariro yechokwadi yokumutswa vachirangarira upenyu husingagumi.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
11. Vabatiri vaJehovha vakasiana munzirai, uye huporofitai huri kuzadzikwa mavari?
11 Vabatiri vaJehovha vakasiana mukuteerera mutemo wakataurwa naPetro navamwe vaapostora kudare rapamusoro: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29, NW) Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinoita ikoku, zvinotsigirwa ne“mudzimu mutsvene, uyo Mwari akapa kuavo vanomuteerera somutongi.” (Mabasa 5:32, NW) Iroro ndiro simba rinozvigonesa kuita uporofita huri pana Isaya 2:2-4. Ihwo hwakadeya kutaura kuti munguva yedu kunamata kwechokwadi kwaizosimbiswazve uye kuti vanhu vanobva mumarudzi ose naachimbova marudzidziso vaizodirana kwarwuri. Muuyo mumwe waizova: “Ivo vachafanira kupfura minondo yavo kuva miromo yamapadza namapfumo avo kuva zvisanzauriso. Rudzi harusati ruchizosimudzira munondo rudzi, uyewo havasati vachizodzidzazve hondo.” Nemhaka yokuti vabatiri vaJehovha vari kugadzirira nokuda kwoupenyu mutsika itsva ine rugare, havasati vachizodzidzazve hondo. Ivo vanodzidza mutemo worudo.—Johane 13:34, 35.
12. Avo vanoteerera mutemo worudo vanofanira kuitirei vamwe?
12 Sezvo rudo rwechiKristu ruchibatanidza ‘kuda muvakidzani wako sewe umene,’ vabatiri vaMwari havagoni kuva noudyire pamusoro pezvavanoziva. (Mateo 22:39, NW) Kuchine vamwe vazhinji vangada kubatira Mwari ndokurarama munyika yake itsva. Nguva zvaichiripo, ivavowo vanofanira kudzidza pamusoro pomutemo worudo nedzimwe zvokwadi dzakawanda dzine chokuita naChangamire Wapose pose, Jehovha Mwari. Ivo vanofanira kudzidziswa kuti Jehovha oga akafanirwa nokunamata kwedu uye kuti kunamata ikoko kunofanira kuitwa sei. (Mateo 4:10; Zvakazarurwa 4:11) Avo vakatodzidza izvi zvinhu vane musengwa wokuudza vamwe pamusoro pazvo kuitirawo kuti ivowo vagopinda munyasha dzaJehovha.—Ezekieri 33:7-9, 14-16.
Kuratidzira Munhu Wokusateerera Mutemo
13. Sorutivi rwouchapupu hwedu hwenyika yose, chii chatinofanira kuzivisa, uye nei?
13 Jesu akataura kuti “mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Sorutivi rwouchapupu ihwohwu hwenyika yose, vabatiri vaMwari vane musengwawo wokuzivisa rutongeso rwake parudzidziso rwenhema, zvikurukuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu. Ivava vane mhaka zvikuru pamberi paMwari nemhaka yokuti vanotaura kuva vechiKristu. Ivo vanofanira kuratidzirwa kuitira kuti avo vanoda kubatira Mwari vagogona kusunungurwa mupesvedzero yavo uye vagogona kuita nhanho dzakafanira nokuda kwokurupukunyuko. Jesu akati: “Zvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.
14. Ishokoi rakajeka rinofanira kuziviswa pamusoro porudzidziso rwenhema?
14 Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuzivisa iri shoko rakafuridzirwa pamusoro porudzidziso rwenhema: “Budai mariri vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro. . . . Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; zvichapiswa kwazvo nomwoto, nokuti [Jehovha, NW] Mwari unoritonga, une simba.”—Zvakazarurwa 18:4-8.
15. Gore ra 1914 rakaita rutivii murudungwe rwenguva rwaJehovha, uye chii chakavapo pashure peHondo yeNyika I?
15 Mauporofita eBhaibheri anoratidza kuti “mazuva okupedzisira” etsika ino yezvinhu akavamba mugore rinotambudza ra 1914. (2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 24:3-13) Chibviro chenguva iyeyo tave tiri mu“nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Pashure chaipo peHondo yeNyika I, mutsinhirano norudungwe rwenguva rwaJehovha, vabatiri vake vakavamba kukudza nesimba kwazvo ziviso yavo yoUmambo hwaMwari sezvakadeya kutaurwa pana Mateo 24:14. Ivo vakavambawo kuratidzira rudzidziso rwenhema zvakasimba zvikuru, zvikurukuru boka ravakuru vorudzidziso risingateereri mutemo rechiKristudhomu chakawa pakutenda.
16. Kuratidzirwa kwomunhu wokusateerera mutemo kwakava nesimba sei kwamakore anopfuura 70?
16 Kwaanopfuura makore 70 zvino, nesimba guru nguva dzose, vabatiri vaMwari vakasvinudzira vanhu kumubato unonyengera womunhu wokusateerera mutemo. Kwaingova bedzi neZvapupu zvine zviuru zvishomanene zvaiita iri basa pashure peHondo yeNyika I. Asi zvino ivo vazova “rudzi rune simba” rwavashumiri vanoshingaira vanopfuura mamirioni matatu nehafu vakarongwa muungano dzinopfuura 60 000 mupasi rose. (Isaya 60:22) Pamwero unokura, vabatiri vaMwari vari kuzivisa nokushingaira Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu uye, panguva imwe cheteyo, vari kuratidzira vakuru vorudzidziso nokuda kwezvavari—munhu anonyengera wokusateerera mutemo.
Neiko Nesimba Kwazvo?
17. Neiko vabatiri vaJehovha vakaratidzira nesimba kwazvo munhu wokusateerera mutemo?
17 Neiko vabatiri vaJehovha vakaratidzira nesimba kwazvo munhu wokusateerera mutemo aya makore ose? Nemhaka yokuti mamirioni eboka guru ramakwai aJehovha ayo atova munzira yokuruponeso anofanira kudzivirirwa panyika yaSatani norudzidziso rwayo rwenhema. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9-14) Uyezve, kutoti vakuru vorudzidziso vakaratidzirwa, vanhu vane mwoyo wakatendeseka avo vachigere kuva rutivi rweboka raMwari havasati vaizoziva nzira yokudzivisa nayo nzira yakaipa. Naizvozvo vanofanira kuziviswa, seizvo Jesu akazivisa vanhu apo iye akati pamusoro pavatungamiriri vorudzidziso vanonyengera vezuva rake: “Mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu achawira mugomba ose ari maviri.”—Mateo 15:14; onawo 2 VaKorinte 4:4; 11:13-15.
18. Vatsvaki vezvokwadi vanofanira kuziva chii?
18 Vakuru vorudzidziso rutivi rwenyika yaSatani. (Johane 8:44) Asi iyo inyika iyo Mwari achakurumidza kuparadzanya. (2 Petro 3:11-13; 1 Johane 2:15-17) Naizvozvo Shoko raMwari rinonyevera, kuti: “Aninaani, naizvozvo, anoda kuva shamwari yenyika ari kuzviita amene muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4, NW) Vakuru vorudzidziso vanofuratira nyevero iyoyo uye vanopfuurira kupindira mune zvamatongerwe enyika. Ivo vanoudza vateveri vavo kuti nyika iri nani ichauya kupfurikidza nenhamburiko dzematongerwe enyika. Asi iyoyo itariro yenhema, sezvo nyika ino iri pasi paSatani yava kuparara. Naizvozvo vanhu vanotarira kunyika ino nokuda kwetariro vari kunyengedzwa. Ivo vanofanira kuudzwa zvokwadi pamusoro pouko nyika iri kunanga uye chichatora nzvimbo yayo.—Zvirevo 14:12; 19:21; Mateo 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:4, 5.
19. Kuva venyika kwavakuru vorudzidziso kwakaratidzirwa sei muzvinobudisa nhau munguva dzichangobva kupfuura idzi?
19 Kuva venyika kwavakuru vorudzidziso kwakatoratidzirwa muzvinobudisa nhau munguva dzichangobva kupfuura idzi, somuenzaniso mitoo youpenyu youtere neyoumbozha yavakuru vorudzidziso vomuTV. Mumwe munyori wenziyo wazvino uno akaronga rwiyo rune musoro, unoti: “Jesu Aizopfeka here [wachi] yeRolex ye[$10,000] Mushoo Yake yeTerevhizheni?” Rwiyo rwacho runopfuurira kuti: “Jesu aizova wezvamatongerwe enyika here kana Iye akadzokera kupasi, kuva nomusha Wake wechipiri muPalm Springs [youmbozha] ndokuedza kuvanza faniro Yake?” Mukuwedzera, vakuru vorudzidziso vazhinji zvikuru vanofuratira kana kuti vanoshandisa vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano. Kunyange zvino Chechi yeKaturike muUnited States iri kubhadhara mamirioni amadhora mudhemeji kubhadharira vaprista vane mhaka yokuchinya vana.—VaRoma 1:24-27; 1 VaKorinte 6:9, 10.
20. Neiko vabatiri vaMwari vachifanira kuramba vachiratidzira munhu wokusateerera mutemo?
20 Chakaipa chakadaro hachigoni kufuratirwa navabatiri vaMwari asi chinofanira kuratidzirwa nokuda kwebetserwo yavamwe. Boka guru ramamwe makwai rinofanira kudzivirirwa paavo vangaedza kuvatungamirira kuti vapunze mitemo yaMwari. Uye avo “vanogomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zviri kuitwa” vanofanira kutsvakwa ndokuunganidzwa kunhungamiro inodzivirira yoMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari, uye “mufudzi akaisvonaka,” Kristu Jesu.—Ezekieri 9:4; Johane 10:11; Zvirevo 18:10.
21. Chii icho Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kuzivisa?
21 Naizvozvo, vanhu vaMwari havasati vachizozengurira kuzivisa matsive ake panyika yose yaSatani, kubatanidza munhu wayo wokusateerera mutemo, vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu. Ivo vachazivisa nesimba shoko rengirozi raZvakazarurwa 14:7, rinoti: “Ityai Mwari mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika.” Uye ivo vachabatanidza muiyi ziviso yenyevero inokosha yaZvakazarurwa 18:4 (NW) pamusoro porudzidziso rwenhema: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro, uye . . . kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.”
Mibvunzo Yehwirudzuro:
◻ Ndoupi uchava mugumo womunhu wokusateerera mutemo, uye nei?
◻ Musengwai une vabatiri vaJehovha pamusoro pavamwe?
◻ Vanhu vaJehovha vakaramba sei vasina ropa ravanhu vose?
◻ Chii chatinofanira kuita pamusoro peBhabhironi Guru?
◻ Neiko tichapfuuridzira shoko redu rine simba pamusoro pomunhu wokusateerera mutemo?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vaapostora vakaudza dare rapamusoro, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vanhu vapachokwadi vanofanira kuziva uko nyika namarudzidziso ayo zviri kunanga