Waizviziva Here?
Nei vanhu vachiti “Ameni” pashure pomunyengetero?
Shoko rokuti “ameni,” mose muchiGiriki nechiShona rakangotorwa sezvariri kubva pashoko rechiHebheru rokuti ʼa·menʹ. Shoko racho, rinowanzotaurwa panguva imwe chete nevanhu vanenge vakateerera munyengetero, mhiko, chikomborero, kana kutuka, rinongoreva kuti “ngazvive zvakadaro,” kana kuti “zvechokwadi.” Kutaura shoko racho kunoratidza kubvumirana nezvinenge zvataurwa mumunyengetero wacho. Maererano nerimwe bhuku, “shoko racho rinoreva kuva nechokwadi, kuvimbika, kusatombova nomubvunzo nazvo.” Munguva dzeBhaibheri, kuti “ameni” painge paitwa mhiko kana kuti sungano zvaionekwa sokuti wabvumirana nazvo zviri pamutemo uye wabvuma kuti kana mhiko yacho ikasazadziswa chinouya chinoona iwe.—Dheuteronomio 27:15-26.
Paaiparidzira uye paaidzidzisa, dzimwe nguva Jesu aitanga kutaura achishandisa shoko rokuti “ameni.” Paaidaro aijekesa kuti zvaainge ava kutaura zvakavimbika. Paaitanga kutaura achidai, shoko rechiGiriki rokuti a·menʹ rinoshandurwa kuti “chokwadi” kana kuti “chokwadi chaizvo.” (Mateu 5:18; 6:2, 5; Bhaibheri Rinoera) Paaidzokorora shoko racho kaviri, sezvakanyanya kuitwa muEvhangeri yaJohani, mashoko aJesu aishandurwa kuti “chokwadi, chokwadi.” (Johani 1:51) Mumabhuku matsvene, Jesu chete ndiye anonzi aishandisa shoko rokuti ameni seizvi.
MuMagwaro echiKristu echiGiriki, Jesu anopiwa zita rokuti “Ameni” kuratidza kuti ndiye chapupu “chakatendeka nechechokwadi.”—Zvakazarurwa 3:14.
Urimu neTumimu zvaimbova zvii?
Zvinoita sokuti Urimu neTumimu zvaishandiswa muIsraeri yekare kunzwisisa zvaidiwa naJehovha nezveimwe nyaya yaiva nechokuita norudzi rwacho kana kuti vatungamiriri vacho. Zvinhu izvi zvaipiwa mupristi mukuru uye zvaichengeterwa muhomwe “yepachipfuva yokutonga.” (Eksodho 28:15, 16, 30) Kunyange zvazvo Magwaro asina kumbobvira atsanangura zvinhu izvi kana mashandisirwo azvaiitwa, magwaro akasiyana-siyana anoita seanoratidza kuti zvaishandiswa semijenya yaizoita kuti mhinduro ive “hungu” kana “kwete” kana kusawana mhinduro kubva kuna Mwari.
Pamwe pakashandiswa Urimu neTumimu kuwana mhinduro ndepaya Dhavhidhi paakaita kuti Abhiyatari amuunzire efodhi yaiva neUrimu neTumimu uye zviri pachena kuti yaiva yomupristi mukuru. Dhavhidhi akabvunza mibvunzo miviri kuna Jehovha kuti: ‘Sauro achandimhanyisa here?’ uye ‘Varidzi venyika yeKeira vachandiisa ini nevarume vangu muruoko rwaSauro here?’ Pamibvunzo yose iri miviri, mhinduro dzacho dzaiva hungu, zvichibatsira Dhavhidhi kuti asarudze zvakakodzera.—1 Samueri 23:6-12.
Mambo Sauro akamboshandisa Urimu neTumimu kutanga, kuti aone kuti ndiani aiva nemhosva pakati pake iye naJonatani nevanhu uye kechipiri, kuti aone kuti iye nemwanakomana wake ndiani aiva nemhosva. (1 Samueri 14:40-42) Gare gare, Sauro paakarega kufarirwa naMwari, akanga asingachamutungamiriri “nokurota kana kuti neUrimu kana kuti nevaprofita.”—1 Samueri 28:6.
Maererano netsika yevaJudha, kushandiswa kweUrimu neTumimu kwakazoguma pakaparadzwa temberi yaJehovha muna 607 B.C.E.
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Ameni,” Zvakazarurwa 3:14. The Codex Alexandrinus, yomuzana remakore rechishanu C.E.