Waizviziva Here?
Vanyori vaishora Jesu vaiva vanaani?
Muushumiri hwake, Jesu akasangana nevanyori kwete muJerusarema chete asiwo mumaguta maduku nemisha. Kunze kweJerusarema—uye kunyange munzvimbo dzaigara vaJudha dzaiva kunze kweParestina—varume ivavo vaiva nezvinzvimbo zvepasi muhurumende, vakadzidza Mutemo, vangave vaivewo vakopi vemutemo kana kuti vatongi vomunzvimbo idzodzo.—Mako 2:6; 9:14; Ruka 5:17-21.
MuJerusarema, vanyori vaishanda muhurumende yevaJudha. (Mateu 16:21) The Anchor Bible Dictionary nezvebasa ravo inoti, “zvinoita sokuti vaishanda nevapristi, pakutongwa kwenyaya uye pakudzikwa kwemitemo netsika dzechiJudha, uye pane zvose zvaigaroitwa neSanihedrini.” Zvavakanga vari vadzidzisi vakakurumbira voMutemo, vamwe vanyori vaitova muSanihedrini, kana kuti mudare repamusoro revaJudha. Vaishanda pamwe chete nevapristi vakuru nevaFarisi.
Kakawanda, zvinoita sokuti vanyori ndivo vaishora Jesu pane zvaaidzidzisa. Zvisinei, vamwe havana kumushora. Somuenzaniso, mumwe munyori akaudza Jesu kuti: “Ndichakuteverai kwose kwamave kuda kuenda.” Jesu akaudza mumwe wavo kuti: “Hausi kure noumambo hwaMwari.”—Mateu 8:19; Mako 12:28-34.
Zvairevei kunzi munhu akazodzwa?
KuMiddle East munguva dzeBhaibheri, kuzora musoro womunhu mafuta zvairatidza kumufarira kana kuti zvairatidza kugamuchira mueni nemaoko maviri. Mafuta aiwanzoshandiswa aiva emuorivhi ane pefiyumu. VaHebheru vaidirawo mafuta mumusoro womunhu, kana kumuzodza, paaigadzwa zviri pamutemo pachinzvimbo chinokosha. Somuenzaniso, Aroni akazodzwa paakagadzwa kuti ashumire somupristi mukuru. (Revhitiko 8:12) Kana ari Dhavhidhi, “Samueri akatora nyanga yemafuta, akamuzodza . . . , mudzimu waJehovha wakatanga kushanda pana Dhavhidhi kubvira pazuva iroro zvichienda mberi.”—1 Samueri 16:13.
MuchiHebheru, shoko rakashandiswa pakuzodzwa ikoko raiva rokuti ma·shachʹ, panobva shoko rokuti ma·shiʹach, kana kuti Mesiya. Shoko rechiGiriki rinoenderana naro rokuti khriʹo, panobva shoko rokuti khri·stosʹ, kana kuti Kristu. Nokudaro mumwe nomumwe wavo, Aroni naDhavhidhi anogona kunzi mesiya, kana kuti akazodzwa. Mosesi anogonawo kunzi kristu, kana kuti akazodzwa, mupfungwa yokuti Mwari akamugadza kuti ashumire somumiririri wake.—VaHebheru 11:24-26.
Jesu weNazareta akagadzwa naMwari pachinzvimbo chaanenge ane simba guru. Pane kuti azodzwe nemafuta chaiwo, Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari. (Mateu 3:16) Semunhu akazodzwa akasarudzwa naJehovha, Jesu anotaurwa nezvake zvakakodzera saMesiya, kana kuti Kristu.—Ruka 4:18.