RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/15 p. 23
  • Chikonzero Nei Tichida Kutenda Nouchenjeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Tichida Kutenda Nouchenjeri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda, Miedzo, Uye Mabasa
  • Uchenjeri Hwokudenga Uye Munyengetero
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 59—Jakobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Vaiti Veshoko” Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Pasinei Zvapo Nemiedzo, Ramba Une Kutenda Kwako!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/15 p. 23

Chikonzero Nei Tichida Kutenda Nouchenjeri

Mapfundo Makuru Anobva Mutsamba yaJakobho

VABATIRI vaJehovha vanoda tsungiriro pavange vari mumuedzo. Ivo vanofanirawo kudzivisa mufambiro ungaguma nokusatendera kwoumwari. Mapfundo akadaro anosimbiswa mutsamba yaJakobho, uye kuita chimwe chinhu chakananga pamusoro pawo kunoda kutenda kunoshingaira nouchenjeri hwokudenga.

Munyori weiyi tsamba haazvizivisi amene somumwe wavaapostora vaviri vaJesu vainzi Jakobho asi so‘muranda waMwari nowaKristu.’ Nenzira yakafanana, munun’una kuna amai waJesu Judhasi anoti iye “muranda waJesu Kristu, munun’una waJakobho.” (Jakobho 1:1; Judhasi 1; Mateo 10:2, 3) Nokudaro, munun’una kuna amai waJesu Jakobho sezviri pachena akanyora tsamba ine zita rake.—Marko 6:3.

Iyi tsamba haidudzi ruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V., uye wezvenhau Josephus anoratidzira kuti Jakobho akaurairwa kutendeka chinguvana pashure porufu rwomumiriri weRoma Festo munenge muna 62 N.V. Sezvinooneka, ipapoka, tsamba yacho yakanyorwa pamberi pa 62 N.V. Iyo yakanyorerwa “marudzi gumi namaviri” aIsraeri womudzimu, nokuti yakanangidzirwa kuavo vakabatirira ku“kutenda kwaShe wedu Jesu Kristu.”—Jakobho 1:1; 2:1, NW; VaGaratia 6:16.

Jakobho anoshandisa mienzanisiro inogona kutibetsera kuyeuka zano rake. Somuenzaniso, iye anoratidza kuti munhu anokumbira Mwari nokuda kwouchenjeri haafaniri kupanikira, “nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.” (1:5-8) Rurimi rwedu runofanira kudzorwa nemhaka yokuti runogona kudzora nzira yedu sechidzoreso chinodzora igwa. (3:1, 4) Uye kuti tigonane nemiedzo, tinofanira kuratidzira tsungiriro yokushivirira sezvinoita murimi pakumirira kucheka.—5:7, 8.

Kutenda, Miedzo, Uye Mabasa

Jakobho anotanga kuratidza kuti tinogona kufara samaKristu pasinei zvapo nemiedzo yedu. (1:1-18) Mimwe yemiedzo iyoyi, zvakadai sezvirwere, inozivikanwa navanhu vose, asi maKristu anotamburawo nokuda kwokuva varanda vaMwari navaKristu. Jehovha achatipa uchenjeri hunodikanwa kuti titsungirire kana tikaramba tichihukumbira mukutenda. Iye haatongotiedzi nezvinhu zvakaipa, uye tinogona kutsamira paari kuti agovere zviri zvakanaka.

Kuti tigamuchire betsero yaMwari, tinofanira kupa kunamata kwaari kupfurikidza namabasa anoratidzira kutenda kwedu. (1:19–2:26) Ikoku kunoda kuti isu tive “vaiti veshoko,” kwete vanzwiwo zvawo. Tinofanira kudzora rurimi, kutarisira nherera nechirikadzi, uye kuramba tisina ruvara runobva munyika. Kana taida vapfumi ndokusarangarira varombo, taizoputsa “murairo woushe” worudo. Tinofanirawo kuyeuka kuti kutenda kunoratidzwa namabasa, sokusanoenzanisira kunoita mienzaniso yaAbrahama naRakabhi. Zvamazvirokwazvo, “kutenda kusina mabasa kwakafa.”

Uchenjeri Hwokudenga Uye Munyengetero

Vadzidzisi vanoda zvose zviri zviviri kutenda nouchenjeri kuti vaite mabasa avo. (3:1-18) Ivo vane mutoro unorema zvikuru savaraidzi. Kufanana navo, tinofanira kudzora rurimi—chimwe chinhu icho uchenjeri hwokudenga hunotibetsera kuita.

Uchenjeri hunotigonesawo kuziva kuti kutera kukombamiro dzenyika kwaizokuvadza ukama hwedu naMwari. (4:1–5:12) Kana takarwa kuti tiwane vavariro dzoudyire kana kuti takashurikidza hama dzedu, tinofanira kupfidza. Uye kunokosha sei kudzivisa ushamwari nenyika ino, nokuti ihwohwu upombwe hwomudzimu! Ngatisatongofuratire kuda kwaMwari kupfurikidza nokuronga kwokudisa zvenyika, uye ngatidzivise mudzimu wokusashivirirana nokunyunyutirana.

Munhu upi noupi anorwara mumudzimu anofanira kutsvaka betsero yavakuru veungano. (5:13-20) Kana zvivi zvakaitwa, minyengetero yavo nezano rokuchenjera zvichabetsera kudzorera utano hwomudzimu hwomutadzi anopfidza. Kutaura idi, “unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya [womuiti wechisina kururama] parufu [rwomudzimu norwusingagumi].”

[Bhokisi riri papeji 23]

Vaiti veShoko: Tinofanira kuva “vaiti veshoko, uye kwete vanzwi bedzi.” (Jakobho 1:22-25, NW) Munzwiwo zvake “wakafanana nomunhu unoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni.” Pashure pokuongorora kupfupi, iye anoenda “ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.” Asi ‘muiti weshoko’ anotarisa nokungwarira pamutemo waMwari, wakakwana, kana kuti wakazara, achigamuchira chinhu chiri chose chinodikanwa kumuKristu. Iye “anoramba achidaro,” achipfuurira kunzvera mutemo iwoyo nomurangariro wokuita ruramiso kuti awirirane nawo zvikuru. (Pisarema 119:16) “Muiti webasa” anosiana sei nomunhu anotarisa nokukurumidza muchionioni ndokukanganwa zvachinoratidza? Chokwadi, muiti anoshandisa shoko raJehovha uye anofarikanya nyasha Dzake!—Pisarema 19:7-11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe