Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Kuridzwa kwehwamanda nengirozi nomwe kwaZvakazarurwa kwakavamba rini kunzwika?
Muna Zvakazarurwa ganhuro 8, 9, uye 11, tinorava nezvengirozi nomwe dzakaridza hwamanda nomwe, dzichizivisa madambudziko oukombi hukuru pazvikamu zvorudzi rwomunhu. Iwaya anomirira kuziviswa kwamarutongeso aJehovha ayo akaziviswa navanhu vaJehovha munguva yose yomugumo kutanga zvikurukuru nekokorodzano yeCedar Point ya 1922.—Ona Revelation—Its Grand Climax At Hand!, ganhuro 21 kusvikira ku 23 uye ganhuro 26.
Kurira kwehwamanda kuna kwokutanga kunoratidzira mugariro wokufa mumudzimu wechikamu chechiKristudhomu cha“pasi” uye “gungwa,” pamwe chete nomugariro wakawa wavakuru vorudzidziso nerima romudzimu rechiKristudhomu.—Zvakazarurwa 8:7-12.
Nhau inoratidza kuti kuratidzirwa pachena kwaaya maidi zvomenemene kwakavamba pamberi pa 1922. Somuenzaniso, hurukuro inoti “Mamirioni Zvino Ari Kurarama Angasatongofa,” yakatanga kukurukurwa muna 1918 ndokubudiswa muchimiro chekabhukwana muna 1920, yakataura nezvekundikano yechiKristudhomu nezvomugumo unosvika wenyika ino. The Golden Age yaSeptember 29, 1920, yakaratidzira pachena chiKristudhomu sechifeve, nyengedzo yokureva nhema, uye mutsausi wavanhu.
Nei, ipapoka, bhuku raRevelation Climax richitaura kuti idzi hwamanda ina dzakangotanga bedzi kuridzwa pakokorodzano yeCedar Point muna 1922? Nemhaka yokuti pakanga pari panguva iyeyo apo danidzo yakabuda yoku“zivisa, zivisa, zivisa Mambo noUmambo,” ichipa simba guru kumubato wokuparidzira. Chinyorwa chaNovember 1, 1922 cheThe Watch Tower, chinoti: “Shamwari . . . dzakairangarira kuva hurukuro huru yekokorodzano kuti ropafadzo chaiyoiyo nebasa zvavakazvitsaurira zvino pasi pano kuzivisa kuvapo kwaShe, Mambo mukuru wamadzimambo, uye kuti umambo hwake huripo, uye kuti ichi ndicho chinokosha zvikurusa chokuti vaite.”
Kunofanira kucherekedzwawo kuti nepo mana ose aaya mashoko orutongeso akaziviswa neZvapupu zvaJehovha chifo cha 1922, rimwe nerimwe rakagamuchira simba rine simba kubva pakugamuchirwa kwezvisarudzo zvina pakokorodzano dzakaitwa pakati pa 1922 na 1925. Makumi amamirioni amakopi eizvi zvisarudzo pakupedzisira akaparadzirwa muchimiro chakanyorwa, achiratidzira nenzira inobudirira mugariro wakafa mumudzimu wechiKristudhomu.—Ona bhuku raRevelation Climax, peji 133, ndima 15.
Kurira kwehwamanda kutatu kwokupedzisira kunobatanidza “nhamo.” (Zvakazarurwa 8:13) Iko kwakasiana nokurira kwehwamanda kuna kwokutanga mukuti iko kune chokuita nezvinoitika chaizvo. Kurira kwehwamanda kwechishanu kune chokuita nokusunungurwa muna 1919 kwavanhu vaMwari mu“gomba rakadzika-dzika.” Kwechitanhatu kune chokuita na“vatasvi vamabhiza” nenhimbe yokuparidzira huru yamarudzi ose iyo yakavamba muna 1922. Kwechinomwe kunobatanidzwa nokuberekwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914.—Zvakazarurwa 9:1-19; 11:15-19.
Chimwe nechimwe cheizvi zvinoitika chakaunza nhamo kuna Satani nenyika yake. Kusunungurwa kwavakazodzwa muna 1919 mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa kwakaruma vakuru vechiKristudhomu ndokuratidzira kurambwa kwacho kwakakwana naJehovha. Kuvambira muna 1922 kusvikira nhasi, vatasvi vamabhiza vakawanda vakauraya chiKristudhomu, kutaura nenzira yomudzimu, vachiratidzira mugariro wacho wokufa nokunyevera nezvoruparadziko rwacho rwuri kuuya. Uye pashure pokuberekwa kwoUmambo muna 1914, Satani akakandirwa kunze kwedenga, kuchinyandura nhamo inoparadza pakati porudzi rwomunhu. Nokukurumidza Umambo huchabvisa chaunga chavanhu chinoratidzika kuva chakadzikama icho Satani akavaka (pasi), kuparadzanya rudzi rwomunhu runopandukira (gungwa) paArmagedhoni.—Zvakazarurwa 11:17–12:12; 21:1.
Pakokorodzano yeCedar Point muna 1922, “nhamo” dzose nhatu dzakava pachena kunyika yose. Nhimbe yokuparidzira yakatangwa panguva iyeyo yakajekesa kuti “mhashu” dzakanga dzabuda mu“gomba rakadzika-dzika” uye kudenha kunoitwa na“vatasvi vamabhiza” kwakanga kwouya. Uye danidzo inonyandura yokuzivisa Mambo noUmambo yakanga iri mutsinhirano yakazara nokurira kwehwamanda yechinomwe. Chinyorwa chaMarch 1, 1925 cheThe Watch Tower chakatsanangura kuti zvinoitika zvomuna 1914, 1919, uye 1922 zvakadeya kutaurwa muna Zvakazarurwa ganhuro 12. Uku kwakanga kuri kunzwisiswa kukuru kwokuberekwa kwoUmambo, uye kwakaziviswa nokutendeka neZvapupu zvaJehovha. Mukuwedzera, kuziviswa kwamashoko aya anotambudza kwakagamuchira simba guru kuvambira pakugamuchirwa kwokuparadzirwa kwapashure kwezvisarudzo zvine simba mukati mekokorodzano dzakaitwa kuvambira kuna 1926 kusvikira kuna 1928.—Ona Revelation—Its Grand Climax At Hand!, mapeji 147, 149, 172.
Nokudaro, kuridzwa kwehwamanda nomwe kwakavamba muna 1922 uye kwakasanotanga mukati mama 1920. Chibviro chenguva iyeyo, vanhu vaJehovha vakabatira pamwe vasingatyi nengirozi mukutaurira rudzi rwose rwomunhu kuti chiKristudhomu chakafa mumudzimu, vakuru vacho vorudzidziso vatungamiriri vakawa, uye nokukurumidza icho norutivi rwose rwasara rwenyika yaSatani zvichaparadzwa.