Armagedhoni—Rini?
“ISU timire paArmagedhoni uye tinorwira Ishe.” Namashoko iwayo, aichimbova purezidhendi weU.S. Theodore Roosevelt akashandisa shoko rokuti “Armagedhoni” kuhondo yezvamatongerwe enyika umo iye akabatanidzwa. Naizvozvo, tinofanira here kutsvaka Armagedhoni munhandare yezvamatongerwe enyika?
Makore mashomanene apfuura, magazini yeCanada Business Life yaiva nenyaya yaiva nomusoro unoti “Armagedhoni Yepfuma.” Musoro muduku wakabvunza, kuti: “Ko kundikano yeNyika Dzisina Kubudirira kubhadhara chikwereti ingagona kutanga kuwa kwepfuma yedu here?” Asi tinofanira kufunga nezveArmagedhoni sengwavaira yemari here?
Mukuwirirana nemagazini inonzi Newsweek, mugumo wenyika wakava nhau yenhimbe mukati mekurukurirano yapurezidhendi ya 1984. Panguva iyoyo, purezidhendi weU.S. wapanguva iyeyo Ronald Reagan “akabvunzwa kana iye achidavira zvirokwazvo kuti nyika yakananga ku‘Armagedhoni yenyukireya.’ Reagan akabvuma ‘kurukurirano dzouchenjeri’ pamusoro pokuitika panguva imwc cheteyo pakati pezvinoitika zvazvino nezviratidzo zveBhaibheri zvinoratidzira mazuva okupedzisira, asi mutungamiriri mukuru wehondo akataura kuti haana kutongotaura kuti ‘tinofanira kuronga mukuwirirana neArmagedhoni.’” Bva, ko kutsvaka kwedu revo yeArmagedhoni kunofanira kunanga pachiito chehondo icho chinotyisidzira kuparadza kukuru kwenyukireya here?
Vanhu vazhinji vorudzidziso vanotaura kuti Armagedhoni ihondo. Asi pakuvamba muzana ramakore rechi 19, nyanzvi yeBhaibheri Adam Clarke akanyora, kuti: “Haiwa kufembera kwavanhu pamusoro peiri pfundo kwave kuchisetsa sei! Mukati mamakore makumi maviri apfuura iyi hondo yakarwiwa panzvimbo dzakasiana-siana, mukuwirirana navaoni vedu mafuza navaporofita vakazvifuridzira! Pane imwe nguva yakanga iri Austerlitz, paimwe Moscow, paimwe Leipsic, uye zvino Waterloo! Uye nokudaro ivo vakapfuurira, uye vachapfuurira, vachishamisa uye vachishamiswa.”
Kutsvaka revo yeArmagedhoni nenzira yakajeka kunomutsa mibvunzo inokosha. Armagedhoni chii? Kana iyo iri hondo, ndivanaani vachava vatori rutivi? Neiko iyo icharwiwa? Ichaitikira kupi? Uye Armagedhoni ichaitika rini?
Armagedhoni Chii?
Shoko rokuti “Armagedhoni” rinotorwa mushoko rinowanwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, rinozivikanwa nokuda kwomutauro wokufananidzira. Imomo muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndakaona kutaura kwakafuridzirwa kusina kuchena kutatu kwakafanana namatafi kuchibuda kumuromo medragoni nomumuromo mechikara nomumuromo momuporofita wenhema. Iko, kutaura chokwadi, kutaura kwakafuridzirwa namadhemoni uye kunoita zviratidzo, uye kunoenda kumadzimambo apasi rose rinogarwa, kuzoaunganidza pamwe chete kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose. . . . Uye iko kwakaaunganidza pamwe chete kunzvimbo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni.”—Zvakazarurwa 16:13-16, NW.
Armagedhoni, kana kuti Har–Magedhoni, kupereterwa kwakaenzana nechiGiriki namabhii okutaura kwechiHebheru kwokuti Har Meghid·dohnʹ kureva kuti “Gomo reMegidho,” kana kuti “Gomo Rokuungana kwaMauto.” Iro rakabatanidzwa ne“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Naizvozvo Armagedhoni haisi hondo yezvamatongerwe enyika, ngwavaira yepfuma, kuparadza kukuru kwenyukireya, kana kuti rwisano yavanhu. Panzvimbo pezvo, Armagedhoni ihondo yaMwari.
Ndivanaani Vachava Vatori Rutivi?
Kutaura kwakafuridzirwa kwakafanana namatafi kusina kuchena kutatu kunobuda mumiromo yedragoni (Satani Dhiabhorosi), chikara (gadziriro yake yapasi yezvamatongerwe enyika), uye muporofita wenhema weEngland neAmerica. Uku kutaura kunofuridzirwa namadhemoni, kana kuti ngirozi dzakaipa, kunounganidza madzimambo apasi, kana kuti vatongi, kuHar–Magedhoni.—Ona ganhuro 32 yebhuku raRevelation—Its Grand Climax At Hand! rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Parutivi rwaJehovha muhondo yeArmagedhoni ihondo huru yamauto omudzimu asingaoneki anotungamirirwa naMambo Jesu Kristu. Muapostora Johane akashuma, kuti: “Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka noWazvokwadi; unotonga [Jesu] nokurwa zvakarurama. . . . Hondo dzokudenga dzakamutevera. . . . Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose. Panguvo yake napachidya chake pakanga pakanyorwa zita rinonzi: Mambo wamadzimambo, naShe wamadzishe.” (Zvakazarurwa 19:11-16) Munondo murefu unopinza unomirira simba raKristu rokuraira kuurawa kwavose vanoramba kutsigira Umambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 1:16; 2:16) Mauto asingakurirwi makuru anowanika nokuda kwehondo yeArmagedhoni.
Vanoshora ndiSatani, mapoka ake amadhemoni, uye madzimambo epasi rose rinogarwa. Asi hatifaniri kungofunga bedzi nezvavatongi venyika vari munzvimbo inooneka, nokuti vanhu avo vanotonga vanobatanidzwawo. Kwakadeya kutaurwa, kuti: “Jehovha akatsamwira marudzi ose, une hasha nehondo dzavo dzose.”—Isaya 34:2.
Neiko Iyo Icharwiwa?
Armagedhoni icharwiwa nemhaka yokuti Mwari akarurama uye haasati achashivirira zvakaipa. (Pisarema 11:7) Sangano raSatani Dhiabhorosi, rakaumbwa nezvose zviri zviviri madhemoni navanhu vanopandukira, rine mutoro wamamireniyumu uipi nenhamo, rinofanira naizvozvo kuparadzwa. (Enzanisa naGenesi 3:15.) Uchangamire hwapose pose hwaJehovha huchatsigirwa paArmagedhoni, uye hondo iyoyo ichabvisira zita rake ruzvidzo rwakatutirwa pariri kwezviuru zvamakore. Seizvo Mwari akazivisa kupfurikidza nomuporofita wake Ezekieri: “Handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 39:7.
Hondo yaMwari yeArmagedhoni ichadzivisa zvomenemene kuparadzwa kworudzi rwose rwomunhu. Jehovha akasika pasi kuti rigarwe, kwete kuparadzwa muhondo yethermonuclear pakati pavanhu kana kuti neimwe nzira kuitwa kuti rive risina kufanira nokuda kwoupenyu. (Isaya 45:18) Iye “achaparadza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Asi wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Jehovha amene ava mambo. Nyika inobereka zvibereko [chiHebheru, te·velʹ; pasi, serakaibvira nerinogarwa, pasi rinogarwa] inosimbiswawo zvakasimba kuti igorega kugona kuzununguswa.”—Pisarema 96:10, NW.
Icho Mwari anoita paArmagedhoni chichava mutsinhirano yakakwana namavara ake makuru eruramisiro, uchenjeri, simba, uye rudo. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Isaya 40:26; 1 Johane 4:8) Iye acharwisana na“vatadzi vasina umwari” kwete navakarurama. (Judhasi 14, 15) ‘Vakaipa [bedzi] vachapiwa kumunondo.’ (Jeremia 25:31) Ikoku kuchagadzirira nzira kudzorerwa kweParadhiso, kuchizadzika donzo roumwari rapasi norudzi rwomunhu.—Ruka 23:43.
Iyo Ichaitikira Kupi?
Sezvo shoko rokuti “Armagedhoni” richibva mukutaura kwechiHebheru kunoreva “Gomo reMegidho,” vamwe vangagumisa kuti iyi hondo icharwirwa pagomo refu rine zita iroro. Zvisinei, hakuna kutongova negomo rinonzi Megidho. Makiromita 100 kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweJerusarema kwakanga kune taundi rapagomo, kana kuti guta, rainzi Megidho, asi chikomo bedzi chakareba anenge mamita 20 zvino chinoratidzira nzvimbo yaro.—Joshua 17:11.
Guta rakare iroro raitarira “mupata weMegidho.” (2 Makoronike 35:22) Kubatanidza Armagedhoni (kana kuti Har–Magedhoni) nenzvimbo iyoyo kwakafanira nemhaka yokuti yakanga iri nzvimbo yehondo dzokupedzisira. Somuenzaniso, ipapo Mwari akagonesa Mutongi Bharaki kuita nhamo inoparadza pana mambo weKanani Jabhini namauto ake ehondo aitungamirirwa naSisera. (Vatongi 4:12-24; 5:19, 20) Munzvimbo iyoyo Gidheoni neboka rake duku vakakurira vaMidhiani. (Vatongi 7:1–8:35) Ipapowo Madzimambo Ahazia naJosia vakaurawa.—2 Madzimambo 9:27; 23:29, 30.
Kunokosha, zvisinei, kuti uyu kupata, unonziwo Mupata waEsidraeri, wakareba makiromita 32 bedzi uye wakafara makiromita 29 kumugumo wawo wokumabvazuva. Madzimambo epasi rose rinogarwa namauto awo ehondo haatongogoni kukwana munharaunda duku yakadaro. Kunze kwezvo, kakomo (chikomo cheMegidho) kana kuti mupata hausi gomo. Nenzira yakajeka, ipapoka, Armagedhoni haisati ichizoganhurirwa kunzvimbo yakati ine gomo muMiddle East. Panzvimbo pezvo, Armagedhoni (kana kuti Har–Magedhoni) inofananidzira mugariro wenyika yose, kunyange zvazvo uchitora yakati yerevo yawo muMegidho nechakaitika munharaunda iyoyo.
Armagedhoni Ichaitika Rini?
Sezvo Megidho yakanga iri munyika yavanhu vakare vaMwari, chinoitika paArmagedhoni chine chokuita neZvapupu zvaJehovha muino “nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Har–Magedhoni inoshanda ku“nzvimbo” uko vatongi vezvamatongerwe enyika vapasi vanounganidzwa mukushora Jehovha noUmambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Asi “nzvimbo” iyoyo (chiGiriki, toʹpos) inoratidzira mugariro wenyika. Armagedhoni ichaitika apo mugariro wakati unovapo uyo unotapura Zvapupu zvaJehovha kupota pasi.
Budiriro yomudzimu yeZvapupu zvaJehovha inoshatirisa Satani Dhiabhorosi, uyo achakurumidza kutanga denho yachose chose paaya maKristu anoratidzika kuva asina dziviriro. Iyi denho yenyika yose inoitwa naSatani, kana kuti Gogi, inorondedzerwa muna Ezekieri ganhuro 38 ne 39. Mupesvedzero yaDhiabhorosi, marudzi acharwisana navanhu vanoda rugare vaJehovha vanounganidzwa vachibva mumarudzi ose. Hungu, chishoro chaSatani chicharatidzirwa nechiito chenyika yose chokurwisana navabatiri vapasi vaJehovha, vamiriri vanooneka navazivisi voUmambo hwaMwari.
Hondo inowanzozivikanwa nenzvimbo painorwirwa. Nokudaro, dziviriro huru yaMwari yavanhu vake inogona kunzi kurwa, kana kuti hondo, yeArmagedhoni. Apo Jehovha anosimuka kuzodzivirira vabatiri vake padenho yaGogi, Armagedhoni ichava ichiitika! Hurumende dzavanhu dzichapunzika. Mvura inoturuka inofashamira, zvimvuramabwe zvinoparadza, mwoto nesurferi, nhenda dzakaipa—zvirokwazvo mabasa aMwari—achaparira rutyo rwenyika kunze kwamapoka eZvapupu zvaJehovha. Vavengi vavo vohunhu vacharwisana nezvombo zvavo namapoka avo vamene. Uye avo iyi hondo yokuzviuraya isingaurayi, Jehovha achaparadza.—Ezekieri 38:18-23; Dhanieri 2:44.
Murutyo, ruoko rwomunhu ari wose rwucharwisana nomuvakidzani wake murwisano youpengo asi isina maturo nokuda kwepukunyuko. (Zekaria 14:12, 13) “Avo [vanourawa, NW] naJehovha vachavapo kubva kuno munwe mugumo wenyika kusvika kuno mumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.” (Jeremia 25:33) Kuedza kupi nokupi kwokuramba usingatori rutivi muhondo yaMwari kuchakuparira kurasikirwa noupenyu hwako paArmagedhoni! Uye sezvinowanzobvumikiswa kwazvo muMagwaro mumagazini ino, chizvarwa chazvino hachisati chichizopfuura Armagedhoni isati yaitika!—Mateo 24:21, 34.
Icho Armagedhoni Ichaita
Armagedhoni ichabvisa chisaririra chokupedzisira chesangano rapasi raSatani. Uyezve, Dhiabhorosi namadhemoni ake vachaiswa mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 20:1-3) Zvikomborero zvakadini panguva iyoyo zvichayerera zvichienda kuvanhu vaJehovha, vapukunyuki vanofara vehondo yake huru yeArmagedhoni! Ivo vachapfuurira nomufaro nokuvakazve uko kuchashandura pasi rose kuva paradhiso, isina kushatiswa, marwadzo, kuchema, misodzi, uye rufu. (Zvakazarurwa 11:15, 18; 21:3, 4) Uye iwe unogona kuvamo kana ukarangarira zvakakomba mashoko owezvamapisarema: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.” (Pisarema 37:34) Zvamazvirokwazvo, ungararama kuti uone hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose ndokuva mupukunyuki anofara apo Armagedhoni inorova!
“Sezvo zvinhu zvose izvozvi zvichanzarwozvo kuparadzwa, rudzii rwavanhu rwamunofanira kuva mumabasa matsvene nomufambiro nezviito zvokuzvipira kwoumwari, muchimirira nokusanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.”— 2 Petro 3:11, 12, “NW”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Armagedhoni haisi hondo yezvamatongerwe enyika, ngwavaira yepfuma, kuparadza kukuru kwenyukireya, kana kuti rwisano yavanhu. Armagedhoni ihondo yaMwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Hondo yaMwari yeArmagedhoni ichadzivisa kuparadzwa kworudzi rwose rwomunhu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Kuedza kupi nokupi kwokuramba usingatori rutivi muhondo yaMwari kuchakuparadzira upenyu hwako paArmagedhoni!