Chitendero Chakanaka Chinosimudzira Kuremekedzwa kweShoko raMwari
JESU akasimudzira kuremekedzwa kweShoko raMwari, Bhaibheri. Izvi zvinooneka pamapinduriro aakaita paaiedzwa naDhiyabhorosi. (Mateu 4:4-11) Somuenzaniso, Jesu akaitei paakanzi naSatani achinje matombo kuti aite chingwa? Jesu akaramba zvaidiwa naSatani achitaura mashoko aMosesi akafuridzirwa, aunogona kuverenga pana Dheuteronomio 8:3. Uye Jesu akapindura sei Dhiyabhorosi paakaedza kumupa simba pamusoro peumambo hwose hwenyika dai aizongomunamata kamwe chete? Akaramba chikumbiro chacho nokutaura murayiro womuMagwaro waunogona kuwana pana Dheuteronomio 6:13.
Pafunge! Kunyange zvazvo akanga ari Mwanakomana waMwari, Jesu akavimba neBhaibheri paaidzidzisa. Zviri pachena kuti akanga asingapiri gotsi kuShoko raMwari achitevedzera tsika dzevanhu. (Johani 7:16-18) Zvisinei, vatungamiriri vakawanda vezvitendero vemunguva yaJesu vakanga vasingaremekedzi Shoko raMwari sezvaaiita. Nei? Vakanga vatanga kuona tsika dzevanhu sedzinokosha kupfuura Magwaro Matsvene. Jesu akabudira pachena varume ivavo vezvitendero, akati: “Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu. Imi vanyengeri, Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu, achiti: ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirayiro yevanhu.’”—Mateu 15:6-9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Zvitendero zvakawanda zviri munyika, zvechiKristu uye zvisiri zvechiKristu, zvinoti zvinoremekedza Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, zvitendero zvingani zvaunoziva zvinorega kutevedzera tsika dzevanhu padzinopesana nedzidziso dzakajeka dziri muShoko raMwari? Chimboona mienzaniso miviri chete.
NYAYA: Mazita okuremekedza vatungamiriri vechitendero.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: Jesu akatuka vatungamiriri vezvitendero vemunguva yake pamusana pekuda mazita okuremekedza uye kuda mukurumbira. Akati varume ivavo “vanofarira zvigaro zvepamberi pamitambo, nezvigaro zvepamberi mumasinagogi, nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabhi nevanhu.” Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Asi imi musaidzwa Rabhi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musaidza munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga.”—Mateu 23:1-10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
MUBVUNZO: Vatungamiriri vechitendero ichi vanoda here kudanwa nemazita okuremekedza uye vachitsvaka mukurumbira kwavanogara kana kuti vanoteerera murayiro waJesu wokuramba izvi?
NYAYA: Kushandisa zvifananidzo pakunamata.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kunyange mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro kunyange wechinhu chiri panyika muvhu, kunyange wechinhu chiri mumvura pasi pemvura. Usapfugamira zvinhu izvozvo.”—Eksodho 20:4, 5, Bhaibheri Rinoera.
Muapostora Johani akanyorera vaKristu kuti: “Chenjerai kuti murege kuzvipira kuzvifananidzo.”—1 Johani 5:21, Bhaibheri Rinoera.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinotevedzera murayiro wakajeka weBhaibheri wekusashandisa zvifananidzo uye zvidhori pakunamata Mwari here?
Unogona Kuwana Nzira Yakarurama
Pasinei nekuwanda kwenzira dzekunamata dzinovhiringidza dziripo mazuva ano, unogona kuwana nzira inotungamirira kuupenyu. Pane zvinhu zvakawanda zvinoratidza “kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari.” (Jakobho 1:27, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Magwaro akurukurwa munyaya idzi akaita sezvikwangwani zviri munzira zvinokutungamirira kuchitendero chakarurama.
Wadii kukumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikutsanangurire mhinduro dzemibvunzo iri munyaya idzi? Paunoongorora zvavanenge vachitaura, tevedzera muenzaniso wakanaka wevaya vaigara muguta reBheriya muzana remakore rokutanga. Vanzwa muapostora Pauro achiparidza, vaka“tsvakisisa muzvinyorwa zvinoera zuva rimwe nerimwe vachida kuona kuti zvinhu izvi zvairehwa ndizvo here.” (Mabasa 17:11, Bhaibheri Rinoera) Kana uchiremekedza Shoko raMwari uye uchiridzidza nemwoyo wose sevaBheriya, uchawana nzira inoenda kuupenyu. Zvinenge zvava kwauri kusarudza kufamba nenzira iyoyo kana kurega.
Chitendero chipi chinokurudzira vanhu vacho kudzidza Magwaro kuti vaone kana zvavanenge vachidzidza zviri izvo?