“Jesu Kristu NdiyeShe”—Sei uye Rini?
“ISHE akati kunashe wangu, Gara kurudyi rwangu, kusvikira ini ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” Iyi ishanduro yePisarema 110:1 mukuwirirana neKing James Version. Ndiani ari “ISHE” pano, uye iye ari kutaura kuna ani?
Shanduro yakarurama zvikuru yorugwaro rwechiHebheru inopindura nokukurumidza mubvunzo wokutanga. “Kutaura kwaJehovha kunaShe wangu ndouku: . . .” Nokudaro, “ISHE” ari mumabhii makuru anonongedzera kuna Mwari wamasimba ose, Jehovha amene. Kunyange zvazvo King James Version ichibvuma zita roumwari kupfurikidza nokushandisa “ISHE” mukupesana na“She,” yakanga isiri yokutanga kuvhiringidza aya mazita okuremekedza, nokuti Septuagint yakare yechiGiriki, yakashandurwa kubva muchiHebheru, yakashandisa “Ishe” nokuda kwaJehovha mumakopi ayo apashure. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti zita rokuremekedza rokuti “Ishe” rakatsiviwa nezita roumwari, Tetragrammaton (יהוה). Nyanzvi A. E. Garvie inoti: “Kushandiswa kwezita rokuremekedza rokuti Ishe [kyʹri·os] kunotsanangurwa zviri nyore zvikurusa uye zvimwe nokushandiswa kwezita iroro rokuremekedza musinagogi yechiJudha panzvimbo pezita resungano Yahveh [Jehovha], apo Magwaro akanga achiraviwa.”
Bhaibheri rinozivisa Jehovha sa“Changamire Ishe.” (Genesi 15:2, 8; Mabasa 4:24; Zvakazarurwa 6:10, NW) Iye anodanwawo kuti “Ishe wechokwadi,” uye “Ishe wapasi rose.” (Eksodho 23:17; Joshua 3:13; Zvakazarurwa 11:4, NW) Ndiani, ipapoka, ari mumwe “Ishe” wePisarema 110:1, uye akasvika sei pakuzivikanwa sa“She” naJehovha?
Jesu Kristu sa“She”
Jesu anotaurwa sa“Ishe” muEvhangeri ina, kazhinji kazhinji zvikurusa muna Ruka naJohane. Muzana rokutanga ramakore N.V., zita rokuremekedza rakanga riri roruremekedzo nokuzvininipisa, rakaenzana nokuti “Changamire.” (Johane 12:21; 20:15, Kingdom Interlinear) MuEvhangeri yaMarko shoko rokuti “Mudzidzisi,” kana kuti Rab·boʹni, rinoshandiswa kazhinji kazhinji zvikuru mukutaura kuna Jesu. (Enzanisa Marko 10:51 naRuka 18:41.) Kunyange mubvunzo waSauro mumugwagwa wokuenda kuDhamasko, wokuti “Ndimi aniko, Ishe?” wakanga une mufungo wose zvawo mumwe chetewo wokubvunza kwokuzvininipisa. (Mabasa 9:5) Asi sezvo vateveri vaJesu vakasvika pakuziva Tenzi wavo, kuri pachena kuti kushandisa kwavo zita rokuremekedza rokuti “Ishe” kwairatidzira zvakawanda zvikuru kupfuura ruremekedzowo zvarwo.
Pashure porufu rwake norumuko asi pamberi pokukwira kwake kudenga, Jesu akaoneka kuna vadzidzi vake ndokuita ichi chiziviso chinokatyamadza: “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.” (Mateo 28:18) Ipapo, pazuva rePentekosta, mupesvedzero yomudzimu mutsvene wakadururwa, Petro akanongedzera kuPisarema 110:1 ndokuti: “Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pa[danda rokutambudzira, NW], Mwari wakamuita Ishe naKristu.” (Mabasa 2:34-36) Nemhaka yokutendeka kwake kusvikira kupfundo rorufu runozvidzwa padanda rokutambudzira, Jesu akamutswa ndokupiwa tuso hurusa. Iye ipapo akapinda mukuva kwake ishe mudenga.
Muapostora Pauro akasimbisa mashoko aPetro apo akanyora kuti Mwari akanga a“mugarisa [Kristu] kurudyi rwake kudenga, kumusorosoro kwavabati vose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi peinozouyawo.” (VaEfeso 1:20, 21) Kuva ishe kwaJesu Kristu kuri pamusoro pokumwe kuva ushe kwose, uye kuchapfuurira ndokupinda munyika itsva. (1 Timotio 6:15) Iye akakwidzwa “zvikuru” uye akapiwa “zita rinopfuura mazita ose” kuitira kuti munhu wose abvume kuti “Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.” (VaFiripi 2:9-11) Rutivi rwokutanga rwePisarema 110:1 nokudaro rwakazadzikwa, uye “vatumwa namadzishe namasimba” zvaiva pasi pokuva ishe kwaJesu.—1 Petro 3:22; VaHebheru 8:1.
MuMagwaro echiHebheru, kutaura kwokuti “Ishe wamadzishe” kunoshanda bedzi kuna Jehovha. (Dheuteronomio 10:17; Pisarema 136:2, 3) Asi Petro achifuridzirwa akati nezvaKristu Jesu: “Uyu ndiye Ishe wavamwe vose [kana kuti, “Ishe wedu tose,” Goodspeed].” (Mabasa 10:36, NW) Iye zvamazvirokwazvo ndiye “Ishe wavose vakafa navapenyu.” (VaRoma 14:8, 9) VaKristu vanobvuma nokudisa Jesu Kristu saShe noMuridzi wavo uye vanomuteerera nokudisa savadzorwi vake, vakatengwa neropa rake rinokosha zvikurusa. Uye Jesu Kristu akatonga saMambo wamadzimambo naShe wamadzishe paungano yake chifo chePentekosta 33 N.V. Asi zvino, chifo cha 1914, iye akapiwa chiremera choumambo kuti atonge ari munzvimbo iyoyo vavengi vake vaiswa se‘chitsiko chetsoka dzake.’ Nguva zvino yakanga yakwana yokuti a‘ende achikurira pakati pavo,’ zvose mukuzadzikwa kwePisarema 110:1, 2.—VaHebheru 2:5-8; Zvakazarurwa 17:14; 19:16.
Ipapoka, mashoko aJesu okuti “zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu,” akataurwa pamberi porufu rwake norumuko, anofanira kunzwisiswa sei? (Mateo 11:25-27; Ruka 10:21, 22) Ikoku hakusati kuri kutaura kwakafara kwakadaro souko kwatokurukurwa. Mose muri muviri muna Mateo naRuka, mashoko akapoteredza anozivisa kuti Jesu akanga achitaura pamusoro pezivo yakavanzirwa vanhu vakachenjera mune zvenyika asi yakaziviswa kupfurikidza naye nemhaka yokuti iye “unoziva” Baba. Apo akabhapatidzwa mumvura ndokuberekwa soMwanakomana womudzimu waMwari, Jesu akakwanisa kuyeuka kuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu mudenga nezivo yose yakafamba nako, asi ichi chakanga chiri chimwe chinhu chakasiyana nokuva kwake ishe kwapashure.—Johane 3:34, 35.
Kusiyanisa Jesu Kristu saShe
Dzimwe shanduro dzaMagwaro echiKristu echiGiriki dzinopa chinetso pakushandura mashoko anonokorwa muMagwaro echiHebheru anonongedzera zvakajeka kuna “ISHE,” Jehovha Mwari. Enzanisa, somuenzaniso, Ruka 4:19 naIsaya 61:2 muKing James Version kana kuti zvimwe The New Jerusalem Bible. Vamwe vanhu vanotaura kuti Jesu akatora zita rokuremekedza rokuti “Ishe” kuna Jehovha uye kuti Jesu ari munyama akanga ari Jehovha chaizvoizvo, asi ikoku kukakavara kusina tsigiro yapaMagwaro. Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, nguva dzose vanosanosiyaniswa nomumwe nomumwe muRugwaro. Jesu akazivisa zita raBaba vake ndokuvamirira.—Johane 5:36, 37.
Mumienzaniso inotevera, cherechedza mashoko akanokorwa muMagwaro echiHebheru sezvaanooneka muMagwaro echiGiriki. Jehovha Mwari noMuzodziwa wake, kana kuti Mesia, vose vari vaviri vanodudzwa pana Mabasa 4:24-27, iyo inonokora mashoko Pisarema 2:1, 2. Mashoko akapoteredza aVaRoma 11:33, 34 nenzira yakajeka anonongedzera kuna Mwari, Manyuko ouchenjeri hwose nezivo, nokunokora mashoko muna Isaya 40:13, 14. Achinyorera ungano yeKorinte, Pauro anodzokorora kunokora mashoko kwacho, “Nokuti ndianiko wakaziva murangariro wa[Jehovha, NW]?” uye ipapo anowedzera, kuti: “Asi isu tino murangariro waKristu.” Ishe Jesu akazivisa kuvateveri vake ndangariro yaJehovha panhau dzinokosha dzakawanda kwazvo.—1 VaKorinte 2:16.
Pane dzimwe nguva rugwaro muMagwaro echiHebheru runonongedzera kuna Jehovha, asi nemhaka yokugovera Kwake simba nechiremera, runozadzikwa muna Jesu Kristu. Pisarema 34:8, somuenzaniso, rinotikoka kuti “ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka.” Asi Petro anoshandisira ikoku kuna Ishe Jesu Kristu apo anoti: “Kana makaravira kuti Ishe uno mwoyo munyoro.” (1 Petro 2:3) Petro anotora nheyo uye anoratidza kuti ndokwechokwadiwo sei nezvaJesu Kristu. Kupfurikidza nokupinza zivo yavose vari vaviri Jehovha Mwari naJesu Kristu ndokuishandisa, vaKristu vanogona kufarikanya zvikomborero zvakapfuma zvinobva kuna vose vari vaviri Baba noMwanakomana wake. (Johane 17:3) Kushandisa kwaPetro hakuiti Changamire Ishe Jehovha munhu mumwe naIshe Jesu Kristu.—Ona mashoko omuzasi a 1 Petro 2:3, NW.
Nzvimbo dzakasiyana dzaJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, dzinojekeswa zvikuru nomuapostora Pauro apo anoti: “Asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.” (1 VaKorinte 8:6; 12:5, 6) Achinyorera ungano yechiKristu muEfeso, Pauro akazivisa “Ishe mumwe,” Jesu Kristu, saakasiyana zvikuru na“Mwari mumwe, naBaba wavose.”—VaEfeso 4:5, 6.
Jehovha Mukurusa Pavose
Chifo chegore ra 1914, mashoko aZvakazarurwa 11:15 akabvumikisa kuva echokwadi, okuti: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, [Jehovha Mwari] naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.” The New International Dictionary of New Testament Theology (Volume 2, peji 514) inoti: “Apo Kristu anenge akurira simba riri rose (1 VaK. 15:25), achazviisa amene pasi paMwari Baba. Nokudaro kuva ishe kwaJesu kuchave kwaita nharidzano yako uye Mwari achava zvose muzvose (1 VaK. 15:28).” Pamugumo woKutonga kwake kweMireniyumu, Kristu Jesu anodzosera kuna Baba vake, Mwari Wamasimba ose, simba nechiremera zvakamupiwa kare. Nokudaro, mbiri yose nokunamata zvinopiwa nenzira yakarurama kuna Jehovha, “Mwari waShe wedu Jesu Kristu.”—VaEfeso 1:17.
Kunyange zvazvo Jesu zvino ari Ishe wamadzishe, haatongodanwi kuti Mwari wavamwari. Jehovha anoramba ari mukurusa pavose. Neiyi nzira, Jehovha achava “zvose kuna vose.” (1 VaKorinte 15:28) Kuva ishe kwaJesu kunomupa nzvimbo yake yakarurama soMusoro weungano yechiKristu. Kunyange zvazvo tingaona “madzishe” vakawanda vane simba vari munzvimbo dzakakwirira munyika ino, tinochengeta chivimbo chedu mune mumwe uyo ari Ishe wamadzishe. Bva, Jesu Kristu, ari munzvimbo yake huru neyakakwirira, anongoramba ari pasi paBaba vake, “kuti Mwari atonge pazvose.” (1 VaKorinte 15:28, The Translator’s New Testament) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokuzvininipisa Jesu akagadzira vadzidzi vake wokutevera, kunyange sezvavanomubvuma saShe wavo!
[Bhokisi riri papeji 30]
“Apo vanyori veTestamente Itsva vanotaura nezvaMwari vanoreva Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu. Apo vanotaura nezvaJesu Kristu, havatauri nezvake, uyewo havafungi nezvake saMwari. Iye ndiKristu waMwari, Mwanakomana waMwari, Uchenjeri hwaMwari, Shoko raMwari. Kunyange Sumo yaSt. Johane, iyo inosvika pedyosa neDzidziso yaNicene, inofanira kuraviwa mukurangarira kuzviisa pasi kwakaziviswa kweEvhangeri yose zvayo; uye Sumo yacho haina kujeka zvikuru muchiGiriki neshoko chairo [the·osʹ] kupfuura zvarinoratidzika kuva muchiNgezi.”—“The Divinity of Jesus Christ,” naJohn Martin Creed.