Nguva Yako Yemberi Ichava Yakaita Sei?
KANA Mwari Wamasimba Ose achiziva zvinhu zvose, achiziva zvose zvakapfuura, zvomunguva yazvino, uye zvenguva yemberi, zvinhu zvose hazvina kurongwa kuti zviitike chaizvoizvo sokufanoonekwa kwazvakaitwa naMwari here? Kana Mwari akafanoona ndokurayira nzira uye nguva yemberi yokupedzisira yomunhu wose, zvirokwazvo zvinogona here kunzi takasununguka kusarudza mararamiro edu, nguva yedu yemberi?
Mibvunzo iyi yakakurukurwa kwamazana amakore. Kakavadzano yacho ichiri kuparadzanisa marudzidziso makuru. Mano aMwari okufanoziva nguva yemberi anogona kutsinhiraniswa nerusununguko rwokusarudza rwavanhu here? Tinofanira kutsvaka mhinduro kupi?
Mamiriyoni evanhu munyika yose angabvumirana kuti Mwari akakurukura norudzi rwomunhu kupfurikidza neShoko rake rakanyorwa serakapiwa kupfurikidza navatauriri vake, vaporofita. Somuenzaniso, Koran inonongedzera kuzvakazarurwa sezvinobva kuna Mwari: Taurāh (Torah, Mutemo, kana kuti mabhuku mashanu aMosesi), Zabūr (Mapisarema), uye Injīl (Evhangeri, Magwaro echiKristu echiGiriki, kana kuti “Testamende Itsva”), pamwe chete nezvakaziviswa kuvaporofita vaIsraeri.
MuMagwaro echiKristu echiGiriki, tinorava kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa.” (2 Timotio 3:16) Sezviri pachena, nhungamiro kana kuti nzwisiso ipi neipi yatinogamuchira pakupedzisira inofanira kubva kuna Mwari pachake. Ipapo hakungavi kuchenjera here kunzvera manyoro avaporofita vepakutanga vaMwari? Anozivisei pamusoro penguva yedu yemberi?
Nguva Yemberi Yakanyorwa Pachine Nguva
Munhu upi noupi akarava Magwaro Matsvene anoziva kuti ane uporofita hune mazana chaiwoiwo. Zviitiko zvenhau zvakadai sokuwa kweBhabhironi rekare, kuvakwazve kweJerusarema (zana ramakore rechitanhatu kusvika kune rechishanu B.C.E.), uye kumuka nokuwa kwemadzimambo ekare eMedhia nePersia neGirisi zvose zvakafanotaurwa zvakakwana. (Isaya 13:17-19; 44:24–45:1; Dhanieri 8:1-7, 20-22) Kuzadzikwa kwouporofita hwakadaro ndechimwe chezvibvumikiso zvakasimba zvikurusa zvokuti Magwaro Matsvene zvirokwazvo iShoko raMwari, nokuti Mwari oga ane simba rezvose zviri zviviri kufanoona uye kusarudza zvichaitika munguva yemberi. Mupfungwa iyi Magwaro Matsvene zvirokwazvo ane nguva yemberi yakanyorwa pachine nguva.
Mwari pachake anoti: “Ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti: Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda . . . Ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.” (Isaya 46:9-11; 55:10, 11) Zita chairo iro Mwari akazvizivisa naro kuvaporofita vake vekare ndiJehovha, iro rinoreva chaizvoizvo kuti “Iye Anoparira Kuvapo.”a (Genesi 12:7, 8; Eksodho 3:13-15; Pisarema 83:18) Mwari anozvizivisa seUyo anova Muzadzisi weshoko rake, Uyo nguva dzose anozadzika chinangwa chake.
Nokudaro, Mwari anoshandisa simba rake rokufanoziva mukuita zvinangwa zvake. Akarishandisa kakawanda kunyevera vakaipa nezvorutongeso rwuri kuuya pamwe chete nokupa vabatiri vake tariro yoruponeso. Asi Mwari anoshandisa simba iri nenzira isina kuganhurirwa here? Pane ufakazi hupi nohupi here muMagwaro Matsvene hwezvinhu izvo Mwari akasarudza kusafanoziva?
Mwari Anofanoziva Zvinhu Zvose Here?
Kutaura kwose kunotsigira kufanotemerwa kwakavakirwa pakufungidzira kuti sezvo Mwari ane simba rokufanoziva nokusarudza zviitiko zvomunguva yemberi nenzira isingarambiki, anofanira kufanoziva zvinhu zvose, kubatanidza mabasa enguva yemberi emunhu wose. Kufungidzira uku kune mufungo here, zvisinei? Izvo Mwari anozivisa muMagwaro ake Matsvene zvinoratidza zvakasiyana.
Somuenzaniso, Magwaro anotaura kuti “Mwari wakaidza Abrahama” kupfurikidza nokumurayira kuti abayire mwanakomana wake Isaka sechibayiro chinopiswa. Apo Abrahama akanga oda kubayira Isaka, Mwari akamumisa ndokuti: “Zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” (Genesi 22:1-12) Mwari angadai akataura izvozvo here kudai akanga achitoziva kuti Abrahama aizoteerera murayiro uyu? Waizova muedzo wakatendeseka here?
Uyezve, vaporofita vekare vanoshuma kuti Mwari akataura ataurazve nezvake se‘ari kuzvidemba’ pamusoro pechimwe chinhu chaakanga aita kana kuti chaaifunga kuita. Somuenzaniso, Mwari akataura kuti ai“zvidemba [kubva muchiHebheru chokuti na·chamʹ] [kuti aka]gadza Sauro ave mambo.” (1 Samueri 15:11, 35; enzanisa naJeremia 18:7-10; Jona 3:10.) Nemhaka yokuti Mwari akakwana, ndima idzi hadzigoni kureva kuti Mwari akaita mhosho mukusarudza Sauro kuti ave mambo wokutanga waIsraeri. Panzvimbo pezvo, dzinofanira kuratidzira kuti Mwari akanzwa urombo kuti Sauro akava asina kutenda uye asingateereri. Kushandisa kwaMwari kutaura kwakadaro achizvireva iye kungava kusina mufungo kudai akanga afanoziva zviito zvaSauro.
Shoko rimwe chetero rinooneka muMagwaro ekare zvikurusa akawanda umo, mukunongedzera kumazuva aNoa, rinoti: “Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. Jehovha akati: Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika . . . nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” (Genesi 6:6, 7) Pano zvakare, izvi zvinoratidza kuti zviito zvomunhu hazvina kufanorongwa naMwari. Mwari akazvidemba, akachema, uye akatorwadziwa, kwete nemhaka yokuti zviito zvake pachake zvakanga zvisina kururama, asi nemhaka yokuti uipi hwomunhu hwakava hwakawanda. Musiki akazvidemba kuti zvakanga zvava madikanwa kuti aparadze rudzi rwose rwomunhu kunze kwaNoa nemhuri yake. Mwari anotivimbisa kuti: ‘Handifariri rufu rwowakaipa.’—Ezekieri 33:11; enzanisa naDheuteronomio 32:4, 5.
Naizvozvo Mwari akanga akafanoziva uye akatorayira kuwira kwaAdhama muchivi here, pamwe chete nemigumisiro ine ngwavaira iyo izvozvi zvaizounza pamhuri yavanhu? Zvatarangarira zvinoratidza kuti izvi hazvigoni kuva chokwadi. Kupfuurezvo, kana Mwari akafanoziva zvose izvi, angadai akava muvambi wechivi paakaita munhu, uye Mwari aizova nemhaka yemaune youipi hwose hwavanhu nokutambura. Nenzira yakajeka, izvi hazvigoni kutsinhirana nezvinoziviswa naMwari pamusoro pake pachake muMagwaro. NdiMwari worudo neruramisiro anovenga uipi.—Pisarema 33:5; Zvirevo 15:9; 1 Johane 4:8.
Migumisiro Miviri Yavanhu
Magwaro Matsvene haazivisi kuti nguva yedu yemberi yomunhu oga inosarudzwa pachine nguva nenzira yakati, kana kuti inofanotemwa, naMwari. Panzvimbo pezvo, zvaanozivisa ndezvokuti Mwari akafanotaura migumisiro miviri chete inobvira nokuda kwomunhu. Mwari anopa munhu wose rusununguko rwokusarudza uchava mugumisiro wake. Muporofita Mosesi kare kare akazivisa vaIsraeri kuti: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, . . . naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Muporofita waMwari Jesu akafanonyevera kuti: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Nzira mbiri, migumisiro miviri. Nguva yedu yemberi inotsamira pazviito zvedu pachedu. Kuteerera Mwari kunoreva upenyu, kusamuteerera kunoreva rufu.—VaRoma 6:23.
Mwari “unorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama.” (Mabasa 17:30, 31) Sezvo ruzhinji rworudzi rwomunhu muzuva raNoa rwakasarudza kusateerera Mwari uye rwakaparadzwa, naizvozvo nhasi ruzhinji haruteereri mirayiro yaMwari. Asi, Mwari haasati asarudza kuti ndiani achaparadzwa uye kuti ndiani achaponeswa. Kutaura idi, Shoko raMwari rinotaura kuti “haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Kunyange vanhu vakaipa zvikuru vanogona kupfidza, kuva vanoteerera, uye kuita chinjo dzinodikanwa kuti vawane nyasha dzaMwari.—Isaya 1:18-20; 55:6, 7; Ezekieri 33:14-16; VaRoma 2:4-8.
Kune avo vanoteerera, Mwari anopikira upenyu husingaperi muparadhiso ine rugare, pasi rakabviswa uipi hwose, masimba masimba, uye hondo, nyika inenge isisina nzara, kutambura, chirwere, uye rufu. (Pisarema 37:9-11; 46:9; Isaya 2:4; 11:6-9; 25:6-8; 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:4) Kunyange vakafa vachamutswa ndokupiwa mukana wokubatira Mwari.—Dhanieri 12:2; Johane 5:28, 29.
“Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama,” wezvemapisarema anodaro, “nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwe chete, pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.” (Pisarema 37:37, 38) Nguva yako yemberi ichava yakaita sei? Inotsamira pauri. Vabudisi vemagazini ino vachafara kukugovera mamwe mashoko kuti ukwanise kuva nechokwadi nenguva yemberi inofadza, ine rugare.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokuti Jehovha rinooneka kanopfuura ka7 000 muMagwaro Matsvene; ona nyaya inoti “Kupedza Chakavanzika Chezita Gurusa,” yaiva muNharireyomurindi yaNovember 1, 1993, mapeji 3-5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Mwari anoshandisa simba rake rokufanoziva mukuita zvinangwa zvake
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Mwari “haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kudai Mwari aiziva pachine nguva kuti Abrahama aizodisa kubayira mwanakomana wake, waizova muedzo wokutendeseka here?