Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
“Achamugadza pazvinhu zvake zvose.”—RUKA 12:44, “NW.”
1. Muumamboi umo Kristu akavamba kutonga muna 33 N.V., uye nomutooi?
PAPENTEKOSTA ya 33 N.V., Jesu Kristu, Musoro weungano, akavamba kutonga nenzira yokushingaira muumambo hwavaranda vake vakazodzwa nomudzimu. Seiko? Kupfurikidza nomudzimu mutsvene, ngirozi, uye mutumbi unodzora unooneka. Sokuratidzira kwakaita muapostora Pauro, Mwari ‘akanunura vakazodzwa musimba rerima ndokuvapinza muumambo hwoMwanakomana worudo rwake.’—VaKorose 1:13-18; Mabasa 2:33, 42; 15:2; VaGaratia 2:1, 2; Zvakazarurwa 22:16.
2. MuUmamboi hukuru umo Kristu akavamba kutonga muna 1914?
2 Pamugumo we“nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” Jehovha akawedzera simba roumambo raKristu, achiritambanudza kupfuura ungano yechiKristu. (Ruka 21:24) Hungu, mugore ra 1914, Mwari akapa Mwanakomana wake simba roumambo pa“marudzi,” “umambo hwenyika,” rudzi rwose rwomunhu.—Pisarema 2:6-8; Zvakazarurwa 11:15.
Akagadzwa “Pazvinhu Zvake Zvose”
3, 4. (a) Mumuenzaniso waJesu wepondo, ndiani akamirirwa nomunhu mukuru? (b) Ichinjoi dzoUmambo dzakaitika muna 1918 na 1919?
3 Chinokosha pano muenzaniso waJesu womumwe munhu mukuru. (Ruka 19:11-27) Asati aenda kundowana simba roumambo, munhu wacho akapa varanda vake mari (pondo) yokushandisa. Pakudzoka, uyu munhu, anomirira Kristu, akadanira pamberi pake “varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.” (Ruka 19:15) Ikoku kwakashanda sei pashure pokunge Jesu awana simba roumambo?
4 Muna 1918 Mambo akagadzwa pachigaro choumambo Jesu Kristu akawana boka duku ramaKristu akanga atosiya machechi echiKristudhomu uye akanga akabatikana mukutarisira fariro dzapasi dzaTenzi wavo. Pashure pokuvanatsa senemoto, Jesu akapa varanda vake simba rakawedzerwa muna 1919. (Maraki 3:1-4; Ruka 19:16-19) Akavagadza “pazvinhu zvake zvose.”—Ruka 12:42-44, NW.
“Migove Yezvokudya Panguva Yakafanira”
5, 6. (a) Mugovei mukuru uyo mutariri waKristu akagamuchira? (b) Mauporofitai aifanira kuzadzikwa pashure pa 1914, uye boka romutariri raifanira kutora rutivi sei nokushingaira muzadziko yawo?
5 Mambo anotonga Jesu Kristu akapa mugove wakakudzwa kumutariri wake, kana kuti mutarisiri weimba, pasi pano. MaKristu akazodzwa aifanira kuva “nhume” dzaMwari dzinotsiva mambo ane korona akapiwa simba rokutonga pamarudzi ose apasi. (2 VaKorinte 5:20; Dhanieri 7:14) Mutoro wavo wose wakanga usati uchafanira kuva bedzi uya wokupa mutumbi waKristu wavarindiri vakazodzwa “mugove wavo wezvokudya nenguva yakafanira.” (Ruka 12:42, NW) Vakanga zvino vachifanira kutora rutivi rwokushingaira mukushanda kwamauporofita aizozadzika pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914.
6 Ikoku kwakarevei chaizvoizvo? Kwakareva kufutunura paridzirwo ya‘aya mashoko akanaka oumambo kupasi rose rinogarwa.’ (Mateo 24:14) Uyezve, kwakareva kuzivisa mashoko ane simba orutongeso patsika yakaipa yaSatani navatsigiri vayo. Ikoku kwakava nomuuyo wo‘kuzunungusa marudzi.’ Nokudaro, “zvinhu zvinodikanwa,” “mamwe makwai” aKristu, akavamba kupinda. (Hagai 2:7; Johane 10:16) Kuvambira muna 1935 zvichienda mberi, “boka guru” rakavamba kudirana musangano raJehovha munyika yose. (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW) Ikoku kwakaraira vandudziko dzinofambira mberi musangano. Kutaura nenzira yokufananidzira, mabwe aifanira kutsiviwa nedare, matanda nendarira, dare nesirivha, uye ndarira nendarama. (Isaya 60:17) Kwose ikoku kwakaitika chibviro cha 1919 munhungamiro yokushingaira neyapedyo yaJesu Kristu, uyo akapa fariro dzake dzose dzoUmambo dzapasi, kana kuti zvinhu, kuboka rake romuranda akatendeka noMutumbi wake Unodzora.
7. Mitoro yakawedzerwa yomutariri yakabatanidzei?
7 Tinogona kunzwisisa zviri nyore kuti mutwaro wakawedzerwa womutoro uri pamuranda waTenzi, mutariri, kana kuti mutarisiri wemba wakabatanidza kunyora kwakawanda nemibato yokupepeta nhau. Migove yezvokudya zvomudzimu yaifanira kubudiswa nguva dzose panguva yakafanira muNharireyomurindi. Muna 1919 The Golden Age (magazini biyayo gare gare yakazova Consolation, uye ipapo Mukai!) yakavamba kubudiswa kunyandura fariro yavanhu, mukuwedzera kukuvaka “veimba.” (Mateo 24:45, NW) Mabhuku akawanda, mabhukwana, uye maturakiti zvakabudiswawo mumakore apfuura.
Kunatsa Kunopfuurira
8. Mitezo yoMutumbi Unodzora yakatanga kuzivikanwa nei, uye kutaurai uko The Watchtower yakaita muna 1944?
8 Tichitarira shure muino “nguva yomugumo,” hatishamiswi kuti mitezo yoMutumbi Unodzora pakutanga yakazivikanwa zvikuru navapepeti venhau veWatch Tower Society. (Dhanieri 12:4) Nyaya inoti “The Theocratic Alignment Today,” yakabudiswa muThe Watchtower yaNovember 1, 1944, yakati: “Nenzira ine mufungo, avo vakapiwa kubudiswa kwezvokwadi dzeBhaibheri dzinoziviswa vairangarirwa somutumbi unodzora wakasarudzwa waShe wokutungamirira vose vaishuva kunamata Mwari mumudzimu nomuzvokwadi nokumubatira vakabatana mukuparidzira idzi zvokwadi dzinoziviswa kuvamwe vane nzara nenyota.”
9. Mutumbi Unodzora gare gare wakasvika pakusanozivikanwa nechii, uye nei?
9 Paiva nezvinodikanwa zvapamutemo zvaibatanidzwa mukubudisa magazini nedzimwe yamuro dzefundo yeBhaibheri. Nokudaro, Watch Tower Bible and Tract Society yakaumbwa ndokunyoreswa munyika yePennsylvania, U.S.A. Kwamakore, Mutumbi Unodzora unooneka wakasvika pakuzivikanwa neboka remitezo minomwe ravatungamiriri weiri sangano rakatangwa kubudisa yamuro dzefundo yeBhaibheri dzinodikanwa ndokushandiswa navanhu vaTenzi pasi pose.
10, 11. Kunatsai kwakaitika muna 1944, uye itsinhiroi yakaitwa pamusoro paikoku muThe Watchtower?
10 Vatungamiriri vanomwe veSosaiti vaiva maKristu akatendeka. Asi nzvimbo yavo musangano rapamutemo ingave yakakarakadza kuti vaiva nenzvimbo dzavo muMutumbi Unodzora nemhaka yokusarudzwa kwavo nemitezo yapamutemo yeWatch Tower Society. Kupfuurirazve, nomutemo umutezo hwakadaro namaropafadzo ahwo okuvhota zvakapiwa pakuvamba bedzi kuvakati kuti vakaita mipiro kuSosaiti. Iyi gadziriro yaifanira kuchinjwa. Ikoku kwakaitwa pamusangano wegore negore wesangano rePennsylvania reWatch Tower Society wakaitwa pana October 2, 1944. Mitemo yeSosaiti yakagadziridzwa kuitira kuti umutezo hugozorega kuvazve pahwaro hwemari. Mitezo yaizosarudzwa pakati pavabatiri vakatendeka vaJehovha, uye ivava vakasvika pakubatanidza vazhinji vanobatira nguva yakazara padzimbahwe reSosaiti muBrooklyn, New York, uye mumapazu ayo munyika yose.
11 Ichishuma pamusoro peiyi vandudziko, The Watchtower yaNovember 1, 1944, yakati: “Mari, seinomirirwa mumipiro yemari, haifaniri kuva nenzwi rinosarudza, haifaniri kutaura idi kuva nechokuita nokuzadzwa kwomutumbi unodzora wezvapupu zvaJehovha pasi pano. . . . Mudzimu mutsvene, simba rinobate basa rinobva kuna Jehovha Mwari kupfurikidza naKristu Jesu, ndiwo unofanira kusarudza ndokutungamirira munhau yacho.”
Wakasiana Neboka Ravatungamiriri
12. Chii chinoratidza kuti Jehovha akakomborera kunatsa munhungamiro yoMutumbi Unodzora?
12 Fambiro mberi yebasa rokuparidzira mukati mamakumi amakore akatevera kunobvumikisa kuti Jehovha akakomborera kunatsa kuchangobva kududzwa mukunzwisiswa kwoMutumbi Unodzora. (Zvirevo 10:22) Chokwadi, chiverengero chavazivisi voUmambo mupasi rose chakasvetuka kubva pasi pe 130 000 muna 1944 kusvikira ku 1 483 430 muna 1970! Asi dzimwe vandudziko dzaizouya.
13. (a) Kutozosvikira muna 1971, chii chaiva mugariro pamusoro poMutumbi Unodzora? (b) Chii chakaitika pamusangano wegore negore weSosaiti muna 1971?
13 Kutozosvikira muna 1971 avo voMutumbi Unodzora vakanga vachiri kuziviswa nemitezo minomwe yeboka ravatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Purezidhendi weSosaiti aitakura mutwaro mukuru womutoro wokuita zvisarudzo zvinotapura kushanda kwamapazu eSosaiti kupote nyika yose. Asi hurukuro dzinokosha zvikuru dzakapiwa pamusangano wegore negore wakaitwa pana October 1, 1971. Purezidhendi weSosaiti akataura pamusoro unoti “Kupinza Nzvimbo Tsvene Mumugariro Wakarurama,” uye mutevedzeri wapurezidhendi pamusoro unoti “Mutumbi Unodzora Sowakasiana Nesangano Rapamutemo.” Musianoi uripo pakati poMutumbi Unodzora nesangano rapamutemo?
14. Misianoi iripo pakati pesangano rapamutemo noMutumbi Unodzora?
14 Sezvatodudzwa, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ine boka ravatungamiriri rakaganhurirwa kumitezo minomwe. Ava varume vechiKristu vakazvitsaurira vanosarudzwa kwenhambo dzamakore matatu nemitezo yesangano inoita hwerengedzo yavasingapfuuri 500, voruzhinji vavo havasiri maKristu akazodzwa. Uyezve, sezvo kuvapo kwesangano kuri kwapamutemo zvikuru, nedzimbahwe rapasi rakagadzwa, rinogona kupedzwa naKesari, ndiko kuti, Hurumende. (Marko 12:17) Zvisinei, Mutumbi Unodzora hausi chishandiswo chapamutemo. Mitezo yawo haisarudzwi. Inogadzwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene munhungamiro yaJehovha Mwari naJesu Kristu. (Enzanisa naMabasa 20:28.) Uyezve, avo vanoumba Mutumbi Unodzora varume vakazodzwa nomudzimu vasina nzvimbo ipi neipi yapasi inodikanwa yakagadzwa kana kuti dzimbahwe.
15. Kutaurai pamusoro pesangano kwakaitwa muNharireyomurindi yaMay 15, 1972, uye chii chinogona kutaurwa nezvoMutumbi Unodzora womuzuva razvino uno?
15 Pamusoro pokunatsa kwakadaro mukunzwisisa, Nharireyomurindi yaMay 15, 1972, yakati: “Nenzira yokuonga zvapupu zvechiKristu zvaJehovha zvinoziva ndokutaura kuti iri harisi sangano rorudzidziso romunhu mumwe, asi kuti rine mutumbi unodzora wamaKristu akazodzwa nomudzimu.” Mutumbi Unodzora weboka romuranda rakazodzwa nowamamirioni avo eshamwari pakati pamamwe makwai wave uchishongedzerwa nenzira inofambira mberi kutarisira nzvimbo yawo youtarisiri.
16. Zvinhu zvapasi zvaKristu zvakawedzera sei chifo cha 1971, uye zvii zviri zvimwe zvaizvozvi izvo akapa kutarisiro yomuranda akatendeka nowakachenjera, anomirirwa noMutumbi Unodzora?
16 Zvinhu zvapasi zvaMambo Jesu Kristu zvakapfuurira kukura. Chibviro cha 1971 chiverengero cheZvapupu chakasvetuka kubva pasi pe 1 600 000 kusvika kuchiverengero chapamusoro chinopfuura 3 700 000 muna 1989. Chibvumikiso chakadini chechikomborero chaMwari! (Isaya 60:22) Uku kukura kwakaraira kukudzwa kwenzvimbo padzimbahwe reSosaiti nomumapazu aro, pamwe chete nokuvandudzwa kwemitoo yokubudisa nokuparadzira. Kwakaguma nokuvakwa kweHoro dzoUmambo dzakawanda neHoro dzaMagungano mupasi rose. Munguvayo yose, Mutumbi Unodzora wakapfuurirawo kutakura mutoro wokutarisira basa rokuparidzira, kubudisa mashoko efundo yeBhaibheri, uye kugadza vatariri mumapazu, maruwa, matunhu, uye ungano. Idzi ndidzo fariro dzoUmambo idzo Kristu akapa kutarisiro yomuranda akatendeka nowakachenjera, anomirirwa noMutumbi wake Unodzora.
17. Ndidzimwe vandudzikoi mukutarisira dzakaitwa muna 1971, 1974, uye 1976?
17 Mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakakudzwa kubatanidza vanopfuura vaapostora vaJesu. Apo nhau yedzingiso yakasarudzwa, mutumbi iwoyo sezviri pachena wakabatanidza “vaapostora navarume vakuru vaiva muJerusarema.” (Mabasa 15:1, 2, NW) Nokuenzanisa, Mutumbi Unodzora wakakudzwa muna 1971 uye zvakare muna 1974. Kupfavisa basa ravo rokutarisira, Mutumbi Unodzora wakaronga kuti matare mashanu avambe kushanda pana January 1, 1976. Dare rimwe nerimwe rakaumbwa nemitezo inobvira pavatatu kusvikira kuvatanhatu, vose vane inzwi rakaenzana panhau dzinorangarirwa. Sachigaro wedare rimwe nerimwe anobatira kwegore rimwe, uye mitezo mimwe nemimwe yoMutumbi Unodzora inobatira mune rimwe kana kuti anopfuura eaya matare. Rimwe nerimwe reaya matare mashanu rinopa ngwariro chaiyo kurutivi chairwo rwezvinhu zvapasi zvaKristu. Dare rechitanhatu—Dare raSachigaro, rine umutezo hunotenderera gore rimwe nerimwe, rinotarisira zvinetso zvokukurumidzira.
Batira Pamwe Yokushingaira Nomutumbi Unodzora
18. Mutumbi Unodzora unoshanda sei, uye ndeipi iri nzira imwe yatinogona yokuratidzira nayo batira pamwe yedu nawo?
18 Matare oMutumbi Unodzora anoita misangano yevhiki nevhiki kuti ahwirudzure nhau dzinokosha, kuita zvisarudzo pashure perangariro dzokunyengetera, uye kuronga mubato woubati ushe hwaMwari hwomunguva yemberi. Sezvadudzwa pakuvamba, Mabasa ganhuro 15 inoratidza kuti mubvunzo unokosha unoda mhinduro wakanongedzerwa kumutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore nokuda kwengwariro. Nenzira yakafanana nhasi, mibvunzo inokosha inonongedzerwa kuMutumbi wose Unodzora, uyo unosangana vhiki nevhiki kana kuti kazhinji kazhinji zvikuru pakunenge kuri madikanwa. Mitezo yoMutumbi Unodzora, panguva ino 12 muchiverengero, inotsvaka nhungamiro yaJehovha Mwari kupfurikidza naMagwaro uye kupfurikidza nomunyengetero. Imwe nzira yatinoratidzira nayo batira pamwe yedu noMutumbi Unodzora iri kupfurikidza nokuyeuka ava vakagadzwa chaizvo muminyengetero yedu yezuva nezuva.—VaRoma 12:12.
19. Miraidzo yoMutumbi Unodzora inosvika sei ungano?
19 Miraidzo nezvisarudzo zvoMutumbi Unodzora zvinosvika sei ungano? Pashure pokunge mitezo yomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore yasvika chisarudzo chavo nebetsero yomudzimu waMwari, vakatumira tsamba kuungano. (Mabasa 15:22-29) Zvisinei, nzira huru nhasi iri kupfurikidza nezvinyorwa zvechiKristu.
20. (a) Ndikumwe kunatswai kwesangano kwakaitwa muna 1976? (b) Matare eBazu anobatira pamwe sei noMutumbi Unodzora?
20 Chifo chaFebruary 1, 1976, rimwe nerimwe ramapazu eWatch Tower Society rakava neDare reBazu rakaumbwa navarume vanokwanisa vanogadzwa noMutumbi Unodzora. Savamiriri voMutumbi Unodzora venyika kana kuti dzinyika dziri mutarisiro yebazu ravo, idzi hama dzinofanira kuva varume vakatendeka, vakavimbika. Ikoku kunotiyeuchidza nezvavarume vanokwanisa, vanotya Mwari, vakavimbika vakabetsera Mosesi kutonga vanhu muna Israeri wakare. (Eksodho 18:17-26) Mitezo yeDare reBazu inoshandisa miraidzo inogamuchirwa kupfurikidza namabhuku eSosaiti namagazini noHushumiri Hwedu Hwoumambo, pamwe chete nomutsamba dzavose netsamba chaidzo dzinobata nezvinetso zvomunzvimbomo. Matare aMapazu anochengeta Mutumbi Unodzora uri wazvino uno pamusoro pefambiro mberi yebasa munyika imwe neimwe uye pamusoro pezvinetso zvingamuka. Mishumo yakadaro inobva munyika yose inobetsera Mutumbi Unodzora kusarudza iri misoro inofanira kurangarirwa muzvinyorwa zveSosaiti.
21. Vatariri vanofambira vanogadzwa sei, uye mabasa avo anobatanidzei?
21 Munhungamiro yomudzimu mutsvene, Matare aMapazu anorumbidza varume vakakura mumudzimu, vokubatira savatariri vamatunhu naveruwa. Pashure pokugadzwa zvakananga noMutumbi Unodzora, vanobatira savatariri vanofambira. Idzi hama dzinoshanyira matunhu neungano kuti vagozvivaka mumudzimu ndokuzvibetsera kushandisa miraidzo inogamuchirwa ichibva kuMutumbi Unodzora. (Enzanisa naMabasa 16:4; VaRoma 1:11, 12.) Vatariri vanofambira vanotumira mishumo kuhofisi yebazu. Nebetsero yomudzimu mutsvene naMagwaro akafuridzirwa, vanogoverana navakuru vomunzvimbomo mukurumbidza hama dzakakwaniriswa nokuda kwokugadzwa savabatiri vanoshumira navakuru noMutumbi Unodzora kana kuti navamiriri vawo.—VaFiripi 1:1; Tito 1:5; enzanisa na 1 Timotio 3:1-13; 4:14.
22. (a) Vakuru veungano vanobatira pamwe sei noMutumbi Unodzora? (b) Chii chinobvumikisa kuti Jehovha ari kukomborera iyi gadziriro youbati ushe hwaMwari?
22 Uyewo, avo vanoumba mitumbi yavakuru ‘vanopa ngwariro kwavari vamene nokuboka rose, pakati paro mudzimu mutsvene wakavagadza savatariri.’ (Mabasa 20:28) Ava vatariri vanotsvaka nokutendeka kushandisa muraidzo inogamuchirwa kubva kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu kupfurikidza nomuranda akatendeka nowakachenjera noMutumbi wake Unodzora. Jehovha ari kukomborera iyi gadziriro youbati ushe hwaMwari, nokuti ‘ungano dzinopfuurira kusimbiswa mukutenda nokuwedzera muchiverengero zuva nezuva.’—Mabasa 16:5.
23. Pamusoro poMutumbi Unodzora, tinofanira kusarudza kuitei?
23 Kwakaisvonaka sei kuti kupfurikidza noMutumbi Unodzora, Jehovha Mwari naTenzi, Jesu Kristu, vari kuratidzira kutsigirwa kwavanhu vaMwari! (Pisarema 94:14) Sorutivi rwesangano raJehovha, tinobetserwa somunhu oga mutsigiro yakadaro. (Pisarema 145:14) Ikoku kunofanira kusimbisa chisarudzo chedu chokubatira pamwe negadziriro dzaMwari. Zvamazvirokwazvo, ngatiwanikwei nguva dzose tichibatira pamwe noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha sezvatinofambira mberi takananga kunguva apo “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha sokufukidza kunoita mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
Mapfundo Makuru Okuyeuka
◻ Mitoroi yakawedzerwa iyo boka romutariri rakagamuchira muna 1919?
◻ Kwamakore akawanda, Mutumbi Unodzora unooneka wakaziviswa nei?
◻ Kunatsai kunofambira mberi kwakaitwa mukugadzwa kwemitezo yoMutumbi Unodzora?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinhu zvapasi zvaKristu izvo akapa kuboka roMutumbi Unodzora?
◻ Tinogona sei kubatira pamwe noMutumbi Unodzora?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Uri padzimbahwe rawo renyika muBrooklyn, New York, Mutumbi Unodzora unotarisira basa rokubudisa nokuparidzira reZvapupu zvaJehovha mumapazu 93 eWatch Tower Society
Germany
Japan
South Africa
Brazil