Kudzivisirei Kunamata Zvidhori?
“Vana vaduku, zvichenjerei [pazvidhori, NW].”—1 JOHANE 5:21.
1. Neiko kunamatwa kwaJehovha kusina kunamata zvidhori?
JEHOVHA haasi chidhori chesimbi, chomuti, kana kuti chedombo. Haagoni kuiswa mutembere yapasi. Sezvo iye ari Mudzimu wamasimba ose, asingaoneki kuvanhu, hakubviri kuita mufananidzo wake. Nokudaro, kunamatwa kwakachena kwaJehovha kunofanira kuva kusina zvachose kunamata zvidhori.—Eksodho 33:20; Mabasa 17:24; 2 VaKorinte 3:17.
2. Mibvunzoi inofanirwa nerangariro yedu?
2 Kana uri munamati waJehovha, ipapo, ungasanobvunza kuti, ‘Chii chiri kunamata zvidhori? Vabatiri vaJehovha vakakwanisa sei kukudzivisa munguva yakapfuura? Uye kudzivisirei kunamata zvidhori nhasi?’
Chiri Kunamata Zvidhori
3, 4. Kunamata zvidhori kungarondedzerwa sei?
3 Kazhinji kazhinji, kunamata zvidhori kunobatanidza mutambo kana kuti tsika. Kunamata zvidhori ndiko kukudza, kudiwa, kunamatwa, kana kuti kuyemurwa kwechidhori. Uye chidhori chii? Chifananidzo, mufananidzo wechimwe chinhu, kana kuti chiratidzo, chiri chinhu chokuzvipira. Kazhinji kazhinji, kunamata zvidhori kunonangidzirwa kune simba chairoiro kana kuti rinofungidzirwa kuva rakakwirira rinodavirwa kuva nokuvapo kupenyu (munhu, mhuka, kana kuti sangano). Asi kunamata zvidhori kunogonawo kushandiswa pamusoro pezvinhu zvisina upenyu (simba kana kuti chinhu chisina upenyu chechisiko).
4 MuMagwaro, mashoko echiHebheru anonongedzera kuzvidhori kazhinji kazhinji anosimbisa kusava namaturo, kana kuti mashoko okuzvidza. Pakati paiwaya pane mashoko anoshandurwa kuti “mufananidzo wakatsetswa kana kuti wakavezwa” (chaizvoizvo, chimwe chinhu chakavezwa); “chifananidzo chakaumbwa, mufananidzo, kana kuti chidhori” (chimwe chinhu chakaumbwa kana kuti kudirwa); “chidhori chinosembura”; “chidhori chisina maturo” (chaizvoizvo, chisina basa); uye “chidhori chinonyangadza.” Shoko rechiGiriki eiʹdo·lon rinoshandurwa kuti “chidhori.”
5. Nei kuchigona kutaurwa kuti haisi mifananidzo yose iri zvidhori?
5 Haisi mifananidzo yose iri zvidhori. Mwari amene akaudza vaIsraeri kuita makerubhi maviri endarama nokuda kweareka yesungano uye kurukira mifananidzo yezvisikwa zvomudzimu zvakadaro pachifukidziro chomukati chamachira amatende ane gumi etabhenakeri uye pachifukidziro chaiparadzanisa nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene Tsvene. (Eksodho 25:1, 18; 26:1, 31-33) Vaprista vaibatira bedzi vakaona mifananidzo iyi yaibatira zvikurukuru somufanikiso wamakerubhi okudenga. (Enzanisa naVaHebheru 9:24, 25.) Kuri pachena kuti mifananidzo yapatabhenakeri yamakerubhi yaisafanira kunamatwa, sezvo ngirozi dzakarurama dzimene dzaisazogamuchira namatwo.—VaKorose 2:18; Zvakazarurwa 19:10; 22:8, 9.
Murangariro waJehovha Wokunamata Zvidhori
6. Chii chiri murangariro waJehovha wokunamata zvidhori?
6 Vabatiri vaJehovha vanodzivisa kunamata zvidhori nemhaka yokuti anorwisana nemiitiro yose yokunamata zvidhori. Mwari akaraira vaIsraeri kusaita mifananidzo sezvinhu zvokukudza ndokuzvinamata. Pakati peMirairo ine Gumi panowanika aya mashoko, anoti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.”—Eksodho 20:4-6.
7. Neiko Jehovha achishora kunamata zvidhori kwose?
7 Neiko Jehovha achishora kunamata zvidhori kwose? Zvikurukuru nemhaka yokuti anoraira kuzvipira kwapoga, sezvinoratidzwa pamusoro apa muwechipiri weMirairo ine Gumi. Uyezve, akataura kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, kuti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.” (Isaya 42:8) Pane imwe nguva, kunamata zvidhori kwakapinza mumusungo vaIsraeri kusvikira kutambanuko yokuti “vakabaira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo.” (Pisarema 106:36, 37) Vanamati vezvidhori havarambi bedzi kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi asi vanobatirawo fariro dzoMuvengi wake mukuru, Satani, pamwe chete namadhemoni.
Vakavimbika Mumuedzo
8. Muedzoi wakatarisana navaHebheru vatatu Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego?
8 Ruvimbiko kuna Jehovha runotiitawo kuti tidzivise kunamata zvidhori. Ikoku kunoratidzirwa nechinoitika chakanyorwa pana Dhanieri ganhuro 3. Kuti agadze mufananidzo mukuru wendarama waakanga amisa, mambo weBhabhironi Nebhukadnezari akaunganidza makurukota oumambo hwake. Murairo wake wakabatanidza Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego—vadzori vechiHebheru vatatu paruwa rweBhabhironi. Vose vaivapo vaifanira kukotamira mufananidzo pakurira kwezviridzwa zvakati. Uku kwaiva kuedza kwamwari chaiyeiye weBhabhironi, Satani, kuita kuti vaHebheru vatatu vakotamire mufananidzo waimirira Umambo hweBhabhironi. Fungidzira kuti uripo.
9, 10. (a) VaHebheru vatatu vakatora chimiroi, uye vakatuswa sei? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinogona kuwana kurudziroi munzira yavaHebheru vatatu?
9 Tarira! VaHebheru vatatu vakamira. Vanoyeuka mutemo waMwari unopesana nokuita uye kubatira zvidhori kana kuti mifananidzo yakavezwa. Nebhukadnezari anovapa mashoko okupedzisira—kukotama kana kuti kufa! Asi nokuvimbika kuna Jehovha, ivo vanoti: “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”—Dhanieri 3:16-18.
10 Ava vabatiri vakavimbika vaMwari vanokandwa muchoto chinopfuta zvikuru kwazvo. Achishamiswa nokuona vanhu vana vachifamba muchoto, Nebhukadnezari anodana vaHebheru vatatu kubuda, uye vanobuda vasina kukuvadzwa. Pana ikoko mambo anotaura, kuti: “Mwari waShadraki naMeshaki naAbhedhi-nego ngaaongwe, iye wakatuma mutumwa wake [munhu wechina muchoto] akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo. . . . Hakuno mumwe mwari unogona kurwira saizvozvo.” (Dhanieri 3:28, 29) Kuchengeta perero kwavaHebheru vatatu ivavo kunogovera kurudziro nokuda kweZvapupu zvomuzuva razvino zvaJehovha kuva zvakavimbika kuna Mwari, kuchengeta kusatora rutivi kunyika, uye kudzivisa kunamata zvidhori.—Johane 17:16.
Zvidhori Zvinokundwa Mudare
11, 12. (a) Chinyorwai chinobatanidza Jehovha uye vamwari vezvidhori chakaitwa naIsaya? (b) Vamwari vamarudzi vakaita sei apo vakadenhwa naJehovha?
11 Chimwe chikonzero chokudzivisa kunamata zvidhori ndechokuti kukudzwa kwezvidhori hakubetseri. Kunyange zvazvo zvimwe zvidhori zvakaitwa navanhu zvingaratidzika sezvipenyu—kazhinji kazhinji zvine muromo, maziso, uye nzeve—hazvigoni kutaura, kuona, kana kuti kunzwa, uye hazvigoni kuita chinhu nokuda kwavazvipiri vazvo. (Pisarema 135:15-18) Ikoku kwakaratidzwa muzana ramakore rechisere P.N.V., apo muporofita waMwari akanyora pana Isaya 43:8-28 iyo, chaizvoizvo, iri nhau yedare pakati paJehovha navamwari vezvidhori. Mariri vanhu vaMwari Israeri vaiva parutivi rumwe, uye marudzi enyika pano rumwe. Jehovha akadenha vamwari venhema vamarudzi kutaura “zvinhu zvakare,” kuporofita zvakarurama. Hapana nomumwe aigona kudaro. Achitendeukira kuvanhu vake, Jehovha akati: “Muri zvapupu zvangu . . . neni ndiri Mwari.” Marudzi aisagona kubvumikisa kuti vamwari vawo vaivapo pamberi paJehovha kana kuti vaigona kuporofita. Asi Jehovha akadeya kutaura ruparadziko rweBhabhironi uye kusunungurwa kwavanhu vake vakatapwa.
12 Uyezve, vabatiri vakanunurwa vaMwari vaizotaura, sezvinorondedzerwa pana Isaya 44:1-8, kuti ivo nde“[va]Jehovha.” Iye amene akati: “Ndini wokutanga nowokupedzisira, kunze kwangu hakuna Mwari.” Hapana kupokanidza kunobva kuvamwari vezvidhori. “Imi muri zvapupu zvangu,” Jehovha akataurazve nezvavanhu vake, achiwedzera kuti: “Kuno mumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo hakuna rimwe Dombo.”
13. Kunamata zvidhori kunozivisei pamusoro pomunamati wezvidhori?
13 Tinodzivisawo kunamata zvidhori nemhaka yokuti kupinda makuri kunoratidza shaiko youchenjeri. Norutivi rwomuti rwaanosarudza, munamati wechidhori anoita mwari wokunamata, uye norumwe rutivi anovesa mwoto wokubika zvokudya zvake. (Isaya 44:9-17) Hupenzi hwakadini! Muiti nomuzvipiri wavamwari vezvidhori anotamburawo nyadzi nemhaka yokusakwanisa kupa uchapupu hunopwisa hunobvumikisa umwari hwavo. Asi uMwari hwaJehovha hahupanikirwi, nokuti haana bedzi kudeya kutaura kusunungurwa kwavanhu vake muBhabhironi asiwo akaparira ikoku kuitika. Jerusarema rakagarwazve, maguta aJudha akavakwazve, uye “mvura yakadzika” yeBhabhironi—Rwizi rweYufratesi—yakapwa samanyuko edziviriro. (Isaya 44:18-27) Seizvo Mwari akadeyawo kutaura, Koreshi muPersia akakurira Bhabhironi.—Isaya 44:28–45:6.
14. MuDare Gurusa reChisiko Chose, chii chichabvumikiswa zvechigarire?
14 Vamwari vezvidhori vakakundwa munhau iyoyo yapamutemo pamusoro poumwari. Uye chakawira Bhabhironi chine chokwadi chokuwira mubiyaro wazvino uno, Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Iro uye vamwari varo vose, zvinhu zvorudzidziso, uye zvinhu zvokunamata zvidhori zvichakurumidza kuparara nokusingaperi. (Zvakazarurwa 17:12–18:8) MuDare Gurusa reChisiko Chose, kuchabvumikiswa panguva iyoyo zvechigarire kuti Jehovha oga ndiye Mwari mupenyu nowechokwadi uye kuti anozadzika Shoko rake rouporofita.
Zvibairo Kumadhemoni
15. Chii icho mudzimu mutsvene uye mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakaratidzira pamusoro pavanhu vaJehovha uye kunamata zvidhori?
15 Vanhu vaJehovha vanodzivisawo kunamata zvidhori nemhaka yokuti vanotungamirirwa nomudzimu waMwari uye sangano. Mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wavabatiri vaJehovha wakaudza maKristu biyawo, kuti: “Nokuti [mudzimu, NW] mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, zvinoti: Regai zvakabairwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe, kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.”—Mabasa 15:28, 29.
16. Mumashoko ako umene, waizotaura sei izvo Pauro akataura pamusoro pezvinhu zvakabairwa kuzvidhori?
16 Chimwe chikonzero chokudzivisa kunamata zvidhori kudzivisa udhemoni. Pamusoro peChidyo chaShe chaMadekwana, muapostora Pauro akaudza maKristu omuKorinte, kuti: “Tizai kunamata [zvidhori, NW]. . . . Mukombe wokuonga watinoonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here? Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe. Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibairo havagovani neatari here? Zvino ndotiiko? Kuti chinobairwa zvifananidzo chinhu here, kana chifananidzo chinhu here? Kwete, asi ndinoti izvo zvinobairwa navahedheni, havazvibairi Mwari, asi [madhemoni, NW], zvino handidi kuti muyanane ne[madhemoni, NW] Hamunganwiri pamukombe wa[Jehovha, NW], napamukombe we[madhemoni, NW], hamungadyiri pa‘tafura ya[Jehovha, NW]’ napatafura ya[madhemoni, NW]. Ko ‘tinoda kumutsa godo ra[Jehovha, NW] here?’ Tinomukunda nesimba here?”—1 VaKorinte 10:14-22.
17. Muzana rokutanga ramakore N.V., muKristu aigona kudya nyama yakabairwa kuzvidhori mumigariroi, uye nei?
17 Rutivi rwemhuka rwaibairwa kuchidhori, chikamu chaienda kuvaprista, uye munamati aiwana imwe nokuda kwamabiko. Zvisinei, rutivi rwenyama rwungatengeswa mumusika. Kwakanga kusingakurudzirwi kuti muKristu aende kutembere yezvidhori kunodya nyama kunyange zvazvo akanga asingadyi sorutivi rwetsika, nokuti ikoku kwaigona kugumbura vamwe kana kuti kumukwevera mukunamata kwenhema. (1 VaKorinte 8:1-13; Zvakazarurwa 2:12, 14, 18, 20) Kubaira mhuka kuchidhori kwaisachinja nyama, naizvozvo muKristu aigona kutenga imwe pamusika. Aisafanirawo kubvunza manyuko enyama yaipiwa mumba. Asi kana mumwe munhu akati yakanga “yabairwa,” aisaidya, kudzivisa kugumbura ani naani.—1 VaKorinte 10:25-29.
18. Avo vaidya chimwe chinhu chakabairwa kuchidhori vaigona sei kubatanidzwa namadhemoni?
18 Kwaiwanzofungwa kuti pashure petsika yechibairo, mwari aiva munyama uye aipinda mumuviri waavo vaiidya pamabiko avanamati. Sezvo vanhu vaidya pamwe chete vaiumba batano pakati pavo vamene, naizvozvo avo vaidya mhuka dzezvibairo vaiva vagoverani muatari uye vaiva negoverano namwari wedhemoni aimirirwa nechidhori. Kupfurikidza nokunamata zvidhori kwakadaro, madhemoni akadzivisa vanhu kunamata Mwari bedzi wechokwadi. (Jeremia 10:1-15) Hakushamisi kuti vanhu vaJehovha vaifanira kuramba vachirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori! Ruvimbiko kuna Mwari, kugamuchira nhungamiro yomudzimu mutsvene wake nesangano, uye kutsunga kudzivisa batanidzwo mune zvamadhemoni kunobvumikisawo kuva kuchidziro dzine simba dzokudzivisa kunamata zvidhori nhasi.
Nei Pane Dikanwo Yokungwarira?
19. Rudzii rwokunamata zvidhori rwaivapo muEfeso yekare?
19 MaKristu nenzira yokushingaira anodzivisa kunamata zvidhori nemhaka yokuti kune zvimiro zvakawanda, uye kunyange chiito chimwe chokunamata zvidhori chinogona kubvumiranisa kutenda kwawo pane zvisina kufanira. Muapostora Johane akaudza vatendi biyake, kuti: “Zvichenjerei pa[zvidhori, NW].” (1 Johane 5:21) Iri zano raidikanwa nemhaka yokuti zvimiro zvakawanda zvokunamata zvidhori zvakanga zvakavapoteredza. Johane akanyora ari muEfeso, guta rakanyura mukushandiswa kwamashiripiti uye ngano pamusoro pavamwari venhema. Efeso yakanga ine chimwe chezvishamiso zvinomwe zvenyika—tembere yaArtemis, nzvimbo youtiziro hwamatsotsi uye musimboti wemiitiro youtere. Muzivi Heracleitus weEfeso akafananidza nzira ine rima yokusvika nayo kuatari yetembere iyoyo nerima roushati, uye akarangarira tsika dzapatembere kuva dzakaipa zvikuru kupfuura idzo dzezvikara. Nokudaro, maKristu eEfeso aifanira kumira nesimba kudzivisa udhemoni, utere, uye kunamata zvidhori.
20. Nei kwakanga kuri madikanwa kudzivisa kunyange kunamatwa kuduku zvikurusa kwezvidhori?
20 MaKristu anoda kutsunga kwakasimba kudzivisa kunyange kunamatwa kuduku zvikurusa kwezvidhori nemhaka yokuti chiito chimwe chete chokunamata kuna Dhiabhorosi chaizopa tsigiro kudenho yake yokuti vanhu vaisazoramba vakavimbika kuna Mwari mumuedzo. (Jobho 1:8-12) Apo airatidza Jesu “ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,” Satani akati: “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandinamata.” Kuramba kwaKristu kwakatsigira rutivi rwaJehovha rwenhau youchangamire hwechisiko chose ndokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema.—Mateo 4:8-11; Zvirevo 27:11.
21. Nezvamambo weRoma, maKristu akatendeka akaramba kuitei?
21 Vateveri vaJesu vapakuvamba vaisazoitawo chiito chokunamata vachitsigira rutivi rwaSatani rwenhau. Kunyange zvazvo vaiva noruremekedzo rwakafanira nokuda kwa“masimba makuru” ehurumende, vaisazopisa zvinonhuwira mukuremekedza mambo weRoma, kunyange kana kwaivaparira kurasikirwa noupenyu hwavo. (VaRoma 13:1-7) Nezvaikoku Daniel P. Mannix akanyora, kuti: “Vashomanene zvikuru vamaKristu vakadzokera shure, kunyange zvazvo atari yaiva nomwoto waipfuta pairi yaiwanzochengetwa munhandare nokuda kwekodzero yavo. Icho bedzi musungwa aifanira kuita kwaiva kumwaya zvinonhuwira zvishomanene pamarimi omwoto uye iye aipiwa Tsamba yeChibairo ndokusunungurwa. Kwaisanotsanangurwawo kwaari kuti akanga asiri kunamata mambo; kungobvuma chete chimiro choumwari chamambo somusoro wehurumende yeRoma. Zvisinei, anenge muKristu wose haana kuzviyamura amene neiri banza rokupukunyuka.” (Those About to Die, peji 137) Kana ukaedzwa nenzira yakafanana, waizodzivisa zvakakwana kunamata zvidhori kwose here?
Uchadzivisa Kunamata Zvidhori Here?
22, 23. Nei uchifanira kudzivisa kunamata zvidhori?
22 Sezviri pachena, maKristu anofanira kudzivisa zvimiro zvose zvokunamata zvidhori. Jehovha anoraira kuzvipira kwapoga. VaHebheru vatatu vakatendeka vakagovera muenzaniso wakaisvonaka mukuramba kunamata mufananidzo mukuru wakamiswa namambo weBhabhironi Nebhukadnezari. Munhau yedare rechisiko chose yakanyorwa nomuporofita Isaya, Jehovha oga akaratidzwa kuva Mwari wechokwadi nomupenyu. Zvapupu zvake zvechiKristu zvapakuvamba zvaifanira kuramba zvichirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori. Vakawanda vakavimbika pakati pavo havana kutera kudzvinyiriro yokuita kunyange chiito chimwe chokunamata zvidhori icho chaizoumba kuramba Jehovha.
23 Naizvozvo, ipapoka, iwe somunhu oga uri kudzivisa kunamata zvidhori here? Uri kupa Mwari kuzvipira kwapoga here? Unotsigira uchangamire hwaJehovha uye kumurumbidza saMwari wechokwadi nomupenyu here? Kana zvakadaro, kunofanira kuva kutsunga kwako kupfuurira kumira wakatsiga mukurwisana nemiitiro yokunamata zvidhori. Asi ndimamwe mapfundoi apaMagwaro anogona kukubetsera iwe kudzivisa kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose?
Ndeipi Iri Mifungo Yako?
◻ Kunamata zvidhori chii?
◻ Neiko Jehovha achishora kunamata zvidhori kwose?
◻ Chimiroi icho vaHebheru vatatu vakatora pamusoro pokunamata zvidhori?
◻ Avo vaidya zvinhu zvakabairwa kuzvidhori vaigona kubatanidzwa sei namadhemoni?
◻ Neiko tichifanira kudzivisa kunamata zvidhori?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kunyange zvazvo upenyu hwavo hwakatyisidzirwa, vaHebheru vatatu havaizopinda mukunamata zvidhori