Ndiani Achatungamirira Rudzi Rwomunhu Kurugare?
KO IDI rokuti vanhu havagoni kuunza rugare rinoreva here kuti hatisati tichizotongoona rugare? Aiwa. Kungofanana naSatani, uyo ane simba zvikuru kupfuura zvatakaita, ari mhinganidzo huru kurugare pasi pano, naizvozvo kune Mumwe anotova nesimba zvikuru kupfuura Satani uyo pakupedzisira achatungamirira rudzi rwomunhu kurugare. Bhaibheri, iro rinotaura nezvaSatani, rinotaurawo nezvaIyeyu. Rinoti: “Ubati ushe hwouchinda huchava papfudzi rake. Uye zita rake richanzi Mupi Zano Unoshamisa, Mwari Une Simba, Baba Usingagumi, Muchinda woRugare.” (Isaya 9:6, 7, NW) Ndiani ari uyu Muchinda woRugare? Hapana mumwe kunze kwaJesu Kristu, uye iye anogona kuunza rugare nemhaka yokuti akakwaniriswa zvikuru kupfuura zvatakaita. Munziraiko?
Zvikwaniriso Zvinopfuura Zvohunhu
Kutanga, Jesu haafi, haadzorwi norufu. Chokwadi, akararama somunhu uye akafa rufu rwechibairo. Asi ipapo akamutsirwa kuupenyu husingafi hwokudenga, uye mumugariro iwoyu maanova Muchinda woRugare. Ndicho chikonzero nei uporofita huchiti: “Hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33, NW) Kusafanana namambo wokuMabvazuva Aśoka, Jesu achararama nokusingagumi kuti agova nechokwadi chokuti basa rake rakanaka hariparadzwi navatsivi vakaderera.
Kupfuurirazve, Jesu haasvibiswi nechivi. Utongi hwake hwakavakirwa pauchenjeri hwoumwari nenheyo dzakarurama. Muporofita Isaya akadeya kutaura, kuti: “[Mudzimu, NW] waJehovha uchagara pamusoro pake, [mudzimu, NW] wenjere nowokungwara, [mudzimu, NW] wezano nowesimba, [mudzimu, NW] wokuziva nokutya Jehovha . . . Haangatongi nokungoona nameso bedzi kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; asi uchatongera varombo nokururama.” (Isaya 11:2-4) Kusafanana navaEurope vezera rapakuvamba, Jesu haasati achizochengeta rugare kumusha bedzi kuti arwe hondo munyika dzokumwe. Pasi pake, rugare ruchava rwapose pose.
Uyezve, Jesu ane simba rokuunza rugare. Uporofita hunoti: “Mudzimu waJehovha . . . , mudzimu wezano nowesimba,” uri pamusoro pake. Mudzimu uyu wakatsigira kusikwa kwechisiko chapose pose pamwe chete namabasa ose esimba okururama anoshumwa muBhaibheri. Kunyange mushori mukuru, Satani, haana zvombo zvichadzivisa nenzira inobudirira simba romudzimu waMwari.
Nhano Dzokurugare
Jesu achatungamirira sei rudzi rwomunhu kurugare? Ungashamiswa nokuziva kuti akatovamba. Mubhuku rouporofita raZvakazarurwa, Jesu anoonwa achigamuchira kuna Mwari umambo muUmambo hwokudenga. (Zvakazarurwa 11:15) Kana tikasanonzvera mauporofita eBhaibheri ndokuaenzanisa nezvinoitika zvomuzana redu ramakore, tinoona kuti kugadzwa kwaJesu pachigaro choumambo saMambo kwakaitika mudenga shure muna 1914. (Mateo 24:3-42) Iyoyo yakanga iri nhano huru mukuunza rugare kupasi.
Kana kwakadaro, kunyanguvezvo, neiko Hondo yeNyika I yakatanga muna 1914? Uye neiko zana redu ramakore rakaona hondo dzakaipa zvikuru kupfuura rimwe ripi neripi munhau? Nemhaka yokuti chiito chokutanga chaMambo wokudenga chaiva chokudzinga Satani kwenguva yose kubva kumatenga ndokumukandira pasi kupedyo napasi. Muuyo wacho? Uporofita hunoti: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, anokutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.” (Zvakazarurwa 12:7-12, NW) Hondo huru dzezana redu ramakore dzine batano nokutsamwa kwaSatani. Asi cherekedza: Kutsamwa kwaSatani ndokwe“nhambo pfupi yenguva.” Njodzi ichakurumidza kupera!
Isati yapera, kunyanguvezvo, Muchinda woRugare anoita dzimwe gadziriro dzinokosha nokuda kworugare. Kutanga, rudzi rwomunhu rwunofanira kuziva nezvedonzo raMwari rokuunza rugare kupfurikidza naKristu. Nenzira inowirirana, Jesu akaporofita kuti munguva yedu “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14, NW) Mukuzadzika kwaikoku, mashoko akanaka ari kuparidzirwa nhasi neZvapupu zvaJehovha mukona iri yose yepasi.
Ipapo, vane mwoyo yakarurama vanofanira kudzidziswa munzira dzorugare. Bhaibheri rinopikira kuti: “Vanakomana vako vose vachava vanhu vanodzidziswa naJehovha, uye rugare rwavanakomana vako rwuchava rwakawanda.” (Isaya 54:13, NW) Mamirioni avane mwoyo yakarurama ari kugamuchira iyi dzidzo kunyange zvino.
Nhano Inotevera
Zvino yotodokuva nguva yeimwe nhano yokupedzisira mukuita rugare. Chii iyeyo? Iyo vazhinji vanoziva nezita asi iyo vashomanene vanoziva donzo rayo chairoiro. Bhaibheri rinoidana kuti “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” kana kuti Armagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16, NW) Vazhinji vanofunga nezveArmagedhoni sehondo yenyukireya iyo ichaparadza pepuko. Mukupesana, chiito chakananga chinoitwa kupfurikidza naJesu, Muchinda woRugare, kupedza zvinhu zvinokosha kurugare.
Kutanga, Armagedhoni ichabvisa mhinganidzo dzose dzohunhu kurugare. Uporofita huri paPisarema 37:10 hunoti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazotongovipo; zvirokwazvo uchacherekedza nzvimbo yake, bva iye haangavipo.” Hungu, Jesu achabvisa “wakaipa”—vaiti vehondo, matsotsi, magandanga, pamwe chete naavo vose vanoramba kugamuchira Muchinda Mukuru woRugare—papasi. Havazovi namaruramirozve okupfuurira kurarama papasi rino.—Zvakazarurwa 19:19-21.
Chechipiri, paArmagedhoni uhu uporofita hwaDhanieri huchazadzikwa: “Namazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husingazotongoparadzwi. Uye umambo ihwo humene hahuzati huchizotongopfuuridzirwa kuno rumwe rudzi rupi norupi. Ihwo huchaputsanya nokuparadza maumambo iwawa ose, uye ihwo humene huchagara kusvika kunguva dzisingazivikanwi.” (Dhanieri 2:44, NW) Mapoka orudzi ayo akawanzotungamirira kwazvo kuhondo achaparadzwa. Pakupedzisira, pachava nehurumende yenyika pasi pomutongi watinogona kuvimba!
Armagedhoni ichauya rini? Bhaibheri haritauri. Asi zvinoitika zvenyika mukuzadzika kwouporofita zvinoratidzira kuti ichakurumidza zvikuru. Bhaibheri rinodeya kutaura zvakajeka chinoitika chichava mutangiri wokukurumidza. Muapostora Pauro anoti: “Panguva ipi neipi pavanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko rwakamwe kamwe ruchava pavari nokukurumidza.” (1 VaTesaronika 5:3, NW) Ipapo, nokukurumidza pashure poruparadziko rwakamwe kamwe runoguma neArmagedhoni, mhinganidzo hurusa kurugare ichabviswa. “Nhambo pfupi yenguva” yaSatani ichapera, uye achaiswa mumugariro umo asingagonizve kuparira nhamo pano pasi. (Zvakazarurwa 20:1-3) Isunungurwo yakadini!
Nyika Ino Rugare
Isa muchiono mugariro panguva iyoyo. Wezvamapisarema akaporofita achiti: “Vanyoro vamene ndivo vachava varidzi vapasi, uye zvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukuru murugare rwakawanda.” (Pisarema 37:11, NW) Ava vanyoro vachapfuurira kuzadzika uporofita hwakaisvonaka hwaIsaya hunoti: “Vachatopfura minondo yavo vachiita miromo yamapadza namapfumo avo vachiaita zvipfuro zvokusanzaurisa. Rudzi harusati ruchizosimudzira rumwe rudzi munondo, uyewo havasati vachizodzidzazve hondo.”—Isaya 2:4, NW.
Pakupedzisira, kwenguva yokutanga chibviro cheEdheni, vanhu vose vapenyu vachafarikanya chikomborero chaJehovha Mwari, uye achazadzika chipikirwa chake, chinoti: “Tarirai! Tendi yaMwari ino rudzi rwavanhu, uye iye uchagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava navo. Ipapo iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.”—Zvakazarurwa 21:3, 4, NW.
Tariro Yakasimba
Ndiani, ipapoka, achatungamirira rudzi rwomunhu kurugare? Jesu Kristu, Muchinda woRugare akagadzwa. Ko iyi itariro inoshanda nokuda kwedu nhasi here? Eya, kudai zvipikirwa zveBhaibheri zvaisavimbika, hapasati paizova netariro chaiyoiyo nokuda kworugare. Vanhu vaizopfuurira kurwa ndokuurayana pasina mugumo unooneka. Asi Bhaibheri rakavimbika, uye Umambo hwaMwari pasi paKristu huchaunza rugare. Tinokukurudzira kuteerera mashoko akanaka oUmambo ayo Zvapupu zvaJehovha zvinounza kumusha wako ndokuzvionera izvozvi umene. Ipapo, apo nguva inosvika, iva pakati pavanyoro vachagara nhaka yapasi ndokuzvifadza vamene norugare rwakawanda.
Tariro yorugare yakurukurwa munyaya ino inobva muBhaibheri. Nhasi, apo vazhinji vasingachadaviri Bhaibheri, ungapanikira kana tariro iyoyi ichishanda. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira zvakasimba kuti yakadaro. Zvinogamuchira Bhaibheri seShoko rakafuridzirwa raMwari, nokudaro serakavimbika chose chose. Muna 1989 zvakabudisa bhuku rino musoro unoti The Bible—God’s Word or Man’s? rinogovera zvibvumikiso zvakawanda zveiri idi. Mamwe amashoko ari mubhuku iroro anokurukurwa munyaya mbiri dzinotevera, dzatinokukoka kuti urave.
Mashoko akawanda pamusoro pechipikirwa cheBhaibheri chorugare achaoneka munyaya inoti “Rugare Rwenyika—Rucharevei Chaizvoizvo?” achabudiswa muchinyorwa chaApril 15, 1990, cheNharireyomurindi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Jesu bedzi ane zvikwaniriso zvokutungamirira rudzi rwomunhu kurugare
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Nhasi, mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzirwa mukona iri yose yapasi