RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 6/1 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda poda?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mupfekero Wako Norutsvindo—Mwari Ane Basa Nazvo Here?
    Mukai!—1998
  • Vakadzi
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zvipfeko Zvakagadzirwa Zvakanaka Zvinoratidza Kuremekedza Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 6/1 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Kwakakodzera here kuti mukadzi wechiKristu ashandise zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti mekiapu, kudhaya vhudzi rake, kana kuti kutevera miitiro yakafanana?

Munguva yakapfuura uye muzuva redu, vamwe vanotaura kuti vanotevera Bhaibheri vakatanga mirangariro yakasimba asi yakasiana zvikuru pamusoro pechishongo.a

Vakadzi muchechi dzakati vanodzivisa chose chose mekiapu nezvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha. Somuenzaniso, bhuku rinonzi The Amish People rinoshuma kuti ivo “vanoganhurira chitarisiko chavo chomuviri nemhaka yokuti vanorangarira kuti mutezo upi noupi une fariro mhenyu muchitarisiko chenyika unotyisidzirwa, sezvo fariro [iyoyo] ichifanira kunangidzirwa parangariro dzomudzimu panzvimbo pedzomuviri. Vamwe . . . vachanokora mashoko Magwaro.”

Rugwaro rwakanokorwa mashoko ipapo rwakanga rwuri 1 Samueri 16:7: “Asi Jehovha wakati kuna Samueri: ‘Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, . . . nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.’” Zvisinei, rugwaro irworwo rwaiva nenongedzero kumumhu womukoma waDhavhidhi Eriabhi. Kwakajeka mumashoko akapoteredza kuti Mwari akanga asiri kutsinhira pano pamusoro pemiitiro yokutsvinda, zvakadai sokuti kana Dhavhidhi kana kuti vakoma vake vaitsvindisa vhudzi ravo kana kuti vaishandisa zvinhu zvinonyerenyeta panguvo dzavo kana kuti kwete.—Genesi 38:18; 2 Samueri 14:25, 26; Ruka 15:22.

Ikoku kunoenzanisira kuti vamwe vanotaura kuti maKristu anofanira kuva akachena zvakajeka, asingashandisi mekiapu kana kuti zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha, vanotsvaka tsigiro kupfurikidza namagwaro anoshandiswa zvisina kufanira. Bhaibheri kutaura idi harigoveri kurukurirano ine udzame yokutsvinda; uyewo haritenderi miitiro yakati yamafuta richirambidza mimwe. Charinopa inhungamiro dzine mufungo. Ngatirangarirei idzodzi tione kuti dzinogona sei kushandiswa nhasi.

Muapostora Pauro akapa nhungamiro yakafuridzirwa: “Vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji.” (1 Timotio 2:9) Petro akanyora zvakafanana: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo; asi ngakuve munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvo[mudzimu, NW] munyoro wakanyarara unokosha zvikuru pamberi paMwari.”—1 Petro 3:3, 4.

Mashoko echiGiriki anoshandurwa ipapo kuti “kushonga,” “vashonge nguvo dzakafanira,” uye “kushonga,” zvimiro zvakoʹsmos, iro ririwo mavambo eshoko rokuti “cosmetic,” kureva kuti “kunatswa zvi[kurukuru] kworuvara.” Naizvozvo magwaro iwayo anotibetsera kupindura mibvunzo pamusoro pokushandiswa kwamafuta kana kuti mekiapu, zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha, uye mamwe mativi okushonga kwechikadzi.

Pauro naPetro vakareva here kuti maKristu anofanira kudzivisa kuruka vhudzi rawo, kupfeka maparera nendarama, kana kuti, nokufutunura, kushandisa mafuta? Aiwa. Kutaura ikoko kuva revo yawo kwaizoda kuti hanzvadzi dzechiKristu dzidzivisewo ‘kupfeka nguvo dzokunze.’ Bva, Dhorkasi, uyo Petro akamutsa, aidiwa nemhaka yokuti aiita “nguvo dzokunze” nokuda kwedzimwe hanzvadzi. (Mabasa 9:39, NW) Nokudaro, 1 Timotio 2:9 uye 1 Petro 3:3, 4 hadzirevi kuti hanzvadzi dzinofanira kudzivisa kuruka vhudzi, maparera, nguvo dzokunze, uye zvichingodaro. Panzvimbo pezvo, Pauro akanga achisimbisa kudikanwa kwokuva nomwero nendangariro yakanaka murutsvindo rwechikadzi. Petro akaratidza kuti vakadzi vanofanira kupa ngwariro huru zvikuru kumudzimu wavo womukati kuti vawane varume vavo vasingatendi, kwete kusimbisa chitarisiko chokunze kana kuti mekiapu.

Kukataurwa nenzira yakapfava, Bhaibheri harirambidzi nhamburiko dzose dzokuvandudza kana kuti kunatsa chitarisiko chomunhu. Vamwe vavabatiri vaMwari, varume navakadzi zvakafanana, vaishandisa zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha. (Genesi 41:42; Eksodho 32:2, 3; Dhanieri 5:29) Estere akatendeka akabvuma gadziriro huru yezvokudya zvokuzvinatsa ine mafuta anonhuwira, zvinonhuwira, uye kukwiza. (Estere 2:7, 12, 15; enzanisa naDhanieri 1:3-8.) Mwari akataura kuti akashongedza Israeri nenzira yokufananidzira namakoza, nekiresi, chindori chapamhino, uye mhete. Zvakadaro zvakagovera kukuva kwake “wakanaka kwazvo.”—Ezekieri 16:11-13.

Nhauro iri muna Ezekieri, kunyanguvezvo, ine chidzidzo pakunangidzira kwedu ngwariro pachitarisiko. Mwari akati: “Wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kuno mumwe nomumwe waipfuura napo.” (Ezekieri 16:15; Isaya 3:16, 19) Nokudaro, Ezekieri 16:11-15 inosimbisa uchenjeri hwezano raPauro neraPetro gare gare pamusoro pokusasimbisa chitarisiko chokunze. Kana mukadzi achisarudza kuzvishongedza amene nezvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha, chitsama nomutoo zvinofanira kuwirirana nokuva nomwero, kwete kunyanyisa kana kuti kuzvitutumadza, kuratidzira.—Jakobho 2:2.

Zvakadiniko nokushandisa kwomukadzi wechiKristu mafuta, akadai seripisitiki, kuzora dama, kana kuti kuzora mumaziso? Vacheri vamatongo muna Israeri nepedyo vakawana maiiswa mekiapu, pamwe chete nezvokuzoresa nezvionioni. Hungu, vakadzi vomuMabvazuva akare vaishandisa mafuta ayo akatangira zvakawanda zvezvinhu zvanhasi. Zita romwanasikana waJobho Kerenihapuki sezvingabvira raireva “Nyanga yePendi Nhema ye[Ziso],” kana kuti chokuisira mekiapu yamaziso.—Jobho 42:13-15.

Mafuta aishandiswa muna Israeri, bva mienzaniso yeBhaibheri inoratidza ngozi yokunyanyisa. Makore pashure pokunge ava mambokadzi waIsraeri, Jezebheri ‘akapenda meso ake nependi nhema uye akagadzira musoro wake zvakaisvonaka.’ (2 Madzimambo 9:30) Gare gare pakurondedzera kuti Israeri akatsvaka sei ngwariro youtere yamarudzi echihedheni, Mwari akataura kuti iye ‘akazvishongedza amene nezvishongo zvendarama, akakudza meso ake nependi nhema, uye akazvinatsa amene.’ (Jeremia 4:30; Ezekieri 23:40) Ndima idzodzo kana kuti dzimwe dzipi nedzipi hadzitauri kuti kwakaipa kushandisa mitoo inogadzirwa kuwedzera chitarisiko chomunhu. Zvisinei, nhau yaJezebheri inokarakadza kuti akaisa pendi nhema yakawanda kwazvo mumeso ake zvokuti yaicherekedzwa uri kure, kunyange naJehu ari kunze kweimba yamambo. Chii chiri chidzidzo? Usaisa mekiapu yakawandisa, nenzira yakakatutsirwa.b

Chokwadika, hakutongori nomukadzi upi noupi anoshandisa zvinhu zvakagadzirwa nendarama kana kuti mekiapu angataura kuti mitoo yake amene nezvitsama hazvina kufanira. Bva, hakurambwi kuti nemhaka yokusachengeteka kana kuti kupesvedzerwa nokushambadzira kukuru, mukadzi angagona kutanga tsika yokushandisa mekiapu yakanyanyowandisa. Iye angava akajaira kwazvo chitarisiko chinovapo zvokuti anokundikana kuziva kuti chinorwisana no“kuva nomwero nendangariro yakanaka” kwavakadzi vazhinjisa vechiKristu.—Ona Jakobho 1:23, 24.

Sezvinobvumwa, mirangariro inosiana; vamwe vakadzi vanoshandisa mekiapu shomanene kana kuti kusashandisa kana kuti zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha, vamwe vanoshandisa zvakawanda. Naizvozvo kuchenjera kuva asingatongi munhu anoshandisa chitsama chakasiana chemekiapu kana kuti zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha. Chimwe chinhu itsika yomunzvimbomo. Kuti zvitaira zvakati zvinogamuchirwa muimwe nyika (kana kuti zvaizivikanwa navose munguva dzakare) hakurevi kuti zvakanaka munzvimbomo nhasi.

Mukadzi wechiKristu akachenjera panhambo nenhambo acharangarirazve kutsvinda kwake, achizvibvunza amene nokutendeseka kwose, kuti: ‘Ini kazhinji kazhinji ndinopfeka zvakagadzirwa namabwe anokosha zvakawanda (kana kuti zvikuru) kana kuti mekiapu kupfuura maKristu mazhinjisa omunharaunda yangu here? Ndinotevedzera kutsvinda kwangu vomunzanga vanozvitutumadza kana kuti nyanzvi dzomubhaisikopo dzisina maturo here, kana kuti ndinotungamirirwa here zvikurukuru nezano riri pana 1 Timotio 2:9 uye 1 Petro 3:3, 4? Hungu, kutsvinda kwangu kune mwero chaizvoizvo here, kuchiratidza ruremekedzo rwechokwadi nokuda kwemirangariro yavamwe nepfungwa?’—Zvirevo 31:30.

Vakadzi vane varume vechiKristu vanogona kuvabvunza nokuda kwetsinhiro nezano. Uyewo, apo rinotsvakwa zvapachokwadi, zano rinobetsera ringawanwa kudzimwe hanzvadzi. Asi panzvimbo pokutendeukira kushamwari ine mirangariro yakafanana, kungava kuri nani kutaura kuhanzvadzi dzakura dzine dzikamo nouchenjeri zvinoremekedzwa. (Enzanisa na 1 Madzimambo 12:6-8.) Bhaibheri rinotaura kuti vakadzi vakuru vanoremekedzwa “vadzidzise vakadzi vaduku . . . vave vakangwara, vakachena . . . , kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.” (Tito 2:2-5) Hakuna muKristu akakura mumudzimu angada kuti kushandisa kwake kusina mwero zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti mekiapu zviparire Shoko raMwari kana kuti vanhu vake ku“mhurwa.”

Nhauro yeBhaibheri yaTamari inoratidza kuti kutsvinda kwomukadzi kunogona kufanana nokwake, kuchitumira shoko rakasimba. (Genesi 38:14, 15) Ishokoi rinopiwa nomugadzirirwo wevhudzi romukadzi wechiKristu noruvara rwevhudzi (kana rakadhaiwa) kana kuti kushandisa kwake zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha namafuta? Nderiri: Uyu ndiye mubatiri akachena, ane mwero, uye akadzikama waMwari here?

Mumwe munhu anoona maKristu ari muushumiri hwomumunda, kana kuti anopinda misangano yedu, anofanira kuororwa zvakanaka. Vacherekedzi kazhinji kazhinji vanonzarwo. Vakadzi vazhinjisa vechiKristu havapi chisakiso chokuti wokunze agumise kuti ivo, pane rumwe rutivi, havana kutsvinda kana kuti, pane rumwezve, vakanyanya kutsvinda; panzvimbo pezvo, vanozvitsvindisa vamene “munzira yakakodzera vakadzi vanoti vanokudza Mwari.”—1 Timotio 2:10, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Muzana rechitatu ramakore N.V., Tertullian akataura kuti vakadzi “vanozora ganda ravo mishonga, vanozora matama avo mafuta matsvuku, vanoita kuti meso avo atanhamare nezvizoro [zvitema], vanoMutadzira.” Iye akatsoropodzawo avo vanodhaya vhudzi ravo. Achishandisa zvisina kufanira mashoko aJesu ari pana Mateo 5:36, Tertullian akapomera, kuti: “Ivo vanozvidza Ishe! ‘Tarirai!’ ivo vanodaro, ‘panzvimbo pejena kana kuti rakasviba, tinoita kuti [vhudzi redu] rive yero.’” Iye akawedzera, kuti: “Unogona kunyange kuwana vanhu vanonyara nemhaka yokuti vachembera, uye vanoedza kuchinja vhudzi ravo jena kuva dema.” Iwoyo wakanga uri murangariro womunhu oga waTertullian. Asi iye akanga achishatisa zvinhu, nokuti chibvumikiso chake chose chakanga chakavakirwa pamurangariro wake wokuti vakadzi ndivo chisakiso cheshurikidzwo yavanhu, naizvozvo vanofanira ‘kufamba-famba saEvha, vachichema nokupfidza’ pamusoro po‘ruzvidzo rwechivi chokutanga.’ Bhaibheri haritauri chinhu chakadaro; Mwari akaita kuti Adhama ave nomutoro wokutadza kworudzi rwomunhu.—VaRoma 5:12-14; 1 Timotio 2:13, 14.

b Kasati kari kare zvinobudisa nhau zveUnited States zvakatanhamarisa mushumo wakaipa womuevhangeri womuTV, apo mudzimai nyanzvi biyake akakweva inodokuva ngwariro yakafanana. Mukuwirirana nemishumo yenhau, iye akakura achidavira kuti “zvose zviri zviviri mekiapu namabhaisikopo” zvakanga zvakaipa, bva gare gare akachinja murangariro wake ndokusvika pakucherekedzwa nokuda kwe“mekiapu [inokatyamadza] yakakora kwazvo zvokuti yakaratidzika kuva yakatemerwa.”

[Mifananidzo iri papeji 31]

Zviwanwa zvokuchera matongo zvakabva kuMiddle East: Bhokisi renyanga yenzou ramafuta, chionioni, uye nekiresi yendarama uye ibwe rinokosha

[Kwazvakatorwa]

Zvose zviri zvitatu: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe