Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva Yakarurama
“Vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” —PISAREMA 37:11.
1, 2. (a) Kununura kwaJehovha munguva yedu kuchasiyana sei nekununura kwemunguva dzakare? (b) Jehovha achapinza vanhu vake murudzii rwenyika?
JEHOVHA ndiMwari anonunura. Munguva dzakare, akanunura vanhu vake panhambo zhinji. Kununurwa ikoko kwakanga kuri kwechinguvana, nokuti Jehovha pane ipi neipi yenhambo idzodzo haana kuitira nyika yose yaSatani marutongeso ake zvechigarire. Asi muzuva redu, Jehovha achakurumidza kununura vabatiri vake vose zvinoshamisa zvikurusa. Nguva ino achaparadza chisaririra chiri chose chetsika yaSatani pasi rose, uye achapinza vabatiri vake munyika itsva yechigarire, yakarurama.—2 Petro 2:9; 3:10-13.
2 Jehovha anopikira kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) Kwenguva yakareba sei? “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29; Mateo 5:5) Zvisinei, ikoko kusati kwaitika, nyika ino ichatambura nhamo hurusa yayati yamboziva.
“Kutambudzika Kukuru”
3. Jesu akarondedzera sei “kutambudzika kukuru”?
3 Muna 1914 nyika ino yakapinda mu“mazuva okupedzisira” ayo. (2 Timotio 3:1-5, 13) Zvino tava namakore 83 tiri munhambo iyoyo uye tiri kuswedera kumugumo wayo apo, seizvo Jesu akafanotaura, zvinotevera zvichaitika: “Kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.” (Mateo 24:21) Hungu, kwakaipa zvikuru kupfuura kunyange Hondo Yenyika II, apo upenyu hunenge mamiriyoni 50 hwakaurawa. Inguva inotyisa nyika zvakadini iri kusvika nokukurumidza!
4. Nei rutongeso rwaMwari rwuchiwira “Bhabhironi, Guta Guru”?
4 “Kutambudzika kukuru” kuchaitika kamwe kamwe zvinokatyamadza, “nenguva imwe.” (Zvakazarurwa 18:10) Kutanga kwako kucharatidzirwa nokutonga kwaMwari rudzidziso rwose rwenhema, urwo Shoko raMwari rinodana kuti “Bhabhironi, Guta Guru.” (Zvakazarurwa 17:1-6, 15) Rutivi rwakatanhamara rweBhabhironi rakare rwakanga rwuri rudzidziso rwenhema. Bhabhironi razvino uno rakafanana neshamwari yaro yakare uye rinomirira umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Rakaita upombwe kupfurikidza nokubvumirana pane zvisina kufanira nemasangano ezvematongerwe enyika. Rakatsigira hondo dzawo uye rakakomborera mauto airwisana, kuchiguma navanhu vorudzidziso rwumwe cheterwo vachiurayana. (Mateo 26:51, 52; 1 Johane 4:20, 21) Rakafuratira miitiro yakashata yevatsigiri varo uye rakatambudza vaKristu vechokwadi.—Zvakazarurwa 18:5, 24.
5. “Kutambudzika kukuru” kunovamba sei?
5 “Kutambudzika kukuru” kunovamba apo masangano ezvematongerwe enyika anorwisa “Bhabhironi, Guta Guru” kamwe kamwe. “Vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” (Zvakazarurwa 17:16) Pashure pezvo, vaichimbova vatsigiri varo vacha“rira nokuchema pamusoro paro.” (Zvakazarurwa 18:9-19) Asi vabatiri vaJehovha vanguve vachikarira ikoku, uye vachadanidzira kuti: “Hareruya! . . . nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”—Zvakazarurwa 19:1, 2.
Vabatiri vaMwari Vanorwiswa
6, 7. Nei vabatiri vaJehovha vachigona kuva nechivimbo apo vanorwiswa mukati me“kutambudzika kukuru”?
6 Aparadza rudzidziso rwenhema, masangano ezvematongerwe enyika anorwisa vabatiri vaJehovha. Satani, “Gogi, wenyika yaMagogi” muuporofita, anoti: “Ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka.” Achifunga kuti ndivanyajambwa vari nyore, anovarwisa ne“hondo ine simba . . . , segore rinofukidza nyika.” (Ezekieri 38:2, 10-16) Vanhu vaJehovha vanoziva kuti uku kurwisa kuchakundikana nemhaka yokuti vanovimba naJehovha.
7 Apo Farao nemauto ake vakarangarira kuti vakanga vaisa varanda vaMwari parumananzombe paGungwa Dzvuku, Jehovha nenzira inoshamisa akanunura vanhu vake ndokuparadza mauto eEgipita. (Eksodho 14:26-28) Mukati me“kutambudzika kukuru,” apo marudzi anorangarira kuti aisa vanhu vaJehovha parumananzombe, iye zvakare nenzira inoshamisa achaponesa: “Nezuva iro . . . hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu . . . Nokuti ndakataura negodo rangu uye nomwoto wehasha dzangu.” (Ezekieri 38:18, 19) Mugumo we“kutambudzika kukuru” ipapo uchava wava pedyo!
8. Zviitikoi zvinopfuura zvomusikirwo zvinoitika Jehovha asati auraya vakaipa, uye netapuroi?
8 Panhambo yakati pashure pokunge “kutambudzika kukuru” kwavamba, asi Jehovha asati aita rutongeso rwake payasara yenyika ino, zviitiko zvinopfuura zvomusikirwo zvichaitika. Cherekedza tapuro yazvichava nayo. “Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu [Kristu] chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.” (Mateo 24:29, 30) “Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, . . . vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika.”—Ruka 21:25, 26.
“Kusunungurwa Kwenyu Kwaswedera”
9. Nei vabatiri vaJehovha vachigona ku‘simudza misoro yavo’ apo zviitiko zvinopfuura zvomusikirwo zvinoitika?
9 Panguva iyoyo chaiyo, uporofita hwaRuka 21:28 hunoshanda. Jesu akati: “Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Vavengi vaMwari vachave vachidedera nokutya nemhaka yokuti vachaziva kuti zviitiko zvinopfuura zvomusikirwo zvinenge zvichiitika zvinobva kuna Jehovha. Asi vabatiri vaJehovha vachafara nemhaka yokuti vachaziva kuti kununurwa kwavo kuri kuswedera pedyo.
10. Shoko raMwari rinorondedzera sei mugumo we“kutambudzika kukuru”?
10 Jehovha ipapo anoita chiito chokupedzisa kutsika yaSatani: “Ndichamutonga [Gogi] nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake . . . zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:22, 23) Zvisaririra zvose zvetsika yaSatani zvinoparadzwa. Nzanga yose yevanhu vanofuratira Mwari inoparadzwa. Iwoyo ndiwo mugumo weArmagedhoni we“kutambudzika kukuru.”—Jeremia 25:31-33; 2 VaTesaronika 1:6-8; Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-21.
11. Nei vabatiri vaJehovha vachinunurwa mu“kutambudzika kukuru”?
11 Vachanunurwa mu“kutambudzika kukuru” vachava mamiriyoni evanamati vaJehovha pasi rose. Ivava vanoumba “vazhinjizhinji” avo vakabuda “kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” Nei vachinunurwa nenzira yakadaro inonyandura rutyo? Nemhaka yokuti vano“shumira [Jehovha] masikati nousiku.” Naizvozvo vanopukunyuka mugumo wenyika ino uye vanopinzwa munyika itsva yakarurama. (Zvakazarurwa 7:9-15) Nokudaro, vanopupurira kuzadzikwa kwechipikirwa chaJehovha chinoti: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.”—Pisarema 37:34.
Nyika Itsva
12. Vapukunyuki veArmagedhoni vanogona kutarira mberi kuchii?
12 Iyoyo ichava nguva inofadza zvakadini—kuparadzwa kweuipi uye kuvamba kwenhambo ine mbiri zvikurusa munhau yose yomunhu! (Zvakazarurwa 20:1-4) Vapukunyuki veArmagedhoni vachaonga sei kuna Jehovha nokuda kwokuva vapinda mumararamire akajeka, akachena akaitwa naMwari, nyika itsva, pasi pano apo pachashandurwa kuva paradhiso! (Ruka 23:43) Uye havasati vachizotongofanira kufa! (Johane 11:26) Zvirokwazvo, kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, vachava nekariro inoshamisa, yakaisvonaka yokurarama chero bedzi Jehovha achirarama!
13. Jesu anotangazve sei basa rokuporesa raakavamba pasi pano?
13 Jesu, uyo Jehovha akagadza saMambo wokudenga, achatarisira zvikomborero zvinoshamisa izvo vanonunurwa vachafarikanya. Apo aiva pasi pano, akasvinudza meso aisaona nenzeve dzaisanzwa ndokurapa “kurwara kwose nokukosha hwose.” (Mateo 9:35; 15:30, 31) Munyika itsva, achatangazve basa guru iroro rokuporesa asi pamwero wepasi rose. Semumiriri waMwari, achazadzika chipikirwa chokuti: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Hakusati kuchizotongovazve nokudikanwa kwavanachiremba nevanogadzira nokuviga zvitunha!—Isaya 25:8; 33:24.
14. Kununurwai kuchauya kuvabatiri vaJehovha vakatofa?
14 Vanonunurwawo vachava vabatiri vaya vose vakatendeka vaMwari vakafa munguva yakapfuura. Munyika itsva, vachamutswa mumakuva. Jehovha anovimbisa kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Sezvingabvira, “vakarurama” vachamutswa pakuvamba zvikuru ndokubetsera kukudza Paradhiso. Kuchava kunofadza sei nokuda kwavapukunyuki veArmagedhoni kunzwa zvakaitika zvevakafa vakatendeka ivavo vekare kare, zvino vadzorerwa kuupenyu!—Johane 5:28, 29.
15. Rondedzera mamwe emamiriro ezvinhu achawanwa munyika itsva.
15 Avo vose vachararama panguva iyoyo vachawana izvo wezvemapisarema akataura nezvaJehovha: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:16) Hakuchisinazve nzara: Pasi richadzorerwa kudzikamo yeukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo ndokubereka zvakawanda. (Pisarema 72:16) Hakuchisinazve vanhu vasina misha: “Vachavaka dzimba nokugaramo,” uye mumwe nomumwe achagara “pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Isaya 65:21, 22; Mika 4:4) Hakuchisinazve kutya: Kuchave kusina hondo, masimba masimba, kana kuti utsotsi. (Pisarema 46:8, 9; Zvirevo 2:22) “Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.”—Isaya 14:7.
16. Nei kururama kuchazadza nyika itsva?
16 Munyika itsva, zvinobudisa mashoko anoparadzirwa zvaSatani zvichave zvabviswa. Panzvimbo pezvo, “vanhu vagere munyika va[cha]dzidza zvakarurama.” (Isaya 26:9; 54:13) Nemurayiridzo womudzimu wakanaka gore rimwe pashure perimwe, “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Mifungo inovaka nezviito zvichazadza rudzi rwomunhu. (VaFiripi 4:8) Fungidzira, nzanga yemunyika yose yevanhu vasina utsotsi, kuzvitutumadza, godo—uhama hwemarudzi akawanda umo chibereko chomudzimu waMwari chinoberekwa navose. Zvirokwazvo, kunyange zvino mavara akadaro ari kusakurirwa neboka guru.—VaGaratia 5:22, 23.
Nei Kwenguva Yakareba Kwazvo?
17. Nei Jehovha amirira kwenguva yakareba kwazvo asati agumisa uipi?
17 Zvisinei, nei Jehovha amirira nguva yakareba kwazvo kuti abvise uipi ndokununura vanhu vake kuti vapinde munyika itsva? Rangarira zvaifanira kuitwa. Chinokosha zvikurusa kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha, maruramiro ake okutonga. Kupfurikidza nokubvumidza nguva yakakwana kupfuura, akaratidzira pasina mubvunzo upi noupi kuti kutonga kwomunhu kuri kunze kweuchangamire hwake kwakava kukundikana kukuru. (Jeremia 10:23) Naizvozvo zvino Jehovha anoruramiswa zvizere mukutsiva kutonga kwomunhu nekutonga kweUmambo hwake hwokudenga pasi paKristu.—Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.
18. Vazukuru vaAbrahama vaizogara rini nhaka nyika yeKanani?
18 Chakaitika mukati memazana aya ose amakore chakafanana nechakaitika munguva yaAbrahama. Jehovha akaudza Abrahama kuti vazukuru vake vaizogara nhaka nyika yeKanani—asi vaifanira kumirira mazana mana amakore “nokuti kusarurama kwavaAmori [kwakanga] kuchigere kuzara.” (Genesi 12:1-5; 15:13-16) Pano shoko rokuti “vaAmori” (rudzi rukuru) sezvingabvira rinomirira marudzi eKanani ose zvawo. Naizvozvo mazana amakore mana aizopfuura Jehovha asati agonesa vanhu vake kukurira Kanani. Munguvayo Jehovha akaita kuti marudzi eKanani akudze nzanga dzawo. Nomugumisiroi?
19, 20. Rudzii rwenzanga urwo vaKanani vakatanga?
19 Bible Handbook, rakanyorwa naHenry H. Halley, rinotaura kuti paMegidho, nyanzvi dzinochera matongo dzakawana matongo etembere yaAshtaroti, mudzimai mwarikadzi waBhaari. Anonyora kuti: “Pedyo zvikuru netembere iyoyi pakanga pane makuva, apo zvirongo zvizhinji zvakawanwa, zvine zvisaririra zvevacheche vakanga vabayirwa mutembere iyoyi . . . Vaporofita vaBhaari nevaAshtaroti vakanga vari vapondi vanobvumirwa vevana vaduku.” “Mumwe muitiro unotyisa wakanga uri [icho] vaiti ‘zvibayiro zvefaundesheni.’ Apo imba yakanga ichizovakwa, mwana aibayirwa, uye muviri wake waivakirwa mumadziro.”
20 Halley anotsinhira kuti: “Kunamatwa kwaBhaari, Ashtaroti, uye vamwe vamwari veKanani kwaiumbwa nemitambo yokunwa yokunyanyisa zvikurusa; tembere dzavo dzaiva nzvimbo dzezvakaipa. . . . VaKanani vainamata, kupfurikidza nokuzvigutsa, . . . uye ipapo, kupfurikidza nokuponda vana vavo vamatangwe, sechibayiro kuvamwari vamwe chete ivavo. Kunoratidzika kuti, mumwero mukuru, nyika yeKanani yakanga yava rudzi rwakati rweSodhoma neGomora pamwero worudzi. . . . Mararamire etsvina akadaro anonyangadza uye eutsinye aiva namaruramiro api naapi okuvapo kwenguva refu here? . . . Nyanzvi dzinochera mumatongo amaguta eKanani dzinoshamiswa kuti Mwari haana kuaparadza nokukurumidza kupfuura izvo Iye akaita. Enzanisa na1 Madzimambo 21:25, 26.
21. Ifananoi iripo pakati pemamiriro ezvinhu evaKanani neezuva redu?
21 Uipi hwevaAmori hwakanga hwa“zara.” Naizvozvo Jehovha zvino akanga achiruramiswa zvizere mukuvaparadza. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi. Nyika ino yakazadzwa nemasimba masimba, unzenza, uye kuzvidza mitemo yaMwari. Uye sezvo tichikatyamadzwa nenzira yakarurama nekubayirwa kwevana kunotyisa kwaiva muKanani yakare, zvakadini nezvekubayirwa kwemakumi emamiriyoni evanhu vaduku muhondo dzenyika ino, kwakaipa zvikuru kupfuura chinhu chipi muKanani? Zvirokwazvo, Jehovha zvino anoruramiswa zvizere mukugumisa tsika ino yakaipa.
Kuita Chimwewo Chinhu
22. Chii chinoitwa nokushivirira kwaJehovha munguva yedu?
22 Shiviriro yaJehovha mumazuva ano okupedzisira iri kuita chimwewo chinhu. Ari kubvumira nguva yokuunganidza ndokudzidzisa boka guru, rava kutopfuura mamiriyoni mashanu. Munhungamiro yaJehovha, vanorovedzwa kuva sangano rinofambira mberi. Varume, vakadzi, uye pwere vakarovedzwa kudzidzisa vamwe zvokwadi dzeBhaibheri. Kupfurikidza nemisangano yavo nezvinyorwa zveBhaibheri, vanodzidza nzira dzaMwari dzine rudo. (Johane 13:34, 35; VaKorose 3:14; VaHebheru 10:24, 25) Mukuwedzera, vari kutanga unyanzvi mukuvaka, magetsi, kudhinda, uye mamwe mativi kuitira kuti vatsigire kuparidzwa kwe“evhangeri.” (Mateo 24:14) Sezvingabvira unyanzvi hwakadaro nekudzidzisa zvishandiswa zvikuru munyika itsva.
23. Nei iri ropafadzo kuva vapenyu panguva ino?
23 Hungu, nhasi Jehovha ari kugadzirira vabatiri vake kuti vapfuure nomu“kutambudzika kukuru” ndokupinda munyika itsva yakarurama. Ipapo hakusati kuchizova naSatani nenyika yake yakaipa zvokurwisana nazvo, hakuchina chirwere, rusuruvaro, uye rufu. Nembavarira huru nomufaro, vanhu vaMwari vachapfuurira nebasa rinofadza rokuvaka paradhiso, umo zuva riri rose richava ku“farikanya kwazvo.” Takaropafadzwa sei kurarama pauyu mugumo wenguva, kuziva ndokubatira Jehovha, uye kuziva kuti nokukurumidza zvikuru ticha‘simudza misoro yedu nemhaka yekuti kununurwa kwedu kuri kuswedera pedyo’!—Ruka 21:28; Pisarema 146:5.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ “Kutambudzika kukuru” chii, uye kunovamba sei?
◻ Nei kurwisa kwaGogi vabatiri vaJehovha kuchakundikana?
◻ “Kutambudzika kukuru” kunoguma sei?
◻ Ibetseroi dzinoshamisa idzo nyika itsva ichagovera?
◻ Nei Jehovha amirira kwenguva yakareba kwazvo asati agumisa tsika ino?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Pasi rose richashandurwa kuva paradhiso