Ivai Vaiti Veshoko, Kwete Vanzwi Bedzi
“Havazi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda mu[umambo, “NW”] hwokudenga; asi unoita kuda kwababa vangu vari kudenga.”—MATEO 7:21.
1. Chii icho vateveri vaJesu vanofanira kupfuurira kuita?
RAMBAI muchikumbira. Rambai muchitsvaka. Rambai muchigogodza. Pfuurirai kunyengetera, kufunda, uye kuita mashoko aJesu akanyorwa muMharidzo yapaGomo. Jesu anoudza vateveri vake kuti ivo munyu wapasi, vane shoko rinochengetedza rakarungwa nomunyu ravasingafaniri kubvumira kusavava, kurasikirwa nokuvavira kwaro kana kuti simba raro rinochengetedza. Ivo chiedza chenyika, vachiratidzira chiedza chinobva kuna Kristu Jesu naJehovha Mwari kwete bedzi kupfurikidza nezvavanotaura asiwo kupfurikidza nezvavanoita. Mabasa avo akanaka anopenya zvikuru samashoko avo anovhenekera—uye angataura zvinotonzwika munyika yakarovedzana nounyengeri hwechiFarise hwavose vari vaviri vatungamiriri vorudzidziso navezvamatongerwe enyika, avo vanotaura zvizhinji ndokuita zvishomanene.—Mateo 5:13-16.
2. Ipangiroi iyo Jakobho anopa, asi chimiroi chakanaka icho vamwe vanogamuchira nokukanganisa?
2 Jakobho anopangira, kuti: “Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.” (Jakobho 1:22) Vazhinji vanozvinyengera vamene nedzidziso yokuti ‘ukangoponeswa kamwe waponeswa nguva dzose,’ sokunge zvino vangarega basa ndokumirira tuso yokudenga inofungidzirwa. Idzidziso yenhema uye tariro yenhando. “Anotsungirira kusvikira pakuguma,” Jesu akadaro, “uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Kuti uwane upenyu husingaperi, unofanira “kuzvibvumikisa umene kuva akatendeka kunyange kusvikira kurufu.”—Zvakazarurwa 2:10, NW; VaHebheru 6:4-6; 10:26, 27.
3. Muraidzoi pamusoro pokutonga uyo Jesu anotevera kupa muMharidzo yapaGomo?
3 Sezvo Jesu akapfuuridzira Mharidzo yake yapaGomo, kutaura kuzhinji kwakawedzera ukwo maKristu anofanira kutamburira kutevera. Hekuno kumwe kunoratidzika kuva kwakapfava, asi kunoshurikidza imwe yekombamiro yakaoma zvikurusa yokubvisa: “Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho. Unotaririreiko rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungatarira seiko kuhama yako, uchiti: ‘Rega ndibvise rubanzu muziso rako’, izvo, danda riri muziso mako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda riri muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.”—Mateo 7:1-5.
4. Muraidzoi wokuwedzera unopiwa nenhauro yaRuka, uye shandiswo yawo inoguma nei?
4 Munhauro yaRuka yeMharidzo yapaGomo, Jesu akaudza vateereri vake kusawanira vamwe mhaka. Panzvimbo pezvo, ngava“rambe vachisunungura,” ndiko kuti, kukanganwira zvikanganiso zvomunhu biyavo. Ikoku kwaizosakisa vamwe kupindura zvakafanana, sokutaura kwakaita Jesu, kuti: “Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”—Ruka 6:37, 38.
5. Neiko kuri nyore zvikuru kwazvo kuona zvikanganiso zviri muna vamwe kupfuura izvo zviri matiri timene?
5 Mukati mezana rokutanga ramakore N.V., nemhaka yamagamuchidzanwa anotaurwa, vaFarise vose zvavo vaida kutonga vamwe nehasha. Vapi navapi vavateereri vaJesu avo vakanga vaine tsika yokuita izvozvo vaifanira kuirega. Kuri nyore zvikuru kwazvo kuona zvibanzu zviri mumaziso avamwe kupfuura matanda ari mune edu timene—uye kunokurudzira zvikuru kukuzvikudza kwedu! Sokutaura kwakaita mumwe murume, “Ndinoda kutsoropodza vamwe nemhaka yokuti kunondiita kuti ndinzwe zvakanaka kwazvo!” Kugarotsoropodza vamwe kungatipa kunzwa kworunako uko kunoratidzika sokunotsiva mhaka dzedu timene idzo tinoda kuviga. Asi kana ruramiso iri madikanwa, inofanira kupiwa nomudzimu wounyoro. Uyo anopa ruramiso anofanira nguva dzose kuziva zvikanganiso zvake amene.—VaGaratia 6:1.
Usati Watonga, Edza Kunzwisisa
6. Kutonga kwedu kunofanira kuitwa pahwaroi, apo kunenge kuri madikanwa, uye tinofanira kutsvaka betseroi kuti tirege kunyanyowanira mhaka?
6 Jesu haana kuuya kuzotonga nyika asi kuzoiponesa. Marutongeso api naapi ayo akaita akanga asiri ake asi akanga akavakirwa pamashoko ayo Mwari akamupa kuti ataure. (Johane 12:47-50) Marutongeso api naapi atinoita anofanirawo kuva mutsinhirano neShoko raJehovha. Tinofanira kudzvinyirira kombamiro yohunhu yokuva anotonga. Mukuita ikoku, tinofanira kupfuurira kunyengeterera betsero yaJehovha: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; unogogodza, unozarurirwa.” (Mateo 7:7, 8) Kunyange Jesu akati: “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.”—Johane 5:30.
7. Itsikai yatinofanira kusakurira iyo ichatibetsera mukushandisa Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe?
7 Tinofanira kusakurira tsika, kwete yokutonga vanhu, asi yokuedza kuvanzwisisa kupfurikidza nokuzviisa timene munzvimbo yavo—hachisati chiri chinhu chiri nyore kuita asi chinhu chiri madikanwa kana tichizowirirana neKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe, ako Jesu akatevera kuzivisa, kuti: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.” (Mateo 7:12) Naizvozvo vateveri vaJesu vanofanira kunzwa ndokunzwisisa mugariro wendangariro, wemirangariro, uye womudzimu wavamwe. Vanofanira kuziva ndokunzwisisa zvinodikanwa zvavamwe ndokuva nefariro yomunhu oga mukuvayamura. (VaFiripi 2:2-4) Makore akati gare gare Pauro akanyora, kuti: “Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: ‘Ude wokwako sezvaunozvida iwe.’”—VaGaratia 5:14.
8. Migwagwai miviri iyo Jesu akakurukura, uye nei mumwe wayo uchisarudzwa navoruzhinji vavanhu?
8 “Pindai nesuo rakamanikana,” Jesu akatevera kudaro, “nokuti suo rakafara, nzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Vazhinji mumazuva iwayo vakasarudza mugwagwa unoenda kuruparadziko uye vazhinji vachiri kudaro. Nzira yakafara inobvumira vanhu kufunga sezvavanoda uye kurarama sezvavanoda: hapana mitemo, hapana misengwa, mararamiro akangosununguka chete, chinhu chiri chose chiri nyore. Hakuna chimwe chaizvozvi chiri “zvishandisei mumene nesimba kuti mupinde napasuo rakamanikana” nokuda kwavo!—Ruka 13:24, NW.
9. Kufamba mumugwagwa wakafara kunodei, uye inyeveroi inopiwa naJesu kuna avo vari kufamba mauri?
9 Asi isuo rakamanikana iro rinozarukira mugwagwa unotungamirira kuupenyu husingaperi. Inzira inoraira kuzvidzora. Ingabatanidza chirango icho chichanzvera vavariro dzako ndokuedza chimiro chetsauriro yako. Apo zvitambudzo zvinouya, mugwagwa wacho unova wakaipa uye unoda tsungiriro. Jesu anonyevera avo vanofamba mumugwagwa uyu: “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nenguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.” (Mateo 7:15) Iyi rondedzero yakasanokodzera vaFarise. (Mateo 23:27, 28) Vaka“zviisa vamene pachigaro chaMosesi,” vachitaura kuti vari kutaura nokuda kwaMwari nepo vachitevera magamuchidzanwa avanhu.—Mateo 23:2, NW.
“Kupfiga Umambo” Kunoita vaFarise
10. Vanyori navaFarise vakatsvaka ku‘pfigira vanhu umambo’ munzirai yakananga?
10 Uyezve, vakuru vorudzidziso vechiJudha vakatsvaka kudzivira avo vakanga vachitsvaka kupinda napasuo rakamanikana. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu [umambo, NW] hwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo vopinda, hamuvatenderi kupinda.” (Mateo 23:13) Mutoo wavaFarise wakanga uri sezvakanyevera Jesu chaizvo. Vai“rasha zita [ravadzidzi vake] sechinhu chakashata nokuda kwoMwanakomana womunhu.” (Ruka 6:22) Nemhaka yokuti murume akaberekwa riri bofu uye akarapwa naKristu akadavira kuti Jesu akanga ari Mesia, vakamudzinga musinagoge. Vabereki vake havasati vaizopindura mibvunzo nemhaka yokuti vakanga vachitya kudzingwa musinagoge. Nokuda kwechikonzero chimwe chetecho, vamwe vakatenda Jesu kuva Mesia vaizengurira kukubvuma pachena.—Johane 9:22, 34; 12:42; 16:2.
11. Zviberekoi zvinozivisa izvo vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vanobereka?
11 “Muchavaziva nezvibereko zvavo,” Jesu akadaro. “Muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.” (Mateo 7:16-20) Mutemo wakafanana unoshanda nhasi. Vazhinji vavakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vanotaura chinhu chimwe ndokuita chimwe. Kunyange zvazvo vachitaura kuti vanodzidzisa Bhaibheri, vanotsigira zvinhu zvinomhura zvakadai soUtatu nehero yomwoto. Vamwe vanoramba rudzikinuro, vanodzidzisa mhindumupindu panzvimbo pechisiko, uye vanoparidzira kushanda kwendangariro kwazvino uno kwakakurumbira kuti vafadze nzeve. Kufanana navaFarise, vazhinji vavakuru vorudzidziso vanhasi vadi vemari, vachirozvera mapoka avo mamirioni amadhora. (Ruka 16:14) Vose vavo vanodanidzira kuti, “Ishe, Ishe,” asi mhinduro yaJesu kwavari ndeiyi: “Handina kutongokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vaiti vokusateerera mutemo.”—Mateo 7:21-23, NW.
12. Neiko vamwe vakambofamba munzira yakamanikana vakarega kuita saizvoizvo, uye nomuuyoi?
12 Nhasi, vamwe avo vakambofamba munzira nhete vakarega kuita saizvozvo. Vanotaura kuti vanoda Jehovha, asi havasati vari kuteerera murairo wake wokuparidzira. Vanotaura kuti vanoda Jesu, asi havasati vari kudyisa makwai ake. (Mateo 24:14; 28:19, 20; Johane 21:15-17; 1 Johane 5:3) Havadi kubatanidzwa naavo vanofamba mumakwara aJesu. Vakawana mugwagwa wakamanikana wakamanikana zvikuru. Vakaneta mukuita zvakanaka, naizvozvo vaka“bva kwatiri, asi vakanga vasiri vorudzi rwedu; nokuti kudai vakanga vari vorudzi rwedu, vangadai vakaramba vanesu.” (1 Johane 2:19, NW) Vakadzokera murima, uye “rima iroro rakakura sei!” (Mateo 6:23, NW) Vakafuratira chikumbiro chaJohane: “Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.”—1 Johane 3:18.
13, 14. Muenzanisiroi uyo Jesu akapa pamusoro pokushandisa mashoko ake muupenyu hwedu, uye nei wakanga wakakodzera zvikuru nokuda kwaavo vaiva muParestina?
13 Jesu akapedzisa Mharidzo yake yapaGomo nomuenzanisiro unoshamisa: “Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ungafananidzwa nomurume wakachenjera wakavaka imba yake paruware. Mvura yakanaya, mvura zhinji ikauya, mitutu ikavhuvhuta ikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakateiwa paruware.”—Mateo 7:24, 25.
14 MuParestina mvura dzakawanda dzaigona kumhanyisa mvura dzichidzika mumipata yakaoma mumafashamo akamwe kamwe anoparadza. Kana dzimba dzakanga dzichizomira, dzaida nheyo dzaparuware rwakasimba. Nhauro yaRuka inoratidza kuti murume wacho “akachera, akadzikisa, akaiteya paruware.” (Ruka 6:48) Rakanga riri basa rakaoma, asi raibhadhara apo dutu rakauya. Naizvozvo kuvakira mavara echiKristu pakutaura kwaJesu kuchava kunotusa apo mafashamo akamwe kamwe anoparadza enhamo anorovanya.
15. Chii chichava muuyo nokuda kwaavo vanotevera magamuchidzanwa avanhu panzvimbo pokuteerera mashoko aJesu?
15 Imwe imba yakavakwa pajecha: “Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi, wakavaka imba yake pajecha. Mvura zhinji ikauya, mvura zhinji ikanaya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.” Ndozvakuchaita nokuda kwaavo vanoti “Ishe, Ishe” asi vanokundikana kuita kutaura kwaJesu.—Mateo 7:26, 27.
“Asingaiti Savanyori Vavo”
16. Chii chakanga chiri muuyo paavo vakanzwa Mharidzo yapaGomo?
16 Chii chakanga chiri muuyo weMharidzo yapaGomo? “Jesu wakati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu une simba, asingaiti savanyori vavo.” (Mateo 7:28, 29) Vakanyandurwa zvikuru nouyo akataura nechiremera chavakanga vasina kutongonzwa nakare kose.
17. Chii icho vanyori vaifanira kuita kuti varuramise dzidziso yavo, uye chii chavakataura pamusoro pavazivi vakafa vakanokorwa mashoko?
17 Hakuna munyori akatombotaura nechiremera chake amene, sokuratidza kunoita ichi chinyorwa chenhau: “Vanyori vaiwana mbiri kudzidziso yavo mumagamuchidzanwa, uye madzibaba avo: uye hapana mharidzo yomunyori upi noupi yakanga ine chiremera kana ukoshi, isinga[dudzi] . . . Vanarabhi vane gamuchidzanwa, kana . . . Vanhu vakachenjera vanoti; kana svikiro regamuchidzanwa rorudzi irworwo. Hillel Mukuru akadzidzisa zvirokwazvo, uye sezvo gamuchidzanwa racho raiva pamusoro pechinhu chakati; ‘Asi, kunyange zvazvo akakurukura nezvenhau iyoyo muswere wose wezuva, . . . havana kugamuchira dzidziso yake, kusvikira pakupedzisira ati, Naizvozvo ndakanzwa kuna Shemaia naAbtalion [zviremera zvapamberi paHillel].’” (A Commentary on the New Testament From the Talmud and Hebraica, yakanyorwa naJohn Lightfoot) VaFarise vakatotaura nezvavazivi vakafa kare kare: “Miromo yavakarurama, apo mumwe munhu anodudza dzidziso yomutemo uri mumazita avo—miromo yavo inotaura zevezeve navo mumakuva.”—Torah—From Scroll to Symbol in Formative Judaism.
18. (a) Musianoi wakanga uri pakati pedzidziso yavanyori neiyo yaJesu? (b) Dzidziso yaJesu yakanga yakatanhamara kwazvo munzirai?
18 Vanyori vakanokora mashoko vanhu vakafa sezviremera; Jesu akataura nechiremera chakabva kuna Mwari mupenyu. (Johane 12:49, 50; 14:10) Vanarabhi vaichera mvura isinganaki mumatsime akavharwa; Jesu akabudisa zvitubu zvemvura yakanaka iyo yakapedza nyota yomukati. Iye akanyengetera ndokurangarira usiku hwose, uye apo akabata, akabata makadzama muvanhu mavakanga vasina kutongoziva nakare kose. Iye akataura nesimba ravaigona kunzwa, chiremera icho kunyange vanyori, vaFarise, uye vaSadhuse pakupedzisira vakatya kudenha. (Mateo 22:46; Marko 12:34; Ruka 20:40) Hakuna kutongova nomumwe munhu akanga ataura saizvozvi! Pamhedziso yemharidzo yacho, mapoka akasiiwa akatyamadzwa!
19. Mimwe mitoo yokudzidzisa inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha nhasi yakafanana sei neiyo yakashandiswa naJesu muMharidzo yapaGomo?
19 Zvakadiniko nanhasi? Savashumiri vapaimba neimba, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa mitoo yakafanana. Saimba anokuudza, kuti: “Chechi yangu inotaura kuti pasi richapiswa.” Iwe unopindura, kuti: “Bhaibheri renyu mumene reKing James rinorava pana Muparidzi 1:4, kuti: ‘Pasi rinogara nokusingaperi.’” Munhu wacho anokatyamadzwa. “Chokwadi, handina kutongoziva kuti ikoko kuri muBhaibheri rangu!” Mumwe anoti: “Ndakanzwa nguva dzose kuti vatadzi vachatsva muhero yomwoto.” “Asi Bhaibheri renyu mumene rinotaura pana VaRoma 6:23, kuti: ‘Mibairo yechivi rufu.’” Kana paUtatu: “Muparidzi wangu anotaura kuti Jesu naBaba vake vakaenzana.” “Asi pana Johane 14:28 Bhaibheri renyu rinonokora mashoko Jesu saanoti: ‘Baba vangu vakuru kwandiri.’” Mumwe munhu anoti kwauri: “Ndakanzwa kuchitaurwa kuti Umambo hwaMwari huri mukati menyu.” Mhinduro yako, inoti: “Pana Dhanieri 2:44 Bhaibheri renyu rinotaura kuti: ‘Mumazuva amadzimambo aya Mwari wokudenga achagadza umambo, husati huchizotongoparadzwa . . . Huchaputsanya ndokuparadza madzimambo iwaya ose, uye huchamira nokusingaperi.’ Ihwohwo hungagona sei kuva mukati menyu?”
20. (a) Musianoi uripo pakati pedzidziso yeZvapupu neiyo yavakuru vorudzidziso vechiKristudhomu? (b) Zvino yava nguva yechii?
20 Jesu akataura nechiremera chakabva kuna Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvinotaura nechiremera cheShoko raMwari. Vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vanotaura magamuchidzanwa orudzidziso akashatiswa nedzidziso dzakapiwa dzichibva Bhabhironi neEgipita. Apo vanhu vapachokwadi vanonzwa zvitendero zvavo zvichirambwa neBhaibheri, vanokatyamadzwa ndokuzivisa, kuti: ‘Handina kutongoziva kuti ikoko kwakanga kuri muBhaibheri rangu!’ Asi kurimo. Zvino inguva yokuti vose avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu vangwarire kutaura kwaJesu kuri muMharidzo yapaGomo uye nomutoo iwoyo kuvakira panheyo yakasimba yoruware.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Panzvimbo pokuita rutongeso, chii chatinofanira kuedza kuita, uye nei?
◻ Neiko vazhinji kwazvo nhasi vachisarudza nzira yakafara?
◻ Neiko nzira yaJesu yokudzidzisa yakanga yakasiana kwazvo neiyo yavanyori?
◻ Chii chakanga chiri muuyo weMharidzo yapaGomo pavanzwi vayo?