RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 8/1 pp. 24-25
  • Rakabhi Akateerera Mashoko Aakanzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakabhi Akateerera Mashoko Aakanzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Rakabhi Aitenda Muna Jehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Akanzi “Akarurama Nemabasa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rakabhi Akahwandisa Vasori
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 8/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Rakabhi Akateerera Mashoko Aakanzwa

NGATITII tiri kurarama makore 3 500 akapfuura. Tiri muguta reJeriko, munyika yevaKenani. Muguta iri munogara mumwe musikana anonzi Rakabhi. Akaberekwa pashure pokunge Mosesi anunura vaIsraeri kubva muutapwa kuIjipiti ndokupfuura navo nemuGungwa Dzvuku panyika yakaoma! Hakuna maredhiyo, materevhizheni, kana kuti indaneti, asi Rakabhi anoziva nezvechishamiso ichi—kunyange zvazvo chakaitika kure nekwaanogara. Unoziva here kuti akazviziva sei?—a

Hapana mubvunzo kuti vanoshanya ndivo vanotaura nezvezvishamiso izvi. Paanokura, Rakabhi anoyeuka kuti Jehovha akaitirei vanhu vake. Anonzwa zvimwe zvinhu zvinoshamisa nezvevaIsraeri. Vapinda muKenani pashure pekuva murenje kwemakore 40, uye Mwari ave achivabatsira kukunda chero ani zvake aivarwisa. Iye zvino Rakabhi anoudzwa kuti vaIsraeri vadzika misasa mhiri kweRwizi Jodhani!

Rimwe zuva ari manheru, vamwe vanhu vaviri vaakanga asingazivi vanouya kuna Rakabhi nokuti vanoziva kuti anoshanda paimba inogona kusvikirwa nevaenzi. Naizvozvo anovagamuchira. Hwava usiku, mambo weJeriko anoziva kuti tsori dzechiIsraeri dzauya kuJeriko uye kuti dzaenda kuimba inoshanda Rakabhi. Saka mambo anotuma nhume kuna Rakabhi, idzo dzinomuudza kuti abudise varume vauya kwaari. Unoziva here kuti Rakabhi akanga atozivei uye kuti akanga aitei nezvazvo?—

Kunyange nhume dzamambo padzakanga dzisati dzasvika, Rakabhi akanga aziva kuti vaenzi vake vakanga vari tsori dzechiIsraeri. Saka adziviga padenga reimba, uye anoudza nhume dzamambo kuti: “Chokwadi, varume vacho vauya kwandiri . . . Varume vacho vabuda kwasviba, gedhi rava kuvharwa.” Rakabhi anovakurudzira kuti: “Kurumidzai kuvatevera nokuti muchavabata.”

Unofunga kuti nei Rakabhi adzivirira tsori idzi?— Anotsanangura kuti nei, paanodziudza kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika . . . Nokuti takanzwa kuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabuda muIjipiti.” Anzwawo kuti Mwari akabatsira vaIsraeri kukunda vamwe vavengi vavo.

Chokwadi Jehovha akafara kuti Rakabhi akadzivirira tsori idzi, sezvatinoudzwa neBhaibheri pana VaHebheru 11:31. Akafarawo Rakabhi paakakumbira tsori idzi achiti: ‘Ndakuitirai mutsa, saka ndapota ndivimbiseiwo kuti kana Jeriko rava kutorwa muchanunura baba vangu uye amai vangu uye hanzvadzi dzangu uye vakoma nevanun’una vangu.’ Tsori idzi dzinovimbisa kuita izvozvo kana Rakabhi akatevedzera zvadzinorayira. Unoziva here kuti dzinomurayirei?—

Tsori idzi dzinoti: ‘Tora tambo tsvuku iyi uisungirire pahwindo rako, uye unganidza hama dzako dzose muimba yako. Kana ukadaro, munhu wose anenge arimo achachengetedzwa.’ Rakabhi anobva anyatsoita chaizvo zvaanoudzwa netsori dzacho. Unoziva here kuti zvii zvinobva zvaitika?—

VaIsraeri vanosvika kunze kwemasvingo eJeriko. Kwemazuva matanhatu vanofora vachitenderera kamwe chete guta racho vakanyarara. Pazuva rechinomwe, vanofora vachitenderera guta racho kanomwe uye vanobva vashevedzera zvikuru. Masvingo acho anowondomoka—kunze kwepane tambo tsvuku yakarembera pahwindo! Rakabhi nemhuri yake vanonunurwa.—Joshua 2:1-24; 6:1-5, 14, 15, 20-25.

Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naRakabhi?— Haana kungoteerera chete mashoko aitaura nezvezvaiitwa naMwari kudzivirira vanhu vake asi akavabatsirawo paakawana mukana. Chokwadi, Rakabhi akasarudza kushumira Jehovha nevanhu vake! Ndizvo zvauchaitawo here?— Tinonyengetera kuti uitewo saizvozvo.

a Kana uri kuverenga nevana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira, woita kuti vapindure mubvunzo wacho.

Mibvunzo:

  • Mashoko api anokosha ayo Rakabhi akanzwa paakanga achiri muduku?

  • Akabata sei tsori dzechiIsraeri, uye nei?

  • Rakabhi akaita kuti tsori dzacho dzimuvimbise kuti chii?

  • Tinoziva sei kuti Jehovha akafadzwa naRakabhi, uye ungatevedzera sei Rakabhi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe