Musakurirwa Nokufunganya
“MUSAFUNGANYA pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.” (Mateo 6:34) Zano iroro rakapiwa naJesu Kristu zvechokwadi rinoshanda kwatiri tose tiri kurarama munzanga ino iri kumhanya zvikuru neinonetesa.
Nyange zvakadaro, chaizvoizvo zvinoita here kuti tisafunganya nezvematambudziko edu, zvisarudzo, zvatinofanira kuita, kana kuti mabasa? Mamiriyoni evanhu anonzwa akaora mwoyo, achitambudzika, uye achiremerwa. Ndicho chikonzero nei zvinonyaradza marwadzo nezvinopa chiveve riri bhizimisi rinopa mamiriyoni akawanda emadhora.
Pokusiyanisa
Tinofanira kuronga nokugadzirira zvatinofanira kuita, mabasa, zvisarudzo, uye matambudziko—zvingava zvokukurumidzira kana kuti zvisiri. Bhaibheri rinotikurudzira “kugara pasi, [ndoku]verenga kukosha kwa[cho]” tisati tatanga kuita chinhu chikuru chero chipi zvacho. (Ruka 14:28-30) Izvi zvinobatanidza kunyatsofunga nezvezvisarudzo zviripo, kuongorora zvingangoparirwa nezvinozoitika zvacho, uye kuongorora kuti zvingakudyira nguva, simba, uye mari zvakawanda sei.
Nepo munhu achifanira kunyatsofunga nezvezvingangoitika, hazviiti kana kuti hazvibatsiri kuedza kufunga nezvezvinhu zvose zvingazoitika. Somuenzaniso, uchiitira kudzivirirwa kwemhuri, ungafunga zvokuita kana moto ukapisa imba yako. Ungatenga ndokuisa zvinoratidza kuti pane chiri kutsva uye zvinodzima moto. Ungaronga ndokudzokorora nzira dzokutiza nadzo kubva mumativi akasiyana-siyana emba. Asi kuronga kune musoro, kunoshanda kunosiyana papi nokufunganya kwakanyanyisa, kusina basa? Kufunganya kwakadaro kunotanga paunovamba kurwadziwa nezvinhu zvakati kuti zvokufungidzira zvisingaperi, zvakawanda zvacho zvingadaro zvichiparirwa nokufungidzira kukuru. Pfungwa dzinovhiringidza dzingakukurira, dzichikuita kuti udavire kuti unofanira kuva wakafuratira chimwe chinhu kana kuti hauna kuita zvakakwana kuti udzivirire mhuri yako. Uku kutambudzika kwokuzviparira kunogona kuremera pfungwa dzako zvikuru zvokuti kungakutadzisa kurara.
Mosesi Pamberi paFarao
Jehovha Mwari akapa muporofita wake Mosesi basa rakanga rakaoma. Chokutanga, Mosesi aifanira kundoonana navaIsraeri ndokuvaita kuti vadavire kuti Jehovha akanga amugadza kuti avatungamirire kubuda muEgipita. Apedza, Mosesi aifanira kundoonana naFarao ndokukumbira kuti asunungure vaIsraeri. Pakupedzisira, Mosesi aifanira kutungamirira boka rakanga richisvika mamiriyoni nomurenje vachipinda munyika yakanga ichigarwa nevanhu vaiva noutsinye. (Eksodho 3:1-10) Zvose izvi zvaigona kudai zvakava zvinotyisa zvikuru, asi Mosesi akabvumira basa iri kuti rizadze pfungwa dzake nokufunganya kusina kufanira here?
Zviri pachena kuti Mosesi akanga achinetseka nezvinhu zvakati kuti. Akabvunza Jehovha kuti: “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsraeri, ndikati kwavari: Mwari wamadzibaba enyu wakandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?” Jehovha akamupa mhinduro yacho. (Eksodho 3:13, 14) Mosesi akanga achinetsekawo nezvechaizogona kuitika kudai Farao airamba kumutenda. Jehovha akapindura muporofita wacho zvakare. Rimwe dambudziko rokupedzisira—Mosesi akabvuma kuti akanga asiri “munhu unogona kutaura zvakanaka.” Izvi zvaigona kugadziriswa sei? Jehovha akaita kuti Aroni ataure panzvimbo yaMosesi.—Eksodho 4:1-5, 10-16.
Zvaakanga apindurwa mibvunzo yake uye achitenda Mwari, Mosesi akapfuurira kuita sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Panzvimbo pokuzvitambudza nepfungwa dzinotyisa dzezvaigona kuitika paaizosangana naFarao, Mosesi “akaita saizvozvo.” (Eksodho 7:6) Kudai akanga abvumira kuti kufunganya kumukurire, izvi zvingadai zvakanyatsonetesa kutenda nokushinga zvaidiwa kuti aite basa rake.
Nzira iri pakati nepakati yaMosesi yokubata nebasa rake muenzaniso wezvakadanwa naPauro kuti “kunaka kwepfungwa.” (2 Timotio 1:7, NW; Tito 2:2-6) Kudai Mosesi akanga asina kuratidza kunaka kwepfungwa, angadai akakurirwa nyore nyore nokukura kwebasa rake zvokuti zvimwe angadai asina kuribvuma.
Kudzora Pfungwa Dzako
Unoita sei paunosangana nokuedzwa kwokutenda kwako kana kuti miedzo muupenyu hwako hwezuva nezuva? Unowanzotya, uchingofunga chete nezvezvimhingamupinyi nezvinetso zviri mberi here? Kana kuti unofunga nezvazvo nenzira yakanaka here? Sokutaura kungaita vamwe, ‘Usayambuke zambuko usati wasvika pariri.’ Ungasatombofanira hako kuyambuka zambuko iroro rokufungidzira! Saka nei uchida kutambudzwa nechimwe chinhu chingasatozomboitika? Bhaibheri rinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.” (Zvirevo 12:25) Zvinozowanzoitika ndezvekuti munhu achaverengera kuita chisarudzo, achisundira zvinhu mberi kusvikira kwava kunyanyononoka.
Zvakatonyanyoshata kukuvara mumudzimu kunoparirwa nokufunganya kusina kufanira. Jesu Kristu akaratidza kuti kunzwisisa “shoko roushe” kungavhungwa zvachose nesimba rinonyengera repfuma ne“kufunganya kwenyika.” (Mateo 13:19, 22) Kungofanana neminzwa inogona kudzivisa nhondo kukura zvakanaka nokubereka michero, saka kufunganya kusingadzorwi kunogona kutidzivisa kuenderera mberi mumudzimu nokubereka michero kuti Mwari arumbidzwe. Nhamo yokuzviparira, inoparadza yakatodzivisa vamwe kuti vazvitsaurire kuna Jehovha. Vanenge vachinetseka nokuti, ‘Ko kana ndikazotadza kuita maererano nokuzvitsaurira kwangu?’
Muapostora Pauro akatiudza kuti muhondo yedu yomudzimu, tiri kuedza ku“tapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.” (2 VaKorinte 10:5) Muvengi wedu mukuru, Satani Dhiyabhorosi, angafara chaizvo kushandisa kunetseka kwedu kuitira kuti atiodze mwoyo ndokutinetesa mumuviri, mupfungwa, uye mumudzimu. Ishasha pakushandisa kusava nechokwadi kuti aise munhu anenge asingazivi mumusungo. Ndicho chikonzero nei Pauro akanyeverawo vaKristu kuti vasa“pa Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEfeso 4:27) Sa“Mwari wenyika ino,” Satani akabudirira ku‘pofumadza ndangariro dzavasingatendi.’ (2 VaKorinte 4:4) Ngatisambomubvumirai kuti adzore ndangariro dzedu!
Unogona Kubatsirwa
Paanenge akatarisana nematambudziko mwana anogona kuenda kuna baba vane rudo ndokuwana nhungamiro nenyaradzo. Zvakangofanana, tinogona kuenda nezvinetso zvedu kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha. Chokwadi, Jehovha anotikumbira kuti tikandire mitoro yedu nokufunganya paari. (Pisarema 55:22) Kufanana nomwana asingazonetseki nematambudziko ake kana avimbiswa nababa vake, hatifaniri kungokanda chete mitoro yedu pana Jehovha asiwo kumusiyira.—Jakobho 1:6.
Tinokandira sei kufunganya kwedu pana Jehovha? VaFiripi 4:6, 7 inopindura kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” Hungu, achipindura minyengetero yedu nokuteterera zvatinoramba tichiita, Jehovha anogona kutipa kuterama kwomukati kunodzivirira pfungwa dzedu kuti dzisavhiringidzwa nokufunganya kusina kufanira.—Jeremia 17:7, 8; Mateo 6:25-34.
Zvisinei, kuti tishande maererano neminyengetero yedu, hatifaniri kuzvitsaura, kungava kuzvitsaura chaikoiko kana kuti mupfungwa. (Zvirevo 18:1) Panzvimbo pezvo, tingaita zvakanaka kufunga nheyo dzeBhaibheri nenhungamiro zvine chokuita nedambudziko redu, nokudaro tichidzivisa kuvimba nokunzwisisa kwedu pachedu. (Zvirevo 3:5, 6) Vanhu vaduku nevakuru zvakafanana vangarava Bhaibheri nemabhuku eWatch Tower kuti vawane mashoko akawanda anotaura nezvekuita zvisarudzo nokubata nematambudziko. Mukuwedzera, muungano yechiKristu, takakomborerwa nevarume vakachenjera uye vagara nebasa nevamwe vaKristu vakakura mumudzimu vanoda kutaura nesu nguva dzose. (Zvirevo 11:14; 15:22) Vaya vasinganzwi semanzwire atinoita uye vane pfungwa dzakafanana nedzaMwari pane imwe nhau vanogona kutibatsira kazhinji kutarira matambudziko edu nepfungwa yakasiyana. Uye nepo vasingazotisarudziri, vanogona kutikurudzira zvikuru nokutitsigira.
“Mirira Mwari”
Hapana angaramba kuti zvinonetsa zvikuru kubata nematambudziko edu chaiwoiwo zuva roga roga tisingawedzeri neokufungidzira. Kana kufunganya nezvezvingangoitika kuchitiita kuti tinzwe tichitya uye takaomerwa, saka ngatitaurei naJehovha mumunyengetero nokuteterera. Tarira kuShoko rake nesangano kuti utungamirirwe, uwane uchenjeri, uye uve nendangariro yakanaka. Tichawana kuti pasinei zvapo nemigariro ingamuka, tinogona kubatsirwa kuti tibate nayo.
Achinzwa kuremerwa uye kuvhiringidzwa, munyori wePisarema akaimba kuti: “Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshayiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.” (Pisarema 42:11) Iwayo ngaave mashoko edu.
Hungu, rongera zvingafanira kutarisirwa, uye siyira zvisingatarirwi kuna Jehovha. “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:7.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Iwe, kufanana naDhavhidhi, unokandira mitoro yako yose nokufunganya pana Jehovha here?