RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/15 p. 32
  • Chionioni Chinoratidzirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chionioni Chinoratidzirei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/15 p. 32

Chionioni Chinoratidzirei?

TARIRA muchionioni. Chii chaunoona? Padzimwe nguva, kuringa muchionioni kunoratidzira muchitarisiko chako vara rinonyadzisa zvokuti unofara kuriruramisa vamwe vasati varicherekedza.

Bhaibheri rakafanana zvikuru nechionioni. Rinogona kutibetsera kuwana murangariro wokutendeseka wedu timene, uyo uchatidzivisa kufunga zvakanyanyisa—kana kuti zvishoma zvikuru—pamusoro pokufanira kwedu mumeso aMwari. (Mateo 10:29-31; VaRoma 12:3) Mukuwedzera, Bhaibheri rinogona kuratidzira zvikanganiso mumashoko edu, zviito, kana kuti zvimiro zvendangariro izvo tinofanira. Apo ikoku kunoitika, uchafuratira izvo chionioni chinoratidzira here?

Munyori weBhaibheri Jakobho anoti: “Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti unozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.”—Jakobho 1:23, 24.

Mukupesana, Jakobho anorondedzera mumwe munhu uyo, “unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro.” (Jakobho 1:25) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “unocherekedza” rinoreva kutsveyama kana kuti kukotama kuti utarire. “Kunopfuura kuringa kwokukurumidza kunobatanidzwa,” inodaro Theological Dictionary of the New Testament. Shoko racho rinoreva kusanotsvakwa kwechinhu chakavanzwa. “Pane chimwe chinhu chinokosha icho muoni anoshuva kuona, kunyange zvazvo kungave kwakamuomera kuchiona uye kunzwisisa kamwe kamwe,” anonyora kudaro mutsinhiri weBhaibheri R. V. G. Tasker.

Nokudaro uchazvinzvera umene muchionioni cheShoko raMwari uye ipapo kuwiriranisa charinoda here? Jakobho anopfuurira, kuti: “Asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa pane zvaanoita.”—Jakobho 1:25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe