RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 12/1 p. 16
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mariya Ane Pamuviri, Asi Haana Kuroorwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 12/1 p. 16

Waizviziva Here?

Kuverengwa kwevanhu kwakaita kuti Jesu aberekerwe muBhetrehema kwaiva chii?

Maererano neEvhangeri yaRuka, Kesari Agasto paakarayira kuti vanhu vaiva muUmambo hweRoma hwose vaverengwe, “vanhu vose vakaenda kunonyoresa, mumwe nomumwe kuguta rokwake.” (Ruka 2:1-3) Guta raJosefa, Baba vakarera Jesu, raiva Bhetrehema, uye kufamba kwakaitwa naJosefa naMariya vachiteerera murayiro iwoyo kwakaita kuti Jesu aberekerwe muBhetrehema. Kunyoresa kwakadaro kwaibatsira paiunganidzwa mitero uye painyoreswa vanhu mubasa rechiuto.

VaRoma pavakakunda vaIjipiti muna 30 B.C.E., vaIjipiti vainge vabvira kare vachiverenga vanhu. Nyanzvi dzinofunga kuti VaRoma vakatevedzera nzira dzaishandiswa nevaIjipiti pakuverenga vanhu ndokushandisa nzira idzodzo muumambo hwavo hwose.

Uchapupu hunoratidza kuverengwa ikoko hunooneka pamurayiro wakapiwa nagavhuna weRoma weIjipiti muna 104 C.E. Pari zvino murayiro wacho wakachengetwa muBritish Library, unoti: “Gaius Vibius Maximus, Mutariri weIjipiti (anoti): Taona kuti nguva yokuverengwa kwevanhu paimba nemba yakwana, saka zvinokosha kuti tiite kuti vanhu vose vanogara kumaruwa asiri avo pamusana pechikonzero chero chipi zvacho, vadzokere kumisha yavo, kuti vaverengwe uyewo kuti vanyatsoshanda nesimba kurima minda yavo.”

Nei Josefa akafunga nezvokupa Mariya rugwaro rwokumuramba asi ivo vainge vangovimbisana kuroorana?

Maererano neEvhangeri yaMateu, Josefa akaziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri paainge ‘avimbiswa kuroorwa naJosefa’ asi vasati varoorana. Asingazivi kuti Mariya ainge aine pamuviri “pomudzimu mutsvene,” Josefa anofanira kunge akafunga kuti ainge asina kuvimbika kwaari, saka akada kumuramba.—Mateu 1:18-20.

KuvaJudha, vaviri vainge vavimbisana kuroorana vaionekwa sevainge vatoroorana. Zvisinei, vaviri ivavo vaisabva vatanga kugara pamwe chete somurume nemukadzi kutozosvikira zvirango zvomuchato zvaitwa. Vimbiso yokuroorana yaibatanidza vaviri vacho, zvokuti vakarega kuroorana nokuti murume ainge achinja mwoyo kana kuti nokuda kwezvimwe zvikonzero zvine musoro, mukadzi wechiduku iyeye aisakwanisa kuroorwa kusvikira apiwa rugwaro rwokurambwa. Kana murume ainge avimbisa kuroora mukadzi, akafa, mukadzi wacho ainzi ichirikadzi. Ukuwo, mukadzi ainge avimbiswa kuroorwa, akaita ufeve, ainzi aita upombwe uye aitongerwa rufu.—Dheuteronomio 22:23, 24.

Zviri pachena kuti Josefa akafungisisa kunyadzisa kwazvaizoita kuna Mariya kudai zvaizoziviswa kuvanhu vose kuti aive nepamuviri. Kunyange zvazvo ainzwa achisungirwa kuendesa nyaya yacho kune vaifanira kuitarisira, aidawo kumudzivirira kuti zvisazomuipira. Saka akada kumuramba chinyararire. Uyewo rugwaro rwokurambwa rwairatidza kuti amai vaiva nemwana asi vasina murume, vaimbonge vakaroorwa.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Murayiro wokuverenga vanhu wagavhuna weRoma weIjipiti, 104 C.E.

[Kwazvakatorwa]

© The British Library Board, all rights reserved (P.904)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe