Kurudziranai Sezvo Zuva Rinoswedera Pedyo
“[Ivai] vanokurudzirana, uye zvikuru kwazvo sezvo munoona zuva richiswedera pedyo.”—VAHEBHERU 10:25, “NW.”
1, 2. Izuvai rinoswedera pedyo, uye chii chinofanira kuva chimiro chavanhu vaJehovha?
AVO nhasi vanogoverana mukuti, ‘Uya ndokunwa mvura youpenyu,’ havazviparadzanisi vamene. Sezvo zuva guru rorukundo rwaJehovha rinosvika, vanoshandisa zano reBhaibheri, rinoti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuunganidza kwedu timene pamwe chete, setsika yavamwe, asi tikurudzirane, uye zvikuru kwazvo sezvo munoona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25, NW.
2 Magwaro anoporofita pamusoro pe“zuva” iroro se“zuva raJehovha.” (2 Petro 3:10, NW) Sezvo Jehovha ari Wokumusorosoro, Mwari wamasimba ose, hakuna zuva ringagona sezvinobvira kupfuura zuva rake. (Mabasa 2:20) Rinoreva kurevererwa kwouchangamire hwake saMwari pamusoro pechisiko chose chapose pose. Zuva iroro roukoshi husingaenzaniswi rinoswedera pedyo.
3. Zuva raJehovha rakanga richiswedera pedyo sei nokuda kwamaKristu muzana rokutanga ramakore, uye zvakadiniko nokuda kwedu nhasi?
3 Muapostora Pauro akaudza maKristu muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose kuti zuva raJehovha rakanga richisvika. Vaitarira mberi kukuuya kwezuva iroro, asi shure ikoko, zuva iroro rakanga riri kure naanopfuura makore 1 900. (2 VaTesaronika 2:1-3) Pasinei hapo neidi iroro, vaifanira kukurudzirwa nemhaka yokuti zuva iroro rakanga richizouya chaizvoizvo, uye kana maKristu aifambira mberi zvakatsiga mukutenda ikoko, aizopinda muzuva iroro rakakomborerwa. (2 Timotio 4:8) Shure ikoko, zuva iroro rakaoneka kuva rinoswedera pedyo. Nokuda kwedu nhasi, zuva raJehovha zvamazvirokwazvo raswedera pedyo. Zadziko dzose dzinoshamisa dzouporofita hweBhaibheri dzinosimbisa iri idi rinonyandura mufaro. Nokukurumidza, zita raMwari wedu, Jehovha, richatsveneswa nokusingagumi kwose.—Ruka 11:2.
Vanokurudzirwa Nezita Roumwari
4. Mukuwirirana naZvakazarurwa 19:6, ndiani anofanira kuva Mambo, uye zita rake rinonzwisiswa sei?
4 Zita roumwari rinofanira kuva nhau yefariro kumhuri yose yomunhu. Today’s English Version inoti: “Rumbidza Mwari! Nokuti Ishe, Mwari wedu Wamasimba ose, ndiMambo!” (Zvakazarurwa 19:6) Mukuwirirana neshanduro iyoyo yeBhaibheri yezana ramakore rechi 20, iye ndiShe, Mwari wamasimba ose. Shanduro iyoyo, pamwe chete nedzimwe shanduro zhinji dzazvino uno, haisati ichipa zita roMunhu woumwari uyo anovamba kutonga saMambo. Zvisinei, zita roumwari rinobatanidzwa mukutaura kwokuti “Hareruya!” (“Rumbidzai Jah” kana kuti, “Rumbidzai Jehovha”) rinowanika muRevised Standard Version, New International Version, uye shanduro yaMoffatt yaZvakazarurwa 19:6. Nokuda kwouzhinji hweNguva yedu yaVose, zita roumwari rakadzikatidzwa zvikurukuru mushanduro dzeBhaibheri. Sezvatichaona, zvisinei, zita iroro rave riri rekurudziro huru kuvanhu vaMwari, munguva dzose dziri mbiri dzekare nedzazvino uno.
5, 6. (a) Neiko Mosesi aida kuziva zita raMwari uyo iye akamirira? (b) Chii chinofanira kuva chakava muuyo pavaIsraeri apo Mosesi akasimbisa zita roumwari?
5 Tinoyeuka kuti apo Mosesi akatumwa naMwari Wokumusorosoro kuvanhu vaIsraeri vakapinzwa muuranda munyika yeEgipita, mubvunzo wokuti ndiani akamutuma wakazvimutsa umene mundangariro dzavanhu avo Mosesi akanga atumwa kwavari. Mosesi akakarira kuti vanhu vechiJudha vanotambura vaizoda kuziva zita raMwari waaimirira. Muna ikoku tinorava pana Eksodho 3:15 (NW), kuti: “Mwari akatizve kuna Mosesi: ‘Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvanakomana vaIsraeri, “Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbrahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho, wakandituma kwamuri.”’ Iri ndiro zita rangu kusvikira kunguva isingazivikanwi, uye ichi ndicho chirangaridzo changu kusvikira kuchizvarwa nechizvarwa.”
6 Apo aya mashoko akasimbiswa kwavari, vaIsraeri vanofanira kuva vakanzwa vakurudzirwa zvikuru. Kununurwa kwavo kwakavimbiswa naMwari wechokwadi bedzi, Jehovha. Uye kunofanira kuva kwakava kunokurudzira sei kuva nekariro yokuva vakarovedzana naMwari apo iye aizoratidzira revo yezita rake chairo—asingazviparadzanisi amene nenzira yokuzvitutumadza!—Eksodho 3:13; 4:29-31.
7. (a) Tinoziva sei kuti vadzidzi vaJesu vakanga vakarovedzana nezita roumwari? (b) Zita raMwari rakasaidzirwa sei shure?
7 Vadzidzi vaShe Jesu Kristu vakakurudzirwawo zvikuru nezita roumwari, Jehovha, uye charaimirira. (Johane 17:6, 26) Mukati moushumiri hwaJesu hwapasi, iye zvamazvirokwazvo haana kusaidzirira zita roumwari shure, uye rakanga risiri donzo rake kuita kuti zita rake amene, Jesu, riwane nzvimbo yokutanga. Zita roumwari rakasaidzirwa shure, hungu, kudokuparadzwa mutsinhano yechiKristu yekurukurirano pashure bedzi pokuvamba kwokuwa pakutenda kwakadeya kutaurwa kubva mukutenda kwechiKristu chechokwadi. (Mabasa 20:29, 30) Apo bedzi zita roMwanakomana waMwari raizovamba kupiwa utanhamari hukuru, richifukidza iro raBaba, vanotaura kuva maKristu vaizowana kunamata kwavo Baba kuchiva kusina hunhu nenzira inowedzera, kusina kuva pedyo kwemhuri, uye naizvozvo kusati kuchikurudzira zvikuru.
8. Chii chave chiri muuyo unopfuurira pavanhu vaMwari wokugamuchirwa kwezita rokuti Zvapupu zvaJehovha?
8 Nokudaro, chakanga chiri chikonzero chomufaro usingatauriki apo International Bible Students yakabatanidzwa neWatch Tower Society yakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931. Kwakanga kusati kuri bedzi kunonyandura mufaro asi kwakanga kuri kunokurudzira zvikurusa. Pana ikoku, vadzidzi veBhaibheri vachangobva kupiwa zita vaigona kukurudzirana.—Enzanisa naIsaya 43:12.
9. MaKristu echokwadi anonzwa sei pamusoro poUyo vari Zvapupu zvake?
9 Naizvozvo, maKristu echokwadi nhasi anokuwana kwakafanira kuziva Uyo vari Zvapupu zvake zvakadeya kutaurwa, kunyange sezvo Jesu Kristu Mutungamiriri wazvo akaita paakanga ari pano pasi pano. (Zvakazarurwa 1:1, 2) Hungu, vanomuziva souyo bedzi ane zita rinonzi Jehovha.—Pisarema 83:18.
Vakazadzwa Nomufaro Nomudzimu Mutsvene
10-12. (a) Chii chaizova muuyo wesimba rinobate basa pavateveri vaJesu? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinonyandurwa nomufaro zvinoda kubatana sei?
10 Jesu Kristu akati mumashoko ake okuoneka kuvaapostora vake: “Endai naizvozvo ndokuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 28:19, 20, NW.
11 Cherekedza kuti maKristu achangobva kudzidziswa aifanira kubhapatidzwa muzita romudzimu mutsvene. Uyu mudzimu mutsvene hausati uri munhu asi simba rinobate basa raJehovha Mwari, iro Iye anoshandisa kupfurikidza naJesu Kristu. PaPentekosta, Jehovha Mwari, kupfurikidza naJesu, akadururira iri simba rinobate basa pavateveri vakazvitsaurira vaJesu Kristu. (Mabasa 2:33) Vakazadzwa nouyu mudzimu mutsvene, uye chimwe cheratidziro, kana kuti zvibereko, zvomudzimu mutsvene ndiwo mufaro. (VaGaratia 5:22, 23; VaEfeso 5:18-20) Mufaro ivara rinonyandura. Vadzidzi vanofanira kuzadzwa nomufaro womudzimu mutsvene. Munyengetero wakataurwa nomuapostora Pauro wakasanofanira zvikurusa: “Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba ro[mudzimu mutsvene, NW].”—VaRoma 15:13.
12 Zvazadzwa nouyu mudzimu unonyandura mufaro, Zvapupu zvaJehovha nhasi, kubatanidza “boka guru,” zvichada, hungu, zvichasundwa, kukurudzirana pakati petsika ino isina ushamwari yezvinhu. Nenzira inowirirana, muapostora Pauro akataura nezve“tsinhano yekurudzirano.”—Zvakazarurwa 7:9, 10; VaRoma 1:12, NW; VaR 14:17.
Chikonzero Chiri Chose Chokuva Anokurudzirwa
13. Zvikonzeroi zvatinazvo zvokuva vanokurudzirwa uye zvokukurudzirana?
13 Achizviwana amene ari pakati petsika ino yezvinhu, iyo mushori wechinhu chiri chose chakarurama ari mutongi wayo uye kunyange mwari, maKristu achada kukurudzirana mukati meungano yenyika yose yechiKristu, iyo yakazadzwa nomudzimu mutsvene waJehovha Mwari. (VaHebheru 10:24, 25; Mabasa 20:28) Tine chikonzero chiri chose chokuva vanokurudzirwa. Hungu, tinoonga sei kuva nezivo yakarurama yaJehovha neyoMwanakomana wake neyesimba rinobate basa ravanoshandisa, ndiko kuti, mudzimu mutsvene! Tinoonga sei nokuda kwetariro yavanopa! Kunamata kwedu nokudaro kunozadzwa nomufaro. Muapostora Pauro akaudza maKristu uko iye akanyorera tsamba yake kuti vanofanira kukurudzirana ndokuva vanovakana mukutenda kwavo kutsvene zvikurusa. Vaifanira kuita ikoku ‘zvikuru kwazvo sezvo vaiona nenzira yokufananidzira zuva richiswedera pedyo.’ Uyezve, apo masimba ezvamatongerwe enyika apasi rino anoparadza chiKristu nezita, pamwe chete namamwe marudzidziso ose enhema, mugariro wacho ucharaira kuti tikurudzirane zvinotova zvikuru.
14. Ndivanaani vanofanira kuva vachikurudzirana, uye sei?
14 Nepo vakuru vachitungamirira mukukurudzira boka muungano dzavo dzimwe nedzimwe, maKristu ose anofanira kukurudzirana, kungofanana neizvo VaHebheru 10:25 inopangira. Kutaura idi, ichi ndichinodikanwa chechiKristu. Kana iwe uri mutezo weungano, unopa iyi kurudziro here? Ungashamisika kuti, ‘Ndinogona seiko? Chii chandinogona kuita?’ Kutanga, kupfurikidza nokungova kwako pamisangano uye kupfurikidza netsigiro yako yegadziriro yechiKristu, dzimwe hama dzose nehanzvadzi hadzikurudzirwi here, kunyange sezvo iwe umene sezvingabvira uchikurudzirwa pakuona vamwe vachipinda misangano yeungano nenzira yokutendeka? Vanogonawo kukurudzirwa nomuenzaniso wako wetsungiriro yokutendeka. Kupfurikidza nokupfuurira kwako munzira yechiKristu pasinei hapo nezvinetso zvoupenyu nezvitambudzo, usingatongoregi, unogona kugadza muenzaniso unonyandura.
Kurira Kuora Mwoyo Kunobva Kuna Dhiabhorosi
15. Neiko Dhiabhorosi aine “kutsamwa kukuru,” uye mukurwisana navanaani?
15 Hatisati tiri isu toga tinoziva kuti zuva raJehovha rava pedyo. Satani Dhiabhorosi anozivawo. Zvakazarurwa 12:12 (NW), inotiudza kuti zvino une nhamo nokuda kwapasi “nemhaka yokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, ane kutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.” Sokuratidzira kunoita Zvakazarurwa 12:17 (NW), kutsamwa kwake kukuru kunonangidzirwa paavo “vanochengeta mirairo yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” Hapana panikiro pamusoro pako—Dhiabhorosi anoda kutiodza mwoyo! Uye iye anoziva chaizvo maedzere aanokuita. Iye anoziva utera hwedu nezvinetso, uye anoshandisa izvozvi.
16. Neiko Satani achishandisa kuora mwoyo sechombo?
16 Neiko Dhiabhorosi achishandisa kuora mwoyo sechombo? Nemhaka yokuti kazhinji kazhinji kunoshanda. Kunyange munhu akatsungirira chishoro chaicho nechitambudzo angava nyajambwa wokuora mwoyo. Satani anoda kushora Jehovha Mwari ndokuedza kubvumikisa kuti iye anogona kubvisa vanhu pakuMubatira. (Zvirevo 27:11; enzanisa naJobho 2:4, 5; Zvakazarurwa 12:10.) Kana achigona kukuodza mwoyo, iye angakuparira kuderera mubasa rako kuna Mwari; iye angatokuparira kumira, kuva asingaiti basa mukuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo.—2 VaKorinte 2:10, 11; VaEfeso 6:11; 1 Petro 5:8.
17. Miuyo yakashata yokuora mwoyo yakaoneka sei muzuva raMosesi?
17 Miuyo yakaipa yokuora mwoyo inogona kucherekedzwa muchinoitika chavaIsraeri muEgipita yekare. Pashure pokunge Mosesi ataura kuna Farao, mudzvinyiriri iyeyo akawedzera zvikuru mitoro yavo nokuvadzvinyirira kwake. Mwari akaudza Mosesi kupikira vaIsraeri kuti Iye zvamazvirokwazvo aizovanunura, kuvaita vanhu Vake, kugovera kubuda kwavo, uye kuvapinza munyika yechipikirwa. Mosesi akataura izvozvo kuvanakomana vaIsraeri. Asi Eksodho 6:9 (NW), inoshuma, kuti: “Havana kuteerera Mosesi nemhaka yokuora mwoyo uye nokuda kwouranda hwakaoma.” Kusvikira Jehovha apwisa Mosesi ndokumukurudzira, ichi chiito chakatoodza mwoyo Mosesi pakuda kutaura kuna Farao sezvaakanga arairwa.—Eksodho 6:10-13.
18. Neiko paine dikanwo huru yokuti vanhu vaMwari vakurire kuora mwoyo kunoparirwa naDhiabhorosi?
18 Satani Dhiabhorosi anosanoziva muuyo wakaipa uyo kuora mwoyo kunogona kuva nawo pamubatiri waMwari. Sokutaura kunoita Zvirevo 24:10 (NW): “Wakazviratidza umene wakaora mwoyo muzuva renhamo here? Simba rako richava shoma.” Sezvo tiri kurarama mukati zvikuru menguva yomugumo, tinofanira kuva vane simba navakasimba mumudzimu. Kwakaipa zvikuru kuti tinofanira kurwisana nokusakwana kwedu, utera, uye zvikanganiso izvo zvingatidzivisa; asi naSatani ari kuedza kushandisa izvi zvikanganiso, tinoda betsero.
Tsamira Zvakasimba Pachibairo chaKristu
19. Chii chichatibetsera kukurira kuora mwoyo, uye nei?
19 Betsero huru muna ikoku igadziriro yorudzikinuro iyo Jehovha akaita kuti ibvire kupfurikidza naJesu Kristu. Tinogona kuva vakuriri kupfurikidza nokutsamira zvakasimba parudzikinuro rwacho. Kune ngozi kuderedza iyi gadziriro. Hungu, tichangoita chakaipa, kana kuti chivi, chero bedzi tisina kukwana. Asi hatifaniri kuodzwa mwoyo ndokurega, tichinzwa kuti hapana tariro, uye neiyi nzira tichiwira mumusungo waSatani. Tinoziva kuti tine chibairo chakazara chechivi. Rudzikinuro runokwanisa kubvisa zvivi. Kana tiri ve“boka guru,” tinofanira kuva nokutenda kwakazara nechivimbo chokuti tinogona kusuka nguvo dzedu ndokudzichenesa muropa reGwaiana.—Zvakazarurwa 7:9, 14, NW.
20. Zvakazarurwa 12:11 inoratidzira sei kuti muodzi mwoyo mukuru, Dhiabhorosi, anogona kukurirwa?
20 Pana Zvakazarurwa 12:10 (NW), Satani anorondedzerwa so“mupomeri wehama dzedu . . . uyo anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu.” Tinogona sei kukurira mupomeri akaipa kudaro nomuodzi mwoyo mukuru? Ndima 11 yeganhuro iyoyo inogovera mhinduro: “Vakamukurira nemhaka yeropa reGwaiana uye nemhaka yeshoko rokupupurira kwavo, uye havana kuda mweya yavo kunyange mukutarisana norufu.” Naizvozvo vanhu vaJehovha vanoda kuchengeta chivimbo chakazara muchibairo chorudzikinuro, ropa reGwaiana. Chengeta kurudziro inobva mukupupurira yakasimba, uchigoverana nguva dzose mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nomunhu ari wose waunogona.
21. Tingagoverana sei nenzira yokusaziva mubasa raDhiabhorosi rokuodza mwoyo hama dzedu?
21 Pane dzimwe nguva, kunyange nenzira yokusaziva, tingagoverana mubasa raDhiabhorosi rokuodza mwoyo hama dzedu. Seiko? Kupfurikidza nokuva anonyanyotsoropodza, kuva anonyanyoraira, kana kuti kuva akaisvorurama. (Muparidzi 7:16) Tose zvedu tine perevedzo noutera. Ngatiregei kuzvishandisa sezvinoita Dhiabhorosi. Panzvimbo pezvo, ngatitaurei nenzira inokurudzira pamusoro pehama dzedu uye vanhu vaJehovha seboka rakarongwa. Tinoda kuramba tichisimbisana mwoyo uye naizvozvo kudzivisa kuodzana mwoyo.
Kukurudzira Sezvo Zuva Rinoswedera Pedyo
22, 23. (a) Neiko tisingafaniri kukusiira bedzi kuvakuru kuva manyuko ekurudziro? (b) Vatariri muungano yechiKristu vanogona sei kuva vanokurudzirwa?
22 Tinofanira kukuita chisarudzo chedu chakasimba kukurudzirana nguva dzose sezvo zuva rinoswedera pedyo. Kurudzira vamwe kupfurikidza nomuenzaniso wako wokutendeka namashoko enyaradzo. Tevedzera Jehovha naIshe Jesu Kristu muna ikoku. Usangokusiira kuvakuru veungano kuti vave manyuko ekurudziro. Chokwadi, vakuru vamene vanoda kurudziro. Vane utera nokushaya simba kungofanana navose vasara veboka, uye vanofanira kugonana nezvinetso zvimwe chetezvo mukugovera nokuda kwemhuri dzavo munyika iri kuora. Mukuwedzera kuna ikoko, vane icho Pauro akarondedzera sefunganyo nokuda kweungano. (2 VaKorinte 11:28, 29) Ravo ibasa rakaoma—vanoda kurudziro.
23 Unogona kukurudzira zvikuru avo vari munzvimbo dzoutarisiri muungano yechiKristu kupfurikidza nokubatira pamwe navo. Ipapo uchave uchitevera zano raVaHebheru 13:17 (NW), rinoti: “Ivai vanoteerera avo vari kutungamirira pakati penyu uye ivai vanozviisa pasi, nokuti vanoramba vachichengeta mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vagoita ikoku nomufaro uye kwete nokugomera, nokuti ikoku kungava kunokuvadza kwamuri.”
24. Muzuva rino rokuora mwoyo, chii chatinofanira kuva tichiita, uye nei?
24 Tinorarama muzuva rokuora mwoyo. Mwoyo yavanhu zvamazvirokwazvo iri kupera simba nemhaka yorutyo nekariro yezvinhu zviri kuwira pamusoro papasi rinogarwa, sokudeya kutaura kwakaita Jesu. (Ruka 21:25, 26) Nezvinetso zvizhinji kwazvo izvo zvinokombamira kuva zvinodzvinyirira ndokuodza mwoyo, ivai “vanokurudzirana, uye zvikuru kwazvo sezvo munoona zuva richiswedera pedyo.” Tevera zano rakanaka romuapostora Pauro riri pana 1 VaTesaronika 5:11 (NW), rinoti: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana, kungofanana nezvamuri kuita chaizvoizvo.”
Waizopindura Sei?
◻ Neiko maKristu achifanira kuva achikurudzirana, kunyange kupfuura kare?
◻ Zivo yezita roumwari yave ichikurudzira sei kuvanhu vaJehovha?
◻ Munzirai matinogona kukurudzirana somunhu mumwe nomumwe?
◻ Nei tichifanira kudzivisa kugoverana mubasa raDhiabhorosi rokuodza mwoyo hama dzedu?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vakuru vanotungamirira mukukurudzira boka muungano dzavo