Godo Nokuda Kwokunamatwa Kwakachena kwaJehovha
“Jehovha, une zita rinonzi Unegodo, ndiMwari une godo.”—EKSODHO 34:14.
1. Nderipi riri vara guru raMwari, uye rine chii chokuita negodo rake?
JEHOVHA anozvirondedzera amene sa“Mwari une godo.” Ungashamisika kuti chikonzero nei, sezvo shoko rokuti “godo” rine revo yakaipa. Chokwadika, vara guru raMwari rudo. (1 Johane 4:8) Kunzwa kupi nokupi godo kurutivi rwake kunofanira naizvozvo kuva kwakanakira rudzi rwomunhu. Kutaura idi, tichaona kuti godo raMwari rinokosha kurugare nokuwirirana kwechisiko.
2. Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokushandura nadzo mashoko echiHebheru e“godo”?
2 Mashoko echiHebheru anowirirana nokuda kweshoko rokuti “godo” anowanika kanopfuura ka80 muMagwaro echiHebheru. Inenge hafu yeidzi nongedzero iri kuna Jehovha Mwari. “Apo inoshandisirwa kuna Mwari,” anotsanangura kudaro G. H. Livingston, “pfungwa yegodo hairevi murangariro wakaipa, asi, panzvimbo pezvo, yokuomerera pahumwe hwokunamatwa kwaJehovha.” (The Pentateuch in Its Cultural Environment) Nokudaro, New World Translation pane dzimwe nguva inoshandura zita racho rechiHebheru kuti “kuomerera pakuzvipira kwakazara.” (Ezekieri 5:13) Dzimwe shanduro dzakafanira ndi“kuvimbika” kana kuti “kushingaira.”—Pisarema 79:5; Isaya 9:7.
3. Munzirai umo godo pane dzimwe nguva rinogona kubatira chinangwa chakanaka?
3 Munhu akasikwa achigona kunzwa godo, asi kuwira kworudzi rwomunhu muchivi kwakaguma nokukanganiswa kwegodo. Kunyange zvakadaro, godo romunhu rinogona kuva simba rezvakanaka. Rinogona kusunda munhu kudzivirira anodiwa papesvedzero dzakaipa. Uyezve, vanhu vanogona kuratidza godo nenzira yakafanira nokuda kwaJehovha nokunamatwa kwake. (1 Madzimambo 19:10) Kuti ripe kunzwisiswa kwakarurama kwegodo rakadaro nokuda kwaJehovha, zita rechiHebheru ringashandurwa kuti “kusashivirira makwikwi” kwaari.—2 Madzimambo 10:16, NW.
Mhuru Yendarama
4. Murayiroi unobatanidza godo rakarurama wakanga wakatanhamara paMutemo waMwari kuna Israeri?
4 Muenzaniso wegodo rakarurama ndichakaitika pashure pokunge vaIsraeri vagamuchira Mutemo paGomo reSinai. Vakanyeverwa vanyeverwazve, kusanamata vamwari vakaitwa navanhu. Jehovha akavaudza, kuti: “Ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari unoda kuzvipira kwakazara [kana kuti, “Mwari une godo (anoshingaira); Mwari usingashiviri makwikwi”].” (Eksodho 20:5 NW, mashoko omuzasi; enzanisa naEksodho 20:22, 23; 22:20; 23:13, 24, 32, 33.) Jehovha akaita sungano navaIsraeri, achivimbisa kuvakomborera uye kuvapinza muNyika Yakapikirwa. (Eksodho 23:22, 31) Uye vanhu vakati: “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.”—Eksodho 24:7.
5, 6. (a) VaIsraeri vakatadza sei zvakakomba apo vakanga vakadzika musasa paGomo reSinai? (b) Jehovha navanamati vake vakavimbika vakaratidza sei godo rakarurama paSinai?
5 Kunyange zvakadaro, vaIsraeri nokukurumidza vakatadzira Mwari. Vakanga vachakadzika musasa mujinga reGomo reSinai. Mosesi akanga ave ari mugomo kwamazuva akawanda, achigamuchira mirayiridzo yokuwedzera kubva kuna Mwari, uye vanhu vakamanikidzira mukoma waMosesi, Aroni, kuti avaitire mwari. Aroni akabvuma ndokuita mhuru nendarama iyo vanhu vakagovera. Kwakataurwa kuti ichi chidhori chaimirira Jehovha. (Pisarema 106:20) Zuva rakatevera vakabayira zvibayiro ndokuramba vachi“inamata.” Ipapo “vakatamba.”—Eksodho 32:1, 4, 6, 8, 17-19.
6 Mosesi akaburuka mugomo apo vaIsraeri vakanga vachiva nomutambo. Pakuona muitiro wavo unonyadzisa, akadanidzira, kuti: “Ndiani ari kurutivi rwaJehovha?” (Eksodho 32:25, 26, NW) Vana vaRevhi vakaungana kuna Mosesi, uye akavarayira kutora minondo ndokuuraya vanamati vechidhori vanofara. Vachiratidzira godo ravo rokunamatwa kwakachena kwaMwari, vaRevhi vakauraya dzinenge 3 000 dzehama dzavo dzakanga dzine mhaka. Jehovha akasimbisa ichi chiito kupfurikidza nokutuma denda pavapukunyuki. (Eksodho 32:28, 35) Ipapo Mwari akadzokorora murayiro, wokuti: “Usafugamire vamwe vamwari, nokuti Jehovha, une zita rinonzi Unegodo, ndiMwari une godo.”—Eksodho 34:14.
Bhaari-peori
7, 8. (a) VaIsraeri vakawanda vakawira sei mukunamata zvidhori kwakakomba maererano naBhaari-peori? (b) Denda rakabva kuna Jehovha rakasvika pakuguma sei?
7 Makore makumi mana gare gare, apo rudzi rwaIsraeri rwakanga rwodokupinda muNyika Yakapikirwa, vakadzi vanokwezva vevaMoabhi navaMidhiani vakanyengera vaIsraeri vakawanda kuuya ndokufarikanya mutsa wavo. Ava varume vangadai vakaramba songaniro yapedyo navanamati vavamwari venhema. (Eksodho 34:12, 15) Panzvimbo pezvo, vakamhanyira ‘senzombe kukuurawa,’ vachiita ufeve navakadzi nokuvakumbanira mukupfugamira Bhaari-peori.—Zvirevo 7:21, 22; Numeri 25:1-3.
8 Jehovha akatuma denda kuti riuraye avo vakava vanobatanidzwa mune uku kunamatwa kwevatano kunonyadzisa. Mwari akarayirawo vaIsraeri vasina mhaka kuuraya hama dzavo dzine mhaka. Mukuvirima kwokudzivisa, mumwe muchinda waIsraeri ainzi Zimri akaunza mwanasikana womukuru mukuru wavaMidhiani mutende rake kuti avatane naye. Pakuona izvozvi, muprista anotya Mwari Pinehasi akauraya nzenza dzacho mbiri. Ipapo denda rakamira, uye Mwari akazivisa, kuti: “Pinehasi . . . adzora kutsamwa kwangu pavaIsraeri; aratidzira pakati pavo kutsamwa kwegodo kumwe cheteko kwandisunda, uye naizvozvo mugodo rangu handina kuparadza vaIsraeri.” (Numeri 25:11, The New English Bible) Kunyange zvazvo rudzi rwacho rwakaponeswa pakuparadzwa, vaIsraeri vanenge 23 000 vakafa. (1 VaKorinte 10:8) Vakakundikana kuwana tariro yavo yakanguve ichishuviwa yokupinda muNyika Yakapikirwa.
Chidzidzo Chinonyevera
9. Chii chakawira vanhu vaIsraeri naJudha nemhaka yokuti vakanga vasina godo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaJehovha?
9 Nenzira inosuruvarisa, vaIsraeri nokukurumidza vakakanganwa izvi zvidzidzo. Havana kubvumikisa kuva negodo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaJehovha. “Vakamutsa godo rake [Mwari] nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.” (Pisarema 78:58) Somugumisiro, Jehovha akabvumira marudzi ane gumi aIsraeri kutapwa navaAsiria muna 740 B.C.E. Umambo hwamarudzi maviri hwakasara hwaJudha hwakatambura chirango chakafanana apo dzimbahwe ravo reJerusarema rakaparadzwa mugore ra607 B.C.E. Vakawanda vakaurawa, uye vakapukunyuka vakatapwa kuenda kuBhabhironi. Muenzaniso unonyevera wakadini nokuda kwavaKristu vose nhasi!—1 VaKorinte 10:6, 11.
10. Chii chichaitika kuvanamati vezvidhori vasingapfidzi?
10 Chikamu chimwe muzvitatu chevagari vomunyika—mamiriyoni anenge 1 900—zvino anotaura kuva vaKristu. (1994 Britannica Book of the Year) Vakawanda zvikurusa vaivava ndevechechi dzinoshandisa zvidhori, zvifananidzo, uye zvipiyaniso mukunamata kwadzo. Jehovha haana kurega vanhu vake amene vakamunyandurira kuva negodo kupfurikidza nokunamata zvidhori kwavo. Haasatiwo achizorega vanotaura kuva vaKristu vanonamata neyamuro yezvinhu zvinooneka. “Mwari ndiMweya, vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi,” akadaro Jesu Kristu. (Johane 4:24) Uyezve, Bhaibheri rinonyevera vaKristu kudzivisa kunamata zvidhori. (1 Johane 5:21) Vanamati vezvidhori vasingapfidzi vari pakati peavo vasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari.—VaGaratia 5:20, 21.
11. MuKristu angava sei nemhaka yokunamata zvidhori asina kupfugamira chidhori, uye chii chichabetsera munhu kudzivisa kunamata zvidhori kwakadaro? (VaEfeso 5:5)
11 Kunyange zvazvo muKristu wechokwadi asati achizotongopfugamira chidhori, anofanira kudzivisa chinhu chipi nechipi Mwari anorangarira sokunamata chidhori, chisina kuchena, uye chokutadza. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotinyevera, kuti: “Urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) (VaKorose 3:5, 6) Kuteerera aya mashoko kunoda kurambwa kwomuitiro wounzenza. Ikoku kunoda kudziviswa kwevaraidzo yakagadzirirwa kunyandura chishuvo chevatano isina kuchena. Panzvimbo pokugutsa chishuvo chakadaro, vaKristu vechokwadi vane godo rokunamatwa kwakachena kwaMwari.
Mienzaniso Yapashure Yegodo Roumwari
12, 13. Jesu akagadza sei muenzaniso wakatanhamara mukuratidzira godo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaMwari?
12 Muenzaniso wakatanhamara zvikurusa womunhu akaratidza godo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaMwari akanga ari Jesu Kristu. Mugore rokutanga roushumiri hwake, akaona vashambadzi vane udyire vachishanda vari muvazhe dzetembere. VaJudha vaishanya vangave vaida betsero yavatsinhanisi vemari kuti vachinje mari yavo yokumwe nokuda kwemari yaizogamuchirwa somutero wetembere. Vaidawo kutenga mhuka neshiri kuti vape zvibayiro zvaidiwa noMutemo waMwari. Tsinhano yebhizimisi yakadaro yaifanira kuve yakaitirwa kunze kwevazhe dzetembere. Zvakatoipa zvikuru, vashambadzi sezviri pachena vakanga vachishandisa zvisina kufanira zvinodikanwa zvorudzidziso zvehama dzavo kupfurikidza nokuripisa mitengo mikuru zvikuru. Akurirwa negodo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaMwari, Jesu akashandisa tyava kubudisa makwai acho nemombe dzacho. Akakuduburawo tafura dzavatsinhanisi vemari, achiti: “Musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.” (Johane 2:14-16) Nokudaro Jesu akazadzika mashoko ePisarema 69:9, okuti: “Kushingairira [kana kuti, “godo,” Byington] imba yenyu kwakandipedza.”
13 Makore matatu gare gare Jesu akacherekedzazve vashambadzi vane udyire vachishandira mutembere yaJehovha. Aizoichenesa kechipiri here? Godo rake nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaMwari rakanga richakasimba panguva ino sezvaraiva apo akatanga ushumiri hwake. Akabudisa vose vari vaviri vatengesi navatengi. Uye akapa chikonzero chakatosimba zvikuru nokuda kwezviito zvake, achiti: “Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.” (Marko 11:17) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokupfuurira mukuratidza godo roumwari!
14. Godo raJesu nokuda kwokunamatwa kwakachena rinofanira kutitapura sei?
14 Unhu hwaIshe Jesu Kristu zvino akapiwa mbiri hauna kuchinja. (VaHebheru 13:8) Muzana ramakore rino rechi20, achingori negodo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaBaba vake sezvaaiva apo aiva pasi pano. Ikoku kunogona kuonwa mumashoko aJesu aakatumira kuungano nomwe akanyorwa mubhuku raZvakazarurwa. Iwaya anoshanda zvikuru zvino, mu“zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10; 2:1–3:22) Muchiono muapostora Johane akaona Jesu Kristu akapiwa mbiri “meso ake akaita somurazvo womwoto.” (Zvakazarurwa 1:14) Ikoku kunoratidzira kuti hapana chinopukunyuka kucherekedza kwaKristu sezvaanonzvera ungano kuti ave nechokwadi chokuti dzinoramba dzakachena uye dzakakodzera nokuda kwebasa raJehovha. VaKristu vomuzuva razvino vanodikanirwa kuyeuka kunyevera kwaJesu kwokurwisana nokuedza kubatira vatenzi vaviri—Mwari nepfuma. (Mateo 6:24) Jesu akaudza mitezo inodisa zvenyika yeungano yeRaodhikia, kuti: “Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu. . . . Shingaira utendeuke.” (Zvakazarurwa 3:14-19) Kupfurikidza neshoko nomuenzaniso, vakuru veungano vakagadzwa vanofanira kubetsera vatendi biyavo kudzivisa musungo wokudisa zvenyika. Vakuru vanofanirawo kudzivirira boka paushati hwetsika hwenyika ino inopenga nevatano. Uyezve, vanhu vaMwari havashiviri pesvedzero ipi neipi yaJezebheri muungano.—VaHebheru 12:14, 15; Zvakazarurwa 2:20.
15. Muapostora Pauro akatevedzera sei Jesu mukuratidzira godo nokuda kwokunamatwa kwaJehovha?
15 Muapostora Pauro akanga ari mutevedzeri waKristu. Kuti adzivirire vaKristu vakanga vachangobva kubhapatidzwa papesvedzero dzomudzimu dzisina kunaka, akati: “Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari.” (2 VaKorinte 11:2) Ikoku kusati kwaitika, godo raPauro nokuda kwokunamata kwakachena rakanga ramusunda kurayira ungano imwe cheteyi kudzinga mufevi asingapfidzi uyo akanga ari pesvedzero inoshatisa. Murayiridzo wakafuridzirwa wakapiwa panhambo iyoyo wave uri webetsero huru kuvakuru nhasi sezvavanovavarira kuchengeta ungano dzinopfuura 75 500 dzeZvapupu zvaJehovha dzakachena.—1 VaKorinte 5:1, 9-13.
Godo raMwari Rinobetsera Vanhu Vake
16, 17. (a) Apo Mwari akaranga Judha wekare, chimiroi chendangariro chakaratidzirwa namarudzi? (b) Pashure pemakore 70 omuutapwa hwaJudha, Jehovha akaratidzira sei godo rake nokuda kweJerusarema?
16 Apo Mwari akaranga vanhu vaJudha kupfurikidza nokuvabvumira kutorwa senhapwa kuenda kuBhabhironi, vakanyombwa. (Pisarema 137:3) Muruvengo rwegodo, vaEdhomi vakatobetsera vaBhabhironi kuunza ngwavaira pavanhu vaMwari, uye Jehovha akacherekedza izvozvi. (Ezekieri 35:11; 36:15) Muutapwa vapukunyuki vakapfidza, uye pashure pemakore 70 Jehovha akavadzorera kunyika yavo.
17 Pakutanga, vanhu vaJudha vakanga vari mumamiriro ezvinhu akaipa. Guta reJerusarema netembere yaro zvakanga zviri matongo. Asi marudzi akapoteredza akashora nhamburiko dzose dzokuvakazve tembere. (Ezra 4:4, 23, 24) Jehovha akanzwa sei pamusoro paikoku? Chinyorwa chakafuridzirwa chinoti: “Zvanzi naJehovha wehondo: Ndine godo pamusoro peJerusarema, godo guru. Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo. Naizvozvo zvanzi naJehovha: Ndadzokera Jerusarema ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwa imomo—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Zekaria 1:14-16) Mukuwirirana neichi chipikirwa, tembere neguta reJerusarema zvakavakwazve nenzira inobudirira.
18. VaKristu vechokwadi vakawanei mukati mehondo yenyika yokutanga?
18 Ungano yechiKristu yechokwadi yakava nechiitiko chakafanana muzana ramakore rechi20. Mukati mehondo yenyika yokutanga, Jehovha akaranga vanhu vake nemhaka yokuti vakanga vasina kuva vasingatori rutivi chose chose mugakava iroro renyika. (Johane 17:16) Mwari akatendera masimba ezvamatongerwe enyika kuvadzvinyirira, uye vafundisi vechiKristudhomu vakafara pamusoro peiyi ngwavaira. Kutaura idi, vafundisi vakanga vachitungamirira mukuita kuti vezvamatongerwe enyika varambidze basa reVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo.—Zvakazarurwa 11:7, 10.
19. Jehovha akaratidza sei godo nokuda kwokunamatwa kwake kuvambira muna 1919?
19 Zvisinei, Jehovha akaratidza godo nokuda kwokunamatwa kwake ndokudzorera vanhu vake vanopfidza kunyasha dzake mugore rapashure pehondo ra1919. (Zvakazarurwa 11:11, 12) Somugumisiro, nhamba yevarumbidzi vaJehovha yakawedzera kubva pavashoma zvikuru vari pasi pe4 000 muna 1918 kusvika kuvanopfuura mamiriyoni 5 nhasi. (Isaya 60:22) Nokukurumidza, godo raJehovha nokuda kwokunamatwa kwake kwakachena richaratidzirwa munzira dzinoshamisa zvikuru.
Zviito Zvomunguva Yemberi Zvegodo Roumwari
20. Mwari achaitei nokukurumidza kuratidza godo rake nokuda kwokunamata kwakachena?
20 Kwamazana amakore chechi dzechiKristudhomu dzakatevera nzira yavaJudha vakaramba kutenda avo vakanyandurira Jehovha kuva negodo. (Ezekieri 8:3, 17, 18) Nokukurumidza Jehovha Mwari achaita chiito kupfurikidza nokuisa mufungo wakakomba mumwoyo yemitezo yeChibatanwa chaMarudzi. Ikoku kuchasunda aya masimba ezvamatongerwe enyika kuparadza chiKristudhomu uye rwasara rwose rworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 17:16, 17) Vanamati vechokwadi vachapukunyuka kuitwa kworutongeso irworwo rwoumwari rwunotyisa. Vachadavidza kumashoko ezvisikwa zvokudenga zvinoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! . . . Nokuti aita rutongeso pahure guru [rudzidziso rwenhema] rakasvibisa nyika noufeve hwaro [kudzidzisa kwaro kwenhema nokutsigira zvamatongerwe enyika zvakashata], uye atsiva ropa ravaranda vake paruoko rwaro.”—Zvakazarurwa 19:1, 2, NW.
21. (a) Satani netsika yake vachaitei pashure pokunge rudzidziso rwenhema rwaparadzwa? (b) Mwari achadavidza sei?
21 Chii chichaitika pashure pokuparadzwa kwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema? Satani achanyandura masimba ezvamatongerwe enyika kuronga kudenha kwenyika yose pavanhu vaJehovha. Mwari wechokwadi achaita sei kune uku kuedza kunoitwa naSatani kuti abvise kunamata kwechokwadi pamusoro papasi? Ezekieri 38:19-23 inotiudza, kuti: “(Muruvimbiko rwangu [kana kuti, godo], mumwoto wehasha dzangu, ini [Jehovha] ndichafanira kutaura, NW) . . . Ndichamutonga [Satani] nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake, napamusoro pamarudzi mazhinji avanhu vanaye, mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomwoto nesurferi. Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Onawo Zefania 1:18; 3:8.
22. Tinogona sei kuratidza kuti tine godo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaJehovha?
22 Kunonyaradza sei kuziva kuti Changamire wechisiko chose nenzira yegodo anoitira hanya vanamati vake vechokwadi! Nemhaka yokuonga kukuru nokuda kwomutsa wake usakafanirwa, ngative negodo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaJehovha Mwari. Nokushingaira, ngatipfuurire kuparidza mashoko akanaka uye kumirira nechivimbo zuva guru apo Jehovha achakudza nokutsvenesa zita rake guru.—Mateo 24:14.
Mapfundo Okufungisisa
◻ Kunorevei kuva negodo nokuda kwaJehovha?
◻ Chii chatinogona kudzidza kubva kumuenzaniso wakagadzwa navaIsraeri vekare?
◻ Tinogona sei kudzivisa kunyandurira Jehovha kukuva negodo?
◻ Mwari naKristu vakaratidza sei godo nokuda kwokunamatwa kwakachena?
[Bhokisi riri papeji 12]
Rudo Haruna Godo
PAMUSORO peshanje, nyanzvi yeBhaibheri yomuzana ramakore rechi19 Albert Barnes yakanyora, kuti: “Ndikumwe kwokuratidzirwa kunozivikanwa zvikurusa kwouipi, uye kunoratidza zvakajeka ushati hwakakomba hwomunhu.” Uyezve akati: “Uyo angagona kuronda hondo dzose namagakava uye zvirongwa zvenyika kumanyuko azvo—mazano ose nezvinangwa kunyange zvavanotaura kuva vaKristu, zvinoita zvakawanda kwazvo kukuvadza rudzidziso rwavo uye kuvaita kuti vave nomurangariro wenyika, wokumavambo azvo chaizvo—aizoshamisika kuwana kuti ndizvakawanda sei zvakaparirwa neshanje. Tinorwadziwa kuti vamwe vakabudirira zvikuru kupfuura zvatakaita; tinoshuva kuva nezvine vamwe, kunyange zvazvo tisina kodzero kwazviri; uye ikoku kunotungamirira kumitoo yakasiyana-siyana yokuva nemhaka inorondwa kuderedza kuzvifarikanya kwavo, kana kuti kuzviwana isu timene, kana kuti kuratidza kuti havana zvakawanda sezvavanofanira kuva nazvo. . . . nenzira iyoyo mudzimu weshanje uri muchifuva chedu uchagutswa.”—VaRoma 1:29; Jakobho 4:5.
Mukupesana, Barnes akaita tsinhiro inofadza pamusoro porudo, “rusina shanje.” (1 VaKorinte 13:4, King James Version) Akanyora kuti: “Rudo haruitiri vamwe shanje mufaro wavanofarikanya; runofarira garikano yavo; uye sezvo mufarwa wavo unowedzerwa . . . , avo vanopesvedzerwa norudo . . . havasati vachizouderedza; havangaiti kuti vasafare muzvinhu zvazvo; havangatsausi pamufaro iwoyo; havanganyunyuti kana kuti kuodzwa mwoyo kuti ivo vamene havadiwi kwazvo. . . . Kana tichida vamwe—hatifaniri kuvaitira shanje.”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Pinehasi akanga ane godo nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaJehovha