Unoda Ramangwana Rakadini Nokuda Kwavana Vako?
UNORANGARIRA vana vako kuva nhaka inokosha zvikuru here? (Pisarema 127:3) Kana kuti unorangarira kuvarera somutoro unodya mari usina vimbiso yokubudirira here? Panzvimbo pokuunza chimuko chemari, kurera vana kunodya mari kusvikira vava kugona kuzviriritira. Sezvo kutarisira pfuma yakagarwa nhaka kuchida kuronga kwakanaka, ndozvinoitawo kuva mubereki anobudirira.
Vabereki vanoitira hanya vanoda kupa vana vavo kutanga kwakanaka muupenyu. Kunyange zvazvo zvinhu zvakaipa uye zvinosuruvarisa zvikuru zvingaitika munyika ino, vabereki vanogona kuita zvakawanda kuti vadzivirire vana vavo. Rangarira chiitiko chaWerner naEva, vadudzwa munyaya yatangira ino.a
Apo Vabereki Vanoitira Hanya Chaizvoizvo
Werner anoshuma kuti panzvimbo pokuratidza kusaitira hanya, vabereki vake vakaratidza kufarira zvechokwadi zvakanga zvichiitika muchikoro. “Ndakaonga zvikuru zvikarakadzo zvinoshanda zvavakandipa, uye ndainzwa kuti vaindiitira hanya uye vakanga vari kunditsigira. Savabereki, vakanga vakati omei, asi ndaiziva kuti vakanga vari shamwari dzangu chaidzoidzo.” Uye apo Eva akatsamwa kwazvo pamusoro pebasa rake rokuchikoro zvokuti akaodzwa mwoyo uye akava nezvinetso zvokurara, vabereki vake, Francisco naInez, vakapedzawo nguva yakati vachitaura naye uye vachimubetsera kuti awanezve dzikamo yemirangariro neyomudzimu.
Francisco naInez vakatsvaka sei kudzivirira vana vavo ndokuvagadzirira upenyu hwomunhu mukuru? Zvisinei, kubva panguva apo vana vacho vakanga vari vacheche, ava vabereki vane rudo nguva dzose vakavabatanidza mumibato yavo yezuva nezuva. Panzvimbo pokungotandara neshamwari dzavo dzakura, Inez naFrancisco vakanga vane vana vacho kupi kana kupi kwavaienda. Savabereki vane rudo, vakapawo mwanakomana wavo nomwanasikana nhungamiro yakafanira. Inez anoti: “Takavadzidzisa kutarisira musha, kushandisa mari nokungwarira, uye kutarisira zvipfeko zvavo pachavo. Uye takabetsera mumwe nomumwe wavo kuti asarudze basa ndokudzikamisa mitoro yavo nefariro dzomudzimu.”
Zvinokosha zvikuru kuziva vana vako ndokugovera nhungamiro yomubereki! Ngatinzverei nharaunda nhatu dzamungaita izvi: (1) Betsera vana vako kusarudza rudzi rwakafanira rwebasa rokunyika; (2) vagadzirire kubata nedzvinyiriro yemirangariro kuchikoro nokubasa; (3) varatidze nzira yokugutsa nayo zvinodikanwa zvavo zvomudzimu.
Vabetsere Kusarudza Basa Rakafanira
Sezvo basa rokunyika romunhu risingatapuri mamiriro ake ezvinhu emari bedzi asiwo richitora nguva yake yakawanda, kuva mubereki akanaka kunobatanidza kurangarira fariro nemano zvomwana mumwe nomumwe. Sezvo pasina munhu ane hana yakanaka angada kuva mutoro kune vamwe, vabereki vanofanira kufunga zvakakomba pamusoro penzira iyo mwana wavo anogona kugadzirirwa nayo kuti azvichengete iye pachake nemhuri. Mwanakomana wako kana kuti mwanasikana anoda kudzidza basa kuitira kuti ave noupenyu hunogutsa here? Somubereki anoitira hanya zvechokwadi, ita nhamburiko dzenguva dzose dzokuti ubetsere mwana wako kuti akudziridze mavara akadai sechishuvo chokushanda zvakaoma, kuda kudzidza, uye mano okugarisana navamwe zvakanaka.
Rangarira Nicole. Anoti: “Vabereki vangu vakandiita kuti ndishande navo mubhizimisi ravo rokuchenesa. Vakakarakadza kuti ndipe chitsama chakati chemari yangu kundyiko dzedu dzemhuri uye ndizvichengetere yakanga yasara nokuda kwezvandaida kana kuti kuchengeta. Izvi zvakandipa pfungwa yakakura yomutoro iyo yakabvumikisa kuva inobetsera zvikuru gare gare muupenyu.
Shoko raMwari, Bhaibheri, haritauri zvakananga kuti nderipi basa rokunyika iro munhu anofanira kusarudza. Asi rinogovera nhungamiro dzakanaka. Somuenzaniso, muapostora Pauro akati: “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” Achinyorera vaKristu vaiva muTesaronika, akatiwo: “Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene.”—2 VaTesaronika 3:10-12.
Asi, kuwana basa nokuita mari hazvisi izvo zvinokosha muupenyu. Pakupedzisira, avo vanonyanyoshuva vangangova vasingagutsikani uye vangawana kuti vari “kudzingana nemhepo.” (Muparidzi 1:14) Panzvimbo pokukurudzira vana vavo kuti varonde kuzivikanwa nepfuma, vabereki vanoita zvakanaka kuvabetsera kuona uchenjeri hwamashoko akafuridzirwa naMwari omuapostora Johane: “Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:15-17.
Unogona Sei Kugutsa Zvinodikanwa Zvavo Zvemirangariro?
Somubereki, kuregererei kuva somurovedzi wavatambi vemitambo? Haangongwariri bedzi kukudziridza simba romuviri ravatambi vemitambo vaanotarisira kuti vamhanyise kana kuti kusvetuka zvikuru. Sezvingabvira, anovavarirawo kuvabetsera kuti vakurire murangariro upi noupi usina kunaka, nokudaro achisimbisa simba ravo remirangariro. Kana uriwe, unogona sei kukurudzira, kuvaka, uye kunyandura vana vako?
Rangarira Rogério, imwe pwere ine makore 13 okukura. Kunze kwokusagadzikana kwomukati somugumisiro wechinjo dzomuviri, akadzvinyirirwa mumurangariro nemhaka yokusabatana kwavabereki uye kushayikwa kwengwariro. Chii chinogona kuitirwa vanhu vaduku vakafanana naye? Kunyange zvazvo zvisingabviri kudzivirira vana vako pafunganyo dzose nepesvedzero dzakaipa, usambofa wakarega basa rako somubereki. Usinganyanyodzivirira, ranga vana vako nenzwisiso, uchiyeuka nguva dzose kuti mwana mumwe nomumwe akasiyana. Kupfurikidza nokuratidza mutsa norudo, unogona kuita zvakawanda kuti uite kuti munhu muduku anzwe akachengeteka. Izvi zvichamudzivisawo kukura asina chivimbo nokuzviremekedza.
Pasinei zvapo nokuti vabereki vako pachako vakabudirira sei mukugutsa zvinodikanwa zvako zvemirangariro, zvinhu zvitatu zvinogona kukubetsera kuti ubudirire somubereki anobetsera zvechokwadi: (1) Dzivisa kunyanyofunganya zvinetso zvako pachako zvokuti unofuratira zvinoratidzika kuva zvinetso zviduku zvavana vako; (2) vavarira kuva nekurukurirano inofadza uye ine revo yezuva nezuva navo; (3) tsigira murangariro wakanaka pamusoro penzira yokupedza nayo zvinetso nokubata navanhu.
Achifunga makore akare sowechiduku, Birgit anoti: “Ndaifanira kudzidza kuti haugoni kuchinja vanhu kuti vave zvaunoda kuti vave. Mai vangu vakataura neni kuti kana ndikaona chimwe chinhu muvamwe chandakanga ndisingadi, zvandaigona kuita kwaiva kudzivisa kufanana navo. Vakataurawo kuti nguva yakanakisisa yokuchinja nzira dzangu yaizova pandakanga ndichiri muduku.”
Asi, vana vako vanoda zvinopfuura basa nedzikamo yemirangariro. Zvibvunze kuti, ‘Ndinorangarira kuva mubereki sebasa rakapiwa naMwari here?’ Kana uchidaro, uchada kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvavana vako.
Nzira Dzokugutsa Nadzo Zvinodikanwa Zvavo Zvomudzimu
MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu Kristu akati: “Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.” (Mateo 5:3) Chii chinobatanidzwa mukugutsa zvinodikanwa zvomudzimu? Vana vanobetserwa zvikuru apo vabereki vanogadza muenzaniso wakaisvonaka mukuratidza kutenda muna Jehovha Mwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza [Mwari]; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” (VaHebheru 11:6) Zvisinei, kuti kutenda kuve nerevo chaiyoiyo, munyengetero unodikanwa. (VaRoma 12:12) Kana ukaziva chinodikanwa chako pachako chomudzimu, uchatsvaka nhungamiro yaMwari, sezvakaita baba vomwana akava Mutongi akakurumbira waIsraeri Samsoni. (Vatongi 13:8) Hauzongonyengeteri bedzi asiwo uchaenda kuShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, nokuda kwebetsero.—2 Timotio 3:16, 17.b
Pasinei zvapo nebasa rose rakaoma rinobatanidzwa mukugovera nhungamiro yakanaka, tsigiro yemirangariro, uye betsero yomudzimu, kuva mubereki kunogona kuunza mubayiro. Vamwe baba vevaviri muBrazil vanotsinhira kuti: “Handitombogoni kufungidzira ndisina vana vangu. Pane zvakawanda kwazvo zvakanaka zvatinogona kugoverana navo.” Vachitsanangura chikonzero nei vana vacho vari kuita zvakanaka, mai vacho vanowedzera kuti: “Nguva dzose tiri pamwe chete, uye tinoedza kuita kuti zvinhu zvive zvinonakidza uye zvinofadza. Uye, zvinokosha zvikurusa, nguva dzose tinonyengeterera vana.”
Priscilla anoyeuka rudo nokushivirira zvakaratidzwa navabereki vake kwaari panguva ipi kana ipi pakwaiva nechinetso. “Vakanga vari shamwari dzangu chaidzoidzo uye vakandibetsera muzvinhu zvose,” anodaro. “Somwana, ndainzwa zvechokwadi kuti ndakanga ndiri kubatwa se‘nhaka inobva kuna Jehovha.’” (Pisarema 127:3) Kufanana navamwe vabereki vakawanda, kuregererei kuronga nguva navana vako kuitira kuti mugogona kurava Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu pamwe chete? Kurangarira nhoroondo dzeBhaibheri nenheyo mumamiriro ezvinhu akanaka kunogona kubetsera vana vako kuva nechivimbo uye kuva netariro chaiyoiyo yeramangwana.
Apo Vana Vose Vachava Vakachengeteka
Kunyange zvazvo ramangwana richiratidzika serisina kujeka nokuda kwavana vakawanda nhasi, Shoko raMwari rinovimbisa kuti pasi richakurumidza kuva musha wakachengeteka nokuda kworudzi rwomunhu. Fungidzira nguva munyika itsva yaMwari yakapikirwa apo vabereki vasingazofaniri kunetseka pamusoro pokuchengeteka kwavana vavo! (2 Petro 3:13) Edza kufungidzira uchiona kuzadzikwa kwakaisvonaka kwouhu uporofita: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira.” (Isaya 11:6) Kunyange nhasi, chengeteko yomudzimu inorondedzerwa muaya mashoko ine zadziko yokufananidzira pakati paavo vanobatira Jehovha. Pakati pavo, uchanzwa kutarisira kworudo kwaMwari. Kana ukaratidzira kuda Mwari, unogona kuva nechokwadi chokuti anonzwisisa mirangariro yako somubereki uye achakubetsera kubata nefunganyo nemiedzo zvingatarisana newe. Funda Shoko rake uye isa tariro yako muUmambo hwake.
Betsera vana vako kufamba munzira yokuupenyu husingagumi kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakaisvonaka. Kana ukapotera kuna Jehovha Mwari, ramangwana rako uye ravana vako rinogona kupfuura kariro dzako dzose. Unogona kuva nechivimbo chimwe chetecho sezvakaita wezvamapisarema uyo akaimba kuti: “Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.”—Pisarema 37:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okutsiva anoshandiswa munyaya ino.
b Ona maganhuro 5 kusvika ku7 mubhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.