Swedera Pedyo naMwari
Jehovha Anokoshesa Vanyoro
KUDADA, godo, kuda chinzvimbo. Unhu hwakadaro hwakazara muvanhu vanobudirira munyika ino. Asi unhu hwakadaro hunoita kuti tive noukama huri nani naJehovha Mwari here? Kwete, Jehovha anokoshesa kuti vanamati vake vave vanyoro. Izvi zvinoonekwa munyaya iri muchitsauko 12 chaNumeri. Nyaya yacho yakaitika murenje reSinai, pashure pokunge vaIsraeri vanunurwa kubva muIjipiti.
Miriyemu naAroni, avo vaiva vakuru kuna Mosesi, ‘vakatanga kumupopotera.’ (Ndima 1) Pane kuti vangotaura zvakanaka naMosesi, vaitomupopotera, zvimwe vachitonyunyuta kune vamwe vaiva mumusasa. Sezvo Miriyemu ari iye anotanga kutaurwa, zvinoita sokuti ndiye aiva pamberi pakunyunyuta. Chokutanga chavainyunyutira ndechokuti Mosesi aiva nomukadzi muKushi. Miriyemu aiva negodo here rokuti aisazoonekera semukadzi uyu—pamusoro pazvo akanga asiri muIsraeri?
Pane zvimwe zvikonzero zvaiita kuti vanyunyute. Miriyemu naAroni vakaramba vachiti: “Jehovha akataura achishandisa Mosesi oga here? Haana kutaura achitishandisawo here?” (Ndima 2) Chainyanya kuita kuti vanyunyute kwaiva kuda simba uye kuzivikanwa here?
Munyaya yacho, Mosesi haana kupindura iye pachake. Zviri pachena kuti haanawo kuvanyunyutira asi akatsungirira asina chaaitaura. Kusataura uye kusanyunyuta kwaakaita kunowirirana nematsanangurirwo aanoitwa neBhaibheri kuti aiva “munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose” vaiva panyika.a (Ndima 3) Mosesi hapana chaaifanira kuita kuti azvidzivirire. Jehovha akanga achiteerera, uye akadzivirira Mosesi.
Jehovha akaona sokuti vainyunyutira iye. Ndiye akanga agadza Mosesi. Paaituka vanhu ava vainyunyuta, Mwari akavayeuchidza kuti iye naMosesi vaiva noukama hwakasiyana nehwaaiva nahwo nevamwe achiti: “Ndinotaura naye zvakananga.” Jehovha akabvunza Miriyemu naAroni kuti: “Maregererei kutya kupopotera . . . Mosesi?” (Ndima 8) Pavakatuka Mosesi, vaitova nemhosva yokutuka Mwari. Kusaremekedza kwakadaro kwavakaita, kwaizoita kuti vaone hasha dzaJehovha.
Miriyemu uyo anoita sokuti ndiye akatanga nyaya yose, akaita maperembudzi. Aroni akabva ateterera Mosesi kuti akumbirire Miriyemu ruregerero. Pafunge—Miriyemu akanga ava kuda kubatsirwa nemunhu waakanga anyunyutira! Nounyoro Mosesi akabva aita zvaakanga akumbirwa kuti aite. Achitaura kekutanga munyaya iyi, Mosesi akanyengeterera hanzvadzi yake nemwoyo wose kuna Jehovha. Miriyemu akapora, asi aizofanira kunyara achigara kwake oga kwemazuva manomwe.
Nyaya iyi inoita kuti tinzwisise unhu hunokosheswa naJehovha uye hwaasingadi kuona. Kana tichida kuswedera pedyo naMwari, tinofanira kuedza nepatinogona napo kuti tisadada, tisava negodo uye tisada zvinzvimbo. Jehovha anoda vanyoro. Anovimbisa kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11; Jakobho 4:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Unyoro unhu hunosimbisa munhu kuti akwanise kutsungirira kusaruramisirwa achiratidza mwoyo murefu usingachengeti mafi.