Unogona Kuda Mwari Chaizvoizvo Here?
“HAKUNA, munhu ungandiona, akazorarama,” anodaro Mwari. (Eksodho 33:20) Uyezve, chibviro chenguva dzeBhaibheri pave pasina ufakazi hwomunhu upi noupi achiva nekurukurirano yakananga naye. Hakuratidziki kuva kwakaoma here—kunyange kusingabviri—kutanga chidakadaka chikuru chomumwe munhu wausati watongoona zvakananga kana kuti kunzwa? Kunobvira chaizvoizvo kuva noukama hune rudo noMusiki wechisiko chose here?
Hapafaniri kuva nokupanikira kuti kunobvira kutanga batano inofadza yomunhu oga naMwari. Pana Dheuteronomio 6:5, tinorava kuti rudzi rwaIsraeri rwakarayirwa, kuti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” Jesu Kristu gare gare akataurazve uyu mutemo kuvateveri vake ndokuwedzera, kuti: “Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga.” (Mateo 22:37, 38) Bhaibheri raizotirayira kuda Mwari kudai ukama hwakadaro hwakanga husingawaniki here?
Asi Jehovha anotikarira kumuda nemhaka chete yokuti iye anokurayira here? Aiwa. Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga vane simba rokumuda. Adhama naEvha havana kumanikidzirwa muukama hune rudo noMusiki wavo. Panzvimbo pezvo, Mwari akavapoteredza nemamiriro ezvinhu anofadza mukati mokutanga chidakadaka chikuru nokuda kwake. Chisarudzo chakanga chiri chavo—kuswedera pedyo naMwari kana kuti kubva kwaari.
Adhama naEvha vakasarudza kupandukira. (Genesi 2:16, 17; 3:6, 7) Vana vavo, zvisinei, vaizova nebviro yokutanga ukama hune rudo noMusiki.
Kufamba naMwari Wechokwadi
Somuenzaniso, muBhaibheri, Abrahama anotaurwa nezvake se“hama” yaMwari. (Jakobho 2:23) Bva Abrahama zvirokwazvo akanga asitongori munhu bedzi akafarikanya ukama hwapedyo naMwari. Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu vakawanda vasina kukwana avo vakaratidzira chidakadaka chapachokwadi nokuda kwaJehovha uye vaka“famba naMwari.”—Genesi 5:24; 6:9; Jobho 29:4; Pisarema 25:14; Zvirevo 3:32.
Vabatiri vaMwari vekare havana kuzvarwa vane rudo uye chidakadaka nokuda kwaMwari. Ivo vaifanira kuchitanga. Sei? Kupfurikidza nokusvika pakumuziva nezita rake amene, Jehovha. (Eksodho 3:13-15; 6:2, 3) Kupfurikidza nokuziva kuvapo kwake nokuva Mwari kwake. (VaHebheru 11:6) Kupfurikidza nokugarofungisisa zviito zvake zvorudo. (Pisarema 63:6) Kupfurikidza nokutaura mumunyengetero kuna Mwari mifungo yavo yomukatikati. (Pisarema 39:12) Kupfurikidza nokudzidza nezvokunaka kwake. (Zekaria 9:17) Kupfurikidza nokutanga rutyo rwakanaka rwokumugumbura.—Zvirevo 16:6.
Unogona kuva shamwari yaMwari ndokufamba naye here? Chokwadi, haugoni kuona Mwari kana kuti kunzwa inzwi rake. Kunyange zvakadaro, Jehovha anokukoka kuti uve ‘mueni mutendi rake,’ shamwari yake. (Pisarema 15:1-5) Nokudaro, kunobvira kuti ude Mwari. Asi unogona sei kutanga ukama hwapedyo uye hune chidakadaka naye?