Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Mamwe maKristu akazodzwa achapukunyuka here “dambudziko guru” kuti agare pasi pano munyika itsva asati aendeswa kudenga?
Nenzira yakananga, Bhaibheri haritauri.
MaKristu anguve achifadzwa namaropafadzo ayo Mwari angapa kwaari. (Mabasa 1:6) Ikoko kwave kuri kwechokwadi zvikuru munguva yedu sezvo Umambo hwakagadzwa. (Mateo 24:3, 24, 34) Nomugumo wetsika ino yakaipa uchauya munguva yavo, maKristu akashamisika kana vamwe vavakazodzwa nomudzimu vangararama vachipfuura mu“hondo yezuva guru raMwari” ndokubatira pasi pano kwenguva yakati vasati vagamuchira tuso yavo yokudenga. (Zvakazarurwa 16:14) Bhaibheri haritauri kuti ikoku kuchaitika, bva mitoo yakati namauporofita zvakarangarirwa kuva zvinoratidzira kuti kungadaro. Panzvimbo pokunanga, tinogona kutarira kuti tione kuti Mwari achabata sei zvinhu.
Zvimwe zvinoitika zveBhaibheri zvine wirirano gare gare pakati pavanhu vaMwari. Somuenzaniso, tinoziva kuti Jona aiva muhove huru kwamazuva matatu nousiku hutatu. Vamwe vanhu vangarangarira ikoko somuenzaniso zvawo wenunuro youmwari, asi Jesu akataura kuti wakanga uri mufananidzo wouporofita wokuti iye aizova sei muguva kwenhambo yakaenzana pamberi porumuko rwake. (Jona 1:17; Mateo 12:40) Hungu, chinoitika chaJona chakanga chiri muenzaniso wouporofita. Nenzira inonzwisisika, vabatiri vaMwari vakatarira mauporofita nenhauro dzeBhaibheri dzakananga kuti vaone kana izvozvi zvingaratidzira kuti Jehovha achabatazve sei navo.
Somuenzaniso unobatanidza uporofita hweBhaibheri, The Watch Tower yaDecember 15, 1928, yakakurukura Mika 5:2-15. Bhuku raMika rakabata ‘nokuparadza kwomuAsiria weSamaria nokudzokera kwavaJudha’ vachibva muutapwa muBhabhironi. (Mika 1:1, 5-7; 4:10) Asi rakanongedzerawo kuzvinoitika zvapashure, zvakadai sokuberekwa kwaMesia muBhetrehema. (Mika 5:2) Mika akaporofita kuti pashure pokusunungurwa kwavo achibva kumu“Asiria,” “vakasara vaJakobho” vaizova “sedova rinobva kuna Jehovha” uye “seshumba duku pakati pamapoka amakwai.” (Mika 5:6-8) The Watch Tower yakatsinhira, kuti: “Ikoku kungarangarirwa seratidziro yokuti vamwe vavakasarira vachava pasi pano kunyange pashure pokunge Armagedhoni yarwiwa uye panguva iyeyo vachava nebasa rakawanda rokuita muzita raShe nokurumbidzo yake nembiri.” Cherechedza mutauro uno mwero, uno mufungo wakashandiswa kusuma uku kubvira: “Ikoku kungarangarirwa seratidziro.”
Zvakadiniko nezvenhauro yeBhaibheri ingawirirana nepukunyuko yakadaro pasi pano? Muenzaniso mumwe wakapiwa une chokuita naNoa nemhuri yake. Noa akarangarirwa saanofananidzira Jesu munguva ino yomugumo. (Genesi 6:8-10; Mateo 24:37) Sezvo Noa akatungamirira mudzimai wake navanakomana vavo vatatu navaroora kusvikira kumugumo wetsika iyoyo yakare, Kristu achagovera utungamiriri nokuda kwavakasarira veboka rake romwenga naavo vanova vana va“Baba Vasingagumi,” Jesu. Mudzimai waNoa akapukunyuka Mafashamo ndokugoverana mukumutsidzirwa kwokunamata kwechokwadi papasi rakacheneswa. Wirirano ingava kupukunyuka ndokupinda munyika itsva yavakasarira veboka romwenga.—Isaya 9:6, 7, NW; 2 VaKorinte 11:2; Zvakazarurwa 21:2, 9.a
Dzimwe nhauro dzeBhaibheri dzakarangarirwawo sedzinokarakadza kuti vamwe vavakasarira vangararama ndokupinda munyika itsva. Somuenzaniso, Jeremia akapukunyuka ruparadziko rweJerusarema; “murume” ano runyanga rweingi rwomunyori akaramba aripo kuti aone basa rokuuraya asati adzokera kuzopa mushumo wake.—Ezekieri 9:4, 8, 11.
Tsinhiro pamusoro pokubvira kwokuti vamwe vavakazodzwa vangapukunyuka ndokupinda munyika itsva dzinoitwa nevavariro dzakanaka uye nemhaka yemienzaniso yeBhaibheri nokuda kwokuedza kunzwisisa mauporofita kana kuti mienzaniso iyo yaigona kuva newirirano dzapashure. Kana kukaitika kuti hapana nomumwe wavakazodzwa anosara pasi pano, hakusati kuchizova nechikonzero chokusagutsikana. Takatogamuchira kuti nhau dzeBhaibheri dzinonzwisiswa zviri nani sezvo nguva inopfuura. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1982, yakakurukura Mika 5:6-9 zvakare ndokutsanangura kuti “vakasarira vavaIsraeri vomudzimu havana kufanira kumira kutozosvikira pashure . . . peHar–Magedhoni kuti vave ‘sedova’ rezorodzo kuvanhu.” Iyi kurukurirano zvakare yakapa kubvira kwokuti vakasarira vangapukunyuka hondo huru yaMwari uye kwenguva yakati “kupfuurira kuva se‘dova’ rinozorodza ku‘boka guru’ ra‘mamwe makwai.’” Tinogona kuona, kunyanguvezvo, kuti kupfuura kwenguva newedzero muchiedza chomudzimu zvinogona kukudza ndokuchinja nzwisiso yedu youporofita kana kuti yezvinoitika zveBhaibheri.—Zvirevo 4:18.
Tinoziva kuti Bhaibheri rinobatanidza ‘kuuya kwoMwanakomana womunhu’ no‘kuunganidzwa kwavakasarudzwa vachibva kumhepo ina.’ (Mateo 24:29-31) Uyewo, mukati “mokuvapo kwaShe” musimba roUmambo, vakasarira vakavata murufu vanomutsirwa kuupenyu mudenga. (1 VaTesaronika 4:15, 16, NW) Ava vakaiswa chisimbiso varipo kuti vave rutivi rwomudzimai weGwaiana. Ikoko kunoitika rini?
Mubhuku raZvakazarurwa, nokukurumidza pashure pokunge Johane ataura nezvokuuraya kwaMwari mhombwe yorudzidziso, Bhabhironi Guru, anorondedzera “roorano yeGwaiana.” “Mukadzi” ane tsvina, woutere anobviswa pachiono, uye isu tinoona “mwenga, mudzimai weGwaiana” ‘akapfeka nguvo yakajeka, yakachena, yakaisvonaka, iyo inomirira mabasa akarurama avatsvene.’ (Zvakazarurwa 18:10; 19:2, 7, 8,; 21:9) Ruparadziko rweBhabhironi Guru rutivi rwedambudziko guru. (Mateo 24:21; Zvakazarurwa 7:14) Naizvozvo kungagona kurangarirwa kuti vamwe veboka romwenga vachapukunyuka dambudziko guru soufakazi hwetendero yaJehovha nedziviriro. (Zefania 2:3; enzanisa naMateo 24:22.) Kana ivo nokudaro vakachengetwa pasi pano, vangagona kugara pano kutozosvikira Mwari asarudza kuvaendesa kudenga.
Zvisinei, kupa kuri muna Zvakazarurwa hakusati kuri munhevedzano chaiyoiyo. Uye hakuna kuita sokunge vakasarira vashomanene vavakazodzwa vachadikanwa kuita kuti nyika itsva itange, nokuti vakatorovedza mamirioni amaKristu akavimbika ayo achararama nokusingaperi pasi pano. Nenzira inowirirana, Mwari angagona kuendesa vakazodzwa vake kudenga nokukurumidza pashure poruparadziko rweBhabhironi Guru, kuchigadzirira “roorano yeGwaiana” kuitika. Vatsvene vose nokudaro vangagona kugoverana naKristu mu‘kufudza marudzi netsvimbo yedare’ murasara redambudziko guru. (Zvakazarurwa 2:26, 27; 19:11-21) Kana ikoko kuri iko kubata kunoita Mwari zvinhu, vane 144 000 vose vaizova naJesu kuti ‘vatonge samadzimambo naKristu kwamakore ane chiuru chimwe akazara.’—Zvakazarurwa 20:4.
Zvamazvirokwazvo kwakaisvonaka kuti vanhu vaMwari vanofarira zvikuru kunzvera kuti achatungamirira nokutusa sei vabatiri vake. (Enzanisa na 1 Petro 1:12.) Ikoku kunoratidzira chivimbo chavo chokuti kuda kwake kuchaitwa. Kunyange zvazvo tisingagoni uye tisingafaniri kuva vakananga pamusoro poudzame, tinogona kutarira mberi nokudisa kuchichaitika.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa na: You May Survive Armageddon Into God’s New World, mapeji 61, 292, 351; “Your Will Be Done on Earth,” peji 347; The Watchtower yaMay 1, 1942, peji 133. (Zvose zvakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.)