Vaverengi Vanobvunza Kuti
Ndinofanira Kupa Marii Yezvipo Yokutsigira Kunamata?
“Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaKorinde 9:7) Mamiriyoni evanhu munyika yose anoziva mashoko aya. Zvisinei, vamwe vanoenda kuchechi vanganzwa vachisungirwa kupa mari yakawanda yezvipo yokutsigira kunamata kupfuura yavanokwanisa. Kutaura zvazviri, zvimwe zvitendero zvinototi vaya vari mazviri vane mari yavanosungirwa kupa. Tsika iyi inonzi kupa zvegumi, kureva kuti munhu anofanira kupa chechi 10 muzana yemari yaanowana.
Bhaibheri rinorayira kuti tine mari yatinosungirwa kupa here yezvipo zvokutsigira kunamata? Ko munhu nomunhu anofanira kupa mari yakawanda sei kutsigira kunamata?
Zvipo Zvairayirwa Vanhu Kuti Vape Uye Zvavaipa Vachizvidira Kare
Bhaibheri rine mirayiridzo yakajeka yakapiwa rudzi rwevaIsraeri inoratidza kuti Mwari aida kuti vape zvakawanda sei. (Revhitiko 27:30-32; Numeri 18:21, 24; Dheuteronomio 12:4-7, 11, 17, 18; 14:22-27) Zvainge zvisina kuwandisa kupfuura zvavaikwanisa kupa. Jehovha akavimbisa kuti kana vaizoteerera mitemo yake, aizoita kuti rudzi rwacho ‘rwubudirire kwazvo.’—Dheuteronomio 28:1, 2, 11, 12.
Mune zvimwe zviitiko, vaIsraeri vaigona kupa zvakawanda kana zvishoma zvichienderana nezvavaikwanisa. Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi paakaronga kuti avakire Jehovha temberi, vanhu vake vakapa “ndarama yaikosha matarenda zviuru zvishanu.”a (1 Makoronike 29:7) Enzanisa izvi nezvakacherechedzwa naJesu paaiva pasi pano. Akaona “imwe chirikadzi yaishayiwa ichidonhedzera imomo tumari tuviri twaisambokosha” mumidziyo yokuisira mari yaiva mutemberi. Yakapa marii? Chikamu chimwe chete pa64 zvemari inotambirwa pazuva. Kunyange zvakadaro, Jesu akati mari shoma iyi yaigamuchirwa.—Ruka 21:1-4.
VaKristu Vane Mari Yavanosungirwa Kupa Here?
VaKristu havasi pasi poMutemo wesungano yakapiwa vaIsraeri. Saka, havana mari yavanosungirwa kupa kuna Mwari. Zvisinei, muungano yechokwadi yechiKristu, kupa kunoita kuti vafare zvikuru. Jesu Kristu pachake akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira basa razvo rokuparidza romunyika yose nemari yezvipo zvokuzvidira. Mari iyi inoshandiswa kudhinda zvinhu zvakadai semagazini yauri kuverenga, uye kuvaka nokutarisira nzvimbo dzazvo dzokunamatira dzinonzi Imba dzoUmambo. Mari yacho haishandiswi kuvabhadhara. Vamwe vanozvipa kuti vaite basa renguva yakazara rokuita vadzidzi vanobatsirwa nemari yokufambisa uye yezvimwe zvakangodaro. Asi hapana anokumbira kubatsirwa. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda hazvibatsirwi nemari pazvinenge zvichiita basa razvo rokuparidzira. Asi, zvakawanda zvinoshanda kuti zvizvitarisire sezvaiita Pauro paaishanda basa rokugadzira matende.—2 VaKorinde 11:9; 1 VaTesaronika 2:9.
Kana munhu achida kupa mari yezvipo kubasa riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha, anofanira kupa yakawanda sei? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaKorinde 8:12; 9:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 2008, avhareji yemari yendarama yaiva $871 pamagiremu anenge 28, zvichiita kuti mari yezvipo iyi isvike $4,794,855,000.