Rugare Rusingagumi Ruchauya Rini Chaizvoizvo?
“HONDO ndichimwe chezvinhu zvenguva dzose zvenhau, uye haina kuderera nepepuko kana kuti hurumende inosarudzwa navanhu,” vakanyora kudaro Will naAriel Durant mubhuku ravo rinonzi The Lessons of History. “Rugare mugariro usina kutsiga, unogona kuchengetwa bedzi nechiremera chinobvumwa kana kuti simba rakaenzana.”
Zvamazvirokwazvo, pasinei zvapo nenhamburiko huru, kusvikira panguva ino rugare rusingagumi rwakanzvenga rudzi rwomunhu. Neiko? Chikonzero ndechokuti zvisakiso zvehondo zvakasimba zvikuru kupfuura rwisano dzezvamatongerwe enyika, dzenyika, kana kuti dzenzanga dzatinoona pamusoro. VanaDurant vakati: “Zvisakiso zvehondo ndizvimwe chetezvo nezvisakiso zvamakwikwi pakati pavanhu vamwe navamwe: makaro, ukono, uye rudado; chishuvo chezvokudya, munda, zvinhu, mafuta, udzori.”
Zvisinei, Bhaibheri zvikurukuru rinozivisa chisakiso chikuru chekakavadzano nehondo pakati pavanhu vamwe navamwe napamwero mukuru zvikuru. Tinorava, kuti: “Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa.”—Jakobho 4:1, 2.
Nhau yacho, ipapoka, inotaurwa namashoko mashomanene, kuti: Kuti rugare rwechokwadi rwuuye, tinofanira kubvisa kwete bedzi zviratidzo—hondo, kumukira, kupandukira, zvimurenga—asiwo zvisakiso zvikuru—kunyumwira, makaro, ruvengo, utsinye—zviri muvanhu vose. Izvozvi zvinofanira kutsiviwa nezviito zvinowirirana namavara asina udyire akadai sorudo, mutsa, chivimbo, uye rupo. Munhu upi noupi aripo here uyo anokwanisa kuita ikoku? Kana kuchitsamira pane vapasi vasina kukwana, vanofa, mhinduro yacho ichafanira kuva aiwa. Asi kune mumwe munhu asina kuomerwa zvikuru naikoku. Iyeyo ndiye Uyo ane mhinduro kumubvunzo, wokuti: Rugare ruchauya rini chaizvoizvo?
Uyo Anogona Kuunza Rugare
Mazana amakore 28 apfuura, muporofita Isaya akafuridzirwa kuzivisa, kuti: “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.
Kuzivikanwa kwaiyeyu uyo achaunza rugare rusina mugumo kwakaziviswa gare gare kuva asiri mumwe kunze kwaJesu Kristu, “Mwanakomana woWokumusorosoro.” (Ruka 1:30-33; Mateo 1:18-23) Asi neiko iyeyu achizobudirira apo mamwe machinda ose navatongi vakundikana? Kutanga kwazvose, kunofanira kucherechedzwa kuti “mwana” akapikirwa aisafanira kuramba ari mucheche asingabetseri nokusingaperi, sokumufananidzira kungaita vamwe. Panzvimbo pezvo, akanga achizoshandisa “umambo” so“Muchinda woRugare,” kuchikomborero chisingagumi chorudzi rwomunhu.
Kune zvizhinji kukutonga kwaJesu. So“Unoshamisa, Gota,” ane nzwisiso yechienzi yomusikirwo wavanhu namano makurusa, iye achakwanisa kusvika pamwoyo penhau dzakaoma nokudaro ndokupedza zvinetso zvakaoma zvinotarisana ndokudzongonyedza vatongi venyika nhasi. (Mateo 7:28, 29; Marko 12:13-17; Ruka 11:14-20) Ipapo, sa“Mwari Une Simba,” akafanana namwari akamutswa, Jesu Kristu, zvino akagadzwa pachigaro choumambo mumatenga saMambo wouMesia, achashandira rugare kupfurikidza nokudzokorora pamwero mukuru zvaakaita paaiva pasi pano—kuporesa avo vane hosha dzisingarapiki, kugovera mapoka zvokudya nezvokunwa, kunyange kudzora mugariro wokunze. (Mateo 14:14-21; Marko 4:36-39; Ruka 17:11-14; Johane 2:1-11) Sa“Baba vokusingaperi,” Jesu ane simba rokudzorera kuupenyu avo vakaparara murufu ndokupa kwavari upenyu husingagumi. Uye iye amene achararama nokusingaperi, nokudaro achiva nechokwadi chokuti kutonga kwake norugare hazvisati zvichizova nomugumo.—Mateo 20:28; Johane 11:25, 26; VaRoma 6:9.
Akadarozvo kushongedzerwa, Jesu Kristu nenzira yakajeka ndiye uyo anokwanisa kubata nezvisakiso zvakasimba zvehondo nokukakavara. Haasati achizongoitawo zvake chibvumirano chorugare kana rongedzero yokunodanwa kunzi kurarama pamwe chete kune rugare kwamarudzi, kuti chizongoparadzwa bedzi neimwe hondo. Panzvimbo pezvo, iye achabvisa kusaenzana kuri kwose kwezvamatongerwe enyika, kwenyika, kwenzanga, uye kwezvemari kupfurikidza nokupinza rudzi rwose rwomunhu mukutonga kumwe, uko kwoUmambo hwake hwouMesia. Kupfurikidza nokutungamirira vanhu vose mukunamatwa kwaMwari mumwe wechokwadi, Jehovha, iye achabvisa icho chinowanzova chisakiso chikuru chehondo—rudzidziso rwenhema. Hapana panikiro kuti Jesu Kristu, Muchinda woRugare, achaita zvose izvozvi. Mubvunzo ndowokuti, Rini?
Zvinoitika Zvinotungamirira Kurugare Rusingagumi
Pashure porumuko rwake nokukwira kudenga muna 33 N.V., Jesu aifanira kumirira nguva yakagadzwa yokuti aite chiito. Ikoku kwakanga kuri mukuwirirana nokuraira kwaJehovha, kuti: “‘Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Jehovha uchatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZioni, achiti: ‘Bata ushe pakati pavavengi vako.’” (Pisarema 110:1, 2; Ruka 22:69; VaEfeso 1:20; VaHebheru 10:12, 13) Ikoko kunoitika rini? Kwaanopfuura makore 70, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichizivisa kupota nyika mashoko akanaka okuti Jesu Kristu akavamba kutonga muUmambo hwaMwari mudenga mugore ra 1914.a
Asi ungati, ‘Kwave kusina rugare chifo cha 1914. Mukupesana, migariro yakabva pakuipa kuenda pakuipa zvikuru chifo chenguva iyeyo.’ Wakarurama chose. Ikoku kunobvumikisa chaizvoizvo kuti zvinoitika zviri kuitika sezvakangodeya kutaurwa. Bhaibheri rinotiudza kuti panguva chaipo apo “ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake, . . . marudzi akatsamwa.” (Zvakazarurwa 11:15, 18) Panzvimbo pokuzviisa pasi pokutonga kwaJehovha Mwari noMuchinda woRugare wake, marudzi akapinda mukurwa kwoupengo nokuda kwokudzora nyika ndokuratidzira kutsamwa zvikurukuru pamaKristu ayo akanga achipupurira Umambo hwaMwari hwakagadzwa.
Bhuku raZvakazarurwa rinozivisawo kuti nokukurumidza apo Jesu Kristu akapinda musimba roUmambo, iye akaita chiito chokubvisa Satani namadhemoni ake mudenga: “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku.” Muuyo wacho? Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti [Dhiabhorosi, NW] waburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:10, 12.
Chiratidzo Chokupedzisira
Ikoku kunotipa nzwisiso yechikonzero nei marudzi ave asingakwanisi kuparira rugare pasinei zvapo nenhamburiko dzawo dzose. Kutsamwa kukuru kwaDhiabhorosi, kunoratidzirwa muhasha dzamarudzi dzimene, kwakachengeta nyika yakanyanduka uye yakanyongana zvisina kutongoitika nakare kose munhau yomunhu. Kwose ikoku kuchaguma rini? Bhaibheri rinogovera nhungamiro inokosha, richiti: ‘Kana vachiti, ‘Rugare, nokugarika!’ ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira.”—1 VaTesaronika 5:3.
Unonzwisisa ukoshi hweiyi nyevero here? Zvinoitika zvenyika zvakadai seizvo tataura muudzame munyaya yapfuura zvinoratidza kuti vatongi navanhu vazhinji vari kutaura pamusoro porugare nokurusvasvavirira sezvisakamboitika nakare kose. Vamwe vanorangarira kuti nokuguma kwoUtsinye Hwakakomba pakati pamarudzi, tyisidziro yokuuraya kukuru kwenyukireya chinhu chomunguva yakapfuura. Hungu, marudzi ave achitaura zvakawanda pamusoro porugare nechengeteko. Asi mugariro wenyika uri kuenda chaizvoizvo murutivi irworwo here? Yeuka, Jesu akataura nezvaavo vari kurarama mumazuva okupedzisira, kutanga muna 1914, kuti: “Zvirwokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:34) Hungu, rugare ruchauya chaizvoizvo mukati mechizvarwa chino asi kwete kupfurikidza nenhamburiko dzamarudzi. Rugare rwakasimba zvikuru, rwakanaka, uye rwakarurama rwakapikirwa naJehovha Mwari runogona bedzi kuuya kupfurikidza nokutonga kwosvika kwoMuchinda woRugare wake, Jesu Kristu.—Isaya 9:7.
Kana uchipanga kuona zuva apo rugare ruchauya chaizvoizvo uye kuruwana navadiwa vako, ipapo tarira kuMuchinda woRugare uye sanorangarira mashoko ake anonyaradza, okuti: “Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:36.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwoudzame pamusoro pokuverenga nguva kweBhaibheri namauporofita eBhaibheri akazadzikwa, ona maganhuro 12 kusvikira ku 14 ebhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi riri papeji 6]
RUGARE RUNORONDEDZERWA
Nhasi vanhu vazhinjisa vanofunga nezvorugare sokusavapo kwehondo kana kukakavadzana. Ikoku, zvisinei, kurondedzerwa kwakaganhurirwa zvikuru kweshoko racho. Munguva dzeBhaibheri shoko rokuti “rugare” (chiHebheru, sha·lohmʹ) kana kutaura kwokuti “Rugare kwamuri!” kwaishandiswa sechimiro chinozivikwanwa navose chokukwazisa. (Vatongi 19:20; Dhanieri 10:19; Johane 20:19, 21, 26) Nenzira yakajeka, hakusati kuri kungonongedzera kukusavapo kwehondo. Cherechedza izvo bhuku rinonzi The Concept of Peace rinotaura pairi pfundo: “Apo shoko rokuti shalom rinoshandiswa nokuda kworugare, icho vairishandisa pakuvamba vairangarira wakanga uri mugariro wenyika kana wechaunga chavanhu umo mune kukwana, chinzwano, kuzara. . . . Pane rugare, zvose zviri zviviri chakazara namativi acho anoumba zvakasvika mwero yazvo mikurusa neyakanakisisa yokuvapo.” Apo Mwari anounza rugare, vanhu havasati vachizorega bedzi ku“dzidzazve hondo” asi ‘mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake amene nomuonde.’—Mika 4:3, 4, NW.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kusavapo kworugare kwakanzwiwa zvikuru chifo cheHondo yeNyika I