Zvatinodzidziswa naJesu
Nezvo“mugumo”
Chii chichaguma?
Vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Paakapindura mubvunzo iwoyo, Jesu haana kutaura kuti pasi ndiro raizoparadzwa. Akambenge ataura nezve“mamiriro ezvinhu epanguva yacho” uye akanga ashandisa mashoko iwayo kureva masangano ose evanhu anotungamirirwa naSatani ezvematongerwo enyika, ezvokutengeserana, neechitendero. (Mateu 13:22, 40, 49) Saka ndiwo mamiriro ezvinhu aaitaura nezvawo paakati: “Kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.
Jesu akatsanangura sei mugumo?
“Mashoko akanaka” kunzwa kuti nyika ino isina kururamisira ichaguma. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” Jesu akatsanangura kuguma kwenyika ino achiti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve. Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa.”—Mateu 24:14, 21, 22.
Ndivanaani vachaparadzwa?
Vaya vasingadi uye vasingashumiri Jehovha naJesu ndivo chete vachaparadzwa. Vanhu ivavo havateereri Mwari. Jesu akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, . . . havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” (Mateu 24:36-39) Jesu akati vakawanda vari pamugwagwa unoenda kunoparadzwa. Zvisinei, akavimbisa kuti pane “mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu.”—Mateu 7:13, 14.
Nyika ino ichaguma rini?
Paakabvunzwa nezvechiratidzo chokuvapo kwake uye “nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” Jesu akapindura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika . . . uye rudo rwevazhinji ruchatonhora nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:3-12) Saka, zvinorehwa nenyaya dzinosuruvarisa dzatinonzwa mazuva ano zvinotikurudzira—munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari huchaunza rugare kuvanhu vanoteerera. Jesu akati: “Pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:31.
Unofanira kuitei?
Jesu akati Mwari “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Kuti utende muna Mwari noMwanakomana wake, unofanira kunyatsovaziva. Saka, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
Iva nechokwadi chokuti kuzvidya mwoyo uye zvinetso hazvikutadzisi kudzidza kuti ungaratidza sei kuda kwaunoita Mwari. Jesu akati: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa . . . nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya.” Kana ukateerera nyevero yaJesu, ‘uchagona kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika.’—Ruka 21:34-36.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? chine musoro unoti, “Tiri Kurarama Mu‘mazuva Okupedzisira’ Here?”a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.