Ngwarira Kuganza
NHASI vazhinji vanorangarira kuganza sorunako. Kuvhaira namasimba, unyanzvi, uye zvinoitwa zvomunhu kwazova kwomuitiro. Vamwe vanodavira kuti kuganza kuri madikanwa kuita chimwe chinhu. Vamwe vanonzwa kuti kunokwidza kuzviremekedza kwomunhu. Magazini yeTime inoti: “Kunaka kwokuva nomwero, kunyange zvazvo kusitongori kwechinyakare, kwakavamba kuratidzika kuva kunodokuva kwechinyakare.” Munyori Jody Gaylin anotsinhira, kuti: “Nenzira inosuruvarisa, kuganza kusina nyadzi . . . muitiro wazvino uno. Kurukurirano neshamwari kana kuti muzivikanwi ine chinoikumbanira chitsva: kuzvirumbidza.”
Vanhu vanotevedzerwa navazhinji vakagadza mupimo. Ungave wakanzwa mashoko eyaichimbova shasha yetsiva, okuti: “Haisiri tsaona kuti ndiri munhu mukurusa munyika panguva ino munhau.” Kutaura kwomumwe mutezo weboka renziyo reBeatles kunosanozivikanwawo: “Takurumbira zvikuru kupfuura Jesu Kristu zvino.” Nepo vamwe vakarangarira tsinhiro dzakadaro sedzakataurwa nenzira isina mhaka, vamwe vakaona avo vakadzitaura savanhu vanotevedzerwa navazhinji vokuzvikwidziridza vakafanirwa nokuteverwa.
Kupararira kwokuganza kunomutsa mubvunzo, wokuti: Kwakanaka here kuganza nezvinhu uye mano zvomunhu amene? Ndokwomuzvarirwo, chokwadika, kudada nezvinoitwa zvomunhu uye kunyange kugoverana izvozvi neshamwari dzapedyo uye hama dzokunyama. Asi zvakadini naavo vanorarama mukuwirirana nechirevo, “Kana unawo, aratidzire”? Uyezve, zvakadiniko naavo, nepo vasingaganzi pachena, nenzira yamanomano vanova nechokwadi chokuti vamwe vanoziva nezvamasimba avo nezvinoitwa? Kuzvishambadzira kwakadaro kwakanaka here, kunyange kuva kuri madikanwa, seizvo vamwe vanotaura?
Mugumisiro Paukama
Rangarira mugumisiro uyo kuganza kwavamwe kunova nawo pauri. Somuenzaniso, unoita sei kukutaura kunotevera?
“Mabhuku andisati ndanyora ari nani kupfuura mabhuku ayo vamwe vanhu vakanyora.”—Munyori anosanozivikanwa.
“Kudai ndaivapo pakusika, ndaizodai ndakapa zvikarakadzo zvinoshanda nokuda kwokurongwa kuri nani kwechisiko chose.”—Mambo weMiddle Ages.
“Hakugoni kuva naMwari nemhaka yokuti, kudai aivako, ndaisazodavira kuti ndakanga ndisiri Iye.”—Muzivi wezana ramakore rechi 19.
Unokweverwa kuava vanhu kupfurikidza netsinhiro dzavo here? Unofunga kuti waizofarikanya songaniro yavo here? Sezvingabvira kwete. Kazhinji kazhinji, kuganza—muuchokwadi kana kuti kunyange mujee—kunoparira vamwe kushatirwa, kugumbuka, zvichida kuva neshanje. Uyu ndiwo mugumisiro wakwakava nawo pana wezvamapisarema Asafi, uyo akati: “Ndakanga ndichigodora vanamanyawi.” (Pisarema 73:3) Zvirokwazvo, hapana mumwe wedu anoda kuva chisakiso chemirangariro yakashata mushamwari dzedu navasonganiri! VaKorinte Wokutanga 13:4 inoti: “Rudo . . . haruna manyawi.” Rudo rwoumwari uye kuziva mirangariro yavamwe zvichatisunda kurega kuratidzira unyanzvi uye zvinhu zvedu zvinofungidzirwa.
Apo munhu anozvidzora amene uye anotaura nomwero, anoita kuti vamwe vaanavo vanzwe vakasununguka uye zvakanaka pamusoro pavo vamene. Iwaya mano anokosha. Zvichida mutungamiriri wezvamatongerwe enyika weBritain Lord Chesterfield airangarira izvozvi apo akapa zano mwanakomana wake, kuti: “Iva akachenjera zvikuru kupfuura vamwe vanhu kana uchigona; asi usavaudza saizvozvo.”
Vanhu havana zvipo zvimwe chetezvo. Chinhu chiri nyore kune mumwe munhu hachisiri zvacho simba romumwe. Rudo ruchasunda munhu kubata nenzira yetsitsi naavo vasina unyanzvi munharaunda idzo iye ane mano. Sezvingabvira, mumwe munhu wacho ane zvipo mune dzimwe nharaunda. Muapostora Pauro akatiudza, kuti: “Nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.”—VaRoma 12:3.
KuganzaKunobva Muutera
Nepo vamwe vangabva pavaganzi, vachinzwa vakaderera varipo, vamwe vanoita zvakasiyana. Vanogumisa kuti vaganzi havana kuchengeteka. Munyori Frank Trippett anotsanangura chikonzero nei munhu anoganza, nenzira inosetsa, angaderedza ruremekedzo rwake mumeso avamwe: “Munhu ari wose anoziva nechomukati kuti kuganza kazhinji kazhinji kunoratidzira utera hwomunhu oga hunosiririsa.” Sezvo vazhinji vachiona zvakajeka seri kwebatakumeso yomuganzi, hakusiri kuchenjera zvikuru here kurega kuzvirumbidza kusina maturo?
“Asi Ichokwadi!”
Iyi ndiyo nzira iyo vamwe vanoedza nayo kururamisa kuzvipa mbiri. Vanonzwa kuti sezvo zvirokwazvo vane unyanzvi mumativi akati, kunyepedzera kuva vakasiyana kwaizova kunyengera.
Asi kuganza kwavo ndokwechokwadi here? Kuzvikudza kunorerekera kukutsamira pamugariro womunhu. Icho tinoona sesimba rakatanhamara matiri timene chingaratidzika kuva chinhuwo zvacho kuna vamwe. Idi rokuti mumwe munhu anonzwa achigombedzerwa kuvhaira namano ake ringagona kunyange kukarakadza kuti haana kusimba kwazvo pashure pokurangarira zvose—haana kusimba zvakakwana zvokumira oga pasina kushambadzira. Bhaibheri rinobvuma chimiro chendangariro chavanhu pamusoro pokuzvinyengedza apo rinopa zano, richiti: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”—1 VaKorinte 10:12.
Kunyange kana mumwe munhu ane mano nenzira yechienzi munharaunda yakati, ikoku kunoruramisa kuganza here? Aiwa, nemhaka yokuti kuganza kunorumbidza vanhu, nepo mano api naapi atinawo akabva kuna Mwari. Anofanira kugamuchira mbiri yacho. Neiko tichifanira kugamuchira mbiri nokuda kwechimwe chinhu chatakaberekwa nacho? (1 VaKorinte 4:7) Kunze kwezvo, sezvatinova namasimba, tinewo utera. Kutendeseka kunoda kuti tikwevere ngwariro kumhaka nezvikanganiso zvedu here? Vaganzi vashomanene vanoratidzika kuva vanofunga saizvozvo. Mambo Herodhe Agrippa I angava aiva mukurukuri ane unyanzvi zvirokwazvo. Bva kushaya kwake mwero kwakatungamirira kurufu rusingafadzi zvikuru. Chinoitika ichocho chakashata chinoratidzira kuti kuzvitutumadza kunonyangadza sei kuna Mwari, sezvakwakaitawo kuvanhu vazhinji.—Mabasa 12:21-23.
Mano namasimba kazhinji kazhinji zvinozivikanwa pasina kuzvishambadzira kusina kufanira. Apo vamwe vanoziva uye vanorumbidza mavara kana kuti zvinoitwa zvomunhu, kunoratidzira nenzira inofadza zvikuru pamugamuchiri. Zvirevo 27:2 inoti nenzira yokuchenjera: “Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; ngaave mueni, irege kuva miromo yako.”
Kunodikanwa nokuda Kwechinoitwa Here?
Vamwe vanonzwa kuti kuzvikwidziridza kune chivimbo kuri madikanwa nokuda kwechinoitwa muchaunga chamakwikwi chanhasi. Vanonetseka kuti kana vakasazvitsigira uye vakasashambadzira masimba avo, havasati vachizocherekedzwa, havasati vachizoongwa. Inomirira itiro hanya yavo itsinhiro iyi inobva mumagazini yeVogue: “Munguva yakapfuura takadzidziswa kuti mwero runako, zvino tiri kudzidza kuti kunyarara kunogona kuva mhinganidzo.”
Nokuda kwaavo vanoda kuita fambiro mberi kupfurikidza nemipimo yenyika ino, itiro hanya yacho ingava yakanaka. Asi mugariro womuKristu wakasiyana. Anoziva kuti Mwari anoitira hanya uye anosarudza kushandisa mano aavo vanozvininipisa, kwete vanozvikudza. Naizvozvo, muKristu haafaniri kutendeukira kumiitiro yokuzvitutumadza. Chokwadi, munhu anonyanyozvivimba angawana mukurumbira wechinguvana kupfurikidza nokuva ane simba kana kuti anopesvedzera. Bva pashure penguva yakati anofumurwa uye anoninipiswa, kunyange kunyadziswa. Kuri sekutaura kwakaita Jesu Kristu, kuti: “Aninani unozvikudza uchaninipiswa, naani nani anozvininipisa, uchakudzwa.”—Mateo 23:12; Zvirevo 8:13; Ruka 9:48.
Betsero Dzemwero
Ralph Waldo Emerson akanyora, kuti: “Munhu ari wose wandinosangana naye mukuru wangu munzira yakati. Mukuti, ndinodzidza nezvake.” Tsinhiro yake inowirirana nezano rakafuridzirwa nenzira youmwari romuapostora Pauro rokuti vaKristu vanofanira kusaita “chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka.” (VaFiripi 2:3) Uyu murangariro une mwero unogonesa munhu kudzidza kubva kuna vamwe.
Naizvozvo ngwarira kuti simba rako risava utera hwako. Usaderedza mano uye zvinoitwa zvako namashoko okuganza. Wedzera kumavara ako vara romwero. Iro ndiro rinokwidziridza zvirokwazvo ruremekedzo rwomunhu mumeso avamwe. Rinobetsera munhu kufarikanya ukama huri nani navanhu biyake uye rinounza tendero yaJehovha Mwari.—Mika 6:8; 2 VaKorinte 10:18.