“Musatya, Boka Duku”
“Musatya, boka duku, nemhaka yokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.”—RUKA 12:32, NW.
1. Chii chakanga chiri hwaro hwamashoko aJesu, okuti: “Musatya, boka duku”?
“RAMBAI muchitsvaka umambo” hwaMwari. (Ruka 12:31, NW) Apo Jesu akataura mashoko aya kuvadzidzi vake, akataura nheyo iyo yakatungamirira kufunga kwavaKristu kuvambira muzuva rake kusvika kune redu timene. Umambo hwaMwari hunofanira kutora nzvimbo imene yokutanga muupenyu hwedu. (Mateo 6:33) Munhoroondo yaRuka, zvisinei, Jesu akapfuurira kutaura mashoko okuda naanokurudzira kuboka chairo ravaKristu. Iye akati: “Musatya, boka duku, nemhaka yokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.” (Ruka 12:32, NW) SoMufudzi Akaisvonaka, Jesu aiziva kuti kwaiva nenguva dzinotambudza mberi nokuda kwavadzidzi vake vapedyo. Asi kwakanga kusina chikonzero chokuti ivo vave vanotya kudai vairamba vachitsvaka Umambo hwaMwari. Nokudaro, kupangira kwaJesu kwakanga kusiri kurayira kwehasha. Panzvimbo pezvo, yakanga iri vimbiso yorudo yakabatira kukurudzira chivimbo noushingi.
2. Ndivanaani vanoumba boka duku, uye neiko vakaropafadzwa zvikurukuru?
2 Jesu akanga ari kutaura kuvadzidzi vake, uye akavadana kuti “boka duku.” Iye akanga ari kutaurawo kuna avo kwavari Jehovha akanga achizo‘pa umambo.’ Kuchienzaniswa namapoka aizogamuchira Jesu munguva dzapashure, iri boka zvirokwazvo raiva duku munhamba. Iro rairangarirwawo kuva rinokosha nemhaka yokuti rakasarudzirwa nguva yemberi yakaisvonaka, kuti rishandiswe mubasa roumambo. Baba waro, Mufudzi Mukuru, Jehovha, anodana boka duku nomurangariro wokugamuchira kwavo nhaka yokudenga maererano noUmambo hwaKristu hwouMesiya.
Boka Duku
3. Chionoi chine mbiri cheboka duku chakaonekwa naJohane?
3 Ndivanaani, ipapoka, vanoumba iri boka duku rine kariro yakaisvonaka kudaro? Vateveri vaJesu Kristu vanogamuchira kuzodzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 2:1-4) Achivaona savaimbi vokudenga vane udimbwa mumaoko avo, muapostora Johane akanyora, kuti: “Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rina vamwe vane zvuru zvine zana namakumi mana [nezvina], vane zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa.”—Zvakazarurwa 14:1, 4, 5.
4. Boka duku rine nzvimboi pasi pano nhasi?
4 Kubvira paPentekosta ya 33 C.E., ava vanhu vakazodzwa, vakaberekwa nomudzimu vakabatira savamiriri vaKristu pasi pano. (2 VaKorinte 5:20) Nhasi, vakasarira vavo bedzi vasara, vachibatira pamwe chete seboka romuranda akatendeka naakangwara. (Mateo 24:45; Zvakazarurwa 12:17) Kubvira gore ra 1935 zvikurukuru, vakakumbanirwa na“mamwe makwai,” vaKristu vane tariro yapasi, avo zvino vane nhamba inopinda mumamiriyoni. Ivava vanobatsira mukuparidza mashoko akanaka mupasi rose.—Johane 10:16.
5. Chii chiri chimiro chendangariro chavanhu vakasara veboka duku, uye neiko vasingafaniri kutya?
5 Chii chiri chimiro chendangariro chavasara veiri boka duku vachiri pasi pano? Vachiziva kuti vachagamuchira ‘Umambo husingazununguki,’ vanoita basa ravo rinoera nokutya kwoumwari noruremekedzo. (VaHebheru 12:28) Nenzira yokuzvininipisa vanoziva kuti yavo iropafadzo inokosha inoguma nomufaro mukuru. Vakawana “parera rimwe rine mutengo mukuru” rakanongedzerwa kwariri naJesu apo akataura nezvoUmambo. (Mateo 13:46) Sezvo dambudziko guru rinosvika, vanhu vakazodzwa vaMwari vanomira vasingatyi. Pasinei zvapo nechodokuwira nyika yorudzi rwomunhu mukati me“zuva guru raShe rinobwinya,” havana kutya kwakaipa kwenguva yemberi. (Mabasa 2:19-21) Neiko vachifanira?
Nhamba Dzinoderera
6, 7. (a) Neiko nhamba yeboka duku ichiri pasi pano iri duku zvikuru? (b) Mumwe nomumwe anofanira kurangarira sei tariro yaanayo?
6 Mumakore achangobva kupfuura nhamba yeboka duku ichiri pasi pano yazova duku zvikuru. Ikoko kwakanga kuri pachena mumushumo weChirangaridzo wa 1994. Muungano 75 000 dzavanhu vaJehovha munyika yose, 8 617 bedzi vakaratidzira kupfurikidza nokudya zviratidzo kutaura kwavo kuva mitezo yavakasarira. (Mateo 26:26-30) Mukupesana, hwerengedzo yavapindi yakanga iri 12 288 917. VaKristu vakazodzwa vanoziva kuti ikoku kunofanira kukarirwa. Jehovha akagadza nhamba yakaganhurwa, yavane 144 000, kuti aumbe boka duku, uye ave achiriunganidza kubva paPentekosta ya 33 C.E. Nenzira ine mufungo, kudanwa kweboka duku kwaizosvika kumugumo apo nhamba yainge yosvika kumugumo, uye ufakazi ndohwokuti kuunganidzwawo zvako kwaava vanhu chaivo vakakomborerwa kwakagumiswa muna 1935. Zvisinei, mamwe makwai munguva yomugumo akaporofitwa kuti aizokura kuva “boka guru, iro risina munhu akakwanisa kuriverenga, rakabva kundudzi dzose namadzinza navanhu nendimi.” Kuvambira muna 1935 kuunganidzwa kukuru kunoitwa naJehovha kwave kuri kweiri boka guru, rine tariro youpenyu husingaperi papasi rakaitwa paradhiso.—Zvakazarurwa 7:9; 14:15, 16, NW; Pisarema 37:29.
7 Vazhinjisa vaavo veboka duku vachiri pano pasi zvino vava namakore ari muma 70, ma 80, uye ma 90. Vashomanene vakapfuura gore ravo rechi 100 roupenyu. Vose ivava, ripi neripi ringava zera ravo, vanoziva kuti kupfurikidza norumuko rwokudenga, ivo pakupedzisira vachabatanidzwa naJesu Kristu uye vachatonga naye muUmambo hwake hune mbiri. Avo veboka guru vachava vadzorwi vapasi vaKristu Mambo. Mumwe nomumwe ngaafare pamusoro peizvo Jehovha akachengetera avo vanomuda. Hakusi kwedu kuti tisarudze tariro yokuva nayo. Ikoko ndekwaJehovha kuti asarudze. Mapoka ose ari maviri anogona kufara mutariro yawo nokuda kwenguva yemberi inofadza, ingave muUmambo hwokudenga kana kuti paradhiso yapasi muUmambo ihwohwo.—Johane 6:44, 65; VaEfeso 1:17, 18.
8. Kuiswa chisimbiso kwavane 144 000 kwafambira mberi sei, uye chii chichaitika apo kunenge kwapera?
8 Boka duku rakasarudzwa re 144 000 ndiro “vaIsraeri vaMwari,” avo vakatsiva Israeri wokunyama muzvinangwa zvaMwari. (VaGaratia 6:16) Naizvozvo, vakasarira vanoumba vasara vorudzi irworwo rwomudzimu vachiri pasi pano. Vasara vakadaro vari kuiswa chisimbiso nokuda kwetendero yokupedzisira yaJehovha. Muchiono, muapostora Johane akaona ikoku kuchiitika, uye akashuma, kuti: “Ndakaona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa, achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari. Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zvuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri [womudzimu].” (Zvakazarurwa 7:2-4) Sezvo iri basa rokuisa chisimbiso Israeri womudzimu sezviri pachena rafambira mberi zvikuru, zviitiko zvinofadza zvichaiitika nokukurumidza zvicharatidzirwa. Kutanga, “dambudziko guru,” apo mhepo ina dzokuparadza dzinosunungurwa pamusoro papasi, dzinofanira kuva dzava pedyo zvikuru.—Zvakazarurwa 7:14, NW.
9. Boka duku rinorangarira sei nhamba inowedzera yeboka guru?
9 Avo veboka guru vakatounganidzwa vanosvika mumamiriyoni. Ikoku kunofadza sei mwoyo yavakasarira! Kunyange zvazvo avo veboka duku vachiri pasi pano vachipfuurira kuderera munhamba, ivo vakarovedza ndokugadzirira varume vakakwaniriswa veboka guru kuti vaite mitoro maererano nesangano raMwari rapasi rinofutunuka. (Isaya 61:5) Sezvakaratidzirwa naJesu, kuchava navapukunyuki vedambudziko guru.—Mateo 24:22.
“Musatya”
10. (a) Kudenhai kwoda kuitwa pavanhu vaMwari, uye ikoku kuchatungamirira kuchii? (b) Mibvunzoi inobvunzwa mumwe nomumwe wedu?
10 Satani namadhemoni ake vakaderedzerwa kunzvimbo iri pedyo napasi. Iye namapoka ake vari kusundwa kuita denho yavo yachose chose pavanhu vaJehovha. Iyi denho, yakafanotaurwa muBhaibheri, inorondedzerwa sedenho yaGogi waMagogi. Dhiyabhorosi anonangidzira denho yake zvikurukuru pana vanaani? Hapasati pari pamitezo yokupedzisira yeboka duku, Israeri womudzimu waMwari, uyo agere norugare “pakati penyika” here? (Ezekieri 38:1-12) Hungu, asi vakasarira veboka rakatendeka rakazodzwa, pamwe chete neshamwari dzavo dzakavimbika, mamwe makwai, vachapupurira nzira iyo denho yaSatani ichaparira nayo chiito chinoshamisa chaJehovha Mwari. Iye achapindira mudzivirirwo yavanhu vake, uye ikoku kuchaparira kugundika kwe“zuva guru raJehovha rinotyisa.” (Joere 2:31) Nhasi, muranda akatendeka naakangwara ari kuita basa rinokosha, rokuponesa upenyu, achinyevera nezveuku kupindira kunoitwa naJehovha. (Maraki 4:5; 1 Timotio 4:16) Uri kutsigira nokushingaira basa iroro here, uchigoverana mukuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaJehovha? Uchapfuurira kuita kudaro somuzivisi woUmambo asingatyi here?
11. Neiko chimiro chendangariro choushingi chichikosha nhasi?
11 Nemhaka yomumiriro wezvinhu wenyika wazvino, kwakakodzera sei nguva kuti boka duku riteerere mashoko Jesu akataura kwariri, okuti: “Musatya, boka duku”! Chimiro chendangariro chakadaro choushingi chinokosha nemhaka yeizvo zvose zviri kuitwa zvino mutsinhirano nechinangwa chaJehovha. Somunhu mumwe nomumwe, mumwe nomumwe weboka duku anoziva dikanwo yokutsungirira kusvikira kumugumo kumene. (Ruka 21:19) Sezvo Jesu Kristu, Ishe naTenzi weboka duku, akatsungirira ndokubvumikisa kuva akatendeka kusvikira kumugumo woupenyu hwake hwapasi, naizvozvo mumwe nomumwe wavakasarira anofanira kutsungirira ndokubvumikisa kuva akatendeka.—VaHebheru 12:1, 2.
12. Pauro, saJesu, akarayira sei vaKristu vakazodzwa kuti vasatye?
12 Vanhu vose vakazodzwa vanofanira kuva nomurangariro mumwe chetewo sowaiva nomuapostora Pauro. Cherekedza mashoko ake somuzivisi wapachena akazodzwa worumuko kuti anotsinhirana sei nokupangira kwaJesu kwokusatya. Pauro akanyora, kuti: “Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu; yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi. Ishoko razvokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye. Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatirambawo. Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.”—2 Timotio 2:8-13.
13. Mitezo yeboka duku ine kupwiswai kukuru, uye ikoku kunovasunda kuitei?
13 Somuapostora Pauro, mitezo yasara yeboka duku ravakazodzwa inodisa kutsungirira kutambura sezvavanozivisa shoko rine simba rinooneswa muShoko raMwari. Kupwiswa kwayo kwakasimbiswa zvikuru sezvainoomerera kuzvipikirwa zvoumwari zvoruponeso uye zvokupiwa kwayo “korona youpenyu” kana ikabvumikisa kuva yakatendeka kusvikira kurufu. (Zvakazarurwa 2:10) Kupfurikidza nokuwana rumuko rwapakarepo ndokushanduka, ichapinzwa muhumwe naKristu, kuti itonge pamwe chete naye samadzimambo. Rukundo rwakadini nokuda kwenzira yayo yokuchengeta kuperera savakundi venyika!—1 Johane 5:3, 4.
Tariro Inoshamisa
14, 15. Tariro yorumuko yeboka duku inoshamisa sei?
14 Tariro yorumuko ine boka duku inoshamisa. Munzirai? Kutanga, inotangira rumuko rwavose rwa“vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Chaizvoizvo, rumuko rwavakazodzwa runopinda munhevedzano yakati youkoshi, sezvinosimbiswa zvakajeka naaya mashoko anowanwa pana 1 VaKorinte 15:20, 23, kuti: “Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake.” Kupfurikidza nokuva norudzi rwokutsungirira nokutenda urwo Jesu akaratidzira, boka duku rinoziva charakachengeterwa sezvarinopedza upenyu hwaro hwapasi, zvikurukuru sezvo Ishe wechokwadi akauya kutembere yake nokuda kworutongeso muna 1918.—Maraki 3:1.
15 Pauro anotipa chikonzero chakawedzerwa chokurangarira urwu rumuko sorunoshamisa. Sezvakanyorwa pana 1 VaKorinte 15:51-53, iye akanyora, kuti: “Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; . . . nokuti icho chinoora chinofanira kufuka kusaora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.” Aya mashoko anoshanda kuna avo veboka duku vanofa mukati mokuvapo kwaKristu. Vasingafaniri kurara kwenhambo refu yenguva murufu, vanopfekedzwa kusafa, “pakarepo, nokubwaira kweziso.”
16, 17. Pamusoro petariro yavo yorumuko, vaKristu vakazodzwa nhasi vakakomborerwa zvikuru sei?
16 Nebetsero yeiyi nzwisiso, tinogona kubata mufungo wamashoko omuapostora Johane anowanwa pana Zvakazarurwa 14:12, 13. Iye akanyora, kuti: “Ndipo pane kutsungirira kwavatsvene, vanochengeta mirayiro yaMwari nokutenda kwaJesu. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hungu, ndizvo zvinotaura mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
17 Ituso inoshamisa zvakadini yakachengeterwa vakasarira veboka duku! Rumuko rwavo ruchauya nokukurumidza, pashure chaipo pokunge vavata murufu. Ichinjo inoshamisa zvakadini yavachawana sezvavanotora mugove wavo munzvimbo yomudzimu! Norukudzo rwakadaro rweboka duku ruchifambira mberi uye nokuzadzikwa kwouporofita hukuru hweBhaibheri hwodokusvika kumhedziso, mitezo yokupedzesira yasara yeboka duku zvirokwazvo inoda ku“satya.” Uye kusatya kwavo kunobatira kukurudzira avo veboka guru, avo vanofanira kusakurira chimiro chendangariro chakafanana chokusatya sezvo vanokarira kununurwa mukati menguva hurusa yenhamo pasi risati ramboziva.
18, 19. (a) Neiko nguva yatinorarama mairi iri yokukurumidzira? (b) Neiko vose vari vaviri vakazodzwa namamwe makwai vasingafaniri kutya?
18 Kurondedzera mibato yeboka duku kunovagonesa ivo uye boka guru kuramba vachitya Mwari wechokwadi. Nguva yorutongeso runoitwa naye yasvika, uye nguva yakanaka yasara inokosha. Yakaganhurwa, zvirokwazvo, ndiyo nguva yokuti vamwe vaite chiito. Kana tiri isu, kunyanguvezvo, hatityi kuti chinangwa chaMwari chichakundikana. Zvirokwazvo chichabudirira!
19 Mazwi akakwirira okudenga akatonzwiwa achiti: “[Umambo, NW] hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake; uchahwubata nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 11:15) Zvirokwazvo, Mufudzi Mukuru, Jehovha, ari kutungamirira makwai ake ose mu“nzira dzokururama nokuda kwezita rake.” (Pisarema 23:3) Boka duku nenzira yokusakanganisa riri kutungamirirwa kutuso yaro yokudenga. Uye mamwe makwai achanunurwa zvakakotsekana mudambudziko guru kuti afarikanye upenyu husingagumi munzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari hune mbiri mukutonga kwaKristu Jesu. Nokudaro, nepo mashoko aJesu aitaurwa kuboka duku, zvirokwazvo vabatiri vose vaMwari pasi pano vane chikonzero chokuteerera mashoko ake, anoti: “Musatya.”
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Neiko tichifanira kukarira nhamba yasara yeboka duku kuderera?
◻ Chii chiri mumiriro wezvinhu wavakasarira vakazodzwa nhasi?
◻ Neiko vaKristu vasingafaniri kutya, pasinei zvapo nedenho inoswedera yaGogi waMagogi?
◻ Neiko tariro yorumuko yavane 144 000 ichishamisa, zvikurukuru nhasi?