Vanofara Ndeavo Vanoramba Vakamuka!
“Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguo dzake.”—ZVAKAZARURWA 16:15.
1. Sezvo zuva raJehovha rava pedyo, tinogona kukarirei?
ZUVA guru raJehovha rava pedyo, uye ikoko kunoreva hondo! Muchiono, muapostora Johane akaona “mweya yakaipa inoita zviratidzo” yakaita sematatya ichienda ku“madzimambo” ose, kana kuti vatongi, vapasi. Kuti vaitei? Chokwadi, “kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose”! Johane akawedzera kuti: “Akavaunganidzira panzvimbo inonzi Harmagedhoni nechiHebheru.”—Zvakazarurwa 16:13-16.
2. Gogi weMagogi ndiani, uye chii chichaitika apo anodenha vanhu vaJehovha?
2 Nokukurumidza, Jehovha achasunda rutivi rwezvematongerwe enyika rwetsika ino kuparadza Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 17:1-5, 15-17) Ipapo Gogi weMagogi, Satani Dhiyabhorosi akaderedzwa kunharaunda yapasi, acharonga mapoka ake ndokudenha zvakakwana vanhu vaJehovha vane rugare, vanoratidzika kuva vasina dziviriro. (Ezekieri 38:1-12) Asi Mwari achaita chiito chokununura vanhu vake. Ikoko kucharatidzira kuvamba kwe“zuva guru raJehovha rinotyisa.”—Joere 2:31; Ezekieri 38:18-20.
3. Ungarondedzere sei zviitiko zvakafanotaurwa pana Ezekieri 38:21-23?
3 Hungu, Jehovha achanunura vanhu vake ndokuparadza chisaririra chokupedzisira chiri chose chetsika yaSatani apo tinosvika mumiriro wezvinhu wenyika unonzi Har-magedhoni, kana kuti Armagedhoni. Rava mashoko ouporofita aEzekieri 38:21-23, uye isa muchiono chiitiko chacho. Jehovha anoshandisa simba rake kuparira mafashamo makuru, zvimvuramabwe zvinoparadza, moto unopararira nokukurumidza, denda rinouraya. Kutya kunova munyika yose sezvo mapoka aGogi anonyonganiswa, achirwisana. Vavengi vapi navapi vanopukunyuka vaMwari Wamasimba Ose vanourawa sezvo Jehovha anoshandisa mitoo inopfuura yomusikirwo kuponesa vabatiri vake. Apo “dambudziko guru” rakafanotaurwa rinenge rapera, hapana chinhu chetsika yaSatani isiri youmwari chichave chasara. (Mateo 24:21, NW) Kunyange mukutandadza kwavo, zvisinei, vakaipa vachaziva ari kuparira ngwavaira yavo. Mwari wedu amene anokunda anotaura kuti: “Vachaziva kuti ndini Jehovha.” Izvi zviitiko zvechienzi zvichaitika muzuva redu, mukati mokuvapo kwaJesu.
Kuuya Sembavha
4. Jesu achauya kuzoparadza tsika ino yakaipa yezvinhu nomutooi?
4 Ishe Jesu Kristu akapiwa mbiri akati: “Tarira, ndinouya sembavha.” Kuuya kwakaita sokwembavha kwaizova kwekamwe kamwe, panguva isingakarirwi, apo vanhu vazhinjisa vanenge vakarara. Apo Jesu anouya sembavha kuzoparadza tsika ino yakaipa, achachengeta avo vakamuka zvirokwazvo. Akaudza Johane kuti: “Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba asina kupfeka, vaone nyadzi dzake.” (Zvakazarurwa 16:15) Chii chiri revo yemashoko iwayo? Uye tinogona sei kuramba takamuka mumudzimu?
5. Igadziriroi yebasa repatembere yaivapo apo Jesu akanga ari pasi pano?
5 Kazhinji kazhinji, murindi haangakumurwi zvipfeko kana akarara pabasa. Asi izvozvo zvaiitika patembere muJerusarema apo Jesu aive pasi pano uye mapoka avaprista nevaRevhi aibatira patembere muJerusarema. Maive muzana ramakore rechi11 B.C.E. umo Mambo Dhavhidhi akaronga mazana avaprista aIsraeri nezviuru zvavo zvevabatsiri vavaRevhi kuva sangano rakaumbwa nemapoka 24. (1 Makoronike 24:1-18) Boka rimwe nerimwe revashandi vakarovedzwa rinopfuura chiuru chimwe raiita jana raro mukuita mativi ebasa repatembere kanenge kaviri pagore kwevhiki imwe yakazara panguva. PaMutambo Wamatumba, kunyange zvakadaro, mapoka ose ari 24 aishanda. Betsero yomuraudzo yaidikanwawo pamitambo yePaseka.
6. Jesu angava ainongedzera kuchii apo akati, “Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguo dzake”?
6 Apo Jesu akati, “Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguo dzake,” angava ainongedzera kumuitiro waiteverwa panguva iyoyo waibatanidza basa rokurinda patembere. Mishnah yechiJudha inoti: “Vaprista vairamba vakarinda panzvimbo nhatu muTembere: paKamuri reAbtinas, paKamuri reMoto, uye paKamuri reChoto; uye varevhi panzvimbo makumi maviri neimwe: vashanu pamasuo mashanu eGomo reTembere, vana pamakona ayo mana mukati, vashanu pamasuo mashanu eVazhe yeTembere, vana pamakona ayo mana kunze, uye mumwe pakati peKamuri reZvipiriso, uye mumwe paKamuri reChidzitiro, uye mumwe kuseri kwenzvimbo yeChigaro cheNgoni [kunze kwerudziro rwokuseri rweNzvimbo Tsvene-tsvene]. Mukuru weGomo reTembere aisitenderera kumurindi ari wose aine mwenje, uye kana murindi upi noupi aisasimuka ndokuti kwaari, ‘Haiwa mukuru weGomo reTembere, rugare ngarwuve nemi!’ uye kwaiva pachena kuti akanga akarara, aimurova nemudonzvo wake, uye aive nekodzero yokupisa zvipfeko zvake.”—The Mishnah, Middoth (“Measurements”), 1, ndima 1-2, yakashandurwa naHerbert Danby.
7. Nei vaprista navaRevhi vaiva pabasa rokurinda patembere vaifanira kuramba vakamuka?
7 VaRevhi vazhinji navaprista veboka raibatira vairamba vakamuka usiku hwose kuti varambe vakarinda uye kuti vadzivise munhu upi noupi asina kuchena kupinda muvazhe dzetembere. Sezvo “mukuru weGomo reTembere,” kana kuti “kaputeni wetembere,” aitenderera nzvimbo dzose 24 mukati mekurinda kwousiku, murindi mumwe nomumwe aifanira kuramba akamuka panzvimbo yake kana aisada kuti abatwe asiri kuita basa.—Mabasa 4:1.
8. Ndedzipi dziri nguo dzokunze dzokufananidzira dzomuKristu?
8 VaKristu vakazodzwa nevashandi biyavo vanofanira kuramba vakamuka mumudzimu ndokuchengeta zvipfeko zvavo zvokunze zvokufananidzira. Ihwohwu hufakazi hwokunze hwekugadzwa kwedu kuushumiri patembere yaJehovha yomudzimu. Mukuziva ikoku, tine mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, kuti utibetsere kuita mabasa edu ndokuita ropafadzo dzedu savazivisi voUmambo. Kurara pabasa redu sevashumiri vaMwari kungatiisa mungozi yokuwanikidzwa naJesu Kristu, Kaputeni wetembere huru yomudzimu. Kudai takanga takarara mumudzimu panguva iyoyo, nenzira yokufananidzira taizokumurwa zvipfeko uye zvipfeko zvedu zvokufananidzira zvaizopiswa. Naizvozvo tinogona sei kuramba takamuka mumudzimu?
Nzira Yatinogona Nayo Kuramba Takamuka
9. Nei kufunda Bhaibheri nebetsero yezvinyorwa zvechiKristu kuchikosha kwazvo?
9 Kufundwa kwokushingaira kwaMagwaro nebetsero yezvinyorwa zvechiKristu ndichinonyandura kumuka mumudzimu. Kufunda kwakadaro kuchatishongedzera nokuda kwoushumiri, kuchatibetsera kugonana nenjodzi, uye kuchatiratidza nzira yokumufarwa usingagumi. (Zvirevo 8:34, 35; Jakobho 1:5-8) Kufunda kwedu kunofanira kuva kwakakwana uye kunofambira mberi. (VaHebheru 5:14–6:3) Zvokudya zvakanaka zvinodyiwa nguva dzose zvinogona kubetsera kutichengeta takamuka uye takasvinura. Zvinogona kudzivisa rukope rungave chiratidzo chokushaya zvokudya zvinovaka mumuviri. Hatina chikonzero chokushaya zvokudya zvinovaka mumuviri nenzira yomudzimu uye kuva nerukope, nokuti Mwari ari kuita gadziriro yakakura yezvokudya zvomudzimu kupfurikidza ne“muranda akatendeka, akangwara” akazodzwa. (Mateo 24:45-47) Kudya nguva dzose zvokudya zvomudzimu kupfurikidza nefundo yemunhu oga uye yemhuri imwe nzira yokuramba nayo takamuka uye kuti“[ti]rurame pakutenda.”—Tito 1:13.
10. Misangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano zvinotibetsera sei kuramba takamuka mumudzimu?
10 Misangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano zvinobetsera kutichengeta takamuka mumudzimu. Zvinogovera kurudziro nemikana yoku‘nyandurirana kurudo namabasa akaisvonaka.’ Tinofanira kuungana zvikuru nguva dzose sezvati“noona kuti zuva roswedera.” Zuva iroro zvino rava pedyo zvirokwazvo. I“zuva raShe,” apo achareverera uchangamire hwake. Kana zuva iroro richikosha chaizvoizvo kwatiri—uye rinofanira kudaro—hatizo‘regi kuungana kwedu pamwe chete.’—VaHebheru 10:24, 25; 2 Petro 3:10.
11. Nei kuchigona kutaurwa kuti ushumiri hwechiKristu hunokosha nokuda kwokumuka mumudzimu?
11 Kutora rutivi kwomwoyo wose muushumiri hwechiKristu kunokosha kukumuka mumudzimu. Goverano yenguva dzose uye yokushingaira mukuparidza mashoko akanaka inotichengeta takasvinura. Ushumiri hwedu hunotipa mikana mizhinji yokutaura kuvanhu pamusoro peShoko raMwari, Umambo hwake, uye madonzo ake. Kunogutsa kupupura paimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha muzvinyorwa zvakadai seZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Vakuru vaiva muEfeso yakare vaigona kupupura kuti Pauro akanga avadzidzisa “pachena padzimba dzose.” (Mabasa 20:20, 21) Chokwadika, zvimwe Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvine zvinetso zvakakomba zvoutano izvo zvinopinganidza ushumiri hwazvo munzira yakati, asi zvinowana nzira dzokuudza nadzo vamwe pamusoro paJehovha neumambo hwake ndokuwana mufaro mukuru mukuita saizvozvo.—Pisarema 145:10-14.
12, 13. Tinofanira kudzivisa kunyanyisa muzvokudya nokunwa nokuda kwezvikonzeroi?
12 Kudzivisa kunyanyisa kuchatibetsera kuramba takamuka mumudzimu. Pakutaura nezvekuvapo kwake, Jesu akakurudzira vaapostora vake kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunyanga pamusoro pezvinhu zveupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose.” (Ruka 21:7, 34, 35) Makaro neudhakwa hazvitsinhirane nenheyo dzeBhaibheri. (Dheuteronomio 21:18-21) Zvirevo 23:20, 21 inoti: “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi nounamadyo vachava varombo; hope dzichapfekedza munhu mamvemve.”—Zvirevo 28:7.
13 Kunyange kana kunyanyodyisa nekunyanyonwisa zvisina kusvika papfundo iroro, zvisinei, zvinogona kuita kuti munhu ave norukope, kunyange ane usimbe naanoregeredza pamusoro pekuita kuda kwaMwari. Nenzira yomuzvarirwo, kuchava nefunganyo dzinobatanidza upenyu hwemhuri, utano, uye zvichingodaro. Bva, tichafara kana tikaisa fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu ndokuva nechivimbo chokuti Baba vedu vokudenga vachatigovera. (Mateo 6:25-34) Nezvisizvo, “zuva iro” richatiwira se“riva,” zvichida semusungo wakavanzwa uyo uchatibata tisingazivi kana kuti semusungo unonyengera, zvakadai seiya inokwezva uye ipapo kubata mhuka dzisinganyumwiri. Ikoku hakusati kuchizoitika kana tikaramba takamuka, tichiziva zvizere kuti tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.”—Dhanieri 12:4.
14. Nei tichifanira kunyengetera zvapachokwadi?
14 Munyengetero wapachokwadi ndeimwe yamuro yokuramba takamuka mumudzimu. Muuporofita hwake hukuru, Jesu akakurudzirazve kuti: “Rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:36) Hungu, ngatinyengeterei kuti nguva dzose tigoramba tiri kurutivi rwaJehovha ndokufarikanya chimiro chinotenderwa apo Jesu, Mwanakomana womunhu, anouya kuzoparadza tsika ino yakaipa yezvinhu. Nokuda kwebetsero yedu timene nebetsero yevatendi biyedu vatinonyengeterera, tinoda ‘kuramba takamuka mumunyengetero.’—VaKorose 4:2; VaEfeso 6:18-20.
Nguva Iri Kupera
15. Chii chinoitwa nebasa redu savaparidzi vokururama?
15 Sezvatinomirira zuva guru raJehovha, pasina mubvunzo tinoshuva kuita zvose zvatinogona mubasa rake. Kana tikanyengetera nomwoyo wose pamusoro paikoku, “mukova mukuru une basa guru” ungatizarurirwe. (1 VaKorinte 16:8, 9) Panguva yaMwari yakagadzwa, Jesu achaita rutongeso ndokuparadzanisa “makwai” akarurama akafanirwa noupenyu husingaperi ne“mbudzi” dzisiri dzoumwari dzakafanirwa neruparadziko rwusingagumi. (Johane 5:22) Handisu tinoparadzanisa makwai nembudzi. Asi basa redu sevaparidzi vokururama zvino riri kupa vanhu mukana wokusarudza upenyu hwekushandira Mwari uye naizvozvo kuva netariro yokuva vakaparadzaniswa kuupenyu apo Jesu ano“uya nokubwinya kwake.” Kupfupika kwenguva yasarira tsika ino yezvinhu kunosimbisa kudikanwa kwemubato wemwoyo wose sezvatinotsvaka avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi.”—Mateo 25:31-46; Mabasa 13:48.
16. Nei tichifanira kuva vazivisi voUmambo vanoshingaira?
16 Nguva yakaperera nyika yezuva raNoa, uye ichakurumidza kuperera tsika ino yezvinhu. Naizvozvo ngativei vazivisi voUmambo vanoshingaira. Basa redu rokuparidza riri kubudirira, nokuti gore rimwe nerimwe mazana ezviuru ari kubhabhatidzwa mukuratidzira kuzvitsaurira kwawo kuna Mwari. Vari kuva rutivi rwesangano raJehovha rakakomborerwa—“vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.” (Pisarema 100:3) Mufaro wakadini kugoverana mubasa rokuparidza Umambo rinounza tariro kuvazhinji kwazvo “zuva guru raJehovha rinotyisa” risati rasvika!
17, 18. (a) Sezvatinoparidza, kuitai kwatinofanira kukarira kuvamwe? (b) Chii chine chokwadi chokukurira vanyombi?
17 Kufanana naNoa, tine tsigiro yaMwari nedziviriro. Hungu, vanhu, ngirozi dzakapfeka miviri yenyama, uye vaNefirimi vanofanira kuve vakashora shoko raNoa, asi ikoko hakuna kumumisa. Nhasi, vamwe vanoshora apo tinonongedzera kuufakazi hukuru hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Kunyomba kwakadaro kuzadzikwa kweuporofita hweBhaibheri pamusoro pekuvapo kwaKristu, nokuti Petro akanyora kuti: “Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”—2 Petro 1:16; 3:3, 4.
18 Vanyombi vomuzuva razvino vangafunga kuti: ‘Hakuna chinhu chakachinja kubvira pakusikwa. Upenyu hunopfuurira, vanhu vachidya, vachinwa, vachiroora kana kuti kuroorwa, uye vachirera mhuri. Kunyange kana Jesu aripo, haaiti rutongeso muzuva rangu.’ Havana kururama sei! Kana vasingafi nezvimwe zvikonzero munguva ino, zuva rinotyisa raJehovha zvirokwazvo richavaparadza, kungofanana neruparadziko rwune ngwavaira muMafashamo rwakaunza mugumo kuchizvarwa chakaipa muzuva raNoa.—Mateo 24:34.
Zvirokwazvo, Ramba Wakamuka!
19. Tinofanira kurangarira sei mibato yedu yokuita vadzidzi?
19 Kana takazvitsaurira kuna Jehovha, ngatisatongonyengerwa kurara kupfurikidza nokurangarira kusina kufanira. Ino inguva yokuramba takamuka, yokushandisa kutenda muuporofita hwoumwari, uye yokuita basa redu roku“dzidzis[a] marudzi ose.” (Mateo 28:19, 20) Sezvo tsika ino inotarisana nomugumo wayo wokupedzisira, hatingagoni kuva neimwe ropafadzo huru kupfuura iya yokubatira Jehovha Mwari muutungamiriri hwaJesu Kristu uye kugoverana mubasa romunyika yose rokuparidza “evhangari iyi youshe” mugumo usati wasvika.—Mateo 24:14; Marko 13:10.
20. Muenzanisoi wakagadzwa naKarebhi naJoshua, uye nzira yavo inoratidzirei?
20 Vamwe vevanhu vaJehovha vave vachimubatira kwemakumi amakore, zvichida kwenduramo yose. Uye kunyange kana tichangobva zvikuru kugamuchira kunamata kwechokwadi, ngativei saKarebhi muIsraeri, uyo aka“tevera Jehovha . . . nomwoyo wose.” (Dheuteronomio 1:34-36) Iye naJoshua vakanga vakagadzirira zvikuru kupinda muNyika Yakapikirwa chinguvana pashure pokununurwa kwaIsraeri muusungwa hweEgipita. VaIsraeri vakura vose zvavo, zvisinei, vakashayiwa kutenda uye vaifanira kupedza makore 40 murenje, umo vakafira. Karebhi naJoshua vakatsungirira nhamo pamwe chete navo nguva yose iyoyo, asi pakupedzisira varume vaviri ivavo vakapinda munyika yakapikirwa. (Numeri 14:30-34; Joshua 14:6-15) Kana tika‘tevera Jehovha zvizere’ ndokuramba takamuka mumudzimu, tichava nomufaro wokupinda munyika itsva yaMwari yakapikirwa.
21. Chii chichave chinoitika chedu kana tikaramba takamuka mumudzimu?
21 Ufakazi hunobvumikisa zvakajeka kuti tiri kurarama munguva yomugumo uye kuti zuva guru raJehovha rava pedyo. Ino haisi nguva yokuva norukope ndokuregeredza mukuita kuda kwaMwari. Tichakomborerwa bedzi kana tichiramba takamuka mumudzimu ndokuchengeta nguo dzedu dzezivikanwo sevashumiri vechiKristu uye vabatiri vaJehovha. Ngakuve kutsunga kwedu ku“ramba takamuka, nesimba mukutenda, kuita savarume, kuva nesimba.” (1 VaKorinte 16:13, NW) Savabatiri vaJehovha, mumwe nomumwe wedu ngaatsige ndokuva neushingi. Ipapo tichava pakati paavo vakagadzirira apo zuva guru raJehovha rinorova, tichibatira nokutendeka pakati pavanhu vanofara vanoramba vakamuka.
Ungapindura Sei?
◻ Ungarondedzera sei zvipfeko zvedu zvokunze zvokufananidzira, uye tinogona sei kuzvichengeta?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuramba nadzo takamuka mumudzimu?
◻ Nei tichifanira kukarira vanyombi, uye tinofanira kuvarangarira sei?
◻ Tinofanira kurangarira sei basa redu rokuita vadzidzi mumazuva ano okupedzisira?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
VaKristu vane mudzimu mutsvene waMwari wokuvabetsera kuramba vakamuka ndokuita mabasa avo
[Mufananidzo uri papeji 15]
Wakatsunga here kuramba wakamuka mumudzimu ndokuramba une zvipfeko zvako zvokunze zvokufananidzira?