Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Takafarikanya kufunda uporofita hwaDhanieri sezvahwakakurukurwa mu“Nharireyomurindi.” Neiko, kunyanguvezvo, misi yenguva nhatu nehafu dzaZvakazarurwa 11:3 yakasiyana nebhuku ra“Mugumo waZvakazarurwa?”
Hungu, Nharireyomurindi yaNovember 1, 1993, yakapa gadziridzo duku pamusoro pokuronga misi yezadziko yazvino uno yaZvakazarurwa 11:3. Neiko?
Ngatitangei kutarira pana Zvakazarurwa 11:2, mugumo wayo uyo unodudza “mwedzi ina makumi mana nemiviri.” Tinopfuurira muZvak. 11 ndima 3: “Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru china mazana maviri namakumi matanhatu.” Ikoko kunoshanda rini?
Eya, Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kare kuti uhwu uporofita hwakazadzika navaKristu vakazodzwa nomudzimu pashure pomugumo we“nguva dzakagadzwa dzavamarudzi” (Nguva dzaVamarudzi) muna 1914. (Ruka 21:24, NW; 2 VakKorinte 1:21, 22) Richitsinhira pana ikoku, Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!a (1988) rinoti papeji 164: “Pakanga pane nhambo yakaratidzirwa yamakore matatu nehafu apo zvinoitika zvinotambudza zvavanhu vaMwari zvakafanana nezvinoitika zvinoporofitwa pano—kutangira pakuvamba kwehondo yenyika yokutanga murutivi rwapashure rwa 1914 uye kupfuurira kusvikira kurutivi rwapakuvamba rwa 1918.”
Cherekedza kuti kuronga misi kwakapiwa kwaiva “kuvamba kwehondo yenyika yokutanga murutivi rwapashure rwa 1914 [kutozosvikira] kurutivi rwapakuvamba rwa 1918.” Ikoko kunowirirana nokuronga misi kunowanzopiwa, zvakadai somu“Then Is Finished the Mystery of God,” mapeji 261-4, (1969).b
Zvisinei, Nharireyomurindi yakanangidzira ngwariro pauporofita huri muna Dhanieri, bhuku rinodudza kaviri nhambo yakaenzana neiyo inodudzwa gare gare muna Zvakazarurwa—makore 3 1/2, kana kuti mwedzi 42. Kuva akananga, Dhanieri 7:25 inotaura kuti vatsvene vamwari vaizonetswa “kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva,” kana kuti nguva 3 1/2. Gare gare, Dhanieri 12:7 inodeya kutaura “nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva,” kana kuti nguva 3 1/2, idzo dzaizogumiswa neku“pedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene.”
Naizvozvo tine uporofita hunobata nenhambo yakaenzana pana Dhanieri 7:25, Dhanieri 12:7, uye Zvakazarurwa 11:2, 3 pamwe chete napana Zvakazarurwa 13:5. Zvinyorwa zvedu zvakaratidza kuti hwose ihwohwu hwakazadzika munhambo ya 1914-18. Asi mukubata humwe nohumwe hwouhwu uporofita zvakaparadzana, misi yokuvamba uye yokuguma kwacho yakasiyana zvishomanene.
Zvisinei, Nharireyomurindi yaNovember 1, 1993, yakabvunza, kuti: “Uporofita hwose ihwohwu hunowirirana hwakazadzika sei?” Hungu, uporofita hwenguva nhatu nehafu hunodudzwa pana Dhanieri 7:25, Dhanieri 12:7, uye Zvakazarurwa 11:3 hwakazivikanwa so“uporofita hunowirirana.” Nokudaro, hwaizowirirana pamusoro pamavambo ahwo uye mugumo wahwo.
Pamusoro pokuguma kwacho, magazini yacho yakaratidza kuti kutambudzwa kwavakazodzwa vaMwari (Dhanieri 7:25) kwakaguma sei muna June 1918 apo J. F. Rutherford uye vamwe vatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society vaka“tongerwa papomero dzenhema kunhambo refu mutorongo.” Chinoitika ichocho zvamazvirokwazvo chakanga chiri “kupedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene,” sezvakanyorwa pana Dhanieri 12:7.
Kuverenga tichidzoka shure kubvira muna June 1918 kunotitungamirira kuna December 1914 nokuda kwamavambo enguva 3 1/2. Mumwedzi iwoyo wokupedzisira wa 1914, vakazodzwa vaMwari pasi pano vakadzidza musoro worugwaro wegore raiuya: “‘Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here?’—Mateo 20:20-23.” Nyaya yacho yakauzivisa yakanyevera, kuti: “Ndiani anoziva kuti kungava nomuedzo chaiwo wakati, mukombe wokutambura kana kuti kuzvidzwa, nokuda kwavateveri vakavimbika veGwayana mukati ma 1915!” Sokudeya kutaura kwakaita Dhanieri 7:25 nokuda kweiyi nhambo yenguva 3 1/2, ‘kunetswa kwakamuka uye kwakapfuurira mukurwisana navatsvene vamene voMukuru.’ Marudzi akanga akabatanidzwa muHondo Yenyika I, kuchivaitira nyore zvikuru kuita kunetsa kusina pembedzo. Mhedziso ndeyokuti: Uporofita hwose hutatu hunowirirana—Dhanieri 7:25, 12:7, uye Zvakazarurwa 11:3—hwakazadzika mumakore matatu nehafu, kana kuti mwedzi 42, kubvira muna December 1914 kusvikira muna June 1918.
Ikoku kunotsanangura kunatsa kuduku mukuronga misi yezadziko yaZvakazarurwa 11:3. Iyi gadziridzo ndichimwe chinhu chatinogona kuyeuka sezvatinofunda uye kushandisa bhuku raMugumo waZvakazarurwa munguva yemberi.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.