Chokwadi Pamusoro paJesu
KUNORATIDZIKA kuva kusina mugumo werondedzero nefungidziro pamusoro pekuti Jesu akanga ari ani uye zvaakaita. Asi zvakadini neBhaibheri rimene? Rinotiudzei pamusoro paJesu Kristu?
Zvinotaura Bhaibheri
Uchinyatsorava neBhaibheri, uchacherekedza aya maidi anokosha:
◻ Jesu ndiye Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, dangwe rechisiko chose.—Johane 3:16; VaKorose 1:15.
◻ Zviuru zviviri zvamakore zvakapfuura, Mwari akatamisira upenyu hwaJesu kudumbu remhandara yechiJudha kuti aberekwe somunhu.—Mateo 1:18; Johane 1:14.
◻ Jesu aipfuura kungova zvake munhu akanaka. Mumativi ose akanga ari kuratidzirwa kwakatendeka kweunhu hwakaisvonaka hwaBaba vake, Jehovha Mwari.—Johane 14:9, 10; VaHebheru 1:3.
◻ Mukati meushumiri hwake hwapasi, Jesu nerudo akatarisira zvinodikanwa zvevaidzvinyirirwa. Nenzira inoshamisa akaporesa vairwara uye akatomutsa vakafa.—Mateo 11:4-6; Johane 11:5-45.
◻ Jesu akazivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yerudzi rwomunhu rwunotambudzika, uye akarovedza vadzidzi vake kupfuuridzira basa irori rokuparidza.—Mateo 4:17; 10:5-7; 28:19, 20.
◻ Pana Nisani 14 (panenge pana April 1), 33 C.E., Jesu akasungwa, akatongwa, akatongerwa, uye akaurawa papomero yenhema yokupandukira hurumende.—Mateo 26:18-20, Mt 26:48–27:50.
◻ Rufu rwaJesu rwunobatira serudzikinuro, rwuchisunungura rudzi rwomunhu rwunotenda mumugariro warwo wokuita chivi uye nokudaro rwuchizarura nzira yokuupenyu husingagumi nokuda kwavose vanoshandisa kutenda maari.—VaRoma 3:23, 24; 1 Johane 2:2.
◻ Pana Nisani 16, Jesu akamutswa, uye nokukurumidza pashure pezvo akadzokera kudenga kuti abhadhare kuna Baba vake ukoshi hwerudzikinuro rwoupenyu hwake hwakakwana hwomunhu.—Marko 16:1-8; Ruka 24:50-53; Mabasa 1:6-9.
◻ SaMambo waJehovha akagadzwa, Jesu akamutswa ane chiremera chakazara chokuita donzo raMwari rapakuvamba nokuda kwomunhu.—Isaya 9:6, 7; Ruka 1:32, 33.
Nokudaro, Bhaibheri rinoratidzira Jesu semunhu anokosha mukushanda kwemadonzo aMwari. Asi unogona sei kuva nechokwadi chokuti iyeyu ndiye Jesu chaiyeiye—Jesu wenhau, uyo akaberekerwa muBhetrehema ndokufamba papasi rino anopfuura makore 2 000 apfuura?
Hwaro Hwechivimbo
Kusava nechokwadi kuzhinji kunobviswa nokungorava bedzi Magwaro echiGiriki echiKristu nendangariro isina kufungira mano akaipa. Mukuita saizvozvo, uchawana kuti nhoroondo yeBhaibheri haisi kurondedzerwa kusina kujeka kwezviito, sezvakaita ngano. Panzvimbo pezvo, mazita, nguva chaidzoidzo, uye nzvimbo chaidzoidzo zvinodudzwa. (Somuenzaniso, ona Ruka 3:1, 2.) Kupfuurirazve, vadzidzi vaJesu vanoratidzirwa nekutendeseka kunoshamisa, nokutendeseka kunoisa chivimbo mumuravi. Vanyori vacho havana wavakavanza zvakaipa zvake—kwete kunyange ivo vamene—vachida kuita chinyorwa chakatendeka. Hungu, uchaona kuti Bhaibheri rine chokwadi.—Mateo 14:28-31; 16:21-23; 26:56, 69-75; Marko 9:33, 34; VaGaratia 2:11-14; 2 Petro 1:16.
Bva kune zvizhinji. Kuwana kwevezvokuchera matongo kwakatsigira kwatsigirazve chinyorwa cheBhaibheri. Somuenzaniso, kana ukashanyira Israel Museum muJerusalem, unogona kuona dombo rine runyoro runodudza Pontio Pirato. Kumwe kuwana kwezvokuchera matongo kunosimbisa Risanio naSergio Pauro, avo Bhaibheri rinodudza, sevanhu chaivoivo panzvimbo pengano dzevaKristu vapakuvamba. Zviitiko zvinoshumwa muMagwaro echiGiriki echiKristu (Testamende Itsva) zvinotsigirwa zvikuru munongedzero dzakaitwa navanyori vakare, kubatanidza Juvenal, Tacitus, Seneca, Suetonius, Pliny Muduku, Lucian, Celsus, uye wezvenhau wechiJudha Josephus.a
Nhoroondo dzinopiwa muMagwaro echiGiriki echiKristu dzakagamuchirwa pasina mubvunzo nezviuru zvairarama muzana ramakore rokutanga. Kunyange vavengi vechiKristu havana kuramba uchokwadi hweizvo Jesu akashumwa kuve akataura ndokuita. Pamusoro pekubvira kwokuti unhu hwaJesu hwakanatswa nevadzidzi vake pashure perufu rwake, Purofesa F. F. Bruce anotsinhira, kuti: “Hakugoni nomutoo upi noupi kuva kwakanga kuri nyore kwazvo seizvo vamwe vanyori vanoratidzika kuva vanofunga nezvekugadzira mashoko nezviito zvaJesu mumakore iwayo apakuvamba, apo vazhinji kwazvo vavadzidzi Vake vakanga vachiri vapenyu, avo vaigona kuyeuka zvakanga zvaitika nezvakanga zvisina kuitika. . . . Vadzidzi vaisagona kutsunga kupinda mungozi yokuisa zvisina kururama (tisingatauri nezvekuchinja maidi kwamaune), izvo zvaizoratidzwa pakarepo naavo vaizofara zvikuru bedzi kuita saizvozvo.”
Chikonzero Nei Vasingadaviri
Kunyange zvakadaro, dzimwe nyanzvi dzinoramba dzisina chokwadi. Nepo dzichifungidzira kuti chinyorwa cheBhaibheri ndechekufungidzira, dzinotsigira nokudisa manyoro eapokirifa ndokugamuchira iwaya seechokwadi! Nei? Sezvinooneka, chinyorwa cheBhaibheri chine zvinhu izvo vakangwara vomuzuva razvino uno vasingadi kudavira.
MuUnion Bible Companion yake, yakabudiswa muna 1871, S. Austin Allibone akapa denho kune vasina chokwadi. Akanyora kuti: “Bvunza upi noupi anotaura kuti haana chokwadi neuchokwadi hwenhau yeEvhangeri chikonzero chaanacho chokudavira kuti Cæsar akafira muCapitol, kana kuti Mambo Charlemagne akagadzwa kuva Mambo wekuMadokero naPope Leo III. muna 800? . . . Tinodavira kutaura kwose . . . kwakaitwa pamusoro pavarume ava; uye kuti nemhaka yekuti tine ufakazi hwenhau hwechokwadi chavo. . . . Kana, pakupiwa kwechibvumikiso chakaita saichochi, vapi navapi vachiri kuramba kudavira, tinovarega sevasindimari vakazungaira kana kuti vasingazivi nenzira isina tariro. Tichatii, ipapo, nezveavo, pasinei zvapo neufakazi huzhinji hwakabudiswa zvino hweuchokwadi hweMagwaro Matsvene, vanozviti havana kupwiswa? . . . Havadi kudavira chinhu chinoninipisa kudada kwavo, uye chichavamanikidza kurarama upenyu hwakasiyana.”
Hungu, vamwe vasina chokwadi vane vavariro dzakavanzika mukuramba Magwaro echiGiriki echiKristu. Chinetso chavanacho hachisi chekutendeseka kwawo asi nemipimo yawo. Somuenzaniso, Jesu akati nezvevateveri vake: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:14) Zvisinei, vazhinji vanotaura kuti vaKristu vanobatanidzwa zvikuru muzvinhu zvematongerwe enyika zvenyika ino, kunyange kubatanidzwa muhondo dzine chishava. Panzvimbo pokutsinhirana nemipimo yeBhaibheri, vanhu vazhinji vangada kuti Bhaibheri ritsinhirane nemipimo yavo vamene.
Rangarirawo nhau yetsika. Jesu akapa zano rakasimba kuungano yeTiatira nokuda kwokushivirira muitiro woufeve. “Ndini ndinonzvera itsvo nemwoyo,” akavaudza kudaro, “ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.”b (Zvakazarurwa 2:18-23) Bva, hakusi kwechokwadi here kuti vazhinji vanotaura kuti ndevechiKristu vanoramba mipimo yetsika? Vangasva havo varamba izvo Jesu akataura panzvimbo pokuramba mufambiro wavo woutere.
Dzisingadi kugamuchira Jesu weBhaibheri, nyanzvi dzakagadzira Jesu wadzo dzimene. Dzinova nemhaka yokuita ngano dzadzinopomera zvenhema vanyori veEvhangeri. Dzinochengeta mativi eupenyu hwaJesu adzinoda kugamuchira, dzinoramba asara ose, uye dzinowedzera udzame hushomanene hwadzo dzimene. Chaizvoizvo, muchenjeri wadzo aidzungaira kana kuti muchinji wenzanga haasi Jesu wenhau wavanotaura kuti vanotsvaka; panzvimbo pezvo, anongova zvake chimwe chinhu chefungidziro dzokudada dzenyanzvi.
Kuwana Jesu Chaiyeiye
Jesu aiedza kunyandura mwoyo yeavo vaiva nenzara yapachokwadi yechokwadi nokururama. (Mateo 5:3, 6; 13:10-15) Vakadaro vanogamuchira kokero yaJesu yokuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.
Jesu chaiyeiye haasati achizowanwa mumabhuku akanyorwa nenyanzvi dzazvino uno; uyewo haasati achizowanikwa muchechi dzechiKristudhomu, idzo dzazova nzvimbo dzinovambira gamuchidzanwa rinoitwa navanhu. Unogona kuwana Jesu wenhau mukopi yako yeBhaibheri. Ungada kudzidza zvizhinji pamusoro pake here? Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubetsera kuita saizvozvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemashoko akawanda, ona Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, ganhuro 5, mapeji 55-70, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b MuBhaibheri, itsvo pane dzimwe nguva dzinomirira mifungo mikuru zvikurusa yemunhu nemirangariro.
[Bhokisi riri papeji 6]
MAZANA AMAKORE EKUTSOROPODZWA
Kutsoropodzwa kweMagwaro echiGiriki echiKristu kwakavamba anopfuura makore 200 apfuura, apo mumwe muzivi weGermany Hermann Samuel Reimarus (1694-1768) akati: “Tinoruramiswa mukuita musiyano wakakwana pakati pedzidziso yaVaapostora mumanyoro avo neizvo Jesu Amene munduramo Yake amene akazivisa ndokudzidzisa.” Kubvira panguva yaReimarus, nyanzvi zhinji dzakadzidziswa kurangarira nenzira yakafanana.
Bhuku rinonzi The Real Jesus rinotaura kuti vatsoropodzi vazhinji vemunguva yakapfuura vaisazvirangarira vamene kuva vakaramba kutenda. Panzvimbo pezvo, “vakazviona vamene sevechiKristu zvapachokwadi zvikuru nokuda kwokuva vakasununguka pangetani dzedzidziso nokudavira mashura.” Kutsoropodzwa kweBhaibheri, vairangarira kudaro, kwakanga kuri “chimiro chakacheneswa chechiKristu.”
Idi rinosuruvarisa nderekuti chiKristudhomu chazova nzvimbo inovambira gamuchidzanwa rakaitwa nomunhu. Dzidziso dzemweya usingafi, Utatu, uye hero yomwoto dzinongova chete dzimwe dzedzidziso dzinopesana neBhaibheri. Asi vanyori veMagwaro echiGiriki echiKristu handivo vakasakisa uku kushatswa kwechokwadi. Mukupesana, vakarwisa kuoneka kwokutanga kwedzidziso dzenhema pakati pezana ramakore rokutanga, apo Pauro akanyora kuti kuramba kutenda kwaiva pakati pavaiti vaKristu kwakanga kwo“tobate basa.” (2 VaTesaronika 2:3, 7) Tinogona kuva nechivimbo chokuti zviri muMagwaro echiGiriki echiKristu chinyorwa chechokwadi chenhau uye chedzidziso.
[Bhokisi riri papeji 7]
EVHANGERI DZAKANYORWA RINI?
Vatsoropodzi vazhinji veTestamende Itsva vanotaura kuti Evhangeri dzakanyorwa nguva refu pashure pokunge zviitiko zvadzinorondedzera zvaitika uye naizvozvo dzinodokuva chose chose dzine zvisina kururama.
Zvisinei, ufakazi hunokarakadza gore rekare rokunyorwa kwaMateo, Marko, uye Ruka. Zviratidzo zviri mune mamwe makopi emanyoro aMateo zvinoratidzira kuti kunyorwa kwapakuvamba kwakaitika kare sa41 C.E. Ruka zvimwe yakanyorwa pakati pa56 na58 C.E., nokuti bhuku raMabasa (sezvingabvira rakapedzwa pakasvika 61 C.E.) rinoratidzira kuti munyori, Ruka, akanga atonyora “rugwaro [rwake] rwokutanga,” Evhangeri. (Mabasa 1:1) Evhangeri yaMarko inorangarirwa kuve yakanyorerwa muRoma mukati mekuiswa mutorongo kwekutanga kana kuti zvimwe kwechipiri kwemuapostora Pauro—zvimwe pakati pa60 na65 C.E.
Purofesa Craig L. Blomberg anobvumirana negore rekare reEvhangeri idzodzo. Anotaura kuti kunyange apo tinowedzera Evhangeri yaJohane, iyo yakanyorwa pakupera kwezana ramakore rokutanga, “tichiri kure zvikuru nezviitiko zvapakuvamba zvichienzaniswa nenhoroondo dzoupenyu zhinji dzakare. Nhoroondo dzoupenyu dzakare zvikurusa dzaAlexander Mukuru, somuenzaniso, Arrian naPlutarch, vakanyora makore anopfuura mazana mana pashure perufu rwaAlexander muna 323 B.C., bva vezvenhau vanowanzodzirangarira sedzinovimbika. Ngano dzinoshamisa pamusoro peupenyu hwaAlexander dzakatanga mukufamba kwenguva, asi nokuda kwerutivi rukurusa bedzi mukati memazana amakore anoverengeka pashure pevanyori vaviri ava.” Mativi enhau eMagwaro echiGiriki echiKristu zvirokwazvo anofanirwa nekurangarirwa zvikuru senhau dzenyika.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Mufaro uchapararira zvikuru nokuda kwavose muParadhiso yapasi inouya