Kufanotaura Nezveremangwana Rava Pedyo
PAAIRONDEDZERA remangwana revanhu nepasi, muapostora Petro akanyora kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Vimbiso ye“matenga matsva nenyika itsva” yakatanga kutaurwa nezvayo pachishandiswa muprofita Isaya. (Isaya 65:17; 66:22) Paaidzokorora uprofita uhwu, Petro akaratidza kuti panguva yake hwakanga husati hwazadzika zvakakwana.
Gare gare, munenge mugore ra96 C.E., Zvakazarurwa zvakaratidzwa muapostora Johani zvakaratidza kuti “nyika itsva” iyoyo chimwe chezvikomborero zvoUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 21:1-4) Zvakataurwa naJesu nezviyawo zvakataurwa nomuapostora Pauro nezvemamiriro ezvinhu aizovapo nguva pfupi Umambo hwaMwari husati hwachinja zvinhu, zviri kuzadzika iye zvino. Saka, tinogona kutarisira kuti Umambo huchakurumidza kuita kuti pave nenyika itsva. Nyika itsva iyoyo ichange yakaita sei? Bhuku reBhaibheri raIsaya rinotiudza.
Zvikomborero Munyika Itsva
Rugare Rwomunyika Yose Nokubatana Pakunamata. “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:2-4.
Rugare Pakati Pevanhu Nemhuka. “Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku, ingwe icharara pasi nembudzana, mhuru nomwana weshumba ava nezenze nemhuka yakakodzwa pamwe chete; uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira. Mhou nebheya zvichafura pamwe chete; vana vazvo vacharara pasi pamwe chete. Kunyange shumba ichadya uswa senzombe. . . . Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:6-9.
Pachange Paine Zvokudya Zvakawanda Zvinokwanira Vanhu Vose. “Jehovha wemauto achaitira marudzi ose mabiko ezvokudya zvine mafuta, mabiko ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, ezvokudya zvine mafuta zvizere nomwongo, ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, yakasvinwa.”—Isaya 25:6.
Rufu Haruzovipo. “[Mwari] achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose. Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose, nokuti iye Jehovha azvitaura.”—Isaya 25:8.
Vakafa Vanomutswa. “Vakafa venyu vachararama, zvitunha [zvavo] zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; . . . Nyika ichabudisa vakafa.”—Isaya 26:19, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Mesiya Mutongi Akarurama. “Haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera vakaderera nokururama, uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika.”—Isaya 11:3, 4.
Mapofu Nematsi Vanorapwa. “Maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.”—Isaya 35:5.
Nyika Isingabereki Inobereka Zvibereko. “Renje nenzvimbo isina mvura zvichapembera nomufaro, bani rerenje richafara rotumbuka sesafuroni. Chokwadi richatumbuka, richafara nomufaro uye nokushevedzera kwokufara.”—Isaya 35:1, 2.
Pasi Idzva. “Ndiri kusika matenga matsva [hurumende itsva yokudenga] nenyika itsva [nzanga itsva yevanhu vakarurama]; zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo. Asi pemberai nomufaro, uye farirai zvandiri kusika nokusingaperi. . . . [Vachagara munyika itsva yakapikirwa] vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere. Havazoshandi zvakaoma pasina, uyewo havazobereki vana vachakurumidza kufa; nokuti ivo nevazukuru vavo ndivo vana vevakakomborerwa naJehovha. Ndichapindura vasati vashevedzera; ndichanzwa pavanenge vachiri kutaura.” “‘Nokuti matenga matsva nenyika itsva zvandiri kusika zvazvinoramba zviripo pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvowo vana venyu nezita renyu zvicharamba zviripo.’”—Isaya 65:17-25; 66:22.
Kufanotaura Remangwana Rakanaka
Bhuku raIsaya harisi iro roga rinofanotaura nezvezvikomborero zveremangwana. Bhaibheri rakazara nouprofita hunorondedzera zvinhu zvakanaka zvichaitwa naMwari noUmambo hwake hunotungamirirwa naKristu.a Unoda kurarama muparadhiso yakadaro here? Unogona kurarama mairi! Zvionere woga zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri nezvezvinangwa zvakanaka zvaMwari nokuda kweramangwana, uye kuti unogona sei kuvapowo pazvichaitika. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvoUmambo hwaMwari nezvahuchaita, ona mapeji 76-85 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vanhu vachava norugare ivo pachavo nemhuka
[Mufananidzo uri papeji 9]
Vakafa vachararamazve
[Mufananidzo uri papeji 10]
Pasi rose richava paradhiso