Vatongi Munzvimbo Yomudzimu
NDIANI anotonga nyika? Pane kutarisira kwakati kunopfuura kwomunhu here? Kana kuti Mwari akasiyira vanhu kuti vazvitarisire here? Mukutsvaka mhinduro kune iyi mibvunzo, ngatitangei kurangarira chiitiko chakaitika mukati moushumiri hwapasi hwaJesu Kristu.
Chinguvana pashure pokubhapatidzwa kwake, Jesu akaedzwa nechisikwa chisingaoneki chemudzimu chinonzi Satani Dhiyabhorosi. Richidudza mumwe wemiedzo yacho, Bhaibheri rinoti: “Dhiyabhorosi akamuisazve [Jesu] pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo.” (Mateo 4:8) Satani ipapo akaudza Jesu, kuti: “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.”—Ruka 4:6, 7.
Satani akataura kuva nechiremera pamusoro poumambo hwose, kana kuti hurumende, dzenyika ino. Jesu akaramba uku kutaura here? Aiwa. Kutaura idi, akakusimbisa pane imwe nhambo kupfurikidza nokunongedzera kuna Satani se“muchinda wenyika.”—Johane 14:30.
Mukuwirirana neBhaibheri, Satani ingirozi yakaipa ine simba guru. Muapostora wechiKristu Pauro anobatanidza Satani ne“mweya yakaipa” uye anotaura nezvayo se“vabati . . . [v]erima rino.” (VaEfeso 6:11, 12) Uyezve, muapostora Johane akataura kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura kuti Satani “munyengeri wenyika yose.” (Zvakazarurwa 12:9) Mumutauro wokufananidzira, Zvakazarurwa inoratidzirawo Satani sedragoni iyo inopa kutsika yezvamatongerwe enyika yenyika “simba rayo, nechigaro chayo choushe, namasimba makuru.”—Zvakazarurwa 13:2.
Zviitiko zvenyika zvinopupurirawo kuti kune simba rakaipa riri kushingaira, richishandisa vanhu kukuvadziko yavo. Hurumende dzavanhu dzinokundikana kuparira rugare nokuda kwechimwe chikonzeroi? Chiizve chaizoparira vanhu kuvengana ndokuurayana? Chakatyamadzwa nokuurawa kwavakawanda uye rufu muhondo yavagari vemo, chimwe chapupu chakaona chakati: “Handizivi kuti ikoku kwaigona sei kuva kwakaitika. Kunopfuura ruvengo. Mudzimu wakaipa uri kushandisa ava vanhu kuparadzana.”
Munhu Chaiye Anoshora Mwari
Nhasi, vakawanda havadaviri Satani Dhiyabhorosi. Bva, haasati achingova zvake nheyo youshati huri muvanhu, sezvinodavira vamwe. Zvose zviri zviviri Bhaibheri nezviitiko zvenyika zvinoratidza kuti munhu chaiye. Kupfuurirazve, Satani anoshora Jehovha Mwari chose chose. Chokwadika, Satani haana kuenzana naMwari. Sezvo Jehovha ari Musiki ane simba rose, ndiye Mutongi akakodzera pachisiko chose.—Zvakazarurwa 4:11.
Mwari haana kusika chisikwa chakaipa chinomushora amene. Panzvimbo pezvo, mumwe wa“vanakomana [vari ngirozi] vaMwari” akatanga chishuvo choudyire chokuzvitorera amene kunamatwa kuri kwaJehovha nenzira yakarurama. (Jobho 38:7; Jakobho 1:14, 15) Ichi chishuvo chakamutungamirira kutanga nzira yokupandukira Mwari. Kupfurikidza nokupanduka, ichi chisikwa chomudzimu chakazviita chimene Satani (kureva “mudzivisi”) uye Dhiyabhorosi (kureva “mucheri”). Nemhaka yaizvozvi zvose, ungashamisika kuti chikonzero nei Satani akabvumirwa kutonga nyika.
Chikonzero Nei Satani Akabvumirwa Kutonga
Unoyeuka here icho Satani akaudza Jesu pamusoro poutongi hwenyika? “Ndichakupa simba iri rose . . . nokuti ndaka[ri]piwa ini,” akadaro Satani. (Ruka 4:6) Kutaura ikoko kunoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi anoshandisa chiremera bedzi nokubvumirwa naMwari. Asi neiko Mwari achishivira Satani?
Mhinduro kumubvunzo iwoyo ine chekuita nezviitiko zvomubindu reEdheni, umo Satani akavamba basa rake somutongi wenyika. Imomo Satani akakarakadza kuti Mwari akanga achitonga nenzira yakaipa kupfurikidza nokunyima chimwe chinhu chakanaka murume nomukadzi vokutanga, Adhama naEvha. Mukuwirirana naSatani, kudai vaizodya muchero wakarambidzwa naMwari, vaizosunungurwa. Adhama naEvha vaizova vakasununguka uye vakazvimirira pana Jehovha. Vaizova vakafanana naMwari amene!—Genesi 2:16, 17; 3:1-5.
Kupfurikidza nokureva nhema neiyi nzira nokunyengera Evha uye kupfurikidza nokupesvedzera kwake Adhama kuputsa mutemo waMwari, Satani akaunza vanhu vaviri vokutanga pasi poutungamiriri hwake noudzori. Dhiyabhorosi nokudaro akava mwari wavo, uyo anoshora Jehovha. Panzvimbo porusununguko, zvisinei, Adhama naEvha vakatambura uranda kuna Satani, kuchivi, uye kurufu.—VaRoma 6:16; VaHebheru 2:14, 15.
Mutsinhirano neruramisiro yake yakakwana, Jehovha aigona kuve akauraya pakarepo Satani navateveri vake vatsva vaviri. (Dheuteronomio 32:4) Bva, pakanga pane nhau yetsika yaibatanidzwa. Satani akanga adenha kukodzera kwenzira yaJehovha yokutonga. Muuchenjeri hwake, Mwari akabvumira nguva kupfuura kuitira kuti kugobvumikiswa kuti kuzvimirira kubva kwaari kunounza ngwavaira. Jehovha akabvumira vapanduki kupfuurira kurarama kwenguva yakati, achibvumira Adhama naEvha kuva navana.—Genesi 3:14-19.
Kunyange zvazvo vakawanda zvikurusa vevana vaAdhama vasina kuzviisa pasi poutongi hwaJehovha, kubata kwaMwari navanamati Vake kwakaratidzira ukuru hwako. Kuzivikanwa kwakafanira kwechiremera chaJehovha kunounza mufaro nechengeteko yechokwadi. Pane rumwe rutivi, nhamo nokusachengeteka zvakabva mukutonga kwomunhu mukupesvedzera kwaSatani. Hungu, “munhu akatonga munhu kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Vanhu havana kuwana chengeteko yechokwadi nomufarwa usingagumi mukutonga kwomunhu munyika ino iri musimba raSatani. Zvisinei, pane chikonzero chakanaka chetariro.
Nguva yaSatani Yava Pfupi!
Pesvedzero yaSatani pasi pano ndeyechinguvana. Jehovha haasati achizoshivira kutonga kwaSatani kwenguva refu zvikuru! Nokukurumidza Dhiyabhorosi achaitwa kuti asashande. Mutongi mutsva achadzora pasi, mambo akarurama anosarudzwa naMwari amene. Mambo iyeyo ndiJesu Kristu. Nezvekugadzwa kwake pachigaro choushe mudenga, Zvakazarurwa inoti: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu [Jehovha], naKristu wake.” (Zvakazarurwa 11:15) Kuverengwa kwenguva kweBhaibheri, pamwe chete nokuzadzikwa kwouporofita hwaMagwaro, kunobvumikisa kuti ichi chiitiko chakaitika mugore ra 1914.—Mateo 24:3, 6, 7.
Bhaibheri rinotsanangurawo chakaitika chinguvana pashure pokunge Jesu agadzwa pachigaro choushe. Rinoti: “Kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri [Jesu Kristu] navatumwa vake vakarwa neshato, shato [Satani Dhiyabhorosi] ikarwa ina vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanika kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.”—Zvakazarurwa 12:7-9.
Chii chaizova mugumisiro wokudzingwa kwaSatani mudenga? Avo vari mudenga vaigona kufara, asi zvakadiniko navagari vepasi? “Mune nhamo imi nyika negungwa,” inodaro Zvakazarurwa 12:12, “nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” Zvirokwazvo, kudzingwa kwaSatani kudenga kwakaunza nhamo pasi pano. The Columbia History of the World inoti: “Ngwavaira huru yeHondo Yamakore Mana ya 1914-1918 . . . yakaratidza nyika yokuMadokero kuti yaisagona kudzivirira pepuko paurema hwayo imene kana kuti pesvedzero yakaipa. Mudzimu wokuMadokero hauna kuzombonaya chaizvoizvo kubva mukuputsika ikoko.”
Nhamo dzechizvarwa chino dzinoratidzirwa nounopfuura mudzimu wakaputsika. Jesu akaporofita, kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.” Akafanotaurawo nezvenhenda. (Mateo 24:7, 8; Ruka 21:11) Uyezve, Bhaibheri rinotaura kuti mu“mazuva okupedzisira” etsika yezvinhu yaSatani, vakawanda vaizova “vanozvida, vanoda mari, . . . vasingateereri vabereki, . . . vasingadi kuyanana.” Vanhu vaizovawo “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”—2 Timotio 3:1-5.
Hondo, nhenda, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, uye kuchinja nokuda kwezvakaipa zvikuru muzvinokosha zvetsika—zvinhu zvose zvakadaro zvakaitika pamwero usingaenzaniswi kubvira muna 1914, kungofanana nezvakafanotaurwa neBhaibheri. Zvinoratidzira kuti muvengi akashatirwa waMwari nomunhu—Satani Dhiyabhorosi—akadzingwa kudenga uye zvino anofanira kuganhurira hasha dzake kunzvimbo yapasi. Asi Bhaibheri rinoratidzawo kuti Satani haasati achizobvumirwa kushanda kwenguva refu zvikuru. Anongova bedzi “nenguva duku” yasara kusvikira Armagedhoni, apo Mwari anoparadza tsika yenyika iyo Satani anodzora.
Chii chichaitika kuna Satani ipapo? Muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiyabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Kusunungurwa kwakadini nokuda kwerudzi rwomunhu rwunotambura!
Kufara Mukutonga kwoUmambo
Satani abviswa, Umambo hwaMwari muudzori hwaJesu Kristu huchadzora zvakazara zvinhu zverudzi rwemunhu. Panzvimbo pokuva nehurumende dzakawanda pasi pano, hurumende imwe bedzi yokudenga ichasara kuti itonge pamusoro penyika yose. Hondo ichava chinhu chomunguva yakapfuura, uye rugare ruchatekeshera kwose kwose. Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, vose vachagara pamwe chete muuhama hworudo.—Pisarema 72:7, 8; 133:1; Dhanieri 2:44.
Jesu achabvumikisa kuva mutongi werudzii? Apo aiva pasi pano, akaratidzira kuda vanhu zvikuru. Jesu nenzira yetsitsi akapa zvokudya kuna vane nzara. Akaporesa vairwara uye akadzorera kuona kumapofu, kutaura kumbeveve, uye kunaka kwemuviri kuna vakaremara. Jesu akatomutsira vakafa kuupenyu! (Mateo 15:30-38; Marko 1:34; Ruka 7:11-17) Zvishamiso izvozvo zvakanga zviri rumbonera rwezvinhu zvakaisvonaka zvaachigere kuita saMambo. Kuchava kunoshamisa zvakadini kuva nomutongi anobetsera zvakadaro!
Zvikomborero zvisingagumi zvichawanwa naavo vanozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha. Magwaro anopikira, kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 35:5, 6) Achinongedzera mberi kuzuva iroro guru, muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Zvinofadza zvinogoverwa noutongi hwaJehovha Mwari kupfurikidza neMwanakomana wake, Jesu Kristu, zvichatsiva zvikuru kutambura kupi nokupi kwatingave takawana munyika iripoyi yezvinhu inodzorwa naSatani Dhiyabhorosi. Mutsika itsva yaMwari yakapikirwa, vanhu havasati vachizoshamisika, kuti ‘Ndiani chaizvoizvo ari kutonga?’ (2 Petro 3:13) Rudzi rwomunhu runoteerera ruchava runofara nerwakachengeteka munzvimbo yapasi yeVatongi vane rudo munzvimbo yomudzimu, Jehovha naKristu. Huregererei kugamuchira tariro yokuva vadzorwi vavo?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Rudzi rwomunhu rwuchachengeteka munzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
NASA photo