“Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”
“Zvinhu izvozvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?”—MATEO 24:3, NW.
1, 2. Chii chinoratidza kuti vanhu vanofarira nguva yemberi?
VANHU vazhinjisa vanofarira nguva yemberi. Iwe unofarira here? Mubhuku rake Future Shock, Purofesa Alvin Toffler akanyora “kuwanda kwakamwe kamwe kwamasangano akazvipira kukufunda nezvenguva yemberi.” Akawedzera kuti: ‘Takaona kuvambwa kwamasangano anopa mazano pamusoro penguva yemberi; kuoneka kwemapepanhau ane chokuita nenguva yemberi muEngland, France, Italy, Germany uye United States; kupararira kwekosi dzeyunivhesiti mukudeya kutaura.’ Toffler akagumisa, kuti: “Chokwadika, hapana munhu anogona ‘kuziva’ nguva yemberi mupfungwa ipi neipi yakakwana.”
2 Bhuku rinonzi Signs of Things to Come rinoti: “Unyanzvi hwokududzira nguva yemberi kupfurikidza nokuverenga mitsetse yechanza, kutarira chinoonekera ndokududzira nguva yemberi, ruzivo rwenyeredzi, kurava makadhi anotaura nezvemhanza, I Ching zvose unyanzvi hwakaoma hwokutipa pfungwa yakati yeicho nguva yedu yemberi chaiyo ingava nacho.” Asi panzvimbo pokutendeukira kumitoo yavanhu, tinofanira panzvimbo pezvo kutarira kumanyuko akabvumikiswa—Jehovha.
3. Neiko kwakakodzera kutarira kuna Mwari nokuda kwezivo yenguva yemberi?
3 Mwari wechokwadi akati: “Sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika, sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.” (Isaya 14:24, 27; 42:9) Hungu, Jehovha ave achikwanisa kupa zano rudzi rwomunhu pamusoro pechichaitika, kazhinji kazhinji achiita saizvozvo kupfurikidza navatauriri vavanhu. Mumwe wavaporofita ivava akanyora kuti: “Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.”—Amosi 3:7, 8; 2 Petro 1:20, 21.
4, 5. (a) Neiko Jesu achigona kuva webetsero pamusoro penguva yemberi? (b) Mubvunzoi wakaumbwa nezvizhinji uyo vaapostora vake vakabvunza?
4 Jesu Kristu akanga ari muporofita mukurusa waMwari. (VaHebheru 1:1, 2) Ngatinangidzirei ngwariro pane humwe hwouporofita hwaJesu hunokosha hunodeya kutaura zvinhu zviri kuitika makatipoteredza zvino. Uhwu uporofita hunotigoverawo nzwisiso muizvo zvichakurumidza kuitika sezvo tsika yakaipa yazvino inoguma uye Mwari anoitsiva neparadhiso yapasi.
5 Jesu akabvumikisa kuti akanga ari muporofita. (Marko 6:4; Ruka 13:33; 24:19; Johane 4:19; 6:14; 9:17) Nokudaro, kunonzwisisika chikonzero nei vaapostora vake, vagere naye paGomo reMiorivhi vachitarira Jerusarema, vaizomubvunza pamusoro penguva yemberi: “Zvinhu izvozvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?”—Mateo 24:3, NW; Marko 13:4.
6. Ifanananoi iri pakati paMateo 24, Marko 13, uye Ruka 21; uye mubvunzoi unofanira kutifadza zvikuru?
6 Uchawana mubvunzo wavo nemhinduro yaJesu muna Mateo ganhuro 24, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21.a Mumativi akawanda nhauro dzacho dzinotsigirana, asi hadzina kufanana. Somuenzaniso, Ruka bedzi [muNW] anodudza ‘nhenda munzvimbo nenzvimbo.’ (Ruka 21:10, 11; Mateo 24:7; Marko 13:8) Nenzira ine mufungo, tinofanira kubvunza kuti, Jesu akanga achideya kutaura zvinoitika zvomukati chete menduramo yavanzwi vake here, kana kuti akabatanidza nguva yedu neicho nguva yemberi yakatichengetera?
Vaapostora Vaida Kuziva
7. Vaapostora vakabvunza zvikurukuru pamusoro pechii, asi chii chaiva ukuru hwemhinduro yaJesu?
7 Mazuva mashomanene asati aurawa, Jesu akazivisa kuti Mwari akanga aramba Jerusarema, dzimbahwe ravaJudha. Guta netembere yaro huru zvakanga zvichizoparadzwa. Vamwe vavaapostora ipapo vakakumbira ‘chiratidzo chokuvapo kwaJesu nemhedziso yetsika yezvinhu.’ (Mateo 23:37–24:3) Pasina panikiro vairangarira zvikurukuru tsika yechiJudha neJerusarema, nokuti havana kunzwisisa mufungo wechaiva mberi. Asi mukuvapindura Jesu akatarira kure kupfuura chakaitika kusvikira kuna uye kubatanidza 70 N.V. apo vaRoma vakaparadza Jerusarema.—Ruka 19:11; Mabasa 1:6, 7.
8. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinoitika izvo Jesu akadeya kutaura?
8 Sezvaunogona kurava munhauro dzeEvhangeri nhatu, Jesu akataura nezvorudzi ruchimukira rudzi noumambo huchimukira umambo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, zviono zvinotyisa, uye zviratidzo zvokudenga. Mumakore apakati pokupa kwaJesu chiratidzo ichocho (33 N.V.) nokuparadzwa kweJerusarema (66-70 N.V.), vaporofita venhema navanaKristu venhema vakanga vachizomuka. VaJudha vakanga vachizotambudza maKristu, aiparidzira shoko raJesu.
9. Uporofita hwaJesu hwakazadzikwa sei muzana ramakore rokutanga?
9 Aya mativi echiratidzo akaitika zvomenemene, kunyange seizvo wezvenhau Flavius Josephus anosimbisa. Iye anonyora kuti vaRoma vasati vambodenha, vanaMesia venhema vakanyandura rumukiro. Kwaiva nokudengenyeka kwapasi kwakaipa muJudhea nokune dzimwe nzvimbo. Hondo dzakatanga mumativi akawanda oUmambo hweRoma. Kwaiva nenzara huru here? Hungu, zvamazvirokwazvo. (Enzanisa naMabasa 11:27-30.) Zvakadiniko nezvebasa rokuparidzira Umambo? Pakazosvika 60 kana kuti 61 N.V., apo bhuku raVaKorose rakanyorwa, “tariro yeEvhangeri” yoUmambo hwaMwari yakanga yanzwiwa zvakafara muAfrica, Asia, uye Europe.b—VaKorose 1:23.
“Ipapo” Mugumo
10. Neiko tichifanira kucherechedza shoko rechiGiriki toʹte, uye chii chiri revo yaro?
10 Muna mamwe mativi Jesu akapa zvinoitika sezvinoitika munhevedzano. Iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa . . . , uye ipapo mugumo uchasvika.” MaBhaibheri muShona kazhinji kazhinji anoshandisa “ipapo” nerevo yakapfava yokuti “naizvozvo” kana kuti “asi.” (Marko 4:15, 17; 13:23) Zvisinei, pana Mateo 24:14, “ipapo” akavakirwa pashoko rinokwanisa chiito rechiGiriki toʹte.c Nyanzvi dzechiGiriki dzinotsanangura kuti toʹte ishoko rinorondedzera chiito renongedzero yenguva” rinoshandiswa “kusuma icho chinotevera munguva” kana kuti “kusuma chinoitika chinotevera.” Jesu nokudaro akadeya kutaura kuti kwaizova nokuparidzirwa kwoUmambo uye ipapo (‘pashure paikoko’ kana kuti ‘pakupedzisira’) “mugumo” waizosvika. Mugumo upi?
11. Jesu akanangidzira sei ngwariro pazvinoitika zvakabatanidzwa zvakananga nokuparadzwa kweJerusarema?
11 Kuzadzikwa kumwe kwouporofita hwaJesu kunogona kuwanwa muzvinoitika zvakatungamirira kukuguma kwetsika yechiJudha. Hondo, kudengenyeka kwapasi, kuperevedza kwezvokudya, uye zvichingodaro, izvo Jesu akadeya kutaura zvakaitika munhambo yamakore makumi matatu. Bva, kuvamba naMateo 24:15, Marko 13:14, uye Ruka 21:20, tinorava nezvezvinoitika zvakanga zvakabatanidzwa zvakananga nokuparadzwa kwakanga kwava pedyo, apo mugumo wakanga wava pedyo chaipo.—Cherechedza mutsetse mumwe une madododo pachati.
12. Mauto eRoma akabatanidzwa sei mukuzadzika kwaMateo 24:15?
12 Mukuita chimwe chinhu kukumukira kwavaJudha muna 66 N.V., vaRoma vachitungamirirwa naCestius Gallus vakaenda kundorwisana neJerusarema, vachikomberedza iri guta iro vaJudha vairangarira sedzvene. (Mateo 5:35) Pasinei zvapo nokudzorera kwavaJudha, vaRoma vakamanikidzira kupinda muguta racho. Nokudaro ivo vakavamba “kumira munzvimbo tsvene,” (NW) mukuwirirana nokudeya kutaura kwaJesu pana Mateo 24:15 naMarko 13:14. Ipapo kwakanga kune chinoitika chinokatyamadza. Kunyange zvazvo vakanga vakomberedza guta, vaRoma vakadzokera kamwe kamwe. MaKristu akakurumidza kuziva kuzadzikwa kwouporofita hwaJesu, uye kudzokera kwakavabvumira kutiza vachibuda muJudhea vachipinda mumakomo emhiri kwaJoridhani. Nhau inoti vakaita kudaro.
13. Neiko maKristu akakwanisa kuteerera nyevero yaJesu yokutiza?
13 Asi kana vaRoma vakadzokera vachibva makapoteredza Jerusarema, neiko munhu upi noupi aifanira kutiza? Mashoko aJesu akaratidza kuti chakanga chaitika chakabvumikisa ‘kuti kuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwava pedyo.’ (Ruka 21:20) Hungu, kuparadza. Iye akadeya kutaura ‘dambudziko rakadai serakanga risina kuitika kubva pakuvamba uye rakanga risati richizoitikazve.’ Anenge makore matatu nehafu gare gare, muna 70 N.V., Jerusarema rakawana zvomenemene “[dambudziko guru, NW]” rakabva kumauto eRoma aitungamirirwa noMutungamiriri wehondo Titus. (Mateo 24:21; Marko 13:19) Neiko, kunyanguvezvo, Jesu aizorondedzera irori sedambudziko guru kupfuura ripi neripi rapamberi kana kuti chifocho?
14. Neiko tichigona kutaura kuti chakaitika kuJerusarema muna 70 N.V. raiva “[dambudziko guru, NW]” rakadai serakanga risati raitika kare uyewo harisati raitikazve chifo chaipapo?
14 Jerusarema rakaparadzanywa navaBhabhironi muna 607 P.N.V., uye guta racho raona kurwa kunotyisa muzana redu razvino ramakore. Zvisinei, chakaitika muna 70 N.V. chakanga chiri nenzira yechienzi dambudziko guru. Munhimbe yeinenge mwedzi mishanu, varwi vaTitus vakakurira vaJudha. Vakauraya vane 1 100 000 ndokupinza vanodokusvika 100 000 muutapwa. Uyezve, vaRoma vakaparadza Jerusarema. Ikoku kwakabvumikisa kuti tsika yechiJudha yokunamata kwaichimbova kunotenderwa yakanangidzirwa patembere yakanga yakaguma zvechigarire. (VaHebheru 1:2) Hungu, zvinoitika zva 70 N.V. zvaigona kurangarirwa zvakarurama se‘dambudziko rakadai serisina kumboitika [paguta irero, rudzi, uye tsika] chifo chokuvamba kwenyika, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.’—Mateo 24:21.d
Sezvakaporofitwa, Zvakawanda Zvakanga Zvichizotevera
15. (a) Jesu akadeya kutaura zvinoitikai zvaizouya pashure pedambudziko rapaJerusarema? (b) Nemhaka yaMateo 24:23-28, tinofanira kugumisei pamusoro pokuzadzikwa kwouporofita hwaJesu?
15 Jesu, zvisinei, haana kuganhurira kudeya kutaura kwake kudambudziko romuzana ramakore rokutanga. Bhaibheri rinoratidza kuti zvizhinji zvakanga zvichizotevera dambudziko iroro, sezvinokarakadzwa nokushandiswa kwatoʹte, kana kuti “ipapo,” pana Mateo 24:23 naMarko 13:21, (NW). Chii chaizoitika munhambo yapashure pa 70 N.V.? Pashure pedambudziko patsika yechiJudha, vanaKristu venhema navaporofita venhema vakawanda vaizooneka. (Enzanisa naMarko 13:6 na 13:21-23.) Nhau inosimbisa kuti vanhu vakadaro vakamuka mumazana amakore chifo chokuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V., kunyange zvazvo vasina kutsausa vanhu vane chiono chomudzimu chakapinza avo vave vachikarira “[kuvapo, NW]” kwaKristu. (Mateo 24:27, 28) Kunyanguvezvo, izvi zvinoitika pashure pedambudziko guru ra 70 N.V. zvinoumba chiratidzo chimwe chokuti Jesu akanga achitarira mberi kwedambudziko iroro, kwakanga kuchingova bedzi kuzadzika kwokutanga.
16. Ruka 21:24 inowedzera rutivii kuuporofita hwaJesu, uye ikoku kune revoi?
16 Kana tikaenzanisa Mateo 24:15-28 uye Marko 13:14-23 naRuka 21:20-24, tinowana chiratidzo chechipiri chokuti kudeya kutaura kwaJesu kwakatambanuka kupfuura kuparadzwa kweJerusarema. Yeuka kuti Ruka oga akanga adudza nhenda. Nomutoo wakafanana, iye oga akapfiga ichi chikamu namashoko aJesu, okuti: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa namarudzi, kusvikira nguva dzakagadzwa dzamarudzi [“nguva dzaVamarudzi,” King James Version] dzazadzikwa.”e (Ruka 21:24, NW) VaBhabhironi vakabvisa mambo wavaJudha wokupedzisira muna 607 P.N.V., uye pashure paikoko, Jerusarema, raimirira umambo hwaMwari, rakatsikwa-tsikwa. (2 Madzimambo 25:1-26; 1 Makoronike 29:23; Ezekieri 21:25-27) Pana Ruka 21:24, Jesu akaratidzira kuti mugariro wacho waizopfuurira ndokupinda munguva yemberi kusvikira nguva yasvika yokuti Mwari agadzezve Umambo.
17. Tine chiratidzoi chechitatu chokuti uporofita hwaJesu hwaizopinda munguva yemberi iri kure?
17 Hechino chiratidzo chechitatu chokuti Jesu akanga achinongedzerawo kukuzadzika kuri kure: Mukuwirirana naMagwaro, Mesia akanga achifanira kufa ndokumutswa, pashure pacho aizogara kurudyi rwaMwari kusvikira Baba vamutuma kuenda achikurira. (Pisarema 110:1, 2) Jesu akanongedzera kukufanira kwake kugara kurudyi rwaBaba vake. (Marko 14:62) Muapostora Pauro akasimbisa kuti Jesu akamutswa akanga ari kurudyi rwaJehovha achimirira nguva yokuva Mambo noMuurayi waMwari.—VaRoma 8:34; VaKorose 3:1; VaHebheru 10:12, 13.
18, 19. Zvakazarurwa 6:2-8 ine chokuitai nouporofita hunowirirana huri muEvhangeri?
18 Nokuda kwechiratidzo chechina nechokupedzisira chokuti uporofita hwaJesu pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu hunoshanda kupfuura zana ramakore rokutanga, tinogona kutendeukira kuna Zvakazarurwa ganhuro 6. Achinyora makumi amakore pashure pa 70 N.V., muapostora Johane akarondedzera chiono chinofadza chavatasvi vamabhiza vanoshingaira. (Zvakazarurwa 6:2-8) Ichi chiono chouporofita chomu“zuva raShe”—zuva rokuvapo kwake—chinozivisa zana redu ramakore rechi 20 senguva yehondo inoshamisa (Zvak. 6 ndima 4), perevedzo dzezvokudya dzakapararira (Zvak. 6 ndima 5 ne 6), uye “denda rinouya” (Zvak. 6 ndima 8, NW). Nenzira yakajeka, ikoku kunowirirana neizvo Jesu akataura muEvhangeri uye kunobvumikisa kuti uporofita hwake hune kuzadzika kukuru mune rino ‘zuva raShe.’—Zvakazarurwa 1:10.
19 Vanhu vakafunda vanobvuma kuti chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chakadeya kutaurwa pana Mateo 24:7-14 naZvakazarurwa 6:2-8 chakaoneka chifo chokutanga kwokutanga kwehondo yenyika muna 1914. Zvapupu zvaJehovha zvakazivisa munyika yose kuti uporofita hwaJesu zvino huri kuva nokuzadzika kwahwo kwechipiri uye kukuru zvikuru, sezvinobvumikiswa nehondo dzoutsinye, kudengenyeka kwapasi kunoparadza, nzara dzine ngwavaira, uye zvirwere zvakapararira. Pairi pfundo rokupedzisira, U.S.News & World Report (July 27, 1992) yakati: “Chifo cheAIDS . . . chiri kutumira mamirioni avanyajambwa kurufu rwawo uye ungakurumidza kuva denda rinodhura zvikurusa nerine ngwavaira munhau. Black Death yakauraya vanhu vanotambura vanenge mamirioni 25 muzana ramakore rechi 14. Asi panosvika gore ra 2000, vanhu vane mamirioni 30 kusvikira ku 110 vachave vane HIV, utachiona hunoparira AIDS, kukwira kubva pamamirioni 12 nhasi. Mukushaya mushonga, vose vakanangana norufu rwechokwadi.”
20. Kuzadzikwa kwokutanga kwaMateo 24:4-22 kwaizofukidzei, asi ndikumwei kuzadzika kwakajeka?
20 Chii, ipapoka, chatinogumisa pamusoro pokupindura kwakaita Jesu mubvunzo wavaapostora? Uporofita hwake hwakadeya kutaura nenzira yakarurama zvinotungamirira uye zvinobatanidza kuparadzwa kweJerusarema, uye hwakadudza zvimwe zvinhu zvaizotevera 70 N.V. Asi huzhinjisa hwaihwohwu hwaifanira kuva nokuzadzika kwechipiri nokukuru zvikuru munguva yemberi, kuchitungamirira kudambudziko guru raizogumisa tsika yakaipa iripo yezvinhu. Ikoku kunoreva kuti kudeya kutaura kwaJesu kuri pana Mateo 24:4-22, uye kuwirirana kuri muna Marko naRuka, kwakazadzikwa kuvambira muna 33 N.V. kusvikira kudambudziko romuna 70 N.V. Bva, ndima dzimwe chetedzo dzaizova nokuzadzika kwechipiri, uko kwaizobatanidza dambudziko guru zvikuru munguva yemberi. Uku kuzadzika kukuru zvikuru kunesu; tinogona kukuona zuva nezuva.f
Zvinotungamirira Kuchii?
21, 22. Ndokupi kwatinowana chiratidzo chouporofita chokuti zvinoitika zvokuwedzera zvaizouya?
21 Jesu haana kugumisa uporofita hwake nokududzwa kwavaporofita venhema vanoita zviratidzo zvinonyengera mukati menhambo refu ‘nguva dzakagadzwa dzavamarudzi [dzisati] dzazadzikwa.’ (Ruka 21:24; Mateo 24:23-26; Marko 13:21-23) Akapfuurira kutaura nezvezvimwe zvinhu zvinoshamisa zvaizoitika, zvinhu zvakacherechedzwa mupasi rose. Izvozvi zvaizobatanidzwa nokuuya kwoMwanakomana womunhu musimba nembiri. Marko 13:24-27 ndiyo inomirira uporofita hwake hunopfuuridzirwa:
22 “Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya. Ipapo uchatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwokudenga.”
23. Neiko tichigona kutsvaka kuzadzika kwaMateo 24:29-31 nguva refu pashure pezana ramakore rokutanga N.V.?
23 Mwanakomana womunhu, Jesu Kristu akamutswa, haana kuuya nomutoo iwoyo unoshamisa pashure pomugumo unoparadza wetsika yechiJudha muna 70 N.V. Zvamazvirokwazvo marudzi ose apasi haana kumuziva, seizvo Mateo 24:30 inotaura, uyewo ngirozi dzokudenga panguva iyeyo hadzina kuunganidza maKristu ose akazodzwa mupasi rose. Naizvozvo ndirini apo urwu rutivi rwokuwedzera rwouporofita hukuru hwaJesu rwaizozadzikwa? Ruri kuzadzika muzviri kuitika makatipota zvino, kana kuti, panzvimbo pezvo, runogovera nzwisiso youmwari muzvinhu zvatinogona kukarira munguva yemberi iri pedyo here? Zvamazvirokwazvo tinofanira kuda kuziva, nokuti Ruka anonyora kuraira kwaJesu, kwokuti: “Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.”—Ruka 21:28.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvikamu zvaaya maganhuro zvinogona kuwanwa muchati iri pamapeji 14 ne 15; mitsetse ine madododo inoratidza zvikamu zvinowirirana.
b Nokuda kwezvikamu zvamashoko zvenhau zveizvi zvinoitika, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1970, mapeji 317-319.
c Toʹte anooneka kanopfuura 80 muna Mateo (ka 9 Mt muganhuro 24) uye ka 15 mubhuku raRuka. Marko akashandisa toʹte katanhatu bedzi, asi kana kaikoko kakabatanidza “chiratidzo.”
d Munyori weBritain Matthew Henry akatsinhira, kuti: “Kuparadzwa kweJerusarema navaKardhea kwakanga kwakaipa zvikuru, asi ikoku kwakapfuura. Kwakatyisidzira kuurawa munzvimbo yose kwavose . . . vaJudha.”
e Vazhinji vanoona munhauro yaRuka kuchinja pashure paRuka 21:24. Dr. Leon Morris anoti: “Jesu anopfuurira kutaura nezvenguva dzaVamarudzi. . . . Mumufungo wenyanzvi zhinjisa ngwariro zvino inoenda kukuuya kwoMwanakomana womunhu.” Purofesa R. Ginns anonyora, kuti: “Kuuya kwoMwanakomana woMunhu—(Mt 24:29-31; Mk 13:24-27). Kududzwa kwe‘nguva dzaVamarudzi’ kunogovera sumo kuno uyu musoro; Murangariro [waRuka] zvino unoendeswa mberi kwokuparadzwa kweJerusarema ndokupinda munguva yemberi.”
f Purofesa Walter L. Liefeld anonyora, kuti: “Zvamazvirokwazvo kunobvira kutaura kuti kudeya kurangarira kwaJesu kwakabatanidza mativi maviri: (1) zvinoitika zva A.D. 70 zvinobatanidza tembere uye (2) izvo zvomunguva yemberi iri kure, zvakarondedzerwa mumashoko ouporofita zvikuru.” Tsinhiro dzakapepetwa naJ. R. Dummelow dzinoti: “Zvakawanda zvezvitambudzo zvakakomba zvikurusa zveiyi hurukuro huru zvinonyangarika apo kunozivikanwa kuti Ishe wedu akanongedzera mairi kwete kuchinoitika chimwe asi kuzviviri, uye kuti chokutanga chakanga chichifananidzira chechipiri. . . . [Ruka] 21:24 zvikurukuru, iyo inotaura nezve‘nguva dzaVamarudzi,’ . . . inoisa nhambo isingazivikanwi pakati pokuwa kweJerusarema nomugumo wenyika.”
Unoyeuka Here?
◻ Mhinduro yaJesu kumubvunzo uri pana Mateo 24:3 yakava nokuzadzikai kwakatungamirira kuna 70 N.V.?
◻ Kushandiswa kweshoko rokuti toʹte kunotibetsera sei kunzwisisa uporofita hwaJesu?
◻ Kwakanga kune “[dambudziko guru, NW]” romuzana ramakore rokutanga rakadai serakanga risati raitika mupfungwai risina kumboitika kare?
◻ Ruka anonongedzera kumativi api maviri echienzi ouporofita hwaJesu ayo anotibatanidza nhasi?
◻ Zviratidzoi zvinonongedzera kukuzadzika kwechipiri nokukuru zvikuru kwouporofita hwaMateo 24:4-22?
[Chati iri papeji 14, 15]
4 “Jesu akapindura, akati kwavari: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. 5 Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti: “Ndini Kristu;” vachitsausa vazhinji. 6 Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.
7 “‘Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, [noumambo huchamukira umambo, uye kuchava neperevedzo yezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo, NW]. 8 Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
9 “‘[Ipapo vanhu, NW] vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. 10 [Ipapo, NW] vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana. 11 Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. 12 Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. 13 Asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa. 14 Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
------------------------------------------------------------------
15 “‘Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze); 16 [ipapo, NW] vari muJudhea ngavatizire kumakomo; 17 uri pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; 18 nouri mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake. 19 Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo; 20 nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando kana nesabata. 21 Nokuti [ipapo, NW] kuchavapo [nedambudziko guru, rakadai serisina kumbovapo chifo chokuvamba, NW] kwenyika kusvikira zvino, uye ha[ri]chazovipo. 22 Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakune nyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
------------------------------------------------------------------
23 “‘[Ipapo, NW] kana munhu akati kwamuri: “Tarirai! Kristu uri pano,” kana “apo;” regai kutenda. 24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo. 25 Tarirai, ndagara ndakuudzai. 26 Zvino, kana vakati kwamuri: “Tarirai, uri kurenje,” regai kubuda; “Tarirai, uri mudzimba dzomukati,” regai kutenda. 27 Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyera kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. 28 Apo pane mutumbu ndipo pachaunganira magora.
------------------------------------------------------------------
------------------------------------------------------------------
29 “‘Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. 30 Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka kudenga; [ipapo, NW] marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. 31 Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.’”
5 “Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati: ‘Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. 6 Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti: “Ndini Kristu,” vachitsausa vazhinji. 7 Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
8 “‘Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, [umambo, NW] huchamukira [umambo, NW]; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kune dzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
9 “‘Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. 10 NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. 11 Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura asi [mudzimu, NW] mutsvene. 12 Mukoma uchaisa munun’una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvauraisa. 13 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.
------------------------------------------------------------------
14 “‘Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), [ipapo, NW] vari muJudhea ngavatizire kumakomo; 15 uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. 16 Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake. 17 Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa mazuva iwayo! 18 Nyengeterai kuti zvirege kuva pachando. 19 Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. 20 Dai [Jehovha, NW] asaitapudza mazuva iwayo, hakune nyama yairarama; asi nokuda kwavasanangurwa vaakasanangura, wakatapudza mazuva iwayo.
------------------------------------------------------------------
21 “‘Ipapo, NW] kana munhu achiti kwamuri: “Tarirai Kristu uri pano,” “tarirai uri papo,” regai kutenda. 22 Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. 23 Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose!
------------------------------------------------------------------
------------------------------------------------------------------
24 “‘Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, 25 nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. 26 Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu mumakore nesimba guru nokubwinya. 27 Ipapo uchatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwokudenga.’”
8 “Akati: ‘Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti: “Ndini Kristu; nguva yaswedera.” Musavatevera. 9 Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.’
10 “[Ipapo, NW] akati kwavari: ‘Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, no[umambo huchamukira umambo, NW]. 11 Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.’
12 “‘Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu. 13 Ichi chichava chapupu kwamuri. 14 Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. 15 Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. 16 Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun’una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa. 17 Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. 18 Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki. 19 Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.
------------------------------------------------------------------
20 “‘Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, [ipapo, NW] zivai kuti rodo kuparadzwa. 21 [Ipapo, NW] vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo. 22 Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike. 23 Asi vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo. 24 Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose;
------------------------------------------------------------------
Jerusarema richatsikwa na[marudzi kusvikira nguva dzamarudzi dzazadzikwa, NW].
------------------------------------------------------------------
------------------------------------------------------------------
25 “‘Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika urombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; 26 vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. 27 Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba rokubwinya kukuru. 28 Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.’”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Dambudziko romuna 70 N.V. rakanga riri gurusa iro Jerusarema netsika yechiJudha zvakanga zvati zvawana