Chikoro cheGilead Chava Namakore 50 uye Chiri Kupfuurira Chakasimba!
“KUNE nzvimbo dzakawanda uko uchapupu pamusoro poUmambo husati hwapiwa kusvikira kutambanuko huru,” akadaro N. H. Knorr kukirasi yokutanga yeGilead pana February 1, 1943, zuva rokuzarura chikoro chacho. Iye akawedzera, kuti: “Kunofanira kuva namamwe mazana nezviuru angagona kusvikwa kudai kwaiva navashandi vakawanda mumunda. Kupfurikidza nenyasha dzaShe, kuchava navakawanda.”
Uye kwave kune vashandi vakawanda—vakawanda namamirioni! Vaparidzi voUmambo vakawedzera kuvambira pavane 129 070 munyika 54 muna 1943 kusvikira kuvane 4 472 787 munyika 229 muna 1992! Chikoro cheGilead chakabetsera zvikuru kwazvo uchapupu hwakaguma newedzero iyoyo. Pashure pamakore 50 chinopfuurira kuita rutivi rukuru mukurovedza vashandi vafundisi kuti vabatire kupi kana kupi kwavanodikanwa mumunda wenyika.
Pana March 7, 1993, kwaiva navashanyi vakakokwa nemitezo yemhuri yeBheteri yeU.S. vane 4 798 avo vakaungana paJersey City Assembly Hall, muNew Jersey, nokuda kwokupedza kufunda kwekirasi yechi 94. Iyi nhambo chaiyo zvirokwazvo yakagoverawo banza rokutarira shure kumakore 50 eChikoro cheGilead. Ungada here kuziva zvishomanene pamusoro pepurogiramu yacho?
Pashure porwiyo rwokuzarura, George D. Gangas woMutumbi Unodzora akapa munyengetero wakasimba. Ipapo, pashure petsinhiro dzokutanga dzakaitwa nasachigaro, Carey W. Barber, vakapedza kufunda—uye vose vaivapo—vakasanoteerera nhevedzano yehurukuro pfupi.
Robert W. Wallen akatanga kutaura, pamusoro unoti “Hamusati Muchitongova Moga.” Nenzwi roushamwari, iye akati: ‘Mumazuva ari mberi, nguva dzichamuka muupenyu hwenyu apo muchanzwa haiwa muri moga kwazvo, muri kure zvikuru nemhuri neshamwari.’ Ipapoka, kunogona seiko kutaurwa kuti, “Hamusati muchitongova moga”? Iye akatsanangura, kuti: ‘Nemhaka yokuti inowanika kuna ari wose wenyu ichava bviro yekurukurirano yapakarepo naJehovha Mwari.’ Iye akakurudzira vakapedza kufunda kukoshesa ropafadzo yomunyengetero nokuushandisa zuva nezuva. Ipapo, kufanana naJesu, ivo vachakwanisa kuti, “Handizi ndoga.” (Johane 16:32) Mashoko iwayo aikurudzira sei kuvakapedza kufunda!
Achisimudzira musoro unoti “Batisisai Tariro Yenyu” (wakavakirwa parugwaro rwezuva nezuva rwaMarch 7), Lyman A. Swingle woMutumbi Unodzora akatevera kutaura pamusoro pokudikanwa kwamavara maviri—tsungiriro netariro. ‘Ruzvidzo, utsinye, ruvengo, kupinzwa mutorongo, kunyange rufu, zvikonzero nei tsungiriro kumaKristu ichidikanwa,’ iye akadaro. ‘Hakuna muganhu kusimba rinopfuura renguva dzose iro Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka zvinogona kushandisa munguva dzenhamo. Ikoku kunonyaradza zvamazvirokwazvo, zvikurukuru nokuda kwenyu makapedza kufunda.’ Zvakadiniko netariro? ‘Tariro haitsiviki,’ iye akatsanangura kudaro. ‘Sengowani inodzivirira musoro womupfeki, naizvozvo tariro yoruponeso inodzivirira uye inotaviridza masimba endangariro omuKristu, ichimugonesa kuchengeta perero.’—1 VaTesaronika 5:8.
Mukurukuri akatevera, Ralph E. Walls, akasarudza musoro unofadza, “Tinogona Sei Kupukunyuka Tichienda Kuchengeteko ye‘Nzvimbo Yakafarikana’?” Chii chiri iyi “nzvimbo yakafarikana”? (Pisarema 18:19) “Mugariro wokununurwa unounza rugare rwendangariro nechengeteko yomwoyo,” mukurukuri akatsanangura kudaro. Tinoda kununurwa muchiiko? ‘Mauri umene—zvikanganiso zvako umene.’ Iye akawedzera, kuti: ‘Uyewo, migariro yokunze inowedzerwa naSatani.’ (Pisarema 118:5) Tinogona sei kupukunyuka tichienda kuchengeteko yenzvimbo yakafarikana? ‘Kupfurikidza nokutsvaka mirairo yaJehovha muzvose zvatinoita uye kupfurikidza nokukumbira Jehovha mukutenda neitiro hanya dzedu dzose.’
“Chii Chiri Mberi?” ndiwo wakanga uri musoro wakasarudzwa naDon A. Adams. Uye chii chakanga chiri mberi nokuda kwavafundisi vatsva? Nhambo yegadziridzo, iye akatsanangura kudaro. “Kunewo zvikomborero zvakawanda zviri pamberi penyu.” Somuenzaniso, iye akataura nezvavafundisi vatsva vaviri avo pashure pokugadzikana mumugove wavo vakanyora, kuti: “Funga nezvezuva rakanakisisa rawamboti wava naro mubasa, uye izvozvo ndizvo zvakaita zuva riri rose. Hatigoni kutakura mabhuku akakwana, uye vanhu vanoramba vachitikumbira nokuda kwefundo.” Mukurukuri akanangidzira tsinhiro kumhuri neshamwari zvavakapedza kufunda: ‘Hapana kudikanwa kwokuti muve vanofunganya pamusoro paava vakapedza kufunda. Munogona kuvabetsera kupfurikidza nokunyora mashoko ekurudziro kwavari.’—Zvirevo 25:25.
Varaidzi vechikoro vakatevera kutaura. Jack D. Redford akasarudza musoro unoti “Musakarira Chinhu Chipi Nechipi Kumunhu Upi Noupi.” Imwe yedenho vakapedza kufunda vachatarisana nayo kufambidzana navanhu, iye akatsanangura kudaro. Chiiko chinogona kubetsera? “Furatirai mhosho dzavo. Musakarira zvakanyanyowanda kuvamwe vanhu. Nguva dzose musakarira mwero wakazara weicho munorangarira kuva chakafanira chenyu. Bvumirai kusakwana muvamwe vanhu, uye uyu mutsa uchakubetserai kupfuurira. Mano enyu okufambidzana navamwe vanhu uchava mwero woumudzimu hwenyu.” (Zvirevo 17:9) Zvirokwazvo, kushandisa iri zano rokuchenjera kuchabetsera vakapedza kufunda kuita gadziridzo inobudirira kukuva vafundisi munyika yokumwe!
“Tine iyi pfuma mumidziyo yevhu,” inodaro 2 VaKorinte 4:7, (NW). Ulysses V. Glass, munyori weChikoro cheGilead, akatsinhira paurwu rugwaro sezvo akakudziridza musoro unoti “Vimbai Nehama Dzenyu Dzakabvumikiswa, Dzakatendeka.” Chii chiri “midziyo yevhu”? “Iyoyi inofanira kunongedzera kwatiri savanhu vasina kukwana,” iye akadaro. Chii chiri “pfuma”? “Ndihwo ushumiri hwedu hwechiKristu,” akatsanangura kudaro. (2 VaKorinte 4:1) Uye chii chinofanira kuitwa neiyi pfuma? “Pfuma iyo Jehovha akatironzesa haifaniri kuchengetwa. Naizvozvo, imi vafundisi vanokarirwa vanodiwa, paradzirai pfuma iyoyo kupi kana kupi kwamunoenda, uye dzidzisai vamwe vakawanda nzira yokuiparadzira nayo.”
Yakanga yava nguva yokufunga zvakare apo Albert D. Schroeder akakwira pachikuva, nokuti iye akanga ari munyori weChikoro cheGilead apo chakavamba. “Hafu Yezana Ramakore Yerovedzo Youbati Ushe hwaMwari” ndiwo wakanga uri musoro wake. “Jehovha anoziva nzira yokugovera nayo rovedzo inobudirira, uye iye akaita ikoku,” iye akadaro. Seiko? Hama Schroeder vakanongedzera kurovedzo yakagamuchirwa kupfurikidza nezvikoro zviviri zvakatangwa makore 50 apfuura—Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neChikoro cheGilead. Iye akaonesa kuti chishandiso chinokosha mukugovera zivo yakarurama yave iri New World Translation. Iye akavimbisa vakapedza kufunda, kuti: “Munogona kuenda kumigove yenyu yokumwe nechivimbo chikuru chokuti Sosaiti icharamba ichisanokugoverai zivo yakarurama yamadonzo aJehovha.”
Milton G. Henschel, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, akataura pamusoro unoti “Vanopfuura Vakundi.” Hama Henschel vakatora musoro wavo murugwaro rwegore rwa 1943: “Vanopfuura vakundi kupfurikidza naye uyo akatida.” (VaRoma 8:37, King James Version) Rwakanga rwuri rugwaro rwegore rwakafanira, iye akatsanangura kudaro, nemhaka yokuti pakati peHondo yeNyika II, hama dzedu munyika dzakawanda dzakanga dzichitambura chitambudzo chikuru. Hama Henschel vakarava zvikamu zvakabva muchinyorwa cheNharireyomurindi yechiNgezi chakakurukura rugwaro irworwo rwegore uye ipapo vakatsanangura, kuti: “Iyi nyaya yeNharireyomurindi yechiNgezi [January 15, 1943] yakafundwa mumwedzi waFebruary nekirasi yokutanga yeGilead, uye yakavagadzirira nokuda kwezvakanga zviri mberi.” Vazhinji vavakapedza kufunda mumakore 50 apfuura vakatozvibvumikisa vamene kuva vakundi, vakatsanangura kudaro. Zvakadiniko nekirasi yechi 94? “Rambai muri pedyo naJehovha, rambai muri pedyo norudo rwake, uye rukundo rwenyu runovimbiswa.”
Pashure pehurukuro dzamangwanani, sachigaro akagoverana kwaziso dzakagamuchirwa dzichibva kunyika dzakasiana-siana. Ipapo nguva yakasvika iyo varoorani 24 vakanga vave vakamirira nokudisa—kuparadzirwa kwamagwaro. Chokwadi, vadzidzi veGilead zvino pamutemo vakanga vava vakapedza kufunda veGilead! Ivo vakanga vabva kunyika 5, asi migove yavo yakanga ichivaendesa kunyika 17, kubatanidza Hong Kong, Taiwan, Mozambique, uye mativi eEastern Europe.
Pashure pokutindika, purogiramu yamasikati yakavamba neFundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa, yakaitiswa naRobert L. Butler. Ipapo vakapedza kufunda vakaita zvimwe zvezvinoitika zvakatanhamara izvo vakanga vafarikanya vachipupurira pedyo neWallkill, New York. Purogiramu yacho yakaratidzira chimwe chezvinhu icho pasina panikiro chakavaunza kuGilead—rudo rwavo rukuru nokuda kwoushumiri hwomumunda.
Pashure pepurogiramu yavadzidzi, vazhinji vaiva muvateereri vakanga vachishamisika kana purogiramu yaizosimbisa chimwe chinhu chaicho chokuchengeta makore 50 eChikoro cheGilead. Havana kuodzwa mwoyo!—Ona bhokisi rakabatanidzwa, “Kuhwirudzura Makore 50 eChikoro cheGilead.”
Makore ane makumi mashanu apfuura, Hama Knorr vakaratidzira kuti vakanga vari murume wokutenda nechiono. Kupwiswa kwake kuti Chikoro cheGilead chaizobudirira kwakaratidzirwa muhurukuro yavo yokutanga kukirasi yokutanga, apo vakati: “Tinodavira kuti, mukuwirirana nezita racho, ‘murwi wouchapupu’ uchabuda uchibva munzvimbo ino uchienda kumativi ose enyika uye kuti uchapupu hwakadaro huchamira sechiyeuchidzo kumbiri yaMwari chisati chichizotongoparadzwa. Imi savashumiri vakagadzwa muchaisa chivimbo chenyu chakazara muno Wokumusoro-soro, muchiziva kuti achakutungamirirai munguva iri yose yenhamo, uye muchazivawo kuti iye ndiyewo Mwari wechikomborero.”a
Makore ane makumi mashanu gare gare, Chikoro cheGilead chichiri kupfuurira chakasimba! Vakapedza kufunda vekirasi yechi 94 zvino vane ropafadzo yokutevera vakapedza kufunda vanopfuura 6 500 avo vakavatangira. Ngavaise chivimbo chavo chakazara muno Wokumusoro-soro sezvo vanoita rutivi rwavo mukututira “murwi wouchapupu” uyo uchamira sechiyeuchidzo kumbiri yaJehovha Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a MuchiHebheru shoko rokuti “Gilead” rinoreva “Murwi Wouchapupu.”—Genesi 31:47, 48.
[Bhokisi riri papeji 25]
Mashoko Ekirasi
Hwerengedzo yavadzidzi: 48
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 5
Chiverengero chenyika dzakagoverwakwadziri: 17
Avhareji yezera: 32
Avhareji yamakore muzvokwadi: 15,3
Avhareji yamakore muushumiri hwenguvayakazara: 9,6
[Bhokisi riri papeji 26, 27]
KUHWIRUDZURA MAKORE 50 ECHIKORO CHEGILEAD
Inzirai iri nani yokutarira nayo shure kunhau yeGilead inopfuura kupfurikidza nezvinoitika zvaavo vakararama mazviri—vakapedza kufunda vapakuvamba, varaidzi, uye vamwe vakabetsera kuronga? Vateereri vakafadzwa sezvo vakateerera rutivi runoti “Kuhwirudzura Makore 50 eChikoro cheGilead,” rwakaitiswa naTheodore Jaracz.
Ndeipi yakanga iri migariro yakatungamirira kukutangwa kwechikoro chacho? Hama Schroeder vakatsanangura kuti ivo navamwe varaidzi vaviri vakapiwa mwedzi mina chete kuti varonge chikoro chacho. “Asi pakasvika Muvhuro, February 1, 1943, takanga tagadzirira nokuda kwetsauriro.”
Kwakanga kwakaita sei nokuda kwavafundisi vokutanga vakatumwa? Hama Henschel vakayeuka, kuti: “Takaita kuti bato rokutumira zvinhu reSosaiti riise mumabhokisi amapuranga zvinhu zvose ivo vaida kuenda nazvo. Apo mabhokisi amapuranga akasvika, vaiavhura nokungwarira ndokubudisa zvinhu zvavo. Asi ipapo ivo vaishandisa mabhokisi acho kugadzira fanicha.” Pakupedzisira, ivo vakadaro, Sosaiti yakaronga misha yavafundisi yakashongedzerwa zvine mwero.
Vakatevera papurogiramu, vakapedza kufunda vekirasi dzapakuvamba dzeGilead avo zvino vari mitezo yemhuri yeBheteri yeU.S. vakagoverana yeuko dzavo, mirangariro yavo, uye zvinoitika zvavo. Tsinhiro dzavo dzakatapura zvirokwazvo mwoyo yavose vaivapo.
“Pashure pokunge ndagamuchira kokero yokupinda kirasi yokutanga, ndakaziva kuti amai vangu vaiva nekenza. Asi sezvo vakanga vaita upiona kuvambira pazera ramakore 16 zvichienda mberi, vakandipa zano zvakasimba kuti ndigamuchire kokero yacho. Naizvozvo nemirangariro yakavhengana nechivimbo muna Jehovha, ndakaenda kuSouth Lansing. Ndakafarikanya chose chose ndokuonga zvikuru rovedzo yeGilead. Amai vangu vakapedza nguva yavo yapasi nguva yakati pashure pokupedza kwangu kufunda.”—Charlotte Schroeder, akabatira muMexico neEl Salvador.
“Sezvo Jehovha akanga atonditarisira murutivi rwapasi rwandakanga ndiri marwuri, ndakafunga kuti kupi kana kupi kwandakaenda rakanga richiri pasi rake, uye aizonditarisira. Naizvozvo ndakafara zvikuru kugamuchira kokero yokukirasi yokutanga.”—Julia Wildman, akabatira muMexico neEl Salvador.
“Rakanga richishamisa! Taigona kutaura pasuo riri rose. Mumwedzi wokutanga, ndakagovera mabhuku 107 ndokuitisa fundo dzeBhaibheri 19. Mwedzi wechipiri ndakava nefundo dzeBhaibheri 28. Chokwadika, kwaiva nezvinhu zvataifanira kurovedzana nazvo—kupisa, kunyorova, tsikidzi. Asi yakanga iri ropafadzo inoshamisa kuvako. Ndichimwe chinhu ndichakoshesa nguva dzose.”—Mary Adams, kirasi yechipiri, pamusoro pomugove wake muCuba.
“Mugariro wokunze yakanga iri imwe yemhinganidzo huru yataifanira kurwisana nayo muAlaska. Kuchamhembe kwaitonhora zvikuru kwazvo, tembiricha dzichiderera kusvikira kumadhigirii ari 50 Celsius uye kutonhora zvikuru. Misha yechiIndia nenzvimbo duku dziri dzoga kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAlaska zvaisvikwa neigwa kana kuti zvimwe nendege.”—John Errichetti, kirasi yechitatu.
“Kwandiri Gilead yakanga iri kokero yakabva kuna Jehovha kupfurikidza nesangano rake rapasi kutisimbisa mumudzimu ndokutiratidza nzira inoshamisa youpenyu.”—Mildred Barr, kirasi yechi 11, akabatira muIreland.
Bvunzurudzo dzinofadza zvikuru dzakatevera—Lucille Henschel (kirasi yechi 14, akabatira muVenezuela), Margareta Klein (kirasi yechi 20, akabatira muBolivia), Lucille Coultrup (kirasi yechi 24, akabatira muPeru), Lorraine Wallen (kirasi yechi 27, akabatira muBrazil), William naSandra Malenfant (kirasi yechi 34, vakabatira muMorocco), Gerrit Lösch (kirasi yechi 41, akabatira muAustria), uye David Splane (kirasi yechi 42, akabatira muSenegal).
Zvakadiniko nezvehama dzakabatira savaraidzi? Chiverengero chakati chadzo chakabvunzurudzwawo—Russell Kurzen, Karl Adams, Harold Jackson, Fred Rusk, Harry Peloyan, Jack Redford, uye Ulysses Glass. Ivo vakarangarira pamusoro peropafadzo yavo, vachitaura kuti yakavatapura sei kusvikira kuzuva rino.
Chipupuriro chinofadza kukubudirira kwavafundisi vakarovedzwa paGilead chakapiwa naLloyd Barry, uyo akabatira muJapan. Muna 1949, apo vafundisi 15 vakatumirwako, kwaiva navaparidzi vari pasi pegumi muJapan yose. Asi makore 44 gare gare, mune vanopfuura vazivisi voUmambo vane 175 000 munyika iyoyo! Robert Wallen ipapo akataura nezvebudiriro yakatanhamara iyo vamwe vafundisi vakava nayo mukubetsera vanhu kupinda muzvokwadi, kubatanidza hanzvadzi imwe mufundisi yave iri Panama kwamakore anopfuura 45 uye iyo yakabetsera vane 125 kusvika papfundo retsauriro norubhapatidzo.
Mugumo wepurogiramu yose wakasvikwa apo vose vaiva muvateereri avo vakanga vari vakapedza kufunda veGilead vakakokwa kukwira pachikuva. Yakanga iri nguva inoorora zvirokwazvo. Nhevedzano yakatsiga yehama nehanzvadzi—vane 89 mumhuri yeBheteri mukuwedzera kuvakapedza kufunda vaishanyira—yakadzika nomumikoto ndokukwira pamanera ichienda kuchikuva. Ivo vakakumbanirwa nehama dzakabatira savaraidzi mumakore akapfuura, uye ipapo nekirasi yechi 94—vanenge 160 pamwe chete!
“Ko basa reChikoro cheGilead mukurovedza vafundisi nokuda kwenyika dzokumwe rakava nebudiriro yechokwadi here?” vakabvunza kudaro Hama Jaracz. “Ufakazi hwamakore 50 apfuura ndihungu mukuru!”
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 94 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira kumberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) De La Garza, C.; Borg, E.; Arriaga, E.; Chooh, E.; Purves, D.; Fosberry, A.; Delgado, A.; Drescher, L. (2) Scott, V.; Fridlund, L.; Kettula, S.; Copeland, D; Arriaga, J.; Thidé, J.; Olsson, E.; Widegren, S. (3) Delgado, F.; Keegan, S.; Leinonen, A.; Finnigan, E.; Fosberry, F.; Halbrook, J.; Berglund, A.; Jones, P. (4) Watson, B.; Frias, C.; Chooh, B.; Halbrook, J.; Purves, J.; Finnigan, S.; Jones, A.; Cuccia, M. (5) Scott, G.; Copeland, D.; Drescher, B.; De La Garza, R.; Leinonen, I.; Keegan, D.; Watson, T.; Kettula, M. (6) Widegren, J.; Borg, S.; Cuccia, L.; Berglund, A.; Olsson, B.; Frias, J.; Fridlund, T.; Thidé, P.