Uchabetserwa Nomutsa Usakafanirwa Here?
“APO ndakadzidza zvikuru mipimo yaMwari iri muBhaibheri, ndakanzwa ndisingafanirwi zvikuru nenyasha dzake nechikomborero,” akadaro Frank. Fariro yake muBhaibheri yakanga yanyandurwa paakanga ari mutorongo nokuda kwemhaka dzemirimo. Iye akarava kopi yebhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi,a akanzwa chokwadi chokuti zvarakataura yakanga iri zvokwadi, uye, pashure pokusunungurwa mutorongo, akaonana neZvapupu zvaJehovha kuti adzidze zvakawanda pamusoro peBhaibheri.
Neiko kufunda Bhaibheri kwakamuita anzwe asina maturo? Nemhaka yokuti mutoo woupenyu hwake hwomunguva yakapfuura hwakanga hwapunza dzakawanda dzenheyo dzaMwari. Kushandiswa zvisakafanira kwemirimo, kushandiswa zvisakafanira kwezvinodhaka, uye dzimwe tsika dzakasiana-siana dzakashata dzakanga dzamuderedza kwazvo zvokuti pane imwe nhambo mupurisa akati kwaari: “Ndapota ungandiudza here kero yomusha wako? Ndinongoda zvangu kuziva kwokutumira chitunha chako!”
Kwakamuita gare gare kuti anzwe asina maturo zvikurusa, kunyanguvezvo, kwakanga kuri kuti pasinei zvapo nokuti akaedza zvakaoma sei, akakuwana kwakaoma zvikuru kukurira idzi tsika dzisina kuchena dzakasimba. Kubata kwakaipa kwoudhakwa, somuenzaniso, kwakadokumukurira. “Ndakanga ndakundikana ndakundikanazve zvinosiririsa uye ndakanga ndaora mwoyo zvikuru,” iye akadaro. “Ndakadokutera chose chose, ndichinzwa kuti ndakanga ndisina maturo.”
Vamwe vangave vasina kuva nenguva yakapfuura yakadaro saFrank. Asi ivo, kunyanguvezvo, vangave nemirangariro mikuru yokusakwanisa. Ikoku kungadaro nemhaka yokuti ivo vanozvigadzira vamene mipimo yakakwirira zvisina mufungo sezvavanoedza kurarama mukuwirirana neizvo vanorangarira kuti mirairo yaMwari. Apo vanokundikana, ivo vanonzwa vane mhaka. “Kuva nemhaka kunogona kuva chinoitika chisingafadzi zvikuru,” anotsanangura kudaro Dr. Claire Weekes mubhuku rake Self-Help for Your Nerves, “zvikurukuru kuavo vari kuedza kuzvigadzira vamene mupimo wakakwirira.” Chii chinogona kuita muKristu kana achitapurwa nemirangariro yakadaro yokuva asina maturo?
Nzwisisa Mutsa Usakafanirwa
“Chinhu chimwe chakandibetsera zvikuru kwazvo,” akadaro Frank, “kwakanga kuri kunzwisisa chinotaura Bhaibheri pana VaHebheru 4:15, 16, (NW).” Muapostora Pauro ipapo anotiyeuchidza kuti Jesu mubetseri anoitira hanya uyo anogona “kunzwira tsitsi utera hwedu” uye uyo akaita kuti kutibvirire ku“wana ngoni ndokuwana mutsa usakafanirwa nokuda kwebetsero panguva yakafanira.”
Iwe ungada here nhungamiro kukukurira mirangariro yokuva asina maturo? Ndeiyi: Yeuka kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoziva kuti isu tine utera nemhaka yokusakwana kwakagarwa nhaka. Ivo vanonzwisisa kuti isu hatigoni kuwirirana zvakakwana nemipimo yakarurama. (Pisarema 51:5; VaRoma 3:23; 5:12, 18; Jakobho 3:2) Ivo naizvozvo havakariri zvakawanda kupfuura zvatinogona kupa. Ivo vanotsvaka mapfundo edu akanaka, kwete utera hwedu. Wezvamapisarema akabvunza, kuti: “Dai imi, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Iwe unogona kunzwisisa kuti hakuna nomumwe wedu aigona. Kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu, zvisinei, Jehovha anogona kutipa nenzira yengoni chimiro chakachena pasinei zvapo nokusakwana kwedu. (1 Johane 2:2; 4:9, 10) Tinogona kuwana “kanganirwo yokudarika kwedu”—uye nokudaro kubetserwa kukurira mirangariro ipi neipi yokuva asina maturo—“mukuwirirana nepfuma yomutsa wake usakafanirwa.”—VaEfeso 1:7, NW.
Kurangarire neiyi nzira. Vanhu vanoda zviyevwa vachaita zvose zvavanogona kudzorera mifananidzo yakakuvadzwa zvakashata kana kuti zvimwe zviyevwa. Apo, somuenzaniso, muNational Gallery muLondon, England, mumwe munhu aiva nechifefe akakuvadza mufananidzo unosetsa waLeonardo da Vinci inokosha mamirioni £20 [anenge mamirioni $64, amadhora eZimbabwe] hakuna munhu akakarakadza kuti sezvo mufananidzo wacho zvino wakakuvadzwa, unofanira kuraswa. Basa rokudzorera chiyevwa chagara makore 487 rakatanga nokukurumidza. Neiko? Nemhaka yokuti chakanga chichikosha mumeso avadi vezviyevwa.
Iwe hauna kufanira kupfuura mufananidzo wechoko nezimbe here? Mumeso aMwari iwe wakadaro zvamazvirokwazvo—pasinei zvapo nokuti ungave wakakuvadzwa sei nokutadza kwakagarwa nhaka. (Pisarema 72:12-14; Mateo 20:28) Jehovha Mwari, Musiki wapakuvamba ane unyanzvi wemhuri yavanhu, achaita chiri madikanwa kudzorera kukukwana mitezo yemhuri iyoyo inodisa kugamuchira tarisiro yake yorudo.—Enzanisa naMabasa 3:21; VaRoma 8:20-22.
Gamuchira Mutsa Usakafanirwa
Tevera muenzaniso womuapostora Pauro. Iye akaonga zvikuru kwazvo mutsa waMwari mukumukanganwira nengoni zvikanganiso zvake zvomunguva yakapfuura pamwe chete nomukutsigira nguva dzose rwisano yake yokukurira utera hunopfuurira. (VaRoma 7:15-25; 1 VaKorinte 15:9, 10) Pauro akaruramisa upenyu hwake uyewo ‘akarova muviri wake ndokuutungamirira somuranda’ kuti arambire munzira inotenderwa naMwari. (1 VaKorinte 9:27) Iye haana kurega muviri wake, nekombamiro dzawo dzomuviri dzokutadza nemirangariro, zvichimutungamirira somuranda.
Gamuchira mutsa usakafanirwa waMwari, uye ngaukutungamirire kurupfidzo. (VaRoma 2:4; 2 VaKorinte 6:1) Kana zvakaipa zvomunguva yakapfuura zvichikunetsa, zviruramise uye ipapo davira chipikirwa chaJehovha chokuti akukanganwira. (Isaya 1:16-18; Mabasa 2:38) Kana utera hunopfuurira huchikutambudza, ramba uchihurwisa. Nyengetera zvapachokwadi nokuda kwebetsero yaJehovha yokuhukurira apo panguva imwe cheteyo unozvikandira umene pangoni dzake. (Pisarema 55:22) Achishandisa chinoitika chake amene, Frank anopa zano, achiti: “Apo mumwe munhu pane imwe nhambo anokundikana mukurwisana kwake netsika yakashata yakati, haafaniri kukurangarira sekundikano yachose chose, yokupedzisira asi, panzvimbo pezvo, semhinganidzo yechinguvana.” Kana vamwe vachiwedzera kuzvinetso zvako kupfurikidza nokuda zvakawanda kwauri kupfuura zvaunogona kupa, yeuka kuti ndiMwari wauri kuedza kufadza, kwete vanhu.—VaGaratia 1:10.
Mukurwa kwako kuita chiri chakarurama, dzivisa “mabasa amanomano” aSatani, ayo anogona kunzi “maminimini akaipa aDhiabhorosi.” (VaEfeso 6:11, Reference Bible, mashoko omuzasi; Today’s English Version) Rangarira “maminimini akaipa” maviri ayo iye achashandisa kuedza kukutorera betsero dzomutsa usakafanirwa.
“Maminimini” Akaipa aSatani
Dhiabhorosi anoshandisa mirangariro yokuva asina maturo kuedza kukubvisa kuna Mwari. Satani ndiye manyuko echivi icho chakakukuvadza pakutanga. Zvino iye angaedza kukurudzira kunzwa kwokuti hauna maturo mumeso aMwari, seizvo Bhirdhadhi akaedza kuita kuna Jobho. (Jobho 25:4-6; Johane 8:44) Ihondo ngani dzakakundwa nemhaka yokuti varwi vakapinda mukurwa vatoodzwa mwoyo! Naizvozvo, usarega Satani achikuodza mwoyo. (VaEfeso 6:10-13) Kuziva mazano aSatani kunofanira kukunyandura kurwa nesimba zvikuru kuita chiri chakarurama.—2 VaKorinte 2:11.
Kana panhambo yakati ukasuruvariswa nekundikano dzorudzi rwakati, iva nechokwadi chokuti hausati ‘uchikurirwa nokunyanyosuruvara.’ (2 VaKorinte 2:7) Dr. Claire Weekes akatsinhira pamusoro pekombamiro yavamwe yokurega kundikano dzomunguva yakapfuura dzichivakurira: “Kurega kuva nemhaka kwomunguva yakapfuura kuchikuvadza chiito chazvino kurarama kunoparadza.”—Ona Mabasa 3:19.
Kudai taigona kusvitsa zvinodikanwa zvose zvaMwari zvakakwana, waizova mutsa wakafanirwa kuti iye atipe zvikomborero zvaakapikira. Asi Jehovha Mwari naJesu Kristu vari kutiratidza mutsa “usakafanirwa.” A Greek-English Lexicon of the New Testament, yakanyorwa naJ. H. Thayer, inotsanangura revo yeshoko rakashandiswa nomuapostora Pauro kurondedzera iri vara raMwari: “Shoko racho [khaʹris] rine pfungwa yomutsa uyo unoisa pamunhu chaasina kufanirwa nacho.” Hakuna mabasa edu anogona kuwana chikomborero chaMwari. Sezvinotaura Pauro, mutsa usakafanirwa. Kana iwe uri kuita zvapachokwadi zvose zvaunogona kuita mukati meganhuriro dzako kuita misengwa yako kuna Mwari, farira kuita izvozvo. Jehovha haakumbiri zvinopfuura izvozvo kwauri.
Ngwarira, zvisinei, mamwe a“maminimini akaipa” aSatani. Iye anotsausa vamwe kupinda mukufunga kuti ivo vanogona kushandisa zvisakafanira mutsa usakafanirwa waMwari, kuti ivo vanogona kushandisa zvisakafanira ngoni dzake. Jehovha anokanganwira norudo utera hwedu, asi ikoko hakurevi kuti tinogona kurega kurwa kwokuhukunda. Pauro akarondedzera vamwe vakanga “vatsika Mwanakomana waMwari uye . . . vashatirisa mudzimu womutsa usakafanirwa noruzvidzo.” (VaHebheru 10:29, NW) Ivava vakanga vasina kuratidza ruremekedzo nokuda kwenheyo dzakarurama uye vamhura noruzvidzo mitemo yaMwari, vachizviisa vamene kusingasviki dzorero. Munun’una kuna amai vaJesu Judhasi, uyo akaona ngozi yakaiswa navanyengeri vakadaro vaSatani, akanyora, kuti: “Varume vakati vakaverevedza mu[ungano], . . . varume vasina umwari, vanoshandura mutsa usakafanirwa waMwari wedu kuva pembedzo yokusazvibata.”—Judhasi 4, NW.
Satani anganyengedza vakadaro kupinda mukufunga kuti ivo vanogona kupinda zvikuru namaune muchakaipa uye ipapo kukumbira Mwari kukanganwira chivi chavo. Asi Jehovha haasati achizokanganwira vapunzi vamaune vakadaro vemitemo yake. Iye ane “mutsa worudo mukuru” kuavo vanovavarira kumubatira zvakanakisisa sezvavanogona pasinei zvapo nokusakwana kwavo. “Asi iye haasati achizotongohesvura muchirango” apo chinenge chakafanira.—Eksodho 34:6, 7, NW.
Unogona Kubetserwa Nomutsa Usakafanirwa
Kunonyaradza kuziva kuti Jehovha haakurangariri bedzi uri mumugariro wako wokusakwana, wakakuvadzwa. Iye anoziva chaunogona kuva apo masimba okudzorera echibairo chorudzikinuro chaJesu anoshandiswa zvizere. Nyengetera nechivimbo kuna Jehovha, naizvozvo, sezvakaita wezvamapisarema Dhavhidhi. “Ndinzwirei tsitsi, Mwari,” akadaro Dhavhidhi, “nokuda kwounyoro hwenyu, dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, dzimai zvakaipa zvangu zvose. . . . Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.”—Pisarema 51:1-3, 9, 17.
Kudarika kwako nekundikano zvingava pamberi pako nguva dzose. Padzimwe nguva unganzwa somwanakomana anopambadza akarondedzerwa naJesu. Apo iri jaya rakadzokera kumusha pashure pokupambadza zvinonyadzisa nhaka yaro munzvimbo dzokumwe, rakataura kuna Baba varo, kuti: “Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu”! (Ruka 15:21) Iri jaya raiva nechimiro chakarurama, zvisinei. Iro harina kuramba mutsa wababa waro uyewo harina kuedza kuushandisa zvisakafanira. Naizvozvo baba waro akarigamuchira norudo richipinda mumhuri. (Ruka 15:20-24) Jehovha anofara kuita zvimwe chetezvo nhasi nokuda kwavanhu vanotadza vanoedza zvapachokwadi kuita kuda kwake.—Pisarema 103:8-14; Isaya 55:7.
Frank haana kubvumira mirangariro yokuva asina maturo kumukurira. Iye akagamuchira mutsa usakafanirwa waMwari, uye iye zvino anobatira somubatiri anoshumira muimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. “Ndinosvetuka nokuda kwomufaro zvino,” iye anodaro, “apo ndinofunga nezveizvo Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira uye vachigere kutiitira!”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.