Unobvumira Mwari Kuti Ataure Newe Zuva Roga Roga Here?
UNOZVITARISA mugirazi kakawanda zvakadini? Vazhinji vedu tinozvitarisa mazuva ose—zvichida kakawanda pazuva. Nei? Nokuti tine hanya nokutaridzika kwedu.
Kuverenga Bhaibheri kungafananidzwa nokutarisa mugirazi. (Jakobho 1:23-25) Mashoko akanyorwa muShoko raMwari, ane simba rinoita kuti tione zvatiri chaizvo. “Rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu.” (VaHebheru 4:12) Nemamwe mashoko, rinosiyanisa zvatakaita nechekunze nezvatiri nechemukati. Rinotiratidza patinofanira kugadzirisa, sezvinongoitawo girazi.
Bhaibheri haringoratidzi chete patinofanira kugadzirisa asi rinotibatsira kuti tingagadzirisa sei. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:16, 17) Ona kuti, pazvinhu zvina zvinobatsira zvataurwa, zvitatu zvacho zvinoti—kutsiura, kururamisa zvinhu, uye kuranga—zvinosanganisira kugadzirisa mafungiro edu uye zvatinoita. Kana zvichikosha kutarisa mugirazi nguva dzose kuti tione kana tichiratidzika zvakanaka, tinotofanirawo kuverenga Shoko raMwari Bhaibheri nguva dzose!
Paakagadza Joshua kuti atungamirire vaIsraeri, Jehovha Mwari akamuudza kuti: “Bhuku iri romutemo harifaniri kubva pamuromo pako, unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri; nokuti kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.” (Joshua 1:8) Chokwadi, kuti Joshua abudirire, aifanira kuverenga Shoko raMwari “masikati nousiku,” kureva nguva dzose.
Saizvozvowo Pisarema rokutanga rinoratidza kubatsira kunoita kuverenga Bhaibheri nguva dzose parinoti: “Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa, asingamiri munzira yevatadzi, asingagari pachigaro chevaseki. Asi anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku. Achava somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvose zvaanoita zvichabudirira.” (Pisarema 1:1-3) Zvechokwadi tinoda kuva semunhu akadaro.
Vanhu vakawanda vane tsika yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Mumwe muKristu paakabvunzwa kuti nei achiverenga Bhaibheri mazuva ose, akati: “Kana ndichidzokorora kunyengetera kuna Mwari pazuva uye ndichitarisira kuti andinzwe, nei ndisingafaniri kumunzwa achitaura nokuverenga Shoko rake mazuva ose? Kana tichida kuva shamwari dzakanaka, ndisu tinofanira kuramba tichitaura here?” Iri idama. Kuverenga Bhaibheri kwakafanana nokunzwa Mwari achitaura nokuti kunoita kuti tizive maonero aanoita zvinhu.
Zvaungaita Kuti Urambe Uchiverenga Bhaibheri Nguva Dzose
Zvichida wakatoedza kutanga purogiramu yokuverenga Bhaibheri. Wakaverenga Bhaibheri rose kubva kwekutanga kusvika kwarinoperera here? Ndiyo nzira yakanaka zvikuru yokuziva zviri mariri. Zvisinei, vamwe vakatanga kakawanda kuverenga Bhaibheri rose, asi vakazorega pashure pekanguva. Izvi zvakamboitika kwauri here? Chii chaungaita kuti uverenge Bhaibheri rose? Wadii waedza mazano maviri anotevera?
Ronga kuverenga Bhaibheri papurogiramu yako yezuva nezuva. Sarudza nguva yaunganyatsokwanisa kuverenga Bhaibheri zuva roga roga. Gara uine imwe nguva yokuverenga kana wakundikana pawakaronga. Kana pakava nechinokutadzisa kuverenga panguva yaunoda, sarudza imwe nguva kuitira kuti zuva risapera usina kuverenga Shoko raMwari. Nokuita izvi unenge uchitevedzera muenzaniso wevaBheriya vekare. Nezvavo, tinoudzwa kuti: “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mabasa 17:11.
Iva nechinangwa. Somuenzaniso, kana ukaverenga zvitsauko zvitatu kusvika kuzvishanu zveBhaibheri zuva nezuva, unogona kuverenga Bhaibheri rose mugore rimwe chete. Chati iri pamapeji anotevera inoratidza kuti izvi zvingaitwa sei. Wadii kuronga kuti uedze purogiramu iyi? Pasi pemusoro unoti “Musi,” ronga kuti uchaverenga riini zvitsauko zvacho. Zvadaro, maka mukabhokisi karipo zvitsauko zvaunenge waverenga. Kana ukaita izvi uchaziva kuti uri kubudirira zvakadini.
Kana waverenga Bhaibheri rose, zvakwana here? Unogona kushandisa purogiramu yacho kuverenga Bhaibheri rose gore negore, zvichida uchitangira pachikamu chakasiyana nguva imwe neimwe. Uye kana uchida kupedza kuverenga Bhaibheri uchiverenga zvishoma nezvishoma, unogona kuita mazuva maviri kana matatu pazvitsauko zvakarongwa.
Pose paunoverenga Bhaibheri, uchawana zvinhu zvitsva zvaungashandisa muupenyu hwako—zvaunenge usina kucherechedza pawakamboverenga. Nei? “Mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja” uye upenyu hwedu uye mamiriro ezvinhu zviri kurambawo zvichichinja. (1 VaKorinde 7:31) Nokudaro tsunga kwazvo kutarisa mugirazi reShoko raMwari Bhaibheri, zuva nezuva. Nokuita izvi, unova nechokwadi chokuti unobvumira Mwari kuti ataure newe zuva roga roga.—Pisarema 16:8.