Chitendero Chakanaka Chinosimudzira Tsika Dzakanaka
CHITENDERO chakanaka chinotidzidzisa kufunga nezvezvinhu zvakanaka uye chinotiratidza kuti tinganatsiridza sei tsika dzedu. Chinotitsigira kuti tikwanise kuita zvakanaka uye kuti tive vanhu vakanaka. Tinoziva sei kuti chitendero chakanaka chinoita izvi?
Ona zvakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vemuzana remakore rokutanga vaigara muKorinde, kuGirisi. Guta iroro rekare rakanga raenda mbiri nemhaka yeunzenza hwaiitwamo. Pauro akanyevera kuti: “Nokuti mhombwe, kana vanonamata zvidhori, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa nevarume, kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo havazogari nhaka youshe hwaMwari.” Pauro akazowedzera kuti: “Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.” (1 VaKorinde 6:9-11, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Pafunge—chitendero chakanaka chakabatsira vamwe vakanga vasina tsika kuti vachene uye kuti vave vashumiri vakarurama vaMwari!
Asi Bhaibheri rinonyevera kuti: “Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo.”—2 Timoti 4:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Zvitendero zvaunoziva zvinoitawo sei panyaya iyi? Zvinosimudzira here tsika dzemuBhaibheri? Kana kuti zvinorerutsa here zano rakajeka rinowanika muShoko raMwari, zvichiudza vanhu ‘zvinovafadza panzeve dzavo’ chete?
Kukubatsira kuona kana chitendero chaungafunga nezvacho chichibereka michero yakanaka, wadii kumbozvipa nguva yokupindura mibvunzo inotevera?
NYAYA: Muchato.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: “Vanhu vose ngavaremekedze muchato. Varume ngavatendeke kuvakadzi vavo nevakadzi ngavatendeke kuvarume vavo, nokuti Mwari achatonga mhombwe nevanofeva.”—VaHebheru 13:4, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinorayira here kuti murume nomudzimai vanogara vose vachipinda chitendero chacho vange vakachata zviri pamutemo?
NYAYA: Kurambana.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: Paakabvunzwa kana paine chikonzero chokurambana, Jesu akati: “Ani naani anoramba mukadzi wake, kunze kwokuti aita mhosva youpombwe, kana akaroora mumwe mukadzi, anoita upombwe naye.”—Mateu 19:9, Bhaibheri Rinoera.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinoremekedza zvakataurwa naJesu uye chichibvumira kurambana uye kuroorazve—asi zvichiitwa nechikonzero choupombwe chete here?
NYAYA: Kuzvibata mune zvepabonde.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: “Tizai upombwe. Zvivi zvose zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe, anotadzira muviri wake.”—1 VaKorinde 6:18, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
“Nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa vanhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza nevanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo.”—VaRoma 1:26, 27, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinodzidzisa here kuti unzenza hwepabonde hunoitwa nomurume nomukadzi kana kuti kurara kwevarume nevarume, vakadzi nevakadzi chivi?
NYAYA: Vanhu vacho vanotsigira noushingi zvinotaurwa neBhaibheri.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: “Musafambidzana nehama yechiKristu kana iri mhombwe ine ruchiva kana anonamata zvifananidzo, kana anotuka vamwe kana chidhakwa kana gororo. Vakadaro musambodya navo.” (1 VaKorinde 5:11, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Chii chinofanira kuitika kune vaya vanozviidza vaKristu asi vachitadza vasingapfidzi? Shoko raMwari rinoti, “Naizvozvo dzingai munhu uyo akaipa abve pakati penyu.”—1 VaKorinde 5:13, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinodzinga here vanhu vacho vanoputsa mitemo yeBhaibheri vasingapfidzi?
Ndechipi chitendero chinozivikanwa nokutsigira mitemo yetsika yakakwirira iri muBhaibheri?